Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Hapana Mumwe Munhu Akambotaura Zvakafanana Neizvi”

“Hapana Mumwe Munhu Akambotaura Zvakafanana Neizvi”

“Hapana Mumwe Munhu Akambotaura Zvakafanana Neizvi”

“Vose vakatanga kumupupurira zvakanaka vachishamiswa nemashoko anofadza aibuda mumuromo make.”—RUKA 4:22.

1, 2. (a) Nei vakuru vanoshumira vakatumwa kunobata Jesu vakadzoka vakabata maoko? (b) Chii chinoratidza kuti vakuru vanoshumira havasirivo voga vakaororwa nokudzidzisa kwaJesu?

VAKURU vaishumira vakatadza kuita basa ravakanga vatumwa. Vakatumwa kuti vanobata Jesu Kristu, asi vakadzoka vakabata maoko. Vapristi vakuru nevaFarise vakabvunza chikonzero chacho vachiti: “Nei musina kuuya naye?” Chokwadiwo, nei vakuru vaishumira vasina kubata murume uyo aisazomboedza kurwisa? Vakuru vaishumira vacho vakatsanangura kuti: “Hapana mumwe munhu akambotaura zvakafanana neizvi.” Vakaororwa kwazvo nedzidziso dzaJesu zvokuti vakashaya simba rokusunga murume uyu akanga asingadi zvemheremhere. *Johani 7:32, 45, 46.

2 Vakuru vanoshumira ivavo havasirivo chete vakaororwa nedzidziso yaJesu. Bhaibheri rinotiudza kuti vanhu vaiuya vakawanda kuzongomunzwa achitaura. Vanhu vomudhorobha rokumusha kwake vakashamiswa “nemashoko anofadza aibuda mumuromo make.” (Ruka 4:22) Kanopfuura kamwe chete akataura ari muigwa nemapoka akakura akanga akaungana pamahombekombe eGungwa reGarireya. (Mako 3:9; 4:1; Ruka 5:1-3) Pane chimwe chiitiko, “boka guru revanhu” rakaramba riinaye kwemazuva, risina kana chokudya.—Mako 8:1, 2.

3. Ndechipi chaiva chikonzero chikuru nei Jesu aiva mudzidzisi akasiyana nevamwe?

3 Chii chakaita kuti Jesu ave mudzidzisi akasiyana nevamwe? Rudo ndicho chaiva chikonzero chikuru. * Jesu aida chokwadi chaaiudza vanhu, uye aida vanhu vaaidzidzisa. Asi Jesu aivawo nemano anoshamisa enzira dzokudzidzisa nadzo. Munyaya dzokudzidza dziri mumagazini ino, tichakurukura dzimwe nzira dzinoshanda dzaaishandisa uye kuti tingadzitevedzera sei.

Zviri Nyore uye Zvakajeka

4, 5. (a) Nei Jesu aishandisa mutauro uri nyore paaidzidzisa, uye chii chinofadza pakuita kwake kudaro? (b) Mharidzo yepaGomo muenzaniso sei wokudzidzisa zviri nyore kwaiitwa naJesu?

4 Hazvishamisi kuti vanhu vakadzidza chaizvo vashandise mutauro usinganzwisiswi nevateereri vavo. Asi kana tisingatauri zvinonzwisiswa nevamwe, vangabatsirwa sei noruzivo rwedu? Somudzidzisi, Jesu haana kumbotaura zvakanga zvisinganzwisiswi nevamwe. Fungidzira mashoko aaigona kudai akashandisa. Asi, pasinei noruzivo rwake rwakakura, akafunga nezvevateereri vake, kwete kuzvifunga iye pachake. Aiziva kuti vakawanda vavo vakanga vari “vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza.” (Mabasa 4:13) Kuti ataure navo, akashandisa mutauro uyo vanhu vakadaro vaigona kunzwisisa. Mashoko acho angave aiva nyore, asi chokwadi chaaitaura chakanga chakadzama.

