Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rambai Muchiita Zvinhu Zvamakadzidza

Rambai Muchiita Zvinhu Zvamakadzidza

Rambai Muchiita Zvinhu Zvamakadzidza

“Zvinhu zvamakadzidza nokugamuchira nokunzwa nokuona pamusoro pangu, itai izvi; uye Mwari worugare achava nemi.”—VAFIRIPI 4:9.

1, 2. Bhaibheri riri kuva nesimba muupenyu hwevanhu vanozviti ndevechitendero here? Tsanangura.

“CHITENDERO Chiri Kusimba, Asi Tsika Dziri Kupera Basa.” Musoro iwoyo waiva mugwaronhau rinonzi Emerging Trends, wakapfupikisa zvakabuda muongororo yenyika yose yakaitwa muUnited States. Zviri pachena kuti nyika iyoyo yawedzera vanhu vanoenda kuchechi uye vanoti chitendero chine nzvimbo inokosha muupenyu hwavo. Zvisinei, mushumo wacho unoti: “Pasinei nenhamba idzi dzakakura, vanhu vakawanda vokuAmerica vanonyatsoshaya chokwadi nekubatsirwa kunoitwa munhu mumwe nomumwe uye nzanga yose zvayo nokutenda muchitendero.”

2 Mamiriro ezvinhu aya haasingori enyika imwe chete. Pasi pose, vanhu vakawanda vanoti vanobvuma Bhaibheri uye vanonamata havasi kubvumira Magwaro kuva nesimba ripi neripi chairo muupenyu hwavo. (2 Timoti 3:5) “Tichiri kuremekedza Bhaibheri kwazvo,” akadaro mutungamiriri werimwe boka rokuongorora, “asi kana kuri kunyatsotora nguva tichiriverenga, kuridzidza nokurishandisa—chava chinhu chekare.”

3. (a) Bhaibheri rinobatsira sei vaya vanova vaKristu vechokwadi? (b) Vateveri vaJesu vanoshandisa sei zano raPauro rakanyorwa pana VaFiripi 4:9?

3 Zvisinei, izvozvo hazvisizvo zvakaita vaKristu vechokwadi. Kushandisa zano rinobva muShoko raMwari kwaita kuti kufunga kwavo nomufambiro zvichinje. Uye unhu hutsva hwavanoratidza hunokurumidza kuonekwa nevamwe. (VaKorose 3:5-10) Kuvateveri vaJesu, Bhaibheri harisi bhuku risingashandiswi rinongozara huruva riri pasherufu. Kusiyana neizvi, muapostora Pauro akaudza vaKristu vaiva muFiripi kuti: “Zvinhu zvamakadzidza nokugamuchira nokunzwa nokuona pamusoro pangu, itai izvi; uye Mwari worugare achava nemi.” (VaFiripi 4:9) VaKristu havangogamuchiri chokwadi cheShoko raMwari chete. Vanoita zvavanodzidza, vachiramba vachishandisa zano reBhaibheri—mumhuri, kubasa, muungano, uye pazvinhu zvose muupenyu.

4. Nei zvakaoma kushandisa mitemo yaMwari?

4 Kushandisa mitemo nenheyo dzemitemo yaMwari hakusi nyore. Tinorarama munyika iri pasi pesimba raSatani Dhiyabhorosi, uyo Bhaibheri rinodaidza kuti “mwari wegadziriro ino yezvinhu.” (2 VaKorinde 4:4; 1 Johani 5:19) Naizvozvo, zvinokosha kuti tingwarire chinhu chipi nechipi chinogona kutitadzisa kutevera nzira yokutendeka kuna Jehovha Mwari. Tingava sei vanhu vakatendeka?

Ramba Wakabata “Muenzaniso Wemashoko Anopa Utano”

5. Kutaura kwaJesu kwokuti: “Arambe achinditevera,” kunoratidzei?

5 Kuita zvatakadzidza kunosanganisira kusimudzira kunamata kwechokwadi nokuvimbika, pasinei nokushora kunoitwa nevasingatendi. Kuti titsungirire tinofanira kushanda nesimba. “Kana munhu achida kunditevera,” akadaro Jesu, “ngaazvirambe atore danda rake rokutambudzikira arambe achinditevera.” (Mateu 16:24) Jesu haana kuti tinofanira kumutevera kwevhiki imwe chete, mwedzi, kana kuti gore. Asi, akati “Arambe achinditevera.” Mashoko ake anoratidza kuti kuva kwedu vadzidzi hakugoni kuva kwechikamu chete choupenyu kana kuti kuzvipira kunopfuura, kunovapo nhasi uye mangwana hakupo. Kusimudzira kunamatwa kwechokwadi nokuvimbika kunoreva kuti tinotsungirira nokutendeka munzira yatasarudza, chero zvodini. Tingaita sei izvozvo?

