Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vavakidzani Vose Vakaenda Kupi?

Vavakidzani Vose Vakaenda Kupi?

Vavakidzani Vose Vakaenda Kupi?

“Vanhu vemazuva ano havachina hanya nomuvakidzani.”—Benjamin Disraeli, mukuru mukuru wehurumende yeEngland womuzana remakore rechi19.

VANHU vokuCuba vari kukwegura vane nzira yavowo yokuita kuti vave noupenyu hwakanaka: zvikwata zvakabatana zveshamwari dzomunharaunda, kana kuti zvikwata zvavanambuya navanasekuru, sokudana kwavanozviita. Maererano nomushumo wa1997, anenge mukweguru mumwe pavashanu wokuCuba ari muzvikwata izvozvo, mavanowana shamwari, rutsigiro, uye ruyamuro runoshanda pakuchengetedza utano hwakanaka muupenyu. “Vanachiremba vemhuri dzomunharaunda pavanongoda kubatsirwa pakupa kurudziro yokubayiwa majekiseni,” inodaro magazini yeWorld-Health, ‘vanowana vanhu vanoda uye vanokwanisa kubatsira muzvikwata izvozvo zvavanambuya navanasekuru.’

Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti munzvimbo dzakawanda dzenyika, nharaunda dzakavakidzana hadzichina zvikwata zvakadaro zvine hanya. Somuenzaniso, funga chiitiko chinorwadza chaWolfgang Dircks, aigara mune chimwe chivako chemafurati kumadokero kweEurope. Makore anoverengeka apfuura, The Canberra Times yakashuma kuti kunyange mhuri 17 dzaigarawo muchivako chemafurati chaigarwa naWolfgang dzakanga dzisingachamuoni, “hapana akafunga kuridza bhero refurati yake.” Muridzi wemafurati paakazouya, “akaona mapfupa omunhu akafa akagara akatarisa terevhizheni.” Nechepachidya apa paiva nepurogiramu yeterevhizheni yaiva nomusi waDecember 5, 1993. Wolfgang akanga ava nemakore mashanu afa. Izvi zvinoratidza zvinosiririsa kwazvo kuti vavakidzani havachafarirani uye havasisina hanya nomumwe! Hazvishamisi kuti mumwe munyori wenyaya akataura muThe New York Times Magazine kuti nharaunda yake, kufanana nedzimwe dzakawanda, yakanga yazova “nzanga yevanhu vasingazivani.” Izvi ndizvo zvakaitawo nharaunda yako here?

Ichokwadi kuti dzimwe nharaunda dzokumaruwa dzichiri kunzwa dziine vavakidzani vechokwadi uye kuti dzimwe nzanga dzomumaguta dziri kushandira kuti dziratidze hanya muvakidzani. Kunyange zvakadaro, vakawanda vanogara mumaguta vanonzwa sokuti vakaparadzaniswa nevamwe uye vanotya munharaunda dzavo pachavo. Vanozviparadzanisa nevamwe vasingadi kuzivikanwa nevavakidzani vavo. Zvinodaro sei?

Kusada Kuzivikanwa

Ichokwadi kuti vakawanda vedu tine vavakidzani vanogara pedyo nesu. Chiedza cheterevhizheni chinoti n’ai n’ai, mimvuri inooneka pahwindo ichifamba-famba, magetsi anobatidzwa nokudzimwa, motokari dzinonzwika dzichiuya nokuenda, mitsimba yokufamba inonzwika mumakoridho, makiyi anokiyinura nokukiya misuo, zvose zviratidzo zvokuti vavakidzani vedu “vapenyu.” Zvisinei, pfungwa ipi neipi zvayo yokuva nehanya nomuvakidzani inopera apo vanhu vanogara pedyo nepedyo vanotadza kuzivana kana kuti vasingaonani pamusana poupenyu hwokumhanya-mhanya. Vanhu vangafunga kuti hapana chikonzero chokufunga nezvevavakidzani kana kunzwa vaine mutoro kwavari munzira ipi neipi. Pepanhau rokuAustralia rinonzi Herald Sun rinoti: “Vanhu havatombonyanyi kuzivikanwa munharaunda dzavo chaidzo, uye nokudaro havanyanyi kunzwa vaine mutoro pane vamwe vanhu. Iye zvino zvava nyore kufuratira kana kuti kusiyana nevanhu vasingafadzi munzanga.”

Izvi hazvishamisi. Munyika ine vanhu “vanozvida,” nharaunda dzakavakidzana dzava kukohwa migumisiro youpenyu hwokungozvifunga hunoitwa nevanhu vakawanda. (2 Timoti 3:2) Mugumisiro wacho kusurukirwa uye kunzwa wakaparadzaniswa nevamwe kwakapararira. Kunzwa wakaparadzaniswa nevamwe kunobereka kusavimba vamwe, kunyanya apo nharaunda inoramba ichitambura nemhirizhonga nokuparwa kwemhosva. Zvadaro, kusavimba vamwe kunoita kuti vanhu vasava netsitsi.

Chero mamiriro angave akaita zvinhu munharaunda yenyu, hapana mubvunzo kuti uchabvuma kuti vavakidzani vakanaka chinhu chakanaka munharaunda. Zvakawanda zvinoitwa kana vanhu vakashandira chinangwa chimwe chete. Vavakidzani vakanaka vanogonawo kuva chikomborero. Nyaya inotevera icharatidza kuti sei.