Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanofara Kuti Vakadzidza Kuverenga!

Vanofara Kuti Vakadzidza Kuverenga!

Vanofara Kuti Vakadzidza Kuverenga!

MUNE dzimwe nzvimbo dzeSolomon Islands, 80 muzana yevaya zvino vava Zvapupu zvaJehovha vainetseka nokusagona kuverenga uye kunyora. Izvi hazvina kungoita kuti vaite zvishoma pamisangano yeungano yevhiki nevhiki asiwo zvakaitawo kuti zvivaomere zvikuru kudzidzisa vamwe chokwadi choUmambo. Chaizvoizvo zviri nyore here kuti vamwe vanhu vakuru vasina kumbogara vabata penzura vadzidze kuverenga nokunyora?

Bhurocha rinonzi Apply Yourself to Reading and Writing, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, rave richishandiswa mumakirasi okudzidza kuverenga nokunyora muungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinenge dzose muSolomon Islands. Zvakaitika zvinotevera zvinoratidza kuti mazana evanhu akabatsirwa sei kuvandudza mano avo kuburikidza nechirongwa ichi. Zvinokosha zvikuru ndezvokuti kudzidza kuverenga kwakavabatsira kupupurira kutenda kwavo zviri nani.—1 Petro 3:15.

Mumwe mumishinari akagoverwa kushanda muungano ine vaparidzi voUmambo vanopfuura zana akaona kuti pachidzidzo cheBhaibheri chevhiki nevhiki cheNharireyomurindi, vashomanana ndivo vaiva nemagazini avo pachavo uye vaipindura vaitova vashomanana. Nei? Kusagona kuverenga. Ungano payakazivisa nezvokutangwa kwechikoro chokudzidzisa kuverenga nokunyora, mumishinari wacho akazvipira nomufaro kuva mudzidzisi wacho. Pakutanga, vadzidzi vashomanana ndivo vakauya, asi munguva pfupi vanhu vanopfuura 40 vemazera ose vakatanga kupinda.

Zvakaguma nei? Mumishinari wacho anoti: “Nguva shomanana kirasi yokudzidza kuverenga nokunyora yatanga, ndakaenda kumusika nenguva dza6:00 mangwanani kunotenga zvokudya zvepamusha wemamishinari. Ikoko ndakaona vamwe vevadzidzi, kunyange vaduku zvikuru, vachitengesa makokonati nomuriwo. Nei? Nokuti vaida kuwana mari inokwana kutenga chinyoreso nebhuku rokunyorera zvokushandisa mukirasi! Uyewo, kupinda kirasi iyoyo kwakakurudzira mumwe nomumwe kuti ave nemagazini yake yeNharireyomurindi.” Anowedzera kuti: “Zvino paChidzidzo cheNharireyomurindi cheungano, vaduku nevakuru tose tinopindura, uye kukurukurirana kwatinoita kwava noupenyu.” Mumishinari uyu akafara zvikuru apo nhengo ina dzekirasi yacho dzakakumbira kuita basa rokuparidza nokuti, sokutaura kwadzakaita, dzakanga “dzisingachambotyi.”

Migumisiro yakanaka yokubatsirwa kwakaitwa vadzidzi ava yakaita zvinopfuura kungodzidza kuverenga nokunyora. Somuenzaniso, kwemakore akawanda mudzimai asingatendi wechimwe Chapupu ainetsa ungano. Aitema vanhu nematombo kana akangodenhwa zvishomanana uye aitorova vamwe vakadzi norukuni. Paaimbopinda misangano yechiKristu nomurume wake, aimunzwira shanje zvokuti murume wacho aitopfeka magirazi akasvibirira kuitira kuti asazomupa mhosva yokutarira vamwe vakadzi.

Zvisinei, kirasi yokudzidza kuverenga nokunyora ichangotanga, mukadzi uyu akakumbira zvinyoro-nyoro achiti: “Ndingapindawo kirasi yacho here?” Mhinduro yacho yaiva hungu. Kubva ipapo haana kuzomborovha chikoro kana musangano weungano zvawo. Akashanda zvakaoma muzvidzidzo zvake zvokuverenga ndokufambira mberi zvinoshamisa, izvi zvakamuita kuti afare zvikuru. Chikumbiro chake chakatevera chaiva chokuti: “Ndingadzidziswawo Bhaibheri here?” Murume wake akabva atanga kudzidza naye, uye anoramba achifambira mberi mumano ake okuverenga nokunyora uye muzivo yake yeBhaibheri.

Kumunhu ane makore 50 asina kumbobata penzura, kungoibata ndokunyora mabhii earufabheti kunogona kuva chibingamupinyi chinenge gomo. Vamwe vanoita mhoni paminwe yavo nemhaka yokutsimbirira kwavanoita pakubata penzura nepepa pavanenge vachitanga kudzidza. Kwapera vhiki dzakati kuti vachitamburira kubata nokutsigisa penzura, vamwe vadzidzi vanotaura nomufaro mukuru kuti: “Ndava kugona kufambisa ruoko rwangu zvinyoro-nyoro papepa!” Kuona kufambira mberi kwevadzidzi kunoitawo kuti varayiridzi vacho vafare. Mumwe murayiridzi akati: “Kudzidzisa kirasi kunofadza zvikuru, kuonga kwechokwadi kunoitwa nevadzidzi urongwa uhwu hwaJehovha kunowanzoratidzwa nokuombera maoko panopera chidzidzo.”

Mamishinari, pamwe neZvapupu izvi zvava kugona kuverenga nokunyora, vari kufara. Nei? Nokuti zvino vanogona kushandisa mano avo okuverenga nokunyora kuti vakudze Jehovha.

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Vaduku nevakuru vanoonga makirasi okudzidza kuverenga nokunyora