Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vavakidzani Vakanaka Chinhu Chakanaka

Vavakidzani Vakanaka Chinhu Chakanaka

Vavakidzani Vakanaka Chinhu Chakanaka

“Wokwako, uri pedyo, unopfuura munun’una uri kure.”—Zvirevo 27:10.

IMWE nyanzvi muzana remakore rokutanga C.E. yakabvunza Jesu kuti: “Chaizvoizvo muvakidzani wangu ndiani?” Achipindura, Jesu akaiudza, kwete kuti muvakidzani wayo ndiani, asi kuti chii chinoita kuti munhu ave muvakidzani chaiye. Pamwe unoziva muenzaniso wakashandiswa naJesu. Unozivikanwa nevakawanda somufananidzo womuSamariya akanaka uye wakanyorwa muEvhangeri yaRuka. Inzwa matauriro ayo Jesu akaita nyaya yacho:

“Mumwe murume akanga achibva Jerusarema achidzika Jeriko akawirwa nemakororo, ayo akamutorera zvose uye akamurova, akaenda, achimusiya ave kuda kufa. Zvino, sezvineiwo, mumwe mupristi akanga achidzika nomugwagwa iwoyo, asi, paakamuona, akapfuura nokune rumwe rutivi. Saizvozvowo, muRevhi, paakasvika panzvimbo yacho akamuona, akapfuura nokune rumwe rutivi. Asi mumwe muSamariya aifamba mumugwagwa wacho akasvika paaiva uye, achimuona, akasiririswa. Nokudaro akasvika paaiva akasunga maronda ake, achiadira mafuta newaini. Ipapo akamukwidza pachipfuwo chake akaenda naye kuimba yevanenge vari parwendo akamutarisira. Zuva rakatevera akabudisa madhinari maviri, akaapa kumuchengeti wemba yevanenge vari parwendo, akati, ‘Mutarisire, uye zvinhu zvose zvaunoshandisa kupfuura aya, ndichakuripira pandichazodzoka pano.’ Ndiani weava vatatu anoratidzika kwauri kuva akazviita muvakidzani womurume akawirwa nemakororo?”—Ruka 10:29-36.

Hapana mubvunzo kuti nyanzvi yacho yakanzwisisa chaitaurwa. Yakabva yangotaura zvakarurama akanga ari muvakidzani kumurume akanga akuvara, kuti: “Akamuitira ngoni.” Jesu akabva ati kwaari: “Enda unoita izvozvo iwewe.” (Ruka 10:37) Uyu muenzaniso une simba kwazvo unoratidza chinonzi muvakidzani chaiye! Mufananidzo wakataurwa naJesu ungatoitawo kuti tizvibvunze kuti: ‘Ndiri muvakidzani rudzii? Ndinosarudza vandingatora sevavakidzani zvichienderana nedzinza kana kuti rudzi rwandinobva kwarwuri here? Zvinhu zvakadaro zvinoita kuti ndisarudze munhu wandinoda kubatsira kana ndamuona ari mumatambudziko here? Ndinoita zvose zvandinogona kuti ndive muvakidzani akanaka here?’

Ndotangira Papi?

Kana tichinzwa kuti tinofanira kuvandudza panyaya iyi, tinofanira kutanga nemafungiro edu. Zvatinofanira kufunga nezvazvo ndezvokuva muvakidzani akanaka. Izvi zvinogonawo kubatsira kuti tive nevavakidzani vakanaka. Zvinenge zviuru zviviri zvemakore zvapfuura, Jesu akasimbisa chokwadi ichocho chinokosha choukama hwevanhu muMharidzo yake yepaGomo yakakurumbira. Akati: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Kubata vamwe noruremekedzo, chiremera, uye nomutsa kunovakurudzira kukubatawo saizvozvo.

