Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kuramba Wakatendeka Here?

Unogona Kuramba Wakatendeka Here?

Unogona Kuramba Wakatendeka Here?

ISHIRI duku ngani dzakafa nezuro? Hapana anoziva, uye zvichida vanhu vashoma vane hanya nazvo—nokuti kune shiri dzakawanda. Zvisinei, Jehovha ane hanya nazvo. Achitaura nezveshiri idzi dzinoita sedzisingakoshi, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi.” Akawedzera kuti: “Musatya: munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.”—Mateu 10:29, 31.

Vadzidzi vakazonyatsonzwisisa pava paya kuti Jehovha aivakoshesa sei. Mumwe wavo, muapostora Johani, akanyora kuti: “Neizvi rudo rwaMwari rwakaoneswa kwatiri, nokuti Mwari akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi munyika kuti tiwane upenyu naye.” (1 Johani 4:9) Jehovha haangopi rudzikinuro chete asiwo anovimbisa mumwe nomumwe wevashumiri vake kuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.”—VaHebheru 13:5.

Zviri pachena kuti Jehovha anoda vanhu vake zvisingatsuduguki. Zvisinei, mubvunzo unomuka, ‘Tine ukama hwepedyo naJehovha zvokuti hatimbomusiyi here?’

Zvinoitwa naSatani Kuedza Kuputsa Kutendeka Kwedu

Apo Jehovha akaita kuti Satani afunge nezvokutendeka kwaJobho, Satani akapindura kuti: “Jobho aizokunamatai here kudai pasina chaanowana?” (Jobho 1:9, Today’s English Version) Aireva kuti kuvimbika kwevanhu kuna Mwari kunotsamira kunyanya pakuti ‘kunovabatsirei.’ Kudai izvi zvakanga zviri zvechokwadi, kutendeka kwomuKristu chero upi zvake kwaizoderedzwa—kana zvaanenge anzi achawana zvichinyatsokwezva.

NezvaJobho, Satani pakutanga akati kuvimbika kwake kuna Mwari kwaizopera kana akarasikirwa nezvinhu zvake zvaaikoshesa zvikuru. (Jobho 1:10, 11) Kutaura kwokuzvidza uku pakwakaratidza kuti ndokwenhema, Satani akatizve: “Munhu angasva arega hake zvinhu zvose kuitira kuti arambe ari mupenyu.” (Jobho 2:4, TEV) Satani akataura zvinogona kuitika kune vamwe, Jobho akaramba akatendeka. Nhoroondo yekare inopupurira izvi. (Jobho 27:5; 42:10-17) Wakavimbikawo saizvozvo here? Kana kuti ucharega Satani achiputsa kutendeka kwako? Zvifunge pachako sezvatava kuongorora chimwe chokwadi chinobatanidza muKristu mumwe nomumwe.

Muapostora Pauro aidavira kuti kutendeka kwomuKristu wechokwadi kunogona kuva kwakasimba kwazvo. Akanyora kuti: “Ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu . . . kana zvinhu zviripo zvino kana zvinhu zvichauya . . . kana chimwe chinhu chakasikwa hazvikwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.” (VaRoma 8:38, 39) Tinogona kuva nokutenda kwakadaro kana tichida Jehovha zvakadzama. Rudo rwakadaro chisungo chisingaparadziki chisingakundwi kunyange norufu.

Kana tiine ukama hwakadaro naMwari, hatizombobvunzi kuti, ‘Mumakore mashomanana ari mberi ndichange ndichiri kushumira Jehovha here?’ Kusava nechokwadi kwakadaro kungaratidza kuti kuvimbika kwedu kuna Mwari kunoenderana nokuti chii chingaitika kwatiri sezvatinorarama. Kutendeka kwechokwadi hakugoni kuchinjwa nechii zvacho chingaitika. Kunobva pakuti tiri munhu worudzii nechomukati. (2 VaKorinde 4:16-18) Kana tichida Jehovha nomwoyo wedu wose, hatizomugumburi.—Mateu 22:37; 1 VaKorinde 13:8.

Zvisinei, tinofanira kuyeuka kuti Satani ari kuramba achitsvaka kuputsa kutendeka kwedu. Angatiedza kuti tibvume kuita zvinodiwa nenyama yedu, tibvume kufurirwa nevezera redu, kana kuti tibvume kusiya chokwadi nedambudziko rakati. Nyika yakaparadzana naMwari ndiyo iri kunyanya kushandiswa naSatani muhondo iyi, kunyange kusakwana kwedu kuchimurerutsira basa rake. (VaRoma 7:19, 20; 1 Johani 2:16) Kunyange zvakadaro, tine zvinhu zvakawanda zvinotibatsira muhondo iyi, chikuru chacho chiri chokuti mazano aSatani tinoaziva.—2 VaKorinde 2:11.

