Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Mudzidzisi Mukuru

Tevedzera Mudzidzisi Mukuru

Tevedzera Mudzidzisi Mukuru

“Naizvozvo endai muite vanhu . . . vadzidzi . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—MATEU 28:19, 20.

1, 2. (a) Neimwe nzira, tose tiri vadzidzisi sei? (b) Panyaya yokudzidzisa, vaKristu vechokwadi vane mutoro upi wakasiyana nowevamwe?

URI mudzidzisi here? Neimwe nzira, tose tiri vadzidzisi. Pose paunoratidza nzira munhu arasika, paunoratidza waunoshanda naye maitirwo erimwe basa, kana kuti paunotsanangurira mwana nzira yokusunga nayo tambo dzeshangu dzake, uri kudzidzisa. Kubatsira vamwe munzira dzakadaro kunogutsa chaizvo, handizvo here?

2 Panyaya yokudzidzisa, vaKristu vechokwadi vane mutoro wakasiyana nowevamwe. Tinorayirwa ‘kuita vanhu vadzidzi, tichivadzidzisa.’ (Mateu 28:19, 20) Muunganowo, tine mukana wokudzidzisa. Varume vanokwanisa vanogadzwa kuti vashumire se“vafudzi nevadzidzisi,” nepfungwa yokuvaka ungano. (VaEfeso 4:11-13) Mumabasa avo echiKristu ezuva nezuva, vakadzi vakuru vanofanira kuva “vadzidzisi vezvakanaka” kuvakadzi vaduku. (Tito 2:3-5) Tose zvedu tinonzi tikurudzire vatinonamata navo, uye tinogona kuteerera murayiro iwoyo nokushandisa Bhaibheri kuvaka vamwe. (1 VaTesaronika 5:11) Iropafadzo yakakura kwazvo kuva mudzidzisi weShoko raMwari uye kuudza vamwe zvinhu zvinokosha zvechiKristu zvinogona kubatsira kwenguva refu!

3. Tingavandudza sei kubudirira kwedu sevadzidzisi?

3 Zvisinei, tingavandudza sei kubudirira kwedu sevadzidzisi? Zvikurukuru, tinozviita nokutevedzera Mudzidzisi Mukuru, Jesu. ‘Asi tingatevedzera sei Jesu?’ mumwe munhu angabvunza kudaro. ‘Akanga akakwana.’ Chokwadi, hatingagoni kuva vadzidzisi vakakwana. Kunyange zvakadaro, pasinei zvapo nemano edu, tinogona kuita zvose zvatinogona kuti titevedzere nzira iyo Jesu akadzidzisa nayo. Ngatikurukure mashandisiro atingaita dzimwe nzira dzake ina dzaaishandisa—kutaura zviri nyore, mibvunzo inobatsira, kubatsira kufunga, uye mifananidzo yakakodzera.

Kutaura Zviri Nyore

4, 5. (a) Nei kutaura zviri nyore chiri chinhu chinokosha pachokwadi cheBhaibheri? (b) Kuti tidzidzise zviri nyore, nei zvichikosha kuti tingwarire mashoko atinoshandisa?

4 Chokwadi chinokosha cheShoko raMwari hachina kuoma. Mumunyengetero Jesu akati: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, . . . nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara mukazvizarurira vacheche.” (Mateu 11:25) Jehovha akaita kuti zvinangwa zvake zviziviswe kune vaya vane mwoyo yepachokwadi neinozvininipisa. (1 VaKorinde 1:26-28) Saka kutaura zviri nyore chinhu chinokosha pachokwadi cheBhaibheri.

5 Paunoitisa chidzidzo cheBhaibheri chepamusha kana kuti kudzokazve kune vanofarira, ungadzidzisa zviri nyore sei? Takadzidzei kuMudzidzisi Mukuru? Kuti akwanise kusvika pamwoyo yevateereri vake, vakawanda vavo vakanga vari “vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza,” Jesu akashandisa mutauro wakajeka uyo vaigona kubata. (Mabasa 4:13) Saka, kuti tidzidzise zviri nyore, chinhu chokutanga chatinofanira kuita kungwarira mashoko atinoshandisa. Hatifaniri kushandisa mashoko anoshamisira kuti tiite kuti vanhu vagutsikane zvikuru nechokwadi cheShoko raMwari. “Kutaura kwokunyanyisa” kwakadaro kunogona kuita kuti vanhu vatye, zvikurukuru vaya vasina kudzidza zvakanyanya kana kuti vane mano akaderera. (1 VaKorinde 2:1, 2) Muenzaniso waJesu unoratidza kuti mashoko ari nyore akanyatsosarudzwa anogona kubudisa chokwadi nesimba guru.

