Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Hapana Chandaizochinja!”

“Hapana Chandaizochinja!”

Nyaya Youpenyu

“Hapana Chandaizochinja!”

YAKATAURWA NAGLADYS ALLEN

Ndinombobvunzwa kuti, “Kudai waizotangisa patsva kurarama upenyu hwako, chii chawaizochinja?” Ndinogona kupindura zvechokwadi kuti, “Hapana chandaizochinja!” Regai nditsanangure kuti nei ndichidaro.

MUCHIRIMO cha1929, pandaiva nemakore maviri, chimwe chinhu chinofadza kwazvo chakaitika kuna baba vangu, Matthew Allen. Vakawana kabhuku kanonzi Millions Now Living Will Never Die!, kakabudiswa neInternational Bible Students, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Vangoverenga mapeji mashomanana vachinakidzwa, Baba vakadaidzira kuti, “Handisati ndamboverenga zvinhu zvakadai!”

Nguva pfupi pashure paizvozvo, Baba vakawana mamwe mabhuku eVadzidzi veBhaibheri. Havana kupedza nguva vasati vataurirawo vavakidzani vose zvavakanga vachidzidza. Zvisinei, munharaunda yedu yokumaruwa makanga musina ungano yeZvapupu zvaJehovha. Vachiziva kudiwa kwokugarosonganira nevamwe vaKristu, Baba vakatama nemhuri kuenda kuOrangeville, Ontario, Canada, muna 1935 nokuti ikoko kwaiva neungano.

Mumazuva iwayo, vana vakanga vasingagarokurudzirwi kupinda misangano yeungano; vaiwanzosara kunze vachitamba kusvikira vanhu vakuru vapedza. Izvi hazvina kufadza Baba. Vakafunga kuti, “Kana misangano yakandinakira, yakanakira vana vangu.” Saka kunyange zvazvo vakanga vachiri mutsva, Baba vakarayira hanzvadzi yangu Bob, vakoma vangu Ella naRuby, uye ini kubatana nevanhu vakuru pamisangano, uye ndizvo zvatakaita. Pasina nguva vana vezvimwe Zvapupu vakanga vava kupindawo. Kupinda misangano uye kupawo tsanangudzo zvakava zvinhu zvinokosha kwazvo muupenyu hwedu.

Baba vaida Bhaibheri, uye vaiva nenzira inonakidza yokuita mitambo yenyaya dzomuBhaibheri. Vachishandisa mitambo iyi, vakanyatsopinza mumwoyo yedu tichiri vaduku zvidzidzo zvinokosha zvandichiri kuyeuka zvikuru. Chimwe chandinoyeuka ndechokuti Jehovha anokomborera vaya vanomuteerera.

Baba vakatidzidzisawo kushandisa Bhaibheri kudzivirira kutenda kwedu. Taipota tichiita kari kamutambo. Baba vaigona kuti, “Ndinodavira kuti ndikafa ndichaenda kudenga. Zvino imi chindiratidzai tione kuti handiendiko.” Ini naRuby taitsvakurudza muconcordance kuti tiwane magwaro ataigona kushandisa kuratidza kuti dzidziso iyoyo ndeyenhema. Taverenga magwaro atainge taona, Baba vaizoti, “Hoo nhai, asi handisati ndagutsikana.” Saka taidzokerazve muconcordance iya. Izvi zvaiwanzotora maawa kusvikira Baba vagutsikana nemhinduro dzataivapa. Saka zvakaita kuti ini naRuby tinyatsoshongedzerwa kutsanangura zvatinodavira uye kudzivirira kutenda kwedu.

Kukunda Kutya Munhu

Pasinei nokurovedza kwakaisvonaka kwandaiitwa kumba nokumisangano yeungano, ndinobvuma kuti paiva nemamwe mativi echiKristu andaiona akaoma. Kufanana nevechiduku vakawanda, ndakanga ndisingafadzwi nokuva akasiyana nevamwe, kunyanya vandaidzidza navo mukirasi. Muedzo wokutanga-tanga wokutenda kwangu waiva nechokuita nechataidaidza kuti kufora nemashoko.

