“Ruponeso Runobva Kuna Jehovha”
“Ruponeso Runobva Kuna Jehovha”
PANGUVA yokuwirwa kwenyika nedambudziko uye yokusagadzikana kwenyika yose, vanhu vanotarisira hurumende yavo kuti ivadzivirire nokuvachengetedza. Ukuwo hurumende dzinowedzera urongwa hwakagadzirirwa kutsigira vanhu. Chido chokutsigira nyika pachinonyanya kusimbiswa nourongwa hwakadaro, zvinobva zvaita kuti mhemberero dzokutsigira nyika dziitwe nguva nenguva nechido chikuru.
Nyika painoda ruyamuro rwechimbi-chimbi, chido chokutsigira nyika chinowanzoita kuti vanhu vanzwe vakabatana uye vaine simba uye chingasimudzira kushandira pamwe uye kubatsirana. Zvisinei, “chido chokutsigira nyika chingangova nengozi sezvinoita manzwiro omunhu,” inodaro nyaya iri muThe New York Times Magazine, “nokuti kana kunzwa kwake kwaratidzwa kunogona kuva kwakaipa.” Maratidzirwe akwo angachinja kuva zviito zvinokanganisa rusununguko rwevamwe uye rwokunamata rwezvimwe zvizvarwa zvenyika yacho. VaKristu vechokwadi ndivo vanonyanya kuomerwa pakuti vasatevedzere zvavanodavira. Vanozvibata sei apo mamiriro ezvinhu akadaro anoputira nyika yakavapoteredza? Ndezvipi zviri muMagwaro zvinovabatsira kuita nokuchenjera uye kuramba vakatendeka kuna Mwari?
“Usapfugamira Izvozvo”
Pane dzimwe nguva kukwazisa mureza wenyika kunova chiratidzo chakapararira chechido chokutsigira nyika. Asi mireza inowanzova nezviratidzo zvezvinhu zviri mudenga, zvakadai senyeredzi, nezvinhuwo zviri pasi pano. Mwari akaratidza maonero ake pamusoro pokupfugamira zvinhu zvakadaro paakarayira vanhu vake kuti: “Usazviitira mufananidzo wakavezwa kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari ane godo.”—Eksodho 20:4, 5.
Kukwazisa kana kupfugamira mureza unomiririra Hurumende kunopesana chaizvoizvo nokuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari here? VaIsraeri vekare vaiva ne“zviratidzo,” kana kuti zvinhu zvinomiririra, paiunganira zvikamu zvendudzi dzavo nhatu murenje. (Numeri 2:1, 2) Ichitaura nezvemashoko echiHebheru anotaura zvaimiririra zvakadaro, Cyclopedia yaMcClintock naStrong inoti: “Zvisinei, hakuna nerimwe rawo, rinopa pfungwa yezvinorehwa neshoko rokuti ‘chinomiririra’ mupfungwa dzedu, ndiko kuti mureza.” Uyezve, zvaimiririra zvevaIsraeri zvakanga zvisingaonekwi sezvitsvene, uyewo zvaisashandiswa mumhemberero dzipi nedzipi. Zvaingoshandiswa sezviratidzo, zvichiratidza paifanira kuungana vanhu.
Mifananidzo yemakerubhi yaiva mutabhenekari uye mutemberi yaSoromoni chaizvoizvo yaifananidzira makerubhi okudenga. (Eksodho 25:18; 26:1, 31, 33; 1 Madzimambo 6:23, 28, 29; VaHebheru 9:23, 24) Chinoratidza kuti mifananidzo iyi yokugadzira yakanga isinganamatwi ndeichi, vanhuwo zvavo vaisamboiona uye ngirozi pachadzo hadzifaniri kunamatwa.—VaKorose 2:18; Zvakazarurwa 19:10; 22:8, 9.
Numeri 21:4-9; Johani 3:14, 15) Wakanga usinganamatwi kana kushandiswa nokuda kwokunamata. Zvisinei, mazana emakore pashure pemazuva aMosesi, vaIsraeri vakatanga kuita zvakaipa nokunamata mufananidzo iwoyo, kunyange kutopisira zvinonhuwira kwauri. Nokudaro, Mambo Hezekia weJudha akaita kuti uparadzwe.—2 Madzimambo 18:1-4.