6. Tingaita sei kuti tisawanzire mudzidzi weBhaibheri mashoko?

6 Kuti tidzidzise zviri nyore, tinofanira kungwarirawo kuti tisawanzire mudzidzi weBhaibheri mashoko. Jesu aiziva kuti vadzidzi vake vakanga vaine zvavakanga vasingakwanisi. (Johani 16:12) Nesuwo tinofanira kufungawo mudzidzi. Somuenzaniso, pakuitisa chidzidzo mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, hatifaniri hedu kutsanangura zvose zvose. * Uyezve hatifaniri kumhanya, sokunge kuti kukurukura mashoko akawanda ndicho chinhu chinonyanya kukosha. Pane kudaro, kuchenjera kuona mashoko amunofanira kudzidza maererano nezvinodiwa nomudzidzi uye mano ake. Vavariro yedu ndeyokubatsira watiri kudzidza naye kuva mudzidzi waKristu uye munamati waJehovha. Tinoda kutora nguva yose inodiwa kuti tibatsire mudzidzi anofarira kunyatsobata zvaari kudzidza. Nokudaro, chokwadi chinogona kubata mwoyo wake chomuita kuti aite chiito.—VaRoma 12:2.

7. Mazanoi anogona kutibatsira kudzidzisa zviri nyore patinenge tichipa hurukuro muungano?

7 Patinopa hurukuro muungano, kunyanya kana paine vatsva muvateereri, tingataura sei mashoko a“nonzwisiswa zviri nyore”? (1 VaKorinde 14:9) Funga nezvemazano matatu anogona kubatsira. Rokutanga, tsanangura mashoko api neapi asina kujairwa aunoshandisa. Kunzwisisa kwedu Shoko raMwari kwakaita kuti tive nemashoko asina kujairwa nevanhu. Kana tikashandisa mashoko akadai seokuti “muranda akatendeka, akangwara,” “mamwe makwai,” uye “Bhabhironi Guru,” tingada kuatsanangura nemashoko ari nyore anoita kuti ajeke. Rechipiri, usawanza mashoko. Mashoko akawandisa, anotaurwa achinyanyotsanangurwa, angaita kuti vateereri vasafarire. Kubvisa mashoko asina kufanira kunoita kuti zvinhu zvijeke. Rechitatu, usaedze kukurukura zvinhu zvakawandisa. Kutsvakurudza kwedu kungaita kuti tiwane mashoko akawanda anonakidza. Asi zvakanakisisa kuronga mashoko acho kuita pfungwa huru shomanana, uchishandisa bedzi mashoko anotsigira pfungwa idzodzo uye anogona kutsanangurwa zvakajeka munguva yakagoverwa.

Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira

8, 9. Tingasarudza sei mubvunzo unopindirana nezvinofarirwa nasaimba? Ipa mienzaniso.

8 Yeuka kuti Jesu aiva nyanzvi yokushandisa mibvunzo yokuita kuti vadzidzi vake vataure zvavaifunga uye kuti avakurudzire nokuvarovedza kufunga. Nemibvunzo yake, Jesu akasvika pamwoyo yavo ndokuikurudzira zvinyoro-nyoro. (Mateu 16:13, 15; Johani 11:26) Isu tingashandisa sei mibvunzo zvinobudirira, sezvaiita Jesu?

9 Pakuparidza paimba neimba, tinogona kushandisa mibvunzo kuita kuti vanhu vafarire, tichigadzira nzira yokuti titaure nezvoUmambo hwaMwari. Tingasarudza sei mubvunzo unopindirana nezvinodiwa nasaimba? Cherechedza. Paunenge uchisvika pamba, cherechedza zvakapoteredza. Pane zvokutambisa here muchivanze, zvichiratidza kuti pamba pacho pane vana? Kana zvakadaro, tingabvunza kuti, ‘Makambofunga here kuti upenyu hwenyu huchange hwakadini kana vana venyu vakura?’ (Pisarema 37:10, 11) Pane kiyi dzakawanda here pamusuo wemberi, kana kuti pane gadziriro yokudzivirira here? Tinogona kubvunza kuti: ‘Munofunga kuti pachazombosvika nguva apo vanhu vakaita semi neni vachagona kunzwa vakasununguka mumusha medu uye mumugwagwa here?’ (Mika 4:3, 4) Pane chinoratidza kuti pane murwere here zvimwe anogara pawiricheya? Tingabvunza kuti: ‘Pachazombova nenguva apo munhu wose mupenyu achava noutano hwakanaka here?’ (Isaya 33:24) Mazano akawanda angawanikwa mubhuku raKurangarira muMagwaro. *