Pfungwa yacho yaiva yokuti boka rehama nehanzvadzi rifambe zvishoma nezvishoma richidzika nemigwagwa mikuru yomudhorobha rakatakura zvikwangani zvine mashoko. Vanhu vomudhorobha redu vanenge 3 000 vaizivana vose. Pane kumwe kufora kwatakamboita nemashoko, ndakanga ndichifambira kumucheto kwomutsetse ndakatakura chikwangwani chaiti “Chitendero Musungo uye Chinonyengera.” Vamwe vandaidzidza navo kuchikoro vakandiona vakabva vangoita mutsetse shure kwangu, vachiimba kuti “Mwari Ponesa Mambo.” Ndakaita sei? Ndakanyengetera zvinobva pamwoyo kuti ndiwane simba rokuenderera mberi. Patakazopedza kufora kwacho, ndakamhanyira kuImba yoUmambo kuti ndinodzorera chikwangwani changu ndoenda kumba. Zvisinei, aitarisira akandiudza kuti kumwe kufora kwakanga kwava kuda kutotanga uye vaida mumwezve munhu wokutakura chikwangwani. Saka ndakaendazve, ndichinyengetera zvakasimba kudarika pokutanga. Zvisinei, panguva iyi, vandaidzidza navo vakanga vaneta uye vaenda kumba. Minyengetero yangu yokukumbira simba yakava minyengetero yokuonga!—Zvirevo 3:5.

Vashumiri venguva yakazara vaigamuchirwa nguva dzose mumusha medu. Vaiva boka rinofara uye vainakidza kugara navo. Sezvandinoyeuka, vabereki vedu vaigarotiudza isu vana kuti ushumiri hwenguva yakazara ndiro basa rakanakisisa ringaitwa.

Ndichiita zvavaikurudzira, muna 1945, ndakatanga basa rangu roushumiri hwenguva yakazara. Gare gare ndakanoshanda nomukoma wangu Ella, uyo aipayona kuLondon, Ontario. Ikoko ndakaratidzwa rudzi rwoushumiri rwandakafunga kuti ndaisazokwanisa kuita. Hama dzaisienda patafura netafura mumabhawa eko dzichipa vatengi magazini eNharireyomurindi uye Consolation (yava Mukai!). Sezvineiwo, basa racho raiitwa masikati emisi yoMugovera, nokudaro ndaiva nevhiki yose yokunyengeterera ushingi hwokuenda! Aiwa, basa racho rakanga risiri nyore kwandiri, asi raikomborera.

Ukuwo, ndakadzidza nzira yokugovera nayo magazini chaiwo eConsolation aitaura nezvokutambudzwa kwehama dzedu mumisasa yevasungwa yeNazi, kunyanya ndichitaura nevazvinabhizimisi vanoremekedzwa vomuCanada, kusanganisira vakuru vakuru vemakambani makuru. Mumakore ose aya, ndakawana kuti Jehovha anogarotitsigira chero bedzi tichivimba naye kuti atipe simba. Sezvaiwanzotaurwa naBaba, Jehovha anokomborera vaya vanomuteerera.

Kupindura Chikumbiro Chokunoshanda kuQuebec

Musi waJuly 4, 1940, basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa muCanada. Gare gare, rakazotenderwa, asi takanga tichiri kutambudzwa mupurovinzi yeRoma Katurike yokuQuebec. Nhimbe chaiyo yaishandisa turakiti raiva nemashoko ane simba okuti Quebec’s Burning Hate for God and Christ and Freedom Is the Shame of All Canada [Kuvenga Kunoita Vanhu vomuQuebec Mwari naJesu Norusununguko Kunonyadzisa Canada Yose] yakaitwa kuti vanhu vazive nezvokubatwa zvisina kunaka kwaiitwa hama dzedu ikoko. Nathan H. Knorr, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akasangana nemazana emapiyona muguta reMontreal kuti atsanangure kuti zvatakanga tava kuda kuita zvaisanganisirei. Hama Knorr vakatiudza kuti kana tikabvuma kuita nhimbe yacho, taigona kutarisira kusungwa nokuiswa mujeri. Izvozvo zvakava zvechokwadi sei! Mukufamba kwenguva, ndakasungwa ka15. Pataibuda mubasa romumunda, taiva nechokwadi chokuti tatakura bhuracho remazino nekamu tichiitira kuti pamwe taizonorara mujeri usiku ihwohwo.

