Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Aisataura Kwavari Pasina Mufananidzo”

“Aisataura Kwavari Pasina Mufananidzo”

“Aisataura Kwavari Pasina Mufananidzo”

“Jesu akataura zvinhu zvose izvi kumapoka evanhu nemifananidzo. Zvechokwadi, aisataura kwavari pasina mufananidzo.”—MATEU 13:34.

1, 2. (a) Nei mifananidzo inobatsira isiri nyore kukanganwa? (b) Jesu aishandisa mifananidzo yorudzii, uye mibvunzo ipi inomuka pamusoro pokushandisa kwake mifananidzo? (Onawo mashoko omuzasi.)

PANE mufananidzo wauchiri kuyeuka here, zvichida wawakanzwa muhurukuro yavose makore akawanda apfuura? Mifananidzo inobatsira haikurumidzi kukanganwika. Mumwe munyori akati mifananidzo “inoita kuti zvinhu zvinonzwiwa nenzeve zvionekwe mupfungwa uye vateereri vafunge vaine zvavari kuona mupfungwa dzavo.” Sezvo tichifunga zvakanakisisa kana tichiona pikicha yechinhu, mifananidzo inogona kuita kuti pfungwa dzive nyore kubata. Mifananidzo inogona kuita kuti mashoko ave mapenyu, ichitidzidzisa zvidzidzo zvisingakanganwiki.

2 Pasi pano hapana mudzidzisi ati ambogona kushandisa mifananidzo kupfuura zvaiita Jesu Kristu. Mifananidzo yakawanda yaJesu inoyeukwa zviri nyore makore anoda kusvika zviuru zviviri kubva payakataurwa. * Nei Jesu aishandisa zvakanyanya nzira iyi yokudzidzisa nayo? Chii chaiita kuti mifananidzo yake ibatsire zvikuru?

Chaiita kuti Jesu Adzidzise Nemifananidzo

3. (a) Maererano naMateu 13:34, 35, ndechipi chikonzero chimwe nei Jesu aishandisa mifananidzo? (b) Chii chinoratidza kuti Jehovha anofanira kunge achikoshesa nzira iyi yokudzidzisa nayo?

3 Bhaibheri rinopa zvikonzero zviviri zvinokosha nei Jesu aishandisa mifananidzo. Chokutanga, kuita kwake kudaro kwaizadzika uprofita. Muapostora Mateu akanyora kuti: “Jesu akataura . . . kumapoka evanhu nemifananidzo. Zvechokwadi, aisataura kwavari pasina mufananidzo; kuti zvizadzike zvakataurwa nokumuprofita uyo akati: ‘Ndichashamisa muromo wangu nemifananidzo, ndichazivisa zvinhu zvakavanzwa kubvira pakuvamba.’” (Mateu 13:34, 35) “Muprofita” ane mashoko akadzokororwa naMateu aiva munyori wePisarema 78:2. Munyori wepisarema iyeye akanyora achifuridzirwa nomudzimu waMwari mazana emakore Jesu asati azvarwa. Hazvishamisi here kuti kuchine mazana emakore, Jehovha akaziva kuti Mwanakomana wake aizodzidzisa nemifananidzo? Chokwadi Jehovha anofanira kunge achikoshesa nzira iyi yokudzidzisa nayo!

4. Jesu akatsanangura sei chaaishandisira mifananidzo?

4 Chechipiri, Jesu pachake akatsanangura kuti aishandisa mifananidzo kuti apepete achibvisa vaya vaiva nemwoyo yakanga isingadaviri. Pashure pokunge arondedzera ku“mapoka makuru evanhu” mufananidzo womudyari, vadzidzi vake vakabvunza kuti: “Munotaurirei kwavari muchishandisa mifananidzo?” Jesu akapindura akati: “Imi makapiwa kunzwisisa zvakavanzika zvitsvene zvoumambo hwokumatenga, asi vanhu ivavo havana kukupiwa. Ndokusaka ndichitaura kwavari ndichishandisa mifananidzo, nokuti, kutarira, vanotarira pasina, uye kunzwa, vanonzwa pasina, uyewo havawani pfungwa yacho; uye uprofita hwaIsaya huri kuzadzika kwavari, hunoti, ‘Kunzwa, muchanzwa asi hamungambowani pfungwa yacho; uye, kutarira, muchatarira asi hamungambooni. Nokuti mwoyo worudzi urwu wave mukukutu.’”—Mateu 13:2, 10, 11, 13-15; Isaya 6:9, 10.

