Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kuva Akavimbika Kunaani?

Unofanira Kuva Akavimbika Kunaani?

Unofanira Kuva Akavimbika Kunaani?

“Nyika yedu: . . . Ngaive yakarurama nguva dzose; asi, hazvinei nokuti inyika yedu yakarurama here kana kuti kwete.”—Stephen Decatur, mukuru-mukuru wechikepe cheU.S., 1779-1820.

KUVIMBIKA kusina mubvunzo kunyika yako kunoonekwa nevakawanda somutoro wavo mukuru zvikuru. Vamwe vangataura nepamwe mashoko aStephen Decatur vachiti ‘Chitendero changu, ngachive chakarurama nguva dzose; asi hazvinei nokuti chitendero changu chakarurama here kana kuti kwete.’

Chaizvoizvo, nyika kana chitendero chinorayira kuvimbika kwedu kazhinji chinowanzotemwa nenzvimbo yatakaberekerwa, asi chisarudzo chokuti tinofanira kuvimbika kunaani chinokosha zvikuru pane kungoti chero zvazvaita. Zvisinei, kupokana nokuvimbika kwemarererwo akaitwa mumwe munhu kunoda ushingi uye kunokonzera zvinetso.

Muedzo Wokuvimbika

Mumwe mukadzi akakurira muZambia anoti: “Ndaida zvechitendero kubva ndiri muduku. Takakura tichinyengetera zuva nezuva panzvimbo yemhuri yokunamatira, tichichengeta mazuva echitendero, uye kuva patemberi nguva dzose. Chitendero changu uye kunamata kwandaiita zvainyatsobatana netsika dzangu, nzanga, uye mhuri.”

Asi paakanga ava kuda kusvika makore makumi maviri, akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye nguva pfupi pashure pacho akasarudza kuchinja chitendero chake. Uku kwaiva kusavimbika here?

Zlatko akakurira muBosnia, uye kwenguva yakati akarwa muhondo yakanga iri munyika yavo. Akatangawo kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Zvino anoramba kurwisana chero nomunhu upi zvake. Ari kuva asina kuvimbika here?

Kupindura kwaunoita mibvunzo iyoyo kunobva pamaonero ako. Mukadzi ambotaurwa anoti: “Munzanga yangu, kuchinja chitendero chako kwaireva chinyadzo chikuru; kwaionekwa sechiito chokusavimbika, kusatendeseka kumhuri yako nenzanga yako.” Saizvozvowo, shamwari dzaZlatko dzaaimbova nadzo kuhondo dzaiona vanhu vose vairamba kurwira nyika yavo sevatengesi. Asi mukadzi iyeye naZlatko vanofunga kuti rudzi rwokuvimbika rwakakwirira—kuvimbika kuna Mwari—runokurudzira zviito zvavo. Zvinokosha zvikuru ndezvokuti Mwari anoona sei vaya vanoda kuvimbika kwaari?

Kuvimbika Kwechokwadi—Chiratidzo choRudo

Mambo Dhavhidhi akati kuna Jehovha Mwari: ‘Wakavimbika, munomuitirawo nokuvimbika.’ (2 Samueri 22:26) Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “kuvimbika” pano rinopa pfungwa yomutsa unobatirira pane chimwe chinhu nenzira yorudo kusvikira chinangwa chawo maererano nechinhu ichocho chaitwa. Saamai vane mwana anoyamwa, Jehovha nenzira ine rudo anozvibatanidza nevaya vakavimbika kwaari. Kuvashumiri vake vakavimbika vomuIsraeri yekare, Jehovha akati: “Ko mukadzi ungakanganwa mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo ava vangakanganwa, asi ini handingakukanganwi.” (Isaya 49:15) Vaya vanoda kuvimbika kuna Mwari kudarika zvimwe zvinhu zvose vanovimbiswa kutarisira kwake kworudo.

Kuvimbika kuna Jehovha kwakavakirwa parudo. Kunoita kuti munhu ade zvinodiwa naJehovha uye avenge zvinhu zvakaipa zvinovengwa naJehovha. (Pisarema 97:10) Sezvo Jehovha ari rudo, kuvimbika kwaari kunobatsira kuita kuti munhu asaitira vamwe nenzira isina rudo. (1 Johani 4:8) Saka nokuda kwokuvimbika kuna Mwari, kana munhu akachinja zvaanotenda zvechitendero, hazvirevi kuti haachadi mhuri yake.