Munyaya inoti “Kuda Muvakidzani Wako,” iri mumagazini inonzi The Nation Since 1865, mutori wenhau nomunyori Lise Funderburg akataura zvimwe zvinhu zviri nyore zvinogona kuitwa kuti pave nokuvakidzana kwakanaka. Akanyora kuti: “Ndinoda kuti . . . patinopindirana paratidzwe nezviito zviduku zvakawanda zvomutsa zviya zvinoitirana vavakidzani—kutorerana mapepanhau, kutarisirana vana, kutengerana chimwe chinhu kuchitoro. Ukama uhwu hwepedyo ndinohuda munyika ine vanhu vari kuramba vachiparadzana, ine nzanga dziri kunzwa dzisina kuchengeteka pamusana pokutya uye kuparwa kwemhosva.” Anobva awedzera kuti: “Pane paunofanira kutangira. Uye pangatova pamuvakidzani ari pedyo newe.”

Magazini inonzi Canadian Geographic yakataurawo chimwe chinhu chinobatsira vavakidzani kuti vaitirane zvakanaka. Munyori anonzi Marni Jackson akati: “Vavakidzani, kufanana nemhuri, vanhu vari muupenyu hwako vausingagoni kuita zvokusarudza nguva dzose. Ukama hwacho hunoda unyanzvi, kungwarira kwakati uye kushivirira.”

Vavakidzani Vakanaka—Vanhu Vanopa Vachida

Chokwadi, vakawanda vedu tinganzwa zvakaoma kutaura nevavakidzani. Zvingaita sezviri nyore zvikuru kusataura navo uye kungozvigarira kwedu toga. Zvisinei, Bhaibheri rinoti “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” (Mabasa 20:35) Naizvozvo, muvakidzani akanaka anoedza kuita zvaanogona kuti azivane nevanhu vakamupoteredza. Nepo asingadi hake kutanga ushamwari hwepedyo, anoedza chaizvo kutanga kurukurirano yakanaka nguva nenguva, zvichida achitanga nokunyemwerera kana kuti chiito choushamwari.

Sezvataurwa pamusoro apa, “zviito zviduku zvakawanda zvomutsa” izvo vavakidzani vanoitirana zvinokosha chaizvoizvo pakutanga nokuchengetedza ukama hwevavakidzani. Saka zvakanaka kutsvaka zviito zviduku zvomutsa zvaungaitira muvakidzani, nokuti izvi kakawanda zvichaita kuti pave nepfungwa yokushandira pamwe uye yokuremekedzana. Uyezve, nokuita kudaro, tichatevedzera murayiro weBhaibheri unoti: “Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.”—Zvirevo 3:27; Jakobho 2:14-17.

Vavakidzani Vakanaka—Vanhu Vanoonga Pavanopiwa Chinhu

Zvingava zvakanaka kana tikati munhu wose anoonga rubatsiro nezvipo zvaanopiwa. Zvisinei, izvi handizvo zvinoitika nguva dzose. Vanhu vakawanda pavanobatsirwa uye pavanopiwa zvipo zvomwoyo wose havamboongi, zvokuti munhu anopa nomwoyo wose angafunga kuti, ‘Handichazombofi ndakamupazve chimwe chinhu!’ Nguva nenguva, pose paunoedza kukwazisa uye kusimudzira vavakidzani vako ruoko nenzira youshamwari vanogona kungokupindura nomusoro zvisingabvi pamwoyo.

Asi, kakawanda kacho kunenge kusiri kuti mugamuchiri haasi kuonga, kunyange zvazvo angaratidzika seasingaongi nechokunze. Pamwe tsika dzokwake dzinomuita kuti azeze kana kuti ave nenyadzi zvomuita kuti aite nenzira yokurerutsa, inenge isina ushamwari. Ukuwo, munyika ino isingaongi, vamwe vanhu vangashamisika nokuda kwako kushamwaridzana navo, kana kuti vangatoti hameno zvauri kuvavarira. Vangada kukurudzirwa. Saka, kutanga ushamwari kungatora nguva uye kungada mwoyo murefu. Zvisinei, vavakidzani vanodzidza unyanzvi hwokuva vanhu vanopa vachida uye vanoonga pavanopiwa chinhu vachabatsira kuti munharaunda muve nokugarisana kune rugare nomufaro.