5 Somuenzaniso, funga nezveMharidzo yepaGomo, yakanyorwa pana Mateu 5:3–7:27. Zvingava zvakatorera Jesu maminitsi 20 chete kukurukura mharidzo iyoyo. Asi zvainodzidzisa zvakadzama, nokuti inosvika panotangira zvinhu zvakadai soupombwe, kurambana, uye kudisisa zvinhu zvenyama. (Mateu 5:27-32; 6:19-34) Zvisinei, hapana mashoko akaoma kana kuti anoshamisira. Tingatoti, hapamborina kana shoko rimwe zvaro iro kunyange mwana angatadza kunzwisisa! Ndokusaka zvisingashamisi kuti paakapedza, boka guru revanhu—pamwe vaisanganisira varimi, vafudzi, nevaredzi vehove—ra“kashamiswa nemadzidzisire ake”!—Mateu 7:28.

6. Ipa muenzaniso wemashoko ari nyore akataurwa naJesu asi achireva zvakadzama.

6 Achiwanzoshandisa mashoko mapfupi akajeka, Jesu aitaura zvinhu zviri nyore asi zvichireva zvakadzama. Panguva iyo mabhuku akadhindwa akanga asati avapo, iye akanyora mashoko ake zvisingadzimiki papfungwa nemwoyo zvevateereri vake. Ona mimwe mienzaniso: “Hapana munhu anogona kushandira vatenzi vaviri; . . . hamungagoni kushandira Mwari uye Pfuma.” “Musatonga kuti murege kutongwa.” “Muchaziva vanhu ivavo nezvibereko zvavo.” “Vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda.” “Vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” * (Mateu 6:24; 7:1, 20; 9:12; 26:52; Mako 12:17; Mabasa 20:35) Nanhasi, makore anoda kusvika 2000 pashure pokunge ataurwa naJesu, mashoko iwayo ane simba ari nyore kuyeuka.

Kushandisa Mibvunzo

7. Jesu aibvunzirei mibvunzo?

7 Jesu akashandisa mibvunzo zvinoshamisa. Aiwanzodaro kunyange pazvingadai zvisina kutora nguva yakawanda kungoudza vateereri vake chinhu chacho. Saka aibvunzirei mibvunzo? Dzimwe nguva, aishandisa mibvunzo inobatsira kufunga kuti afumure vavariro dzevashori vake, nokudaro achivashayisa zvokutaura. (Mateu 12:24-30; 21:23-27; 22:41-46) Zvisinei, kakawanda Jesu aimbobvunza mibvunzo kuitira kuti agodzidzisa chokwadi, kuitira kuti vateereri vake vataure zvaiva pamwoyo yavo, uye kuti akurudzire nokurovedza vadzidzi vake kufunga. Ngationgorore mienzaniso miviri, yose ine chokuita nomuapostora Petro.

8, 9. Jesu akashandisa sei mibvunzo kubatsira Petro kusvika pamhinduro chaiyo panyaya yokubhadharwa kwomutero wetemberi?

8 Chokutanga, yeuka paye apo vateresi vakabvunza Petro kana Jesu aibhadhara mutero wetemberi. * Petro, uyo dzimwe nguva aingokurumidzira kuita zvinhu, akapindura kuti, “Hungu.” Zvisinei, nguva pfupi gare gare, Jesu akakurukura naye achiti: “‘Simoni, unofungei? Madzimambo apasi anogamuchira miripo kana mutero womunhu wose kuna vanaani? Kuvanakomana vavo here kana kuvaeni?’ Paakati: ‘Kuvaeni,’ Jesu akati kwaari: ‘Saka, vanakomana havateri.’” (Mateu 17:24-27) Petro anofanira kuva akajekerwa nezvaireva mibvunzo yaJesu. Nei zvakadaro?