10. Tingashandisa sei mibvunzo ‘kuchera’ pfungwa nemanzwiro zvomwoyo womudzidzi weBhaibheri, asi chii chatinofanira kugara tichiziva?

10 Tingashandisa sei mibvunzo zvakanaka pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri? Kusiyana naJesu, hatigoni kuziva zviri pamwoyo. Zvisinei, mibvunzo younyanzvi uye yokunzwisisa inogona kutibatsira ‘kuchera’ pfungwa nemanzwiro zvomwoyo womudzidzi. (Zvirevo 20:5) Somuenzaniso, ngatiti tiri kudzidza chitsauko chinoti “Chikonzero Nei Kurarama Upenyu Hwoumwari Kuchiunza Mufarwa,” mubhuku raZivo. Chinotsanangura maonero anoita Mwari kusavimbika, ufeve, nedzimwe nhau. Mudzidzi angapindura mibvunzo yakadhindwa zvakarurama, asi anobvumirana here nezvaari kudzidza? Tingabvunza kuti: ‘Maonero anoita Mwari nhau dzakadai anoratidza kunzwisisa here kwamuri?’ Ungashandisa sei nheyo dzemitemo yeBhaibheri idzi muupenyu hwako?’ Kunyange zvakadaro, ramba uchiyeuka kuti unofanira kuremekedza mudzidzi uchimubata norukudzo. Hatingadi kubvunza mibvunzo inonyadzisa mudzidzi weBhaibheri.—Zvirevo 12:18.

11. Vakurukuri vehurukuro dzavose vangashandisa sei mibvunzo zvinobatsira?

11 Vakurukuri vehurukuro dzavose vanogonawo kushandisa mibvunzo zvinobatsira. Mibvunzo iya yatisingatarisiri vateereri vedu kupindura zvinonzwika—inogona kuvabatsira kufunga nokushandisa pfungwa. Jesu aishandisa mibvunzo yakadaro nguva nenguva. (Mateu 11:7-9) Kuwedzera pane izvi, pashure pemashoko okusuma, mukurukuri angashandisa mibvunzo kubudisa pachena pfungwa huru dzichakurukurwa. Anogona kuti: “Muhurukuro yedu nhasi, tichataura nezvemhinduro dzemibvunzo inotevera . . . ” Zvadaro, paanenge ava kupedza, anogona kubvunza mibvunzo iyoyo kuti adzokorore pfungwa huru.

12. Ipa muenzaniso wokuratidza kuti vakuru vechiKristu vangashandisa sei mibvunzo kubatsira vavanonamata navo kuwana nyaradzo muShoko raMwari.

12 Mubasa ravo rokufudza, vakuru vechiKristu vanogona kushandisa mibvunzo kubatsira ‘mweya wakaora mwoyo’ kuwana nyaradzo muShoko raJehovha. (1 VaTesaronika 5:14) Somuenzaniso, kubatsira munhu ari kunzwa akaora mwoyo, mukuru angaverenga Pisarema 34:18. Rinoti: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.” Kuti aone kuti akaora mwoyo aona mashandiro azvinoita kwaari pachake, mukuru angabvunza kuti: ‘Jehovha ari pedyo naani? Unombonzwa une “mwoyo wakaputsika” uye “mweya wakapwanyika” here? Kana Jehovha ari pedyo nevakadaro, sezvinotaura Bhaibheri, hazvirevi here kuti ari pedyo newe?’ Vimbiso younyoro yakadaro inogona kumutsazve mufaro womunhu akaora mwoyo.—Isaya 57:15.

Kubatsira Kufunga

13, 14. (a) Tingakurukura sei nomumwe munhu anoti haadaviri muna Mwari waasingaoni? (b) Nei tisingafaniri kutarisira kuti munhu wose achagutsikana?