Kuvimbika Kuna Mwari—Simba Rinobatsira

Mukadzi ambotaurwa anotsanangura zviito zvake seizvi: “Kuburikidza nokudzidza kwandaiita Bhaibheri, ndakasvika pakuziva kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi, uye ndakatanga kuva noukama naye. Jehovha akasiyana nechero vamwari vapi zvavo vandakanga ndambonamata; akatsiga murudo, ruramisiro, uchenjeri, uye simba. Sezvo Jehovha achida kuzvipira kwakazara, ndaifanira kusiyana nevamwe vanamwari.

“Vabereki vangu vakaramba vachindiudza kuti vakanga vasiri kufadzwa neni zvikuru uye kuti ndakanga ndiri kuvaodza mwoyo. Ndakaona izvi zvakaoma zvikuru, sezvo tendero yevabereki vangu ichireva zvakawanda kwandiri. Asi sezvandakaramba ndichiwedzera kukura muzivo yechokwadi cheBhaibheri, chisarudzo chacho chakandijekera. Handaigona kusiya Jehovha.

“Kusarudza kuva akavimbika kuna Jehovha pane kutsika dzechitendero hakurevi kuti ndiri kuva asina kuvimbika kumhuri yangu. Ndinoedza kuvaratidza nemashoko nezviito zvangu kuti ndinonzwisisa manzwiro avanoita. Asi kudai ndisina kuvimbika kuna Jehovha, ipapo ndaizoita kuti mhuri yangu isamuziva, uye ichocho chaizova chiito chaicho chokusavimbika.”

Saizvozvowo, munhu haasi mutengesi kana kuvimbika kuna Mwari kuchida kuti arambe asina kwaakarerekera mune zvematongerwe enyika uye worega kurwisana nevamwe. Ndokutsanangura kunoita Zlatko zviito zvake achiti: “Kunyange ndakakura ndiri muKristuwo zvake, ndakaroora mumwe munhu akanga asiri muKristu. Hondo payakatanga, mativi ose airayira kuvimbika kwangu. Ndakamanikidzwa kusarudza divi randaizorwisa. Ndakarwa muhondo kwemakore matatu nehafu. Ini nomudzimai wangu takazotizira kuCroatia, uko kwatakasangana neZvapupu zvaJehovha.

“Kubva mune zvataidzidza muBhaibheri, takasvika pakunzwisisa kuti Jehovha ndiye chaiye watinofanira kuratidza kuvimbika uye kuti anoda kuti tide muvakidzani wedu pasinei zvapo nokuti ndowechitendero chipi kana dzinza ripi. Zvino ini nomudzimai wangu takabatana mukunamata Jehovha, uye ndakadzidza kuti handigoni kuva akavimbika kuna Mwari uku ndichirwa nomuvakidzani wangu.”

Kuvimbika Kunoumbwa neZivo Yakarurama

Sezvo Jehovha ari Musiki wedu, kuvimbika kwaari zvechokwadi kunofanira kuva panzvimbo yokutanga pane zvimwe zvose zvine chokuita nokuvimbika kwedu. (Zvakazarurwa 4:11) Zvisinei, kuti kuvimbika kuna Mwari kusachinja kuva simba roupengo nerinoparadza, kunofanira kuumbwa nezivo yakarurama. Bhaibheri rinotirayira kuti: ‘munofanira kuitwa vatsva musimba rinosunda pfungwa dzenyu, uye kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukuvimbika kwechokwadi.’ (VaEfeso 4:23, 24) Murume akakurumbira uyo akanyora mashoko akafuridzirwa iwayo aiva noushingi hwokupokana nokuvimbika kwemarererwo aakanga aitwa. Kuongorora kwake kwakaita kuti pave nokuchinja kunobatsira.

Hungu, Sauro akatarisana nomuedzo wokuvimbika, sezvakaita vakawanda vomunguva yedu. Sauro akarerwa mumhuri yaiomerera kutsika, uye akava akavimbika zvikuru kuchitendero chaakaberekerwa. Kuvimbika kuchitendero chake kwakatomuita kuti aitire chisimba vaya vakanga vasingabvumirani nemafungiro ake. Sauro akanga ava kuzivikanwa nokupinda nechisimba mumisha yevaKristu achivazvuzvurudzira kunze kuti varangwe uye kunyange kuurayiwa.—Mabasa 22:3-5; VaFiripi 3:4-6.