9 Muzuva raJesu, vemhuri youmambo vaizivikanwa kuti havabhadhari mutero. Saka, zvaakanga ari Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMambo wokudenga ainamatwa patemberi yacho, Jesu aisafanira kubhadhara mutero. Cherechedza kuti pane kungoudza Petro mhinduro yakarurama, Jesu akashandisa mibvunzo zvinobatsira asi zvinyoronyoro kubatsira Petro kusvika pamhinduro chaiyo—uye zvichida kuti aone kudiwa kwokumbofungisisa asati ataura.

10, 11. Jesu akaita sei apo Petro akacheka nzeve yomumwe murume pausiku hwePaseka ya33 C.E., uye izvi zvinoratidza sei kuti Jesu ainzwisisa kukosha kwemibvunzo?

10 Muenzaniso wechipiri waiva wezvakaitika usiku hwePaseka ya33 C.E. pakauya mhomho yevanhu kuzosunga Jesu. Vadzidzi vakabvunza Jesu kana vaifanira kurwa vachimudzivirira. (Ruka 22:49) Asingamiriri mhinduro, Petro akacheka nzeve yomumwe wevarume vacho nebakatwa (kunyange kungava kuti zvimwe Petro aitoda kumukuvadza kupfuura apa). Petro akaita zvaipesana nokuda kwatenzi wake, nokuti Jesu akanga akanyatsogadzirira kuzvipa. Jesu akaita sei? Achiratidza mwoyo murefu senguva dzose, akabvunza Petro mibvunzo mitatu: “Kapu yandakapiwa naBaba, handitofaniri kuinwa here kana zvodini?” “Unofunga kuti handigoni kukumbira Baba vangu kuti vandigovere panguva ino mapoka makuru engirozi anopfuura gumi nemaviri here? Ipapo, Magwaro aizozadzika sei okuti zvinofanira kuitika saizvozvi?”—Johani 18:11; Mateu 26:52-54.

11 Chimbofunga nyaya iyoyo kwekanguva. Jesu, akakombwa nemhomho yevanhu vane hasha, aiziva kuti rufu rwake rwakanga rwava pedyo uye kuti ndiye aizoita kuti zita raBaba vake ritsveneswe uye vanhu vaponeswe. Asi, akatora nguva pakarepo yokupinza chokwadi chinokosha mupfungwa dzaPetro kuburikidza nemibvunzo. Hazvisi pachena here kuti Jesu ainzwisisa kukosha kwemibvunzo?

Gudziramukanwa Rakajeka

12, 13. (a) Gudziramukanwa chii? (b) Jesu akashandisa sei gudziramukanwa kusimbisa upenzi hwokutsoropodza tuzvikanganiso twehama dzedu?

12 Muushumiri hwake, Jesu aiwanzoshandisa imwezve nzira yokudzidzisa inobudirira—gudziramukanwa. Uku kutaura chimwe chinhu uchiwedzerera nechinangwa chokusimbisa. Negudziramukanwa, Jesu aiita kuti munhu ave nemifananidzo yezvinhu mupfungwa yaaisazombokanganwa. Ngatikurukurei mienzaniso mishomanana.

13 MuMharidzo yepaGomo, paaisimbisa kudiwa kwoku“satonga” vamwe, Jesu akati: “Ipapo, unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingafungi danda riri muziso rako?” (Mateu 7:1-3) Mupfungwa dzako, uri kuona zviri kuitika here? Mumwe munhu anongoda kutsoropodza vamwe anoti anoda kubvisa kabanzu zvako mu“ziso” rehama yake. Mutsoropodzi uyu anenge achiti hama yake yatadza kunyatsoona zvinhu zvakajeka kuti iite zvisarudzo zvakanaka. Asi kukwanisa kusarudza kwomutsoropodzi uyu pachake kunokanganiswa ne“danda”—chimuti kana kuti bango rinogona kushandiswa kutsigira denga remba. Iyi inzira isingambokanganwiki yokusimbisa upenzi hwokutsoropodza tuzvikanganiso twehama dzedu nepo isu tingadaro tiine zvikanganiso zvakakura pachedu!