Pakutanga taiita basa rakawanda racho usiku kuitira kuti tiedze kuzvihwandisa sezvataigona. Ndaitakura maturakiti akati kuti mubhegi rangu randairembedza nomumutsipa mukati mebhachi rangu. Bhegi raiva rakazara maturakiti iri rakanga rakakura, richiita kuti ndiratidzike sendaiva nepamuviri. Izvozvo zvaindibatsira pandaikwira mumotokari inofamba panjanji izere vanhu kuenda kundima. Kakawanda varume vane mutsa vaisimuka vachipa mukadzi “ane pamuviri” chigaro.

Sezvo nguva yakafamba, takatanga kuita basa rokuparadzira maturakiti masikati. Taisiya maturakiti pamasuo matatu kana mana, uye taibva taenda kune imwe ndima. Kakawanda izvozvo zvakashanda. Zvisinei, kana mupristi womunharaunda aiziva kuti taiva munharaunda yacho, taibva taziva kuti tingangonetswa. Pane imwe nguva, mupristi akakurudzira chikwata chevanhu vakuru nevana 50 kana kuti 60 kutitema nemadomasi nemazai. Takanopotera mumba meimwe hanzvadzi yechiKristu, matakarara pauriri usiku ihwohwo.

KuQuebec kwaidiwa zvikuru mapiyona okuparidzira vanhu vaitaura chiFrench, saka muna December 1958, ini nomukoma wangu Ruby takatanga kudzidza mutauro wechiFrench. Pashure pacho takatumirwa kunoshanda munharaunda dzinoverengeka dzevanhu vanotaura chiFrench mupurovinzi yacho. Mugove mumwe nomumwe waiva nezvawo. Mune imwe nzvimbo, takaenda pasuo nesuo kwemaawa masere pazuva kwemakore maviri tisingawani anodavira! Vanhu vacho vaingouya pamusuo vovhara maketeni. Asi hatina kurega. Nhasi, mudhorobha iroro mune ungano mbiri dziri kubudirira.

Takatsigirwa naJehovha Munzira Iri Yose

Takawana mukana wokuva mapiyona chaiwo muna 1965. Pane mumwe mugove woupiyona chaihwo, takasvika pakunyatsonzwisisa zvinoreva mashoko aPauro akanyorwa pana 1 Timoti 6:8, anoti: “Kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” Taifanira kurarama nezvinhu zvishoma chaizvo kuti tisapererwa nemari. Saka taikamura mari yemafuta ehita, yerendi, magetsi, uye zvokudya. Zvose izvozvo zvaitwa, taiva nemapeni 25 ataigona kushandisa zvataida kwomwedzi wose.

Nemari shoma yataiva nayo, taingogona kubatidza hita mumba medu kwemaawa mashomanana usiku. Saka mukamuri redu rokurara makanga musingambodariki tembiricha ye15°C uye maiwanzotonhora zvikuru. Sezvineiwo, rimwe zuva mwanakomana womumwe wevaidzidza Bhaibheri naRuby akatishanyira. Anofanira kuve akaenda kumba akaudza amai vake kuti takanga tava kuoma nechando, nokuti zvadaro vakatanga kutitumira madhora gumi mwedzi mumwe nomumwe okutenga mafuta kuitira kuti tirege hita yakabatidzwa nguva dzose. Hatina kunzwa tichishayiwa zvinhu munzira ipi neipi. Takanga tisina kupfuma, asi nguva dzose taiva nezvinhu zvataida. Taiona chinhu chipi nechipi chaisara sechipo. Mashoko aPisarema 37:25 ndeechokwadi sei anoti: “Handina kutongoona wakarurama achisiyiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya”!