6. Chii chiri muenzaniso wemashoko anopa utano uyo vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakadzidza kubva kuna Pauro?

6 Pauro akakurudzira waaishanda naye Timoti, kuti: “Ramba wakabata muenzaniso wemashoko anopa utano awakanzwa kwandiri nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu.” (2 Timoti 1:13) Pauro airevei? Shoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti “muenzaniso” chaizvoizvo rinotaura mitaro inotanga kunyorwa nomunyori wemifananidzo asati anyatsobudisa mufananidzo wacho sezvauri. Kunyange isina zvakawanda, mitaro iyoyo inonyatsoratidza munofanira kugumira mufananidzo wacho, zvokuti munhu anonzwisisa anogona kuona kuti mufananidzo wei. Saizvozvowo, muenzaniso wechokwadi uyo Pauro akadzidzisa Timoti nevamwe wakanga usina kugadzirirwa kupa mhinduro yakananga kumibvunzo yose ingafungwa nezvayo. Asi, bumbiro iri redzidziso rinopa nhungamiro yakakwana—sokunge kuti mitaro inoratidza matinofanira kugumira—zvokuti vane mwoyo yakatendeseka vanogona kunzwisisa zvinodiwa naJehovha kwavari. Chokwadi, kuti vafadze Mwari vanofanira kuramba vakabata muenzaniso iwoyo wechokwadi nokuita zvavakadzidza.

7. VaKristu vangaomerera sei kumuenzaniso wemashoko anopa utano?

7 Muzana remakore rokutanga, vanhu vakadai saHimeniyo, Arekizanda, naFiretusi vaisimudzira pfungwa dzakanga dzisingakodzerani no“muenzaniso wemashoko anopa utano.” (1 Timoti 1:18-20; 2 Timoti 2:16, 17) VaKristu vokutanga vaizodzivisa sei kutsauswa nevakaramba kutenda? Nokunyatsodzidza zvinyorwa zvakafuridzirwa nokuzvishandisa muupenyu. Vaya vaifamba maererano nomuenzaniso waPauro nevamwe vakanga vakatendeka vakakwanisa kuziva ndokuramba chinhu chipi nechipi chaisapindirana nomuenzaniso wechokwadi chavakanga vadzidziswa. (VaFiripi 3:17; VaHebheru 5:14) Pane kuva ne“pfungwa dzinorwarira mibvunzo nenharo pamusoro pemashoko,” vakaramba vachienderera mberi munzira yavo yakarurama yokuzvipira kuna Mwari. (1 Timoti 6:3-6) Tinoitawo saizvozvo patinoramba tichiita maererano nechokwadi chatakadzidza. Zvinosimbisa kutenda kwazvo kuona kuti mamiriyoni ari kushumira Jehovha pasi pose ari kuramba akabatisisa muenzaniso wechokwadi cheBhaibheri chaakadzidziswa.—1 VaTesaronika 1:2-5.

Ramba “Ngano”

8. (a) Satani anotsvaka kuparadza kutenda kwedu sei nhasi? (b) Inyeveroi yakapiwa naPauro inowanikwa pana 2 Timoti 4:3, 4?

8 Satani anoedza kuputsa kutendeka kwedu nokutiita kuti tisave nechokwadi nezvatakadzidziswa. Nhasi, somuzana remakore rokutanga, vakaramba kutenda uye vamwewo vanotsvaka kuputsa kutenda kwevasina mhosva. (VaGaratiya 2:4; 5:7, 8) Dzimwe nguva vanoshandisa zvinobudisa nhau kuparadzira mashoko asina kururama kana kuti nhema chaidzo maererano nenzira dzinoshandiswa nevanhu vaJehovha uye vavariro dzavo. Pauro akanyevera kuti vamwe vaizotsauswa kubva pachokwadi. Akanyora kuti: “Nokuti pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nokuda kwavo, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo; uye vacharamba kunzwa chokwadi, vachitendeukira kungano.”—2 Timoti 4:3, 4.