5. Mifananidzo yaJesu yaitsaura sei vateereri vanozvininipisa kubva mune vaiva nemwoyo yaizvikudza?

5 Chii chaiita kuti mifananidzo yaJesu itsauranise vanhu? Dzimwe nguva, vateereri vake vaifanira kutsvakisisa kuti vanyatsonzwisisa mashoko ake. Vanhu vaizvininipisa vainzwa vachida kubvunza kuti vawane mamwe mashoko. (Mateu 13:36; Mako 4:34) Naizvozvo, mifananidzo yaJesu yaibudisa chokwadi pachena kune vaiva nemwoyo yaiva nenzara yokunzwa chokwadi; asiwo, mifananidzo yake yaivanza chokwadi kune vaiva nemwoyo yaizvikudza. Jesu aiva mudzidzisi anoshamisa kwazvo! Zvino ngationgororei zvimwe zvinhu zvaiita kuti mifananidzo yake ibatsire kwazvo.

Kusarudza Mashoko Okushandisa

6-8. (a) Chii icho vateveri vaJesu vomuzana remakore rokutanga vakanga vasati vava nacho? (b) Mienzaniso ipi inoratidza kuti Jesu aisangotaura zvinhu zvose zvose nezvisina basa?

6 Wakambozvifunga here kuti zvaiva zvakambodini chaizvo kuvadzidzi ivavo vomuzana remakore rokutanga vakanzwa Jesu pachake achidzidzisa? Kunyange zvazvo vaiva neropafadzo yokunzwa inzwi raJesu, vakanga vasati vava nemabhuku akanyorwa okuverenga kuti vayeuke zvinhu zvaakataura. Asi, vaitofanira kutakura mashoko aJesu mupfungwa nemwoyo yavo. Kuburikidza nounyanzvi hwake hwokushandisa mifananidzo, Jesu akaita kuti zvivaitire nyore kuyeuka zvaaidzidzisa. Munzira ipi?

7 Jesu akanga asingangotauri zvinhu zvose zvose nezvisina basa. Kana paiva nemashoko chaiwo aifanira kutaurwa munyaya kana kuti aidiwa kuti asimbise chinhu, aiva nechokwadi chokuti aitaura mashoko iwayo. Nokudaro akataura kuti makwai mangani chaiwo akasiyiwa apo muridzi wawo aitsvaka rakanga rarasika, maawa mangani akashandwa nevashandi mumunda wemizambiringa, uye matarenda mangani akapiwa vanhu kuti vachengete.—Mateu 18:12-14; 20:1-16; 25:14-30.

8 Asizve, Jesu aisiya mashoko akanga asingakoshi aigona kuvhiringidza kunzwisisa kwedu zvinoreva mifananidzo yacho. Somuenzaniso, mumufananidzo womuranda asina tsitsi, hazvina kutsanangurwa kuti muranda iyeye akasvika sei pakuita chikwereti chemadhinari 60 000 000. Jesu akanga achisimbisa kudiwa kwokukanganwira. Chaikosha apa chakanga chisiri chokuti muranda uyu akapinda sei muchikwereti, asi kuti chikwereti chake chakakanganwirwa sei, uyewo kuti muranda iyeye akabata sei mumwe aivawo muranda saiye aiva nechikwereti chemari yake shomanana. (Mateu 18:23-35) Saizvozvowo, mumufananidzo womwanakomana mupambadzi, Jesu haana kutsanangura kuti nei mwanakomana muduku akangoerekana ava kuti aida nhaka yake uye kuti nei akaipambadza. Jesu akanyatsotsanangura zvakazara manzwiro akaita baba vacho uye zvavakaita apo mwanakomana wavo akachinja mwoyo ndokudzoka kumba. Mashoko iwayo ezvakaitwa nababa aikosha papfungwa yaitaurwa naJesu yokuti Jehovha anokangwanwira “zvikuru.”—Isaya 55:7; Ruka 15:11-32.