Fungawo nezvomufananidzo wenyoka yemhangura wakagadzirwa nomuprofita Mosesi, pakumbozorora kwevaIsraeri murenje. Mufananidzo iwoyo, kana kuti chidhori, wakashanda sechiratidzo uye waiva nezvawaireva muuprofita. (Mireza yenyika inongova zviratidzo zvinobatsira here? Inomirirei? “Chiratidzo chikuru chokutenda simba renyika uye chinhu chikuru chinonamatwa ndiwo mureza,” akadaro munyori J. Paul Williams. The Encyclopedia Americana inoti: “Mureza, sezvakangoita muchinjikwa, unoyera.” Mureza ndicho chiratidzo cheHurumende. Saka, kuupfugamira kana kuukwazisa imhemberero yechitendero inopa rukudzo rwokunamata Hurumende. Muitiro wakadaro unoita kuti ruponeso ruite sorunobva kuHurumende uye hazvipindirani nezvinotaura Bhaibheri nezvokunamata zvidhori.
Magwaro anonyatsotaura kuti: “Ruponeso runobva kuna Jehovha.” (Pisarema 3:8) Ruponeso harufaniri kuonekwa sorunobva kumasangano evanhu kana kuti kuzviratidzo zvavo. Muapostora Pauro akarayira vamwe vake vechiKristu kuti: “Vanodiwa vangu, tizai kunamata zvidhori.” (1 VaKorinde 10:14) VaKristu vepakutanga havana kubatanidzwa mumiitiro yokunamata Hurumende. Mubhuku rinonzi Those About to Die, Daniel P. Mannix anoti: “VaKristu vairamba . . . kupira kumudzimu watateguru [weRoma]—zvingangove zvakafanana nokuramba kukwazisa mureza nhasi.” Ndizvowo zvinongoita vaKristu vechokwadi nhasi. Kuti vazvipire zvizere kuna Jehovha, vanoramba kukwazisa mureza wenyika ipi neipi. Nokuita kudaro, vanoisa Mwari pakutanga uku vachiramba vachiremekedza hurumende nevatongi vadzo. Chokwadi, vanoziva mutoro wavo wokuzviisa pasi “pevane simba zvikuru” vehurumende. (VaRoma 13:1-7) Zvisinei, Magwaro anotii nezvokuimba nziyo dzokutsigira nyika, dzakadai senziyo dzenyika imwe neimwe?
Nziyo Dzenyika Imwe Neimwe Chii?
“Nziyo dzenyika imwe neimwe kuratidzwa kwemanzwiro okutsigira nyika uye dzinowanzosanganisira kukumbira kutungamirira kwaMwari uye kudzivirirwa kwevanhu kana kuti vatongi,” inodaro The Encyclopedia Americana. Kutaura zvazviri, nziyo yenyika, rwiyo kana kuti munyengetero unoitirwa vanhu vomunyika iyoyo. Inowanzokumbira kuti vanhu vomunyika yacho vabudirire muzvinhu uye vagare nguva refu. VaKristu vechokwadi vanofanira kubatanidzwa muminyengetero yakadaro yokukumbira here?
Muprofita Jeremia akararama nevanhu vaiti vaishumira Mwari. Asi, Jehovha akamurayira kuti: “Chirega kunyengeterera vanhu ava, usadanidzira nokunyengetera nokuda kwavo, kana kuvakumbirira kwandiri; nokuti handingakunzwi.” (Jeremia 7:16; 11:14; 14:11) Nei Jeremia akapiwa murayiro uyu? Nokuti nzanga yavo yakanga yazara nokuba, kuponda, kuita upombwe, kupika nhema, uye kunamata zvidhori.—Jeremia 7:9.
Jesu Kristu akagadza muenzaniso paakati: “Ndinokumbirira, kwete nyika, asi vamakandipa.” (Johani 17:9) Magwaro anotaura kuti “nyika yose iri musimba rewakaipa” uye “iri kupfuura.” (1 Johani 2:17; 5:19) Saka, vaKristu vechokwadi vanganyatsonyengeterera sei kubudirira uye upenyu hurefu hwenyika yakadaro?
Zvechokwadi, hadzisi nziyo dzose dzenyika imwe neimwe dzinosanganisira zvikumbiro kuna Mwari. “Zviri munziyo dzenyika imwe neimwe zvinosiyana,” inodaro Encyclopædia Britannica, “kubvira pakunyengeterera mambo kusvika pakutaura zvisina kunanga nezvehondo dzinokosha dzenyika kana kumukira . . . kusvika kumashoko ane chokuita nechido chokutsigira nyika.” Asi vaya vanotsvaka kufadza Mwari vanofara here panoitwa hondo uye zvimurenga zvenyika ipi neipi? Nezvevanamati vechokwadi, Isaya 2:4) “Kunyange tichifamba munyama,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “hatirwi maererano nezvatiri panyama. Nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama.”—2 VaKorinde 10:3, 4.