9. Pauro angave aifungei paakataura nezve“ngano”?

9 Pane kuramba vakabata muenzaniso wemashoko anopa utano, vamwe vakafadzwa ne“ngano.” Ngano idzi dzaiva dzipi? Pamwe Pauro aifunga nezvengano dzokufungidzira, dzakadai sedziya dzinowanikwa mubhuku reapokirifa raTobhiti. * Ngano dzingavawo dzaisanganisira runyerekupe runobata pfungwa uye rwokufungidzira. Uyewo, vamwe—“maererano nokuda kwavo”—vangave vakanyengedzwa nounyanzvi nevaya vaitsigira kuita madiro nemitemo yaMwari kana kuti vaishora vaya vaitungamirira muungano. (3 Johani 9, 10; Judha 4) Hazvinei nokuti zvipingamupinyi zvipi zvaivapo, zviri pachena kuti vamwe vakasarudza kuteerera nhema panzvimbo pechokwadi cheShoko raMwari. Nenguva isipi vakarega kuita zvinhu zvavakanga vadzidza, uye izvi zvakavakuvadza mumudzimu.—2 Petro 3:15, 16.

10. Ndedzipi dzimwe ngano dziriko mazuva ano, uye Johani akasimbisa sei kudiwa kwokungwarira?

10 Tinogona kurega kutendeukira kungano nhasi kana tichiongorora uye tichinyatsongwarira zvatinoteerera uye zvatinoverenga. Somuenzaniso, dzimwe nyaya dzinobudiswa dzinowanzokurudzira unzenza. Vanhu vakawanda vanokurudzira dzidziso yokuti Mwari haazivikanwi kana yokuti Mwari haako. Vaongorori vezvakanyorwa muBhaibheri vanoshora kutaura kweBhaibheri kuti rakafuridzirwa naMwari. Uye vanoramba kutenda mazuva ano vanoramba vachiedza kudyara mbeu dzokusava nechokwadi kuitira kuti vakanganise kutenda kwevaKristu. Nezvengozi yakafanana neiyi yaikonzerwa nevaprofita venhema muzana remakore rokutanga, muapostora Johani akanyevera kuti: “Vanodiwa, musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa, asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari, nokuti vaprofita venhema vakawanda vakabudira munyika.” (1 Johani 4:1) Saka tinofanira kungwarira.

11. Ndeipi imwe nzira yokuzviedza nayo kuti tione kana tiri mukutenda?

11 Maererano neizvi muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchiedza kana muri mukutenda.” (2 VaKorinde 13:5) Muapostora wacho akatikurudzira kuti tirambe tichizviedza kuti tione kana tiri kuomerera pazvitendero zvose zvechiKristu. Kana nzeve dzedu dzichiteerera vanonyunyuta, tinofanira kunyengetera patinozviongorora. (Pisarema 139:23, 24) Tinoedza kutsvakira vanhu vaJehovha mhosva here? Kana zvakadaro, nei tichidaro? Takamborwadziwa nemashoko kana zviito zvomumwe munhu here? Kana zvakadaro, tiri kuona zvinhu nenzira yakafanira here? Chero dambudziko ripi zvaro ratinotarisana naro munyika ino nderenguva duku. (2 VaKorinde 4:17) Kunyange tikatarisana nomuedzo muungano, tingaregererei kushumira Mwari? Kana pane chatitsamwisa, hazvisi nani here kuita zvose zvatinogona kuti tipedze nyaya yacho tobva taisiyira mumaoko aJehovha?—Pisarema 4:4; Zvirevo 3:5, 6; VaEfeso 4:26.

12. VaBheriya vakaratidza sei muenzaniso wakanaka?

12 Pane kutsoropodza, ngatirambei tichikoshesa mashoko atinowana patinodzidza tiri toga uye kumisangano yeungano. (1 VaKorinde 2:14, 15) Pane kupikisana neShoko raMwari, kungava kuchenjera kwakadini kuva nemaonero evaBheriya vomuzana rokutanga remakore vakanyatsoongorora Magwaro! (Mabasa 17:10, 11) Ipapo, ngatiitei zvatinodzidza, tichiramba nyaya dzenhema uye tiomerere kuchokwadi.