Pasinei nokushorwa kwataitarisana nako, ndakafara kuona vanhu vanoverengeka vandaidzidza navo Bhaibheri vachisvika pakuziva chokwadi. Vamwe vakatora basa roushumiri hwenguva yakazara, izvo zvakaita kuti ndifare kwazvo.

Kutarisana Nemiedzo Mitsva Zvinobudirira

Mugove wedu mutsva muna 1970 wakava kuCornwall, Ontario. Rinenge gore rimwe tasvika muCornwall, Amai vakarwara. Baba vakanga vafa muna 1957, uye ini nevakoma vangu vaviri taichinjana kutarisira Amai kusvikira vafa muna 1972. Vataishanda navo muupiyona chaihwo, Ella Lisitza naAnn Kowalenko vakatisimbisa nokutitsigira nenzira yorudo munguva iyi. Vaiitisa zvidzidzo zvedu zveBhaibheri nokuita mamwe mabasa pataive tisipo. Mashoko aZvirevo 18:24 ndeechokwadi sei, anoti: “Shamwari iriko inonamatira kupfuura hama”!

Zvechokwadi upenyu huzere nemiedzo. Nokutsigira kunoita Jehovha norudo, ndakakwanisa kutarisana nayo. Ndichiri kurarama upenyu hwomubasa renguva yakazara. Bob, uyo akafa muna 1993, akapedza makore anopfuura 20 ari mubasa roupiyona, kusanganisira makore gumi anokosha achipayona pamwe chete nomudzimai wake, Doll. Mukoma wangu Ella, uyo akafa muna October 1998, akapayona kwemakore anopfuura 30 uye nguva dzose aiva nechido chokupayona. Muna 1991 mumwe mukoma wangu, Ruby, akaonekwa kuti aiva nekenza. Kunyange zvakadaro, akashandisa simba shoma raaiva naro kuparidza mashoko akanaka. Aivawo munhu anotaura zvinosetsa kusvikira afa mamwe mangwanani, musi waSeptember 26, 1999. Kunyange zvazvo ndisisina vakoma vangu, ndine mhuri yevandinonamata navo yehama nehanzvadzi dzinondibatsira kuti ndigare ndichitaura nyaya dzinosetsa.

Pandinotarira shure muupenyu hwangu, chii chandaizochinja? Handina kumboroorwa, asi ndakakomborerwa nevabereki vane rudo, hanzvadzi, uye vakoma vakaisa chokwadi panzvimbo yokutanga muupenyu hwavo. Ndiri kutarisira kuzovaona vose nokukurumidza murumuko. Ndinogona kuona baba vangu vachindimbundira iye zvino uye ndinoona misodzi yaamai vangu sezvatinombundirana. Ella, Ruby, naBob vachava vachisvetuka nomufaro.

Panguva ino, ndinoda chose kuramba ndichishandisa utano nesimba zvandasara nazvo kurumbidza nokukudza Jehovha. Basa renguva yakazara roupiyona upenyu hwakaisvonaka, hunopa mubayiro. Zvakatoita sezvakataurwa nomunyori wepisarema nezvevaya vanofamba munzira dzaJehovha kuti: “Uchava mufaro, uye zvichava zvakanaka newe.”—Pisarema 128:1, 2.

[Mifananidzo iri papeji 26]

Baba vaida Bhaibheri. Vakatidzidzisa kurishandisa kudzivirira kutenda kwedu

[Mufananidzo uri papeji 28]

Kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi: Ruby, ini, Bob, Ella, Amai, uye Baba muna 1947

[Mufananidzo uri papeji 28]

Mutsetse wepamberi; kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi: Ini, Ruby, uye Ella pane imwe Kokorodzano Yoruwa, muna 1998