13 Muushumiri hwedu, tinoda kusvika pamwoyo nokutaura zvine pfungwa, nokunyengetedza. (Mabasa 19:8; 28:23, 24) Zvinoreva here kuti tinofanira kudzidza kushandisa pfungwa zvakaoma kuitira kuti tiite kuti vanhu vagutsikane nechokwadi cheShoko raMwari? Kana. Kutaura kunonzwisisika hakufaniri hako kuva kwakaoma. Kutaura zvinhu zvine pfungwa nenzira iri nyore ndiko kunowanzoshanda zvikuru. Funga muenzaniso uyu.

14 Tingapindura sei apo mumwe munhu anoti haadaviri muna Mwari waasingaoni? Tinogona kumubatsira kufunga kuti hapana chinovapo pasina chakonzera. Patinoona chimwe chinhu, tinobvuma kuti panofanira kuva nechakachikonzera. Tinogona kutaura kuti: ‘Kudai waiva mune imwe nzvimbo isati yabudirira, wobva wasvika nepane imba yakavakwa zvakanaka ine zvokudya, waizobva wangobvuma kuti mumwe munhu akavaka imba iyoyo akazadza makabhati ayo nezvinhu. Saizvozvowo, patinoona zvinhu zvakarongeka zvakasikwa uye zvokudya zvakawanda zviri muma“kabhati” enyika, hazvina musoro here kubvuma kuti pane mumwe Munhu akazviita?’ Zvinotaurwa neBhaibheri zvinonyatsojekesa nyaya yacho: “Zvechokwadi, imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaHebheru 3:4) Zvisinei, pasinei nokuti zvatinotaura zvingava zvakanaka sei, haasi munhu wose achagutsikana. Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti ‘vanoda’ ndivo bedzi vachava vatendi.—Mabasa 13:48; 2 VaTesaronika 3:2.

15. Matauriroi atinogona kushandisa kujekesa unhu hwaJehovha nemaitiro ake ezvinhu, uye mienzaniso ipi miviri inoratidza mashandisiro atingaita matauriro akadaro?

15 Mukudzidzisa kwedu, mungava muushumiri kana kuti muungano, tinogona kutaura tichibatsira vanhu kufunga kuti vajekerwe neunhu hwaJehovha nemaitiro ake ezvinhu. Chimwe chinonyanya kushanda matauriro okuti ‘zvikuru sei’ aishandiswa naJesu nguva nenguva. (Ruka 11:13; 12:24) Kana achiratidza musiyano, matauriro akadai anogona kubatsira zvikuru. Kuti tibudise pachena kusava nomusoro kwedzidziso yemoto wehero, tingati: ‘Hapana baba vane rudo vangaranga mwana wavo nokupisa ruoko rwomwana wacho mumoto. Zvino pfungwa iyoyo yomoto wehero inofanira kuva inonyangadza zvikuru sei kuna Baba vedu vokudenga vane rudo!’ (Jeremia 7:31) Kuti tidzidzise kuti Jehovha ane hanya nomushumiri wake mumwe nomumwe, tinogona kuti: ‘Kana Jehovha achiziva imwe neimwe yemabhiriyoni enyeredzi nezita, anofanira kuva nehanya nevanhu vanomuda uye vakatengwa neropa rinokosha roMwanakomana wake zvikuru sei!’ (Isaya 40:26; Mabasa 20:28) Matauriro ane simba akadaro anogona kutibatsira kusvika pamwoyo yevamwe.

Mifananidzo Yakakodzera

16. Nei mifananidzo ichikosha pakudzidzisa?

16 Mifananidzo inobatsira inogona kuita kuti kudzidzisa kwedu kuti fadzei kune vamwe. Nei mifananidzo ichikosha pakudzidzisa? Mumwe mudzidzisi akati: “Kufunga pasina chinobatsira ndicho chimwe chezvinhu zvakaomesesa pazvose zvinoitwa nevanhu.” Mifananidzo inopinza mipikicha inoreva chimwe chinhu mupfungwa dzedu, ichitibatsira kubata pfungwa itsva zvakanyatsozara. Hapana aienzana naJesu pakushandisa kwake mifananidzo. (Mako 4:33, 34) Ngatione kuti tingashandisa sei nzira iyi yokudzidzisa.

