Nyika Ine Maonero Akamonyana Pamusoro Pokuvimbika
Nyika Ine Maonero Akamonyana Pamusoro Pokuvimbika
MAMWE manheru aidziya musi weChishanu muTel Aviv, Israel, mumwe murume wechiduku akabatana nerimwe boka repwere rakanga rakamira nechokunze kweimwe nightclub. Nguva pfupi gare gare pakava nokuputika kukuru pakati peboka racho.
Mumwe munhu akanga azvipira kufa uye akaurayisa dzimwe pwere 19 noutsinye. “Nhengo dzomuviri dzakanga dzangoti mwarara, vaivapo vose vaiva pwere duku zvikuru—chiitiko chinotyisa zvikuru chandati ndamboona,” mumwe chiremba akazoudza vatori venhau kudaro.
“Zvinhu zvinoyemurwa nomunhu wose, zvakaita sokuvimbika . . . , zvingangoita kuti hondo dzitange uye zviome zvikuru kuti dzigume,” akanyora kudaro Thurstan Brewin muThe Lancet. Hungu, kubva muHondo dzechiKristudhomu kusvika pakuurayiwa kwakarongwa kwevakawanda muNazi Germany, nhau yevanhu izere nokuteura ropa kunoitwa nechikonzero chokuvimbika.
Kuwedzera Kunoramba Kuchiita Vanowirwa Nenhamo Yokusavimbika
Hazvirambiki kuti kuvimbika kusina kuzvidzora kunogona kuparadza, asi kushayikwa kwokuvimbika kunogonawo kuparadza nzanga. Kuva akavimbika kunoreva kuva ‘akatendeka kune mumwe munhu kana chinhu’ uye “kunoreva kuva akaomerera panouya pfungwa yokuedza kutiza kana kurega.” Kunyange vanhu vakawanda vachiti vanoyemura rudzi urwu rwokuvimbika, nzanga iri kutambura nokuwanda kwakaita kushayikwa kwokuvimbika pakunofanira kutangira chaipo—mumhuri. Kurambana kwawedzera zvikuru, zvichikuchidzirwa nokungoda kuzvigutsa, nhamo nematambudziko zvoupenyu hwezuva nezuva, uye migumisiro yokupararira kwounzenza. Sokufa kwevanhu nemhaka yokubhomba muTel Aviv, kazhinji pwere ndidzo dzinotambura dzisina mhosva.
“Dzidzo yomwana ndiyo inowanzovhiringidzwa nemhaka yokusagadzikana kwemhuri kunokonzerwa nokurambana, kuparadzana, uye kurerwa nomubereki mumwe,” unodaro mumwe mushumo. Kunenge kuti vakomana vanorerwa naamai chete ndivo vari pangozi yokusanyatsodzidza, yokuzviuraya, uye yokupara mhosva. Gore rimwe nerimwe, vana vanosvika miriyoni imwe chete muUnited States vanotarisana nokurambana kwevabereki vavo, uye mugore roga roga, hafu yevana vose vanoberekwa munyika iyoyo nevabereki vakaroorana, vangangozova vanotambura nemhaka yokurambana kwevabereki ivavo pavanozosvika makore 18. Mishumo inoratidza kuti mamiriro ezvinhu mune dzimwe nyika anoodzawo mwoyo zvikuru pwere dzakawanda, hapana kune tariro.
Kuvimbika—Chinhu Chakanyanyooma Here?
Kukundikana kuvimbika kutsika kuri kuitika panguva ino kunoita kuti mashoko aMambo Dhavhidhi aite seakakodzera kupfuura kare kose anoti: “Batsirai, Jehovha; nokuti [“vakavimbika,” NW] vopera; nokuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu.” (Pisarema 12:1) Nemhaka yei kushayikwa kwokuvimbika uku kwakapararira kudai? Roger Rosenblatt, achinyora mumagazini inonzi Time, anoti: “Kunyange zvazvo kuvimbika chiri chinhu chakakwirira, pane kutya kukuru, kusazvivimba, kungozvifunga uye kungoda kuzvigutsa kuri matiri isu vanhu vasina kukwana pane kuti tiomerere pakuvimbika.” Richirondedzera nguva yatiri kurarama, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Vanhu vachava vanozvida, . . . vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo.”—2 Timoti 3:1-5.
Tichifunga nezvesimba rinokurudzira rine kuvimbika—kana kuti kushayikwa kwako—pakufunga uye zviito zvomunhu, tingabvunza kuti, ‘Tinofanira kuva vakavimbika kuna ani chaizvoizvo?’ Ona zvinotaurwa nenyaya inotevera nezvomubvunzo uyu.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Mufananidzo Uri Pamusoro: © AFP/CORBIS