Panoitika Njodzi

Muvakidzani akanaka anonyanya kubatsira kana paitika njodzi. Panguva yenjodzi ndipo panooneka muvakidzani chaiye. Kune nyaya dzakawanda dzezviito zvomutsa zvakaitwa nevavakidzani munguva dzakadaro. Njodzi inoitika kuvanhu vakawanda inoita seinokurudzira vavakidzani kushandira pamwe vasina kukumbirwa uye kuti vashande nesimba vachibatsirana. Kunyange vaya vane maonero akasiyana kakawanda kacho vachashanda pamwe chete.

Somuenzaniso, The New York Times yakataura kuti pakaitika kudengenyeka kwenyika kwakaparadza zvinhu zvakawanda kuTurkey muna 1999, vaizivikanwa sevavengi vakabatana noushamwari. “Takadzidziswa kuvenga vanhu vokuTurkey kwemakore akawanda,” munyori wenyaya dzomupepanhau wechiGiriki Anna Stergiou akanyora kudaro mune rimwe pepanhau rokuAthens. “Asi hatifari nokurwadziwa kwavo kunodzimba mwoyo. Takarwadziwa mwoyo, takachema sezvinonzi ruvengo rwemakore nemakore rwakanga rwanyangarika nokungoona vana vakafa.” Apo basa rokununura rakanzi richimira, zvikwata zvokununura zvevaGiriki hazvina kuda kumira kutsvaka vakapukunyuka.

Kuita basa rokununura pashure pokuitika kwenjodzi chiito chakanaka uye chinoratidza kuva muvakidzani akashinga. Kunyange zvakadaro, kuponesa upenyu hwomuvakidzani nokumunyevera njodzi isati yaitika zvechokwadi kungaonekwa sechiito chomuvakidzani chinotonyanya kukosha. Zvinosiririsa kuti nhoroondo inoratidza kuti vaya vanonyevera vavakidzani vavo nezvenjodzi dzinenge dzichiuya havawanzofarirwi, sezvo panguva yokunyevera kwacho, njodzi iri kuda kuitika yacho inenge isati yava kuoneka. Vaya vanopa nyevero havawanzodavirwi. Zvinoda kuti vapi nevapi vanoedza kubatsira vanhu vasingazivi njodzi yavakatarisana nayo vatsungirire zvikuru uye vazvipire.

Basa Rakakura Kupfuura Ose Rinoratidza Muvakidzani Akanaka

Nhasi, chimwe chinhu chakakura zvikuru kupfuura njodzi dzinoitika dzoga chiri kuvinga vanhu. Chiito chakafanotaurwa chaMwari Wemasimba Ose chichabvisa kuparwa kwemhosva, uipi, nezvinetso zvazvinokonzera. (Zvakazarurwa 16:16; 21:3, 4) Chiitiko chakakura ichi hachisi chokungotaurawo, asi chinhu chaicho chichaitika! Zvapupu zvaJehovha zvinoda chaizvo kugovana nevanhu vakawanda sevanobvira zivo inodiwa kuti vapukunyuke chiitiko ichi chinozunguza nyika chava kuda kuitika. Ndicho chikonzero nei zvichishingaira chaizvo kuita basa razvo rinozivikanwa zvikuru rokuparidza pasi pose. (Mateu 24:14) Zvinoita izvi zvichida, pamusana pokuda kwazvo Mwari nomuvakidzani.

Naizvozvo, usarega kufungira zvakaipa kana kutsamwa kuchikutadzisa kuteerera apo Zvapupu zvinouya pasuo rako kana kuti pazvinosangana newe kune imwe nzvimbo. Zviri kuedza kuva vavakidzani vakanaka. Saka bvuma kana zvikati zvinoda kudzidza newe Bhaibheri. Dzidza nzira iyo Shoko raMwari rinotivimbisa nayo kuti kurarama kuchaita vavakidzani pamwe chete vachifara munguva yemberi kwava pedyo. Panguva iyoyo, hapana kusarurana pamusana pedzinza, chitendero, kana kuti chinzvimbo kuchaparadzazve kuwirirana uko vakawanda vedu tinoda chaizvo.

[Mifananidzo iri papeji 6, 7]

Zvakanaka kuita zviito zvomutsa munharaunda yako

[Kwazvakatorwa]

Globe: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.