13. Tingava tichiparadzira nyaya dzenhema sei kunyange tisingazivi?

13 Pane rumwe rudzi rwengano dzatinofanira kuchenjerera. Ngano zhinji dzinonakidza dzinotumirwa nomutsamba dzomukombiyuta. Kuchenjera kungwarira ngano dzakadaro, kunyanya kana tisingazivi kwakatangira mashoko acho. Kunyange kana chiitiko kana nyaya yakatumirwa nomuKristu anoremekedzwa, nyakutumira iyeye angasava nemashoko akazara ezvakaitika. Ndosaka zvichikosha kuchenjerera kudzokorora kana kuti kupfuudza nyaya dzausina chokwadi nadzo. Chokwadi hatingadi kudzokorora “ngano dzisinei namwari,” kana kuti “nyaya dzenhema dzinoshatisa zvinhu zvitsvene.” (1 Timoti 4:7 New International Version) Sezvo tichifanira kutaurirana chokwadi, kuchenjera kusiyana nezvose zvingatiita kuti tiparadzire nhema kunyange tisingazivi.—VaEfeso 4:25.

Zvakanaka Zvinobva Pakuita Maererano Nechokwadi

14. Zvikomboreroi zvinobva pakuita zvinhu zvatakadzidza muShoko raMwari?

14 Kuita zvatinodzidza pakudzidza Bhaibheri tiri toga uye kumisangano yechiKristu kuchaunza zvikomborero zvakawanda. Somuenzaniso, tingawana kuti ukama hwedu nevaya vane ukama nesu mukutenda hunowedzera kunaka. (VaGaratiya 6:10) Tichachinja zvatiri, kuva vanhu vari nani patinoshandisa zviri muBhaibheri. (Pisarema 19:8) Uyezve kana tikashandisa zvatinodzidza ‘tinoshongedza dzidziso yaMwari’ uye zvingangoita kuti tikwezve vamwe kuti vauye kukunamata kwechokwadi.—Tito 2:6-10.

15. (a) Mumwe wechiduku akava sei noushingi hwokupupurira kuchikoro? (b) Wadzidzei pane zvakaitika izvi?

15 Pakati peZvapupu zvaJehovha pane vechiduku vakawanda vanoita zvinhu zvavakadzidza pakudzidza Bhaibheri nemabhuku echiKristu vari voga uye nokuva pamisangano yeungano nguva dzose. Mufambiro wavo wakanaka uchapupu hune simba kuvadzidzisi nevavanodzidza navo. (1 Petro 2:12) Imbofunga nezvaLeslie, musikana ane makore 13 uyo ari kuUnited States. Anobvuma kuti zvaiwanzomuomera kutaura nevaanodzidza navo pamusoro pechitendero chake, asi izvozvo zvakachinja rimwe zuva. “Kirasi yaikurukura nezvokuti vanhu vanoedza sei kukutengesera zvinhu. Mumwe musikana akasimudza ruoko ndokupa muenzaniso weZvapupu zvaJehovha.” Sechapupu, Leslie akaita sei? Anoti: “Ndakadzivirira chitendero changu, uye ndine chokwadi chokuti zvakashamisa vanhu vose, nokuti ndinowanzova akanyarara kwazvo muchikoro.” Ushingi hwaLeslie hwakaguma nei? “Ndakakwanisa kugovera bhurocha neturakiti kune mumwe mudzidzi, nokuti akanga ane mimwe mibvunzo,” anodaro Leslie. Izvi zvinofanira kufadza Jehovha apo vechiduku vanoita zvavakadzidza vova noushingi hwokupupurira kuchikoro!—Zvirevo 27:11; VaHebheru 6:10.

16. Chikoro chaMwari Choushumiri chakabatsira sei chimwe Chapupu chechiduku?

16 Mumwe muenzaniso ndowaElizabeth. Kutangira pamakore manomwe uye makore ose aaiva kupuraimari, musikana wechiduku uyu akakoka vadzidzisi vake kuImba yoUmambo pose paaiva nehurukuro muChikoro chaMwari Choushumiri. Kana mudzidzisi aikundikana kuuya, Elizabeth aimbosara chikoro chapera kuti akurukurire mudzidzisi hurukuro yacho. Mugore rake rokupedzisira kuSekondari, Elizabeth akanyora mushumo une mapeji gumi nezvokubatsira kunoita Chikoro chaMwari Choushumiri uye akataura izvi pamberi pevadzidzisi vana. Akakumbirwawo kuti azokurukura hurukuro yepaChikoro chaMwari Choushumiri yomuenzaniso, akabva asarudza musoro unoti “Nei Mwari Achibvumidza Uipi?” Elizabeth akabatsirwa nepurogiramu yokudzidzisa inoitwa neZvapupu zvaJehovha muChikoro chaMwari Choushumiri. Iye anongova mumwe wevaKristu vechiduku vakawanda vanounza rumbidzo kuna Jehovha nokuita zvinhu zvavakadzidza muShoko rake.