14. Nei mashoko aJesu maererano nokumimina runyunyu nokumedza ngamera aive gudziramukanwa rine simba kwazvo?

14 Pane imwe nguva, Jesu akatuka vaFarise achiti, “vatungamiriri vakapofumara, vanomimina unyunyu asi vachimedza ngamera!” (Mateu 23:24) Uku kwaiva kushandisa gudziramukanwa kune simba zvikuru. Nei? Musiyano uri pakati porunyunyu nengamera, iyo yaiva imwe yemhuka huru kwazvo dzaizivikanwa nevateereri vaJesu, waishamisa. Zvinofungidzirwa kuti pangadiwa unyunyu hune mamiriyoni anosvika 70 kuti huenzane nouremu hwengamera yakakura zvine mwero! Uyezve, Jesu aiziva kuti vaFarise vaimimina waini nesefa yaigadzirwa nejira. Vanhu vaiomerera pamutemo ava vaiita izvozvo kuitira kuti vasamedza unyunyu, vachityira kuva vasina kuchena pamutemo. Asi, nenzira yokufananidzira vaimedza ngamera, iyo yaivawo isina kuchena. (Revhitiko 11:4, 21-24) Zvaitaura Jesu zvakanga zvakajeka. VaFarisi vainyatsotevedzera zvinhu zviduku-duku zvaidiwa noMutemo, asi vaisiya zvinhu zvakakosha zvacho—“kururamisira nengoni nokutendeka.” (Mateu 23:23) Chokwadi Jesu akanyatsofumura zvavaive chaizvo!

15. Ndezvipi zvimwe zvidzidzo zvakadzidziswa naJesu achishandisa gudziramukanwa?

15 Muushumiri hwake hwose, Jesu aiwanzoshandisa gudziramukanwa. Ona mimwe mienzaniso. “Kutenda kwakakura setsanga yemasitadhi” dukuduku kwaigona kubvisa gomo—hapana imwe nzira inoshanda zvikuru iyo Jesu angadai akawana yokusimbisa kuti kunyange kutenda kuduku kunogona kuita zvakawanda. (Mateu 17:20) Ngamera huru iri kuedza kuzvimanikidza kupinda nepaburi retsono yokusonesa—izvozvo zvinonyatsoratidza kuomerwa kungaita mupfumi anoedza kushumira Mwari uku akaomerera kuupenyu hwokudisisa zvinhu zvenyama! (Mateu 19:24) Haushamiswi here nematauriro okufananidzira aJesu akajeka nokukwanisa kwake kutaura zvinobatsira zvikuru achishandisa mashoko mashoma?

Zviri Pachena Zvisingarambiki

16. Jesu aigara achishandisa sei pfungwa dzake dzakapinza?

16 Nepfungwa dzake dzakakwana, Jesu aiva nyanzvi yokubatsira vanhu vaaitaura navo kufunga. Asi, haana kumboshandisa mano aya zvisina kufanira. Pakudzidzisa kwake, nguva dzose aishandisa pfungwa dzake dzakapinza kufambisira mberi chokwadi. Dzimwe nguva aishandisa pfungwa dziri pachena dzine simba kuti arambe pomero dzenhema dzevanhu vechitendero vaimushora. Nguva dzakawanda akabatsira vadzidzi vake kufunga kuti avadzidzise zvidzidzo zvinokosha. Ngatitarisei unyanzvi hwepamusoro hwaJesu hwokubatsira vanhu kufunga.

17, 18. Chii chakataurwa naJesu zviri pachena zvisingarambiki kuramba kupomera kwenhema kwevaFarise?