17. Zvinhu zvipi zvina zvinoita kuti mufananidzo ubatsire?

17 Chii chinoita kuti mufananidzo ubatsire? Chokutanga, unofanira kukodzera vateereri vedu, uchishandisa mamiriro ezvinhu ayo vateereri vedu vanogona kukurumidza kunzwisisa. Tinoyeuka kuti Jesu aitora mifananidzo yake yakawanda muupenyu hwemazuva ose hwevateereri vake. Chechipiri, mufananidzo unofanira kuenderana zvinonzwisisika nepfungwa iri kuda kubudiswa. Kana chiri kuenzanisirwa nacho chacho chisina kukodzera, mufananidzo wacho ungatotsausa vateereri vedu. Chechitatu, mufananidzo haufaniri kuva nezvinhu zvakawandisa zvisina kufanira. Yeuka kuti Jesu akataura zvinhu chaizvo zvakanga zvakafanira asi akasiya zvakanga zvisingakoshi. Chechina, patinoshandisa mufananidzo, tinofanira kuva nechokwadi chokuti kushanda kwawo kwakajeka. Zvikasadaro, vamwe vangasanzwisisa zvauri kureva.

18. Tingafunga sei mifananidzo yakakodzera?

18 Tingafunga sei mifananidzo yakakodzera? Hatifaniri hedu kufunga nyaya refu, dzine zvakawanda. Mifananidzo mipfupi inogona kubatsira zvikuru. Ingoedza kufunga mienzaniso yepfungwa iri kukurukurwa. Somuenzaniso, ngatiti tiri kukurukura nyaya yokukanganwira kwaMwari, uye tinoda kuenzanisira pfungwa iri kutaurwa pana Mabasa 3:19, panoti Jehovha ‘anodzima’ zvikanganiso zvedu. Pfungwa yacho pachayo kutaura kwokufananidzira, asi muenzaniso upi chaiwo watingashandisa kutsanangura pfungwa yacho—jira here? kana kuti chinhu chokudzimisa nacho? Tingati: ‘Jehovha paanotikanganwira zvivi zvedu, anozvidzima sokuti ari kushandisa chipanji (kana kuti chokudzimisa).’ Zvakaoma kuti utadze kunzwisisa zvinoreva mufananidzo iwoyo uri nyore.

19, 20. (a) Tingawanepi mifananidzo yakanaka? (b) Ndeipi iri mimwe mienzaniso yemifananidzo inobatsira yakabudiswa mumabhuku edu? (Onawo bhokisi.)

19 Tingawanepi mifananidzo yakakodzera, kusanganisira mienzaniso youpenyu chaiyo? Itsvake muupenyu hwako pachako kana kuti muupenyu nezviitiko zvakasiyana-siyana zvevaunonamata navo. Mifananidzo inogona kusarudzwa kubva mune zvimwewo zvinhu zvakawanda kusanganisira zvinhu zvipenyu nezvisiri zvipenyu, midziyo yomumba, kana kuti chinhu chinonyatsozivikanwa chichangobva kuitika munharaunda. Chinhu chinokosha kuti uwane mifananidzo yakanaka kungwarira, ‘kunyatsocherechedza’ zvinhu zvemazuva ose zvakatipoteredza. (Mabasa 17:22, 23) Rimwe bhuku rinotaura nezvokukurukura hurukuro pachena rinotsanangura kuti: “Mukurukuri anocherechedza upenyu hwevanhu nemabasa avo akasiyana-siyana, anotaura nevanhu vemarudzi ose, anonyatsotarira zvinhu obvunza mibvunzo kusvikira azvinzwisisa, achawana zvinhu zvakawanda zvokuenzanisira nazvo zvichamubatsira zvikuru pazvinenge zvichidiwa.”

20 Pane rimwe tsime guru ratinogona kuwana mifananidzo inoshanda—Nharireyomurindi, Mukai!, nemamwe mabhuku anobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Unogona kudzidza zvakawanda nokucherechedza mashandisiro anoita mabhuku aya mifananidzo. * Somuenzaniso, tora mufananidzo unoshandiswa mundima 11 yechitsauko 17 mubhuku raZivo. Unoenzanisa kusiyana kwounhu hwevanhu vari muungano nemotokari dzakasiyana-siyana dziri kufamba pamwe chete newe mumugwagwa. Chii chinoita kuti ubatsire? Cherechedza kuti wakavakirwa pazvinhu zvemazuva ose, unonyatsoenderana nezviri kutaurwa, uye kushanda kwawo kwakajeka. Tinogona kushandisa mifananidzo yakabudiswa nesangano pakudzidzisa kwedu, zvichida tichiita kuti ienderane nezvinodiwa nomudzidzi wedu weBhaibheri kana kuti kuigadziridza kuti tiishandise muhurukuro.