17, 18. (a) Bhaibheri rinopa zano rei pamusoro pokutendeseka? (b) Mumwe murume akanzwa sei nokutendeseka kwomumwe weZvapupu zvaJehovha?

17 Bhaibheri rinorayira vaKristu vose kuita zvinhu zvose nokutendeseka. (VaHebheru 13:18) Kusavimbika kunogona kuparadza ukama hwedu nevamwe, asi zvinotokosha zvikuru, naJehovha pachake. (Zvirevo 12:22) Mufambiro wedu wokuvimbika unopa uchapupu hwokuti tiri kuita zvinhu zvatakadzidza, uye wakaita kuti vanhu vakawanda varemekedze Zvapupu zvaJehovha.

18 Funga nezvezvakaitika kune mumwe murwi anonzi Phillip. Akakanganwa paakaisa cheki yakasainwa asi isina kunyorwa mari, uye haana kumbozviziva kutozosvikira yadzoswa kwaari iri mutsamba. Cheki iyi yakaonekwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha, uye katsamba kakanga kari pairi kaiti zvinotendwa neakanhonga cheki iyi ndizvo zvakamuita kuti aidzosere. Phillip akashaya romuromo. “Vangadai vakatsvaira mari yangu yose inokwana US$9 000 [Z$495 000]!” akadaro. Pane imwe nguva akanga amboora mwoyo pakabiwa ngowani yake muchechi. Sezviri pachena, munhu wokuziva akanga atora ngowani yake, asi zvino, munhu waasingazivi akanga adzorera cheki ine zviuru zvemadhora! Chokwadi, vaKristu vakatendeka vanoita kuti Jehovha Mwari akudzwe!

Rambai Muchiita Zvamakadzidza

19, 20. Tichabatsirwa sei nokuita maererano nezvinhu zviri muMagwaro zvatinodzidza?

19 Vaya vanoita zvavakadzidza muShoko raMwari vanobatsirwa nezvakawanda. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Iye anotarisisa mutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri, nokuti haana kuva munzwi anokanganwa, asi muiti webasa, munhu uyu, achafara pakuuita kwake.” (Jakobho 1:25) Hungu kana tikaita maererano nezvinhu zviri muMagwaro zvatinodzidza, tichava nomufaro wechokwadi uye tichakwanisa kutarisana nezvinonetsa muupenyu. Kupfuura zvimwe zvinhu zvose, tichakomborerwa naJehovha uye tichava netariro youpenyu husingaperi!—Zvirevo 10:22; 1 Timoti 6:6

20 Saka ramba uchishingirira kudzidza Shoko raMwari nepose paunogona napo. Ramba uchiungana nevanamati vaJehovha, uye nyatsoteerera zvinokurukurwa pamisangano yechiKristu. Shandisa zvaunodzidza, ramba uchizviita, uye “Mwari worugare achava” newe.—VaFiripi 4:9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Tobhiti, ringave rakanyorwa muzana remakore rechitatu B.C.E., rinosanganisira nyaya yakazara nokudavira mashura yomumwe muJudha ainzi Tobhiyasi. Ainzi aikwanisa kuva nemasimba okuporesa nokudzinga madhimoni achishandisa mwoyo, nduru, uye chiropa chehove hombe hombe.

Unoyeuka Here?

• “Muenzaniso wemashoko anopa utano” chii, uye tingaramba sei takaubata?

• I“ngano” dzipi dzatinofanira kuramba?

• Vaya vanoita zvinhu zvavanodzidza muShoko raMwari vanobatsirwa nei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

VaKristu vekare vaigona sei kunzvenga kutsauswa nevakaramba kutenda?

[Mifananidzo iri papeji 18]

Pfungwa dzokusava nechokwadi dzinogona kudyarwa nezvinobudisa nhau, neIndaneti, uye nevakaramba kutenda vemazuva ano

[Mufananidzo uri papeji 19]

Hakusi kuchenjera kufambisa mashoko atisina chokwadi nawo

[Mifananidzo iri papeji 20]

Kubasa, kuchikoro, nedzimwe nzvimbo, Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa zvazvinoverenga muShoko raMwari