Isaya akafanotaura kuti: “Vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti.” (Nziyo dzenyika imwe neimwe dzinowanzoratidza unhu hwokudada nenyika yako uye simba rayo pane dzimwe. Maonero akadai haatsigirwi muMagwaro. Muhurukuro yake ari paAreyopago, muapostora Pauro akati: “[Jehovha Mwari] akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe, kuti agare pamusoro pepasi rose.” (Mabasa 17:26) “Mwari haasaruri,” akadaro muapostora Petro, “asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.
Nechikonzero chokunzwisisa kwavo Bhaibheri, vakawanda vanozvisarudzira voga kuramba kubatanidzwa mukukwazisa mureza uye kuimba nziyo dzokutsigira nyika. Asi vanoita sei kana vangoerekana vasangana nemamiriro ezvinhu anoita kuti vave munhau dzakadai?
Ramba Asi Usingashori
Achiedza kusimbisa kubatana kwoumambo hwake, Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi rekare akamisa chifananidzo chihombe chendarama mubani reDhura. Akabva aronga mhemberero yetsauriro iyo akakoka machinda ake, varayiri, madzishe, vatongi, uye mamwe makurukota. Paizongonzwika mimhanzi, vose vaiva vakaungana vaifanira kuwira pasi vobva vanamata chifananidzo chacho. Pane vaifanira kuvapo paiva nevaHebheru vatatu vechiduku—Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego. Vakaratidza sei kuti vakanga vasingabatanidzwi mumhemberero iyi yokunamata? Mimhanzi payakatanga uye vose vakanga vakaungana pamberi pechifananidzo chacho pavakawira pasi, vaHebheru vatatu vakaramba vakamira.—Dhanieri 3:1-12.
Nhasi, mireza inowanzokwaziswa noruoko rwakatwasudzwa kana kuti rwakaiswa pahuma kana pamwoyo. Dzimwe nguva, pangadiwa kuti muviri uve nemamwe mamiriro akati. Mune dzimwe nyika, vana vechikoro vanotarisirwa kupfugama votsvoda mureza. Nokumira chinyararire vamwe vachikwazisa mureza, vaKristu
vechokwadi vanoratidza pachena kuti vacherechedzi vanoremekedza.Zvakadini kana mhemberero yomureza ichiitwa nenzira yokuti kungomira chete kunopa uchapupu hwokubatanidzwawo? Somuenzaniso, ngatiti mumwe mudzidzi wepachikoro anosarudzwa kumiririra chikoro chose uye anokwazisa mureza panze pabango rinoturikwa mureza vamwe vana vachitarisirwa kumira vakati twii mukirasi. Kungomira chete muchiitiko ichi kunoratidza kubvumirana nezviri kuitwa nomudzidzi ari panze seari kungomiririra vamwe mukukwazisa mureza. Saka kumira kwacho kwaizoratidza kubatanidzwa mumhemberero yacho. Kana izvi zvakadaro, vaya vanongoda kuva vacherechedzi vasingashori vaizoramba vakagara chinyararire. Asi zvakadini kana kirasi yacho yanga yakamira nechekare apo mhemberero yacho inotanga? Muchiitiko chakadai, hazvinganzi tabatanidzwa kana tikaramba takamira.
Ngatitii mumwe munhu haana kukumbirwa kukwazisa mureza asi kungoubata chete pangave pakufora kana kuti mukirasi kana chero imwe nzvimbo, kuitira kuti vamwe vaukwazise. Pane ‘kutiza kunamata zvidhori,’ sezvinorayirwa neMagwaro, izvi chaizvoizvo zvaizoreva kuva pakati chaipo pemhemberero yacho. Izvi zvinoshandawo pakufora mumhemberero dzokutsigira nyika. Nokuti kuita izvi kwaizoreva kutsigira chiri kukudzwa nevari kufora, vaKristu vechokwadi vakachenjerera vanoramba.
Panoimbwa nziyo dzenyika imwe neimwe, kazhinji chinoitwa nomunhu kuratidza kuti ari kubvumirana nemashoko orwiyo rwacho, kumira. Muzviitiko zvakadai, vaKristu vanoramba vakagara. Zvisinei, kana vanga vakatomira panotanga kuimbwa nziyo yenyika, hapana chikonzero chokuti vagare pasi. Vanenge vasina kuita sokunge vasimukira nziyo yenyika. Ukuwo, kana boka revanhu richitarisirwa kumira nokuimba, pakadai kumira nokuda kwokuremekedza asi kwete kuimba hakuzovi kubvumirana nemashoko orwiyo rwacho.
“Ivai Nehana Yakanaka”
Arondedzera kusabatsira kunoita zvinhu