Mazano aSatani chii? Pauro akaarondedzera mutsamba yake kuVaEfeso se“manomano.” (VaEfeso 6:11) Satani anoisa misungo younyengeri munzira dzedu kuitira kuti aputse kutendeka kwedu. Chete manomano aya tinogona kuaziva, sezvo muShoko raMwari takanyorerwa nzira dzinoshandiswa naDhiyabhorosi. Kuedza kwaSatani kuputsa kutendeka kwaJesu nokwaJobho kunoratidza dzimwe nzira dzaanotsvaka nadzo kuputsa kutendeka kwedu kwechiKristu.

Kutendeka kwaJesu Hakuna Kuputswa

Pamavambo oushumiri hwaJesu, Satani akava noushingi hwokuedza Mwanakomana waMwari nokumuudza kuti achinje dombo kuva chingwa. Aya ndiwo anonzi manomano chaiwo! Jesu akanga asina kudya kwemazuva 40, saka pasina mubvunzo akanga arumwa nenzara zvikuru. (Ruka 4:2, 3) Satani akataura kuti Jesu apedze nzara yake pakarepo, munzira yaipesana nokuda kwaJehovha. Nhasiwo, mashoko anoparadzirwa munyika anokurudzira kuzvigutsa pakarepo, pasinganyanyi kufungwa nezvemigumisiro yacho. Shoko rinenge richisimbiswa nderokuti, ‘Unofanira kuzviwana iye zvino,’ kana kuti, ‘Ingozviita!’

Kudai Jesu akagutsa nzara yakanga yamuruma asina kumbofunga nezvemigumisiro yacho, Satani angadai akabudirira kuita kuti Jesu aputse kutendeka kwake. Jesu akatarisa nyaya yacho achifunga nezvokufadza Mwari, uye akapindura zvakasimba kuti: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu haafaniri kurarama nechingwa choga.’”—Ruka 4:4; Mateu 4:4.

Satani akabva ashandisa imwe nzira. Achishandisa zvisirizvo Magwaro ayo Jesu aitora mashoko, Dhiyabhorosi akakurudzira Jesu kuzvikandira pasi achibva pamusoro petemberi. ‘Ngirozi ichakudzivirira,’ akadaro Satani. Jesu akanga asina vavariro dzokurayira Baba vake kuti vamudzivirire nenzira yechishamiso kungoti aonekwe nevanhu. “Haufaniri kuedza Jehovha Mwari wako,” akadaro Jesu.—Mateu 4:5-7; Ruka 4:9-12.

Nzira yokupedzisira yakashandiswa naSatani yaiva yakananga chaizvo. Akaedza kuronga naJesu kuburikidza nokutaura kuti aigona kumupa nyika yose nembiri yayo dai aizoita chiito chimwe chete chokumunamata. Ndizvo zvose zvaigona kupiwa naSatani. Asi Jesu aigona sei kuita chiito chokunamata pamberi pomuvengi mukuru waBaba vake? Haaizombodaro! “NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene,” Jesu akapindura kudaro.—Mateu 4:8-11; Ruka 4:5-8.

Miedzo yake mitatu iyoyo yakundikana, Satani ‘akasiya Jesu kusvikira imwe nguva yakafanira.’ (Ruka 4:13) Izvi zvinoratidza kuti Satani airamba achitsvaka mukana wokuedza kutendeka kwaJesu. Nguva yakafanira yakazovapo makore maviri nehafu gare gare apo Jesu akatanga kugadzirira vadzidzi vake nokuda kworufu rwake rwakanga rwava pedyo kwazvo. Muapostora Petro akati: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.”—Mateu 16:21, 22.

Zano iroro rakapiwa nevavariro yakanaka asi risina kururama ringava rakafadza Jesu here, sezvo raibva kune mumwe wevadzidzi vake? Jesu akakurumidza kuziva kuti mashoko iwayo airatidza mafungiro aSatani, kwete aJehovha. Kristu akapindura zvakasimba kuti: “Enda shure kwangu, Satani! Uri chinogumbura kwandiri, nokuti unofunga, kwete zvinofunga Mwari, asi zvevanhu.”—Mateu 16:23.

