Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Munoziva Chiri Kuita Kuti Ndikudzorerei Mari Yenyu Here?”

“Munoziva Chiri Kuita Kuti Ndikudzorerei Mari Yenyu Here?”

“Munoziva Chiri Kuita Kuti Ndikudzorerei Mari Yenyu Here?”

‘VEDUWEE ndiri kuda mari!’ akafunga kudaro Nana, amai vasina murume avo vane vanakomana vatatu, vanogara muKaspi muRepublic of Georgia. Mamwe mangwanani tarisiro yake yokuwana mari yaaida yakaitika. Akawana mari inokwana 300 lari (Z$8 250) pedyo nekamba yemapurisa. Pakanga pasina munhu pedyo. Aiva mazakwatira chaiwo emari. Tingatoti zvedu Nana akanga asati amboona 100 lari yepepa (inenge Z$2 750) kwemakore mashanu kubvira pakatanga kushandiswa lari semari yepamutemo yenyika iyoyo. Vatengesi vomunzvimbo iyoyo vaisazombowana mari yakawanda kudaro shure kwokushanda kwemakore akawanda.

‘Mari iyi ndingaida yei kana ndichizorasikirwa nokutenda kwangu, kutya Mwari, uye kunamata?’ Nana akafunga kudaro. Zvinhu zvinodiwa pachiKristu zvakadai akanga atova nazvo, achitotsungirira kutambudzwa zvakaipa uye kuroverwa zvaanodavira.

Aenda kukamba yemapurisa, Nana akaona mapurisa mashanu achitsvakisisa chimwe chinhu. Akaziva kuti vaitsvaka mari iya, saka akaenda kwavari ndokuti: “Pane chamarasa here?”

“Mari,” vakapindura kudaro.

“Marii?”

“Mazana matatu emalari!”

“Mari yenyu ndaiwana,” akadaro Nana. Ndokubva abvunza kuti: “Munoziva chiri kuita kuti ndikudzorerei mari yenyu here?” Vakanga vasingazivi.

“Nokuti ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha,” akaenderera mberi achidaro. “Dai ndisiri, ndaizodai ndisina kukudzorerai mari yenyu.”

Mukuru mukuru wemapurisa akanga arasa mari yacho akapa Nana 20 lari (inenge Z$550) achionga kutendeseka kwake.

Nyaya yacho yakabva yangopararira muruwa rweKaspi. Zuva rakatevera, mumwe mukadzi anoita basa rokuchenesa akabuda mukamba yemapurisa akati kuna Nana: “[Mukuru mukuru] ava kuchengeta mabhuku enyu nguva dzose muhofisi yake. Zvichida iye zvino achatoakoshesa kwazvo.” Mumwe mupurisa akatoti: “Dai vanhu vose vaiva Zvapupu zvaJehovha, ndiani aizopara mhosva?”