Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Anonditungamirira Kumvura Yakagadzikana”

“Anonditungamirira Kumvura Yakagadzikana”

“Anonditungamirira Kumvura Yakagadzikana”

MUNYIKA dzinopisa dzinotaurwa muBhaibheri, makwai anofanira kunwa mvura mazuva ose. Naizvozvo, rimwe rebasa rinokosha romufudzi nderokunwisa mvura boka rake remakwai. Dzimwe nguva vafudzi vanonwisa mapoka avo mvura yomutsime, vanodurura mvura yacho muzvinwiro kuitira kuti makwai anwe. (Genesi 29:1-3) Zvisinei, zvikurukuru mumwaka wokunaya kwemvura, nzvimbo yakapoteredza makoronga uye nzizi inogovera “mafuro manyoro” ane rugare.—Pisarema 23:2.

Mufudzi akanaka anofanira kuziva kwokuwana mvura uye mafuro akakodzera nokuda kweboka rake. Ruzivo rwake rwakadzama rwenzvimbo yacho runovimbisa kupona kwemakwai ake. Dhavhidhi, uyo akapedza makore akawanda achifudza makwai muzvikomo zveJudhiya, akaenzanisa nhungamiro yomudzimu yaMwari neyomufudzi anotungamirira makwai ake kumafuro akanaka uye kumvura inopa upenyu. “Anonditungamirira kumvura yakagadzikana,” akadaro Dhavhidhi maererano neimwe shanduro yeBhaibheri.—Pisarema 23:1-3, Bhaibheri Rinoera.

Makore akati gare gare, achishandisa muprofita wake Ezekieri, Jehovha akashandisa muenzaniso wakafanana. Akavimbisa kuunganidza vanhu vake kubva munyika dzavakanga vakapararira, somufudzi anounganidza makwai ake. “Ndichaa[unza] . . . kunyika yawo, ndichaafudza pamakomo aIsraeri, pahova,” akavavimbisa kudaro.—Ezekieri 34:13.

Jehovha Mwari anewo hanya zvikuru nokupa mvura yomudzimu. Bhuku raZvakazarurwa rinorondedzera “rwizi rwemvura youpenyu,” runoyerera ruchibva pachigaro chaMwari. (Zvakazarurwa 22:1) Vanhu vose vanokokwa kuzonwa murwizi urwu. “Wose anoda [anogona kutora] mvura youpenyu pachena.”—Zvakazarurwa 22:17.

Mvura youpenyu iyi yokufananidzira inomirira urongwa hwaMwari hwoupenyu husingaperi. Munhu wose anogona kutanga kunwa mvura iyoyo kuburikidza ‘nokupinza zivo pamusoro paMwari wechokwadi bedzi, neyowaakatuma, Jesu Kristu.’—Johani 17:3.