Sezvo Jesu achida Jehovha nguva dzose, Satani akatadza kuputsa kutendeka kwake. Hapana chaigona kupiwa naDhiyabhorosi, hapana muedzo, zvisinei nokuti wakaoma zvakadini, waigona kutadzisa Jesu kuvimbika kuna Baba vake vokudenga. Tichavawo takatsunga saizvozvo here apo mamiriro ezvinhu anoita kuti zvitiomere kuramba takavimbika? Muenzaniso waJobho uchatibatsira kunzwisisa zviri nani miedzo yatingatarisana nayo.

Kuvimbika Munguva Yedambudziko

Sezvakazozivikanwa naJobho, matambudziko anogona kutiwira chero nguva. Aiva murume akaroora aifara aine vana gumi uye aiva nepurogiramu yakanaka yokunamata. (Jobho 1:5) Asi Jobho asingazvizivi, kutendeka kwake kuna Mwari kwakaitiranwa nharo kudenga, uye Satani akatsunga kuputsa kutendeka kwake nenzira chero ipi yaaigona kushandisa.

Nenguva isipi, Jobho akarasikirwa noupfumi hwake. (Jobho 1:14-17) Kunyange zvakadaro, Jobho akaramba akatendeka mumuedzo wacho nokuti haana kubvira avimba nemari. Achiyeuka nguva yaaiva mupfumi, Jobho akati: “Kana ndichinge ndavimba nendarama, . . . kana ndichinge ndakafara nokuti pfuma yangu yakanga yawanda, . . . nechinhu ichiwo chai[zo]va chakaipa . . . , nokuti ndinenge ndaramba Mwari uri kumusoro.”—Jobho 31:24, 25, 28.

Nhasi, zvinoita kurasikirwa nezvose zvatinazvo nenguva isipi. Mumwe muzvinabhizimisi ari mumwe weZvapupu zvaJehovha akabirwa mari yakawanda zvikuru nechitsotsi, ndokusara aine mari shomanana zvikuru. Anobvuma pachena kuti: “Ndakapotsa ndava nechirwere chomwoyo. Kutaura zvazviri, ndinofunga kuti ndingadai ndakava nacho kudai husiri ukama hwandaiva nahwo naMwari. Asi, chiitiko ichi chakaita kuti ndinyatsofungisisa kuti ndakanga ndisingaisi zvinhu zvokunamata pakutanga muupenyu hwangu. Kunakirwa nokuita mari kwaikosha kupfuura zvimwe zvose.” Kubvira ipapo Chapupu ichi chakaderedza mabasa acho ebhizimisi, uye chinoshanda sapiyona webetsero nguva nenguva, chichipedza maawa 50 kana kupfuura pamwedzi muushumiri hwechiKristu. Zvisinei, zvimwe zvinetso, zvinogona kuvhiringidza kwazvo kupfuura kurasikirwa kwomunhu nezvinhu.

Jobho akanga achiri kutanga kudzeya mashoko okuparara kwepfuma yake apo akatambira shoko rokuti vana vake gumi vakanga vafa. Akangotizve: “Zita raJehovha ngarikudzwe.” (Jobho 1:18-21) Ticharamba takatendeka here kana tikaerekana tafirwa nenhengo dzakawanda dzemhuri yedu? Francisco, mutariri wechiKristu muSpain, akafirwa nevana vake vaviri mutsaona yebhazi yakaipa kwazvo. Akanyaradzwa nokuswedera pedyo naJehovha uye nokuwedzera basa rake roushumiri hwechiKristu.

Kunyange pashure pokunge afirwa nevana vake nenzira inotyisa, dambudziko raJobho rakanga risati rapera. Satani akamurova nehosha inorwadza, inosemesa. Panguva iyoyo, Jobho akaudzwa zano rakashata nomudzimai wake. “Shora Mwari, ufe hako!” akamukurudzira kudaro. Jobho akaramba zano rake, uye haana “kutadza nomuromo wake.” (Jobho 2:9, 10) Akanga asina kutendeka pamusana pokuti aitsigirwa nemhuri yake, asi nokuti iye pachake aiva noukama naJehovha.