17 Funga paye pakarapa Jesu murume akanga akagarwa nedhimoni, uyo akanga ari bofu uye asingagoni kutaura. Pavakazvinzwa, vaFarise vakati: “Munhu uyu haadzingi madhimoni asi naBherizebhubhu chete [Satani], mutongi wemadhimoni.” Ona kuti vaFarise vakabvuma kuti paidiwa simba rinopfuura romunhu kudzinga madhimoni aSatani. Zvisinei, kuti varambidze vanhu kutenda muna Jesu, vakati simba rake raibva kuna Satani. Achiratidza kuti zvavaitaura vakanga vasina kunyatsozvifungisisa vakapedzeredza, Jesu akapindura kuti: “Umambo hwose hwakapesana pachahwo hunoparara, uye guta rose kana imba yakapesana pachayo haizomiri. Nenzira yakafanana, kana Satani achidzinga Satani, ava akapesana pachake; ipapoka, umambo hwake huchamira sei?” (Mateu 12:22-26) Zvakanga zvichitaura Jesu chaizvo ndezvokuti: ‘Kudai ndaiva mumiririri waSatani, sokutaura kwenyu, ndichikoromora zvakaitwa naSatani, ipapo Satani anenge achizvirwisa uye nokukurumidza achaparara.’ Uku ndiko kugona kushandisa pfungwa kune simba, handizvo here?

18 Ipapo Jesu akafungazve pamusoro penyaya iyi. Aiziva kuti vamwe vevaFarisi vakanga vambodzinga madhimoni. Saka akabvunza mubvunzo usina kuoma asi unopedza simba: “Zvakare, kana ndichidzinga madhimoni naBherizebhubhu, vanakomana venyu vanoadzinga nani?” (Mateu 12:27) Pfungwa yezvaitaurwa naJesu yaiva iyi: ‘Kana kuri kuti ini ndinodzinga madhimoni nesimba raSatani, saka vadzidzi venyu vanofanira kunge vachishandawo pasi pesimba iroro.’ VaFarisi vaizoti chii? Vaisazombobvuma kuti vadzidzi vavo vaishanda pasi pesimba raSatani. Nokutaura zviri pachena zvisingarambiki, Jesu akaita kuti kumupomera kwavo kuve upenzi.

19, 20. (a) Jesu akashandisa pfungwa munzira ipi inobatsira? (b) Jesu akashandisa sei kutaura kwokuti ‘zvikuru sei’ pakupindura chikumbiro chevadzidzi vake chokuvadzidzisa kunyengetera?

19 Kuwedzera pakushandisa pfungwa kuti ashayise vapikisi vake zvokutaura, Jesu akashandisawo mashoko ane musoro, okunyengetedza kuti adzidzise chokwadi chinokurudzira, uye chinofadza pamusoro paJehovha. Kakawanda, akashandisa kutaura kwokuti ‘zvikuru sei,’ achibatsira vateereri vake kuti vabve pachokwadi chavakajaira vachienda pane chimwe chokwadi chakatokura. Ngationgorore mienzaniso miviri chete.

20 Achipindura chikumbiro chevadzidzi vake chokuvadzidzisa nzira yokunyengetera nayo, Jesu akarondedzera mufananidzo womurume akazoita kuti shamwari yake yakanga isingadi kumubatsira izomupa zvaaikumbira pamusana po“kupfuurira kwake kwoushingi.” Jesu akatsanangurawo kuda kwevabereki kupa vana vavo “zvipo zvakanaka.” Ipapo akagumisa achiti: “Kana imi, kunyange makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba vari kudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira!” (Ruka 11:1-13) Apa Jesu akataura achiita zvokuratidza musiyano, kwete kufananidza. Kana shamwari isingadi kubatsira yaigona kupedzisira yanyengetedzwa kuita zvaidiwa nomuvakidzani wayo, uye kana vabereki vasina kukwana vachitarisira zvinodiwa nevana vavo, Baba vedu vane rudo vokudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei kuvashumiri vake vakavimbika vanonyengetera kwavari nokuzvininipisa!