Asi Sauro paakangowana zivo yakarurama yeBhaibheri, akaita zvaionekwa nevamwe vezera rake sezvisingafungiki. Akachinja chitendero chake. Sauro, uyo akazozivikanwa somuapostora Pauro, akasarudza kuva akavimbika kuna Mwari pane kuvimbika kutsika. Kuvimbika kuna Mwari kwakavakirwa pazivo yakarurama kwakaita kuti Sauro ave anoshivirira, ane rudo, uye anokurudzira, mukusiyana nohwaichimbova unhu hwake hwokuparadza, hwoupengo.

Nei Tichifanira Kuva Vakavimbika?

Kubvumira kuti kuvimbika kwedu kuumbwe nezvinodiwa naMwari kunotibatsira zvakajeka. Somuenzaniso, mumwe mushumo wa1999 weAustralian Institute of Family Studies wakati “kuvimbika nokutendeseka . . . [uye] pfungwa yezvokunamata,” ndizvo zviri pakati pezvinhu zvinokosha zvinoita kuti michato igare kwenguva yakareba uye igutse. Chidzidzo chimwe chete ichocho chakaona kuti “michato yakatsiga neinogutsa” inoita kuti varume nevakadzi vafare, vave noutano hwakanaka, vachirarama kwenguva yakareba uye michato yakatsiga iyoyo inopa vana mukana uri nani wokuva noupenyu hunofadza.

Munyika yanhasi isina kugadzikana, kuvimbika kwakaita setambo inobatanidza munhu ari kushambira ava kuda kunyura nechikepe chinoda kumununura. Kana “munhu wacho” asina kuvimbika, achaona ava kukandirwa kwose kwose sezvinoitwa mafungu nemhepo. Asi kana akarasikirwa nechivimbo chake, zvinobva zvaita sokunge kuti tambo yake yakasungirirwa pachikepe chiri kunyura. SaSauro, angazviona azvuvirwa muchiito chokuparadza. Zvisinei, kuvimbika kuna Jehovha, kwakavakirwa pazivo yakarurama, itambo inoita kuti titsige tobva tawana ruponeso.—VaEfeso 4:13-15.

Jehovha anovimbisa vaya vakavimbika kwaari achiti: “Jehovha unoda zvakarurama, haasiyi [vakavimbika] vake; vanochengetwa nokusingaperi.” (Pisarema 37:28) Munguva pfupi iri kutevera, vose vakavimbika kuna Jehovha vachapinzwa muparadhiso yepasi, mavachasununguka pakusuruvara nokurwadziwa uye vachava noukama husingaperi husina kukamukana mune zvechitendero uye zvematongerwe enyika.—Zvakazarurwa 7:9, 14; 21:3, 4.

Kunyange zvino, mamiriyoni evanhu pasi pose vakaona kuti mufaro wechokwadi unongobva chete pakuvimbika kwavo kuna Jehovha. Wadii kuita kuti Zvapupu zvaJehovha zvikubatsire kuongorora maonero aunoita kuvimbika maererano nechokwadi cheBhaibheri? Bhaibheri rinotiudza kuti: “Rambai muchiedza kana muri mukutenda, rambai muchiedza zvamuri.”—2 VaKorinde 13:5.

Zvinoda ushingi kupokana nokutenda kwedu uye chikonzero nei takavimbika kwakuri, asi mibayiro yacho inogona kuva yakafanira zvikuru kana mugumisiro wacho ukatiswededza pedyo naJehovha Mwari. Mukadzi ambotaurwa anoratidza manzwiro anoita vanhu vakawanda paanoti: “Ndakadzidza kuti kuva akavimbika kuna Jehovha uye kune zvaanoda kunotibatsira kuva vakadzikama mukubata kwatinoita nemhuri dzedu uye kunotiita nhengo dzenzanga dziri nani. Hazvinei nokuti miedzo yacho yakaoma sei, kana takavimbika kuna Jehovha, acharamba akavimbika kwatiri.”

[Mifananidzo iri papeji 6]

Zivo yakarurama yakaita kuti Sauro achinje chinangwa chokuvimbika kwake

[Mufananidzo uri papeji 7]

Wadii kuongorora kuvimbika kwako maererano nechokwadi cheBhaibheri?

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 4]

Churchill, kumusoro nechokuruboshwe: U.S. National Archives photo; Joseph Göbbels, nechokumucheto kurudyi: Library of Congress