Flora, ane murume nomwanakomana mukuru vakasiya nzira yechiKristu makore anopfuura gumi adarika, anonzwisisa manzwiro angave akaita Jobho. “Ukangoerekana washayiwa tsigiro yemhuri yako, zvinogona kuodza mwoyo kwazvo,” anobvuma kudaro. “Asi ndaiziva kuti handaizowana mufaro kunze kwesangano raJehovha. Saka ndakaramba ndakasimba uye ndichiisa Jehovha pakutanga uku ndichiedza kuramba ndiri mudzimai naamai vakanaka. Ndainyengetera nguva dzose, uye Jehovha akandipa simba. Ndiri munhu anofara nokuti pasinei nokutsunga kwomurume wangu kundishora, ndakadzidza kuvimba zvachose naJehovha.”

Chishandiso chakazotevera chaSatani chokuputsa kutendeka kwaJobho chaisanganisira shamwari dzake nhatu. (Jobho 2:11-13) Zvinofanira kuva zvaiodza mwoyo kwazvo padzakatanga kumutsoropodza. Kudai akabvuma zvadzaitaura, angadai akatadza kuvimba naJehovha Mwari. Mazano adzo aisakurudzira angadai akamuodza mwoyo uye akaputsa kutendeka kwake, uye nokudaro zano raSatani ringadai rakabudirira.

Asi, Jobho akati: “Kusvikira parufu rwangu handingarasi kusanyengera kwangu!” (Jobho 27:5) Haana kuti, ‘Imi varume handisi kuzokubvumirai kuti munditadzise kutendeka!’ Jobho aiziva kuti kutendeka kwake kwaienderana nokuti iye aiita sei uye aida sei Jehovha.

Kushandisa Musungo Wekare Kubata Zvimwe Zvitsva

Satani achiri kungoshandisa mazano asina kururama kana kuti mashoko asina musoro anobva kushamwari uye vamwe vatinonamata navo. Kuodzwa mwoyo nevanhu vari muungano kunogona kuparadza chivimbo chedu nyore nyore kupfuura kutambudzwa kwatingaitwa nevanhu vari kunze kweungano. Murume mukuru wechiKristu akamborwa hondo ari muchiuto akaenzanisa hondo iyoyo nokurwadziwa kwaakanzwa nemhaka yemashoko nezviito izvo vamwe vaKristu vaiita vasingafungi. Achitaura maererano nezvaiitwa nevaKristu izvi, akati: “Ndicho chinhu chakaoma zvikuru chandati ndasangana nacho.”

Nemamwe maonero, tinogona kugumburwa nokusakwana kwevatinonamata navo zvokuti tinobva tarega kutaura nevamwe vacho kana kutotanga kusapinda mimwe misangano yechiKristu. Tingafunga kuti kunyaradza kurwadziwa kwedu ndiko kunokosha kupfuura zvose. Asi zvinosuwisa zvikuru kuonera zvinhu pedyo kudaro tobvumira chinhu chinokosha zvikuru chatinacho—ukama hwedu naJehovha—kuneteswa nezvinoitwa kana kutaurwa nevamwe. Kana tikabvumira izvozvo kuitika, tingave tiri kubatwa pamumwe wemisungo yaSatani yekare kare.

Zvinonzwisisika kuti titarisire tsika dzakakwirira muungano yechiKristu. Asi tikatarisira zvakanyanya kuwanda kubva kune vamwe vedu vatinonamata navo, avo vasati vakwana, chokwadi tichaora mwoyo. Kusiyana neizvi, zvinotarisirwa naJehovha kuti zviitwe nevashumiri vake zvinonzwisisika. Tikatevedzera muenzaniso wake, tichange tagadzirira kukanganwira kusakwana kwavo. (VaEfeso 4:2, 32) Muapostora Pauro akapa zano iri: “Kana matsamwa, musarega hasha dzichiita kuti muite chivi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa; regai kusiyira dhiyabhorosi mukana.”—VaEfeso 4:26, 27, The New English Bible.

Bhaibheri sezvarinoratidza zvakajeka, Satani anoshandisa nzira dzinonyengera dzakasiyana-siyana kuti atsvake—kana achikwanisa—nzira yokuputsa kutendeka kwomuKristu. Dzimwe nzira dzake dzinokwezva nyama inotadza, dzimwe dzinorwadzisa. Kubva mune zvakurukurwa, unogona kuona nei usingambofaniri kubatwa wakarivara. Uchida Mwari zvakadzama nomwoyo wako, tsunga kuratidza kuti Dhiyabhorosi ndowenhema uye fadza mwoyo waJehovha. (Zvirevo 27:11; Johani 8:44) Yeuka, kutendeka kwechokwadi kwechiKristu hakufaniri kumboregwa, pasinei nemiedzo ipi neipi ingauya kwatiri.