21, 22. (a) Jesu akashandisa kutaura kwokuti chii paaipa zano panyaya yokubata nokufunganya nezvezvinhu zvokunyama? (b) Pashure pokuongorora shomanana dzenzira dzaJesu dzokudzidzisa nadzo, tinogona kuti kudii?

21 Jesu akashandisa kutaura kwakadaro paaipa zano panyaya yokubata nokufunganya nezvezvinhu zvokunyama. Akati: “Nyatsocherechedzai kuti makunguo haadyari mbeu kana kukohwa, uye haana tsapi kana dura, asi Mwari anoadyisa. Imi munokosha zvikuru sei kupfuura shiri? Nyatsocherechedzai kukura kunoita maruva; haashandi kana kuruka . . . Zvino, kana Mwari achipfekedza kudaro zvinomera zviri musango zviripo nhasi asi mangwana zvokandirwa muchoto, angatokupfekedzai zvikuru sei, imi mune kutenda kuduku!” (Ruka 12:24, 27, 28) Hungu, kana Jehovha achitarisira shiri nemaruva, achatarisira zvikuru sei vashumiri vake! Kubatsira kufunga zvinyoronyoro kwakadaro asi kune simba pasina mubvunzo kwakasvika pamwoyo yevateereri vaJesu.

22 Taongorora shomanana dzenzira dzaJesu dzokudzidzisa, tinogona kungoona kuti vakuru vanoshumira vaya vakatadza kumubata vakanga vasiri kumbowedzera pavakati: “Hapana mumwe munhu akambotaura zvakafanana neizvi.” Asi nzira yokudzidzisa nayo iyo Jesu zvichida anozivikanwa nayo zvakanakisisa ndeyokushandisa mienzaniso, kana kuti mifananidzo. Akashandisirei nzira iyi? Uye chii chakaita kuti mifananidzo yake ishande zvikuru? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Zvichida vakuru vanoshumira vaiva vamiririri veSanihedrini uye vaitungamirirwa nevapristi vakuru.

^ ndima 3 Ona nyaya dzinoti “Ndakuitirai Muenzaniso” uye ‘Rambai Muchinditevera,’ dziri mumagazini yeNharireyomurindi yaAugust 15, 2002.

^ ndima 6 Mashoko aya apedzisira kutaurwa, ayo anowanikwa pana Mabasa 20:35, anongodzokororwa nomuapostora Pauro chete, kunyange pfungwa yemashoko aya ichiwanikwa muEvhangeri. Pauro angave akaita zvokutaurirwa mashoko iwayo (pamwe nomudzidzi akanzwa Jesu achiataura kana kuti kubva kuna Jesu akanga amutswa) kana kuti akaazarurirwa naMwari.—Mabasa 22:6-15; 1 VaKorinde 15:6, 8.

^ ndima 8 VaJudha vainzi vabhadhare mutero wepagore wetemberi wemadhirakema maviri (unenge mubhadharo wemazuva maviri). Mutero wacho waishandiswa kubhadhara kugadziridzwa kwetemberi, basa raiitwa ipapo, uye zvibayiro zvaipiwa mazuva ose nokuda kworudzi rwacho.

Unoyeuka Here?

• Mienzaniso ipi inoratidza kuti Jesu aidzidzisa zviri nyore uye zvakajeka?

• Jesu aishandisirei mibvunzo mukudzidzisa kwake?

• Gudziramukanwa chii, uye Jesu akashandisa sei nzira iyi yokudzidzisa?

• Jesu akabatsira sei vadzidzi vake kufunga kuti avadzidzise chokwadi chinofadza pamusoro paJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Jesu akashandisa mutauro wakajeka uyo vanhuwo zvavo vaigona kunzwisisa

[Mufananidzo uri papeji 10]

VaFarisi ‘vaimimina runyunyu asi vachimedza ngamera’