21. Mibayiro ipi inobva pakuva mudzidzisi anobudirira weShoko raMwari?

21 Mibayiro yokuva mudzidzisi anobudirira yakakura. Patinodzidzisa, tinogovana nevamwe; tinopa zvimwe zvatinazvo kuti tibatsire vamwe. Kupa kwakadaro kunounza mufaro, nokuti Bhaibheri rinoti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” (Mabasa 20:35) Kuvadzidzisi veShoko raMwari, mufaro iwoyo ndewokuziva kuti tiri kupa chimwe chinhu choukoshi hwechokwadi uye chinogara nguva refu—chokwadi pamusoro paJehovha. Tinogonawo kunzwa kugutsikana kunobva pakuziva kuti tiri kutevedzera Mudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 9 Ona chikamu chinoti “Sumo Dzokushandisa Muushumiri Hwomumunda,” chiri pamapeji 9-14.—Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 20 Kuti uwane mienzaniso, ona Watch Tower Publications Index 1986-2000, pakanzi “Illustrations.”—Rakabudiswa mumitauro inoverengeka neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Tingadzidzisa sei zviri nyore patinoitisa chidzidzo cheBhaibheri chepamusha? pakupa hurukuro muungano?

• Tingashandisa sei mibvunzo zvinobudirira pakuparidza paimba neimba?

• Tingabatsira sei vanhu kufunga kuti tijekese unhu hwaJehovha nemaitiro ake ezvinhu?

• Tingawanepi mifananidzo yakakodzera?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]

Unoyeuka Mienzaniso Iyi Here?

Inotevera inongova mienzaniso mishomanana inobatsira. Wadii kutarira painobva wocherechedza kuti muenzaniso wacho wakabatsira sei kujekesa pfungwa yaikurukurwa?

• Kufanana nomushauri anoimba zvinopindirana nevaridzi vengoma, kana kuti varume vaviri vanokandirana zvidhina, mumwe ari murori mumwe ari pasi, vaya vanoda kuva nemhuri yakanaka vanovimba zvikuru nomurume kana mudzimai waanopindirana naye.Nharireyomurindi, May 15, 2001, peji 16.

• Kutaura manzwiro ako kwakaita sokukanda bhora. Unogona kurikanda zvinyoro-nyoro kana kuti unogona kurikanda nesimba zvokuti rinokuvadza.Mukai!, January 8, 2001, peji 10.

• Kudzidza kuratidza rudo kwakaita sokudzidza mutauro mutsva.Nharireyomurindi, February 15, 1999, mapeji 18, 22-3.

• Kufanana norunyoro rwakatemerwa mubwe, chivi chakatemerwa zvikuru mumavara anogarwa nhaka avabereki vedu vokutanga.Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, peji 58.

• Kuita zvemidzimu kunoitira madhimoni zvinoitira chiteyeso vavhimi. Kunokwezva vanhu.Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, peji 111.

• Mabatsiriro ayo Jesu anoita vazukuru vaAdhamu anogona kuenzaniswa nomubatsiri akapfuma anobhadhara chikwereti chekambani (chakakonzerwa namaneja asina kuvimbika) ovhurazve fekitari, nokudaro achibatsira vashandi vayo vakawanda.Nharireyomurindi, February 15, 1991, peji 13.

• Sezvo vanoda mifananidzo vachiita zvose zvavanogona kugadziridza chigadzirwa chakakanganiswa, Jehovha anogona kutarira seri kwokusakwana kwedu, oona zvakanaka zviri matiri, ozotidzorera pakukwana kwakaraswa naAdhamu.Nharireyomurindi, February 15, 1990, peji 22.

[Mifananidzo iri papeji 20]

VaKristu vechokwadi vadzidzisi veShoko raMwari

[Mufananidzo uri papeji 21]

Vakuru vanogona kushandisa mibvunzo kuti vabatsire vavanonamata navo kuwana nyaradzo muShoko raMwari