9, 10. (a) Pakurondedzera vanhu vomumifananidzo yake, Jesu ainyanya kutaura nezvei? (b) Jesu akaita sei kuti zvive nyore kuvateereri vake nevamwewo kuyeuka mifananidzo yake?

9 Jesu aingwarirawo nzira yaairondedzera nayo vanhu vomumifananidzo yake. Pane kutaura zvakawanda pamusoro pechitarisiko chevanhu vacho, Jesu aiwanzotaura nezvezvinhu zvavaiita kana kuti zvavaizoita nezviitiko zvaairondedzera. Saka, pane kutsanangura zvakanga zvakaita chitarisiko chomuSamariya akanaka, Jesu akarondedzera chimwe chinhu chinotokosha zvikuru—kubatsira uko muSamariya akanga aita netsitsi muJudha akanga akuvadzwa, uyo akanga akati rapata mumugwagwa. Jesu akapa mashoko akanga achidiwa kudzidzisa kuti rudo rwomuvakidzani runofanira kuratidzwawo kuvanhu vasiri vedzinza redu kana kuti rudzi.—Ruka 10:29, 33-37.

10 Kungwarira kwaJesu kusataura zvose zvose nezvisina basa kwakaita kuti mifananidzo yake irambe iri mipfupi uye isina zvakawanda-wanda. Saka akaita kuti zvive nyore kuvateereri vake vomuzana remakore rokutanga—nevamwe vasingaverengeki vaizoverenga Evhangeri dzakafuridzirwa—kuiyeuka pamwe chete nezvidzidzo zvinokosha zvayaidzidzisa.

Yaitorwa Muupenyu Hwezuva Nezuva

11. Ipa mienzaniso yokuti mifananidzo yaJesu yairatidza sei zvinhu izvo pasina mubvunzo akanga aona paaikura muGarireya.

11 Jesu aiva nyanzvi yokushandisa mifananidzo yaiva nechokuita noupenyu hwevanhu. Mifananidzo yake yaitaura zvinhu izvo pasina mubvunzo akanga aona paaikura muGarireya. Chimbofunga zvishoma nezvoupenyu hwake ari muduku. Kangani kaakaona amai vake vachigadzira mukanyiwa wokubikisa chingwa chine mbiriso vachishandisa mukanyiwa wakaviriswa wakasara pavakambobika kuti uvirise mumwe mutsva? (Mateu 13:33) Kangani kaakaona varedzi vehove vachikandira utava hwavo muGungwa reGarireya? (Mateu 13:47) Kakawanda sei kaakaona vana vachitamba pamusika? (Mateu 11:16) Jesu anofanira kuva akacherechedza zvimwe zvinhu zvaigara zvichiitika izvo akashandisa mumifananidzo yake—mbeu dzaidyarwa, mitambo yemichato inofadza, uye minda yezviyo zviri kuibva kuine zuva.—Mateu 13:3-8; 25:1-12; Mako 4:26-29.

12, 13. Mufananidzo waJesu wegorosi nemasora unoratidza sei kurovedzana kwaakanga akaita nezvaiitika munharaunda yake?

12 Saka hazvishamisi kuti zvinhu zvoupenyu hwezuva nezuva zvakazara mumifananidzo mizhinji yaJesu. Naizvozvo, kuti tinyatsonzwisisa unyanzvi hwake hwokushandisa nzira iyi yokudzidzisa, zvinobatsira kumbotarisa zvaireva mashoko ake kuvateereri vake vechiJudha. Ngatimbotarisai mienzaniso miviri.

13 Kutanga, mumufananidzo wegorosi nemasora, Jesu akataura nezvomurume akadyara gorosi rakanaka mumunda wake, asi “muvengi” akapinda mumunda wacho ndokudyarawo masora pakati paro. Nei Jesu akasarudza chiito choutsinye ichocho? Usakanganwa kuti airondedzera mufananidzo wacho pedyo neGungwa reGarireya, uye zviri pachena kuti basa raiwanzoitwa nevanhu vomuGarireya raiva rokurima. Zvaizova zvinorwadza sei kumurimi kuti muvengi auye pachivande mumunda wake odyarawo masora anokuvadza mbeu? Mitemo yaivako panguva iyoyo munyika yacho inoratidza kuti zvinhu zvakadaro zvaiitika. Hazvisi pachena here kuti Jesu akashandisa chiitiko chaigona kunzwisiswa nevateereri vake?—Mateu 13:1, 2, 24-30.

14. Mumufananidzo womuSamariya akanaka, nei zvichikosha kuti Jesu akashandisa mugwagwa ‘waibva Jerusarema uchienda Jeriko’ kuti abudise pfungwa yaaida?

14 Chechipiri yeuka, mufananidzo womuSamariya akanaka. Jesu akatanga nokuti: “Mumwe murume akanga achibva Jerusarema achidzika Jeriko akawirwa nemakororo, ayo akamutorera zvose uye akamurova, akaenda, achimusiya ave kuda kufa.” (Ruka 10:30) Zvinokosha kuti Jesu akashandisa mugwagwa ‘waibva Jerusarema uchienda Jeriko’ kuti abudise pfungwa yaaida. Paairondedzera mufananidzo uyu, aiva muJudhiya, kusiri kure neJerusarema; saka vateereri vake zvimwe vaiziva nezvomugwagwa wacho. Mugwagwa iwoyo waiva une ngozi kwazvo, kunyanya kune mumwe munhu aifamba oga. Waimonereka nomumawere kusina vanhu, zvichiita kuti makororo aone nzvimbo dzakawanda dzokuhwanda.

15. Nei pasina aigona kutaura kuti kusakendenga kwomupristi nomuRevhi vomumufananidzo womuSamariya akanaka yaiva mhosva yokuti havanawo zvavaigona kuita?

15 Pane chimwezve chinokosha pamusoro pokutaura kwaJesu nezvomugwagwa ‘waibva Jerusarema uchidzika Jeriko.’ Maererano nenyaya yacho, kutanga mupristi aifambawo nomugwagwa iwoyo, kukazouyawo muRevhi—kunyange zvazvo pasina akamira kuti abatsire munhu akanga arandwa uyu. (Ruka 10:31, 32) Vapristi vaishanda patemberi muJerusarema, uye vaRevhi vaivabatsira. Vapristi nevaRevhi vakawanda vaigara muJeriko pavainge vasingashandi patemberi, nokuti Jeriko raingova makiromita 23 chete kubva kuJerusarema. Saka, hapana mubvunzo kuti vaimbopota vachifamba nomugwagwa iwoyo. Cherechedzawo kuti mupristi nomuRevhi vakanga vachifamba nomugwagwa ‘vachibva Jerusarema,’ kutemberi. * Saka hapana aigona kutaura kuti kusakendenga kwevarume ava yaiva mhosva yokuti havanawo zvavaigona kuita achiti, ‘Vakanyenyeredza murume akanga akuvara uyu nokuti aitaridzika kuva akanga afa, uye kubata chitunha kwaizodai kwakavaita kuti vave vasina kuchena kwechinguva zvokusagona kushanda patemberi.’ (Revhitiko 21:1; Numeri 19:11, 16) Hazvisi pachena here kuti mufananidzo waJesu wairatidza zvinhu zvaizivikanwa nevateereri vake?

Yaitorwa Pane Zvakasikwa

16. Nei zvisingashamisi kuti Jesu ainyatsoziva zvisikwa?

16 Mifananidzo inoverengeka yaJesu inoratidza kuziva kwake miti, mhuka, uye mamiriro okunze. (Mateu 6:26, 28-30; 16:2, 3) Akawanepi ruzivo irworwo? Paaikura muGarireya, hapana mubvunzo kuti aiva nomukana wakanaka wokuona zvisikwa zvaJehovha. Kupfuura izvozvo, Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvose,” uye Jehovha akamushandisa se“mhizha” pakusika zvinhu zvose. (VaKorose 1:15, 16; Zvirevo 8:30, 31) Saka zvinoshamisa here kuti Jesu ainyatsoziva zvisikwa? Ngationei kuti akashandisa sei ruzivo urwu nounyanzvi mukudzidzisa kwake.

17, 18. (a) Mashoko aJesu akanyorwa muchitsauko 10 chaJohani anoratidza sei kuti aiziva maitiro emakwai? (b) Vashanyi vokunyika dzinotaurwa muBhaibheri vakacherechedza chii pamusoro pokuwirirana kunoita vafudzi nemakwai avo?

17 Pakati pemifananidzo yaJesu inonyanya kuratidza kuva kwake norudo pane mumwe wakanyorwa muchitsauko 10 chaJohani, paanofananidza ukama hwake hwepedyo hwaanahwo nevateveri vake nehwomufudzi nemakwai ake. Mashoko aJesu anoratidza kuti ainyatsoziva maitiro emakwai anopfuyiwa. Akaratidza kuti makwai anobvuma kutungamirirwa, uye kuti anonyatsotevera mufudzi wawo. (Johani 10:2-4) Kuwirirana kunoshamisa kunoita vafudzi nemakwai kwakacherechedzwa nevakashanyira nyika dzinotaurwa muBhaibheri. Muzana remakore rechi19, muongorori wezvisikwa H. B. Tristram akati: “Ndakamboona mumwe mufudzi achitamba nemakwai ake. Aiedzesera kutiza; makwai aimudzingirira omukomba. . . Pakupedzisira makwai ose aiita denderedzwa, achisvetuka-svetuka akamukomba.”

18 Nei makwai achitevera mufudzi wawo? “Nokuti anoziva inzwi rake,” akadaro Jesu. (Johani 10:4) Makwai anonyatsoziva inzwi romufudzi wawo here? Achitaura zvaakazvionera oga, George A. Smith akanyora mubhuku rake rinonzi The Historical Geography of the Holy Land kuti: “Dzimwe nguva taizorora hedu masikati parutivi perimwe rematsime omuJudhiya, kwaiuya vafudzi vatatu kana vana nemakwai avo. Mapoka acho aivhengana, uye taishaya kuti zvino vafudzi ava vaizoaparadzanisa sei. Asi pashure pokunge apedza kunwa nokutamba, mumwe nomumwe wevafudzi vacho aienda kune rimwe divi rebani racho, uye mumwe nomumwe aiva nemadaidziro aaiita; uye makwai omumwe nomumwe aibuda muboka achienda kune mufudzi wao, uye mapoka acho aienda zvakarongeka sokuuya kwaakanga aita.” Ndiyo nzira yakanakisisa iyo Jesu aigona kubudisa nayo pachena zvaaida kutaura. Kana tichiziva uye tichiteerera dzidziso dzake uye tichitevera kutungamirira kwake, ipapo tinogona kuva pasi pokutarisira kune tsitsi norudo kwo“mufudzi akanaka kwazvo.”—Johani 10:11.

Yaitorwa Pazviitiko Zvaizivikanwa Nevateereri Vake

19. Kuti arambe pfungwa dzenhema, Jesu akashandisa sei zvinobatsira njodzi yakanga yaitika munzvimbo iyoyo?

19 Mifananidzo inoshanda inogona kuva iri zviitiko umo zvidzidzo zvinogona kutorwa. Pane chimwe chiitiko, Jesu akashandisa chiitiko chakanga chabva kuitika kuti arambe pfungwa yenhema yokuti njodzi inowira vakafanirwa nayo. Akati: “Vaya vane gumi nevasere vakawirwa neshongwe yeSiroami, ichibva yavauraya, munofunga kuti vakanzi vaiva nemhosva huru [vatadzi] here kupfuura vamwe vanhu vose vaigara muJerusarema?” (Ruka 13:4) Jesu akapikisa zvakasimba pfungwa yokufanotemerwa mugumo. Mweya gumi nemisere iyoyo haina kuparara nemhosva yechivi chakati chisina kufarirwa naMwari. Asi, kufa kwavo zvinorwadza kudaro kwakakonzerwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwa. (Muparidzi 9:11) Naizvozvo akaramba dzidziso yenhema nokutaura nezvechiitiko chaizivikanwa zvikuru nevateereri vake.

20, 21. (a) Nei vaFarise vakapa vadzidzi vaJesu mhosva? (b) Inhoroondo ipi yomuMagwaro yakashandiswa naJesu kuratidza kuti Jehovha haana kumbobvira ada kuti mutemo weSabata ushandiswe zvisingachinjiki? (c) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

20 Mukudzidzisa kwake, Jesu akataurawo mifananidzo yomuMagwaro. Imbofunga nezvenguva apo vaFarise vakashora vadzidzi vake nokuti vakanga vatora zviyo ndokuzvidya musi weSabata. Chaizvoizvo, vadzidzi vakanga vatyora, kwete Mutemo waMwari, asi kududzira kwakaoma uko vaFarise vaiita zvainzi ibasa risiri pamutemo paSabata. Kuti aenzanisire kuti Mwari haana kumbobvira aronga kushandiswa kwakaoma zvisina kufanira kudaro kwomutemo weSabata, Jesu akataura nezvechiitiko chakanyorwa pana 1 Samueri 21:3-6. Pavakanga vava nenzara, Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakamira patebhenekeri vakadya chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa kuti paiswe chimwe. Chingwa chainge chabviswa chaiwanzochengeterwa vapristi kuti vadye. Asi, mumamiriro ezvinhu aya, Dhavhidhi nevarume vaaiva navo havana kupiwa mhosva nokuchidya kwavakaita. Sezvineiwo, nhoroondo iyoyo ndiyo chete yakanyorwa muBhaibheri maererano nokushandiswa kwechingwa chainge chabviswa nevasiri vapristi. Jesu ainyatsoziva nyaya yakakodzera kushandisa, uye hapana mubvunzo kuti vateereri vake vechiJudha vaiiziva.—Mateu 12:1-8.

21 Chokwadi, Jesu aiva Mudzidzisi Mukuru! Tinongoshamiswa nemano ake asingaenzaniswi naani zvake okutaura chokwadi chinokosha nenzira yainzwisiswa nevateereri vake. Zvisinei, tingamutevedzera sei mukudzidzisa kwedu? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mifananidzo yaJesu yaiva nemarudzi akasiyana-siyana, kusanganisira mienzaniso, kuenzanisa, uye fananidzo. Anozivikanwa zvikuru nokushandisa kwaaiita mufananidzo, uyo unorondedzerwa se“nyaya pfupi, kazhinji yokungofunga mumusoro panogona kutorwa chokwadi chine chokuita netsika kana kuti nokunamata.”

^ ndima 15 Jerusarema raiva pakakwirira kupfuura Jeriko. Naizvozvo, kana achifamba ‘achibva Jerusarema kuenda Jeriko,’ sezvinotaurwa mumufananidzo wacho, mufambi aizova “achidzika.”

Unoyeuka Here?

• Nei Jesu aidzidzisa nemifananidzo?

• Muenzaniso upi unoratidza kuti Jesu aishandisa mifananidzo yaizivikanwa nevateereri vake vomuzana remakore rokutanga?

• Jesu akashandisa sei nounyanzvi ruzivo rwake rwezvisikwa mumifananidzo yake?

• Jesu akashandisa munzirai zviitiko zvaizivikanwa nevateereri vake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 15]

Jesu akataura nezvomuranda akaramba kukanganwira chikwereti chemadhinari mashomanana chete uye nezvababa vakakanganwira mwanakomana akanga apambadza nhaka yake yose

[Mufananidzo uri papeji 16]

Chii chairehwa nomufananidzo waJesu womuSamariya akanaka?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Makwai anonyatsoziva inzwi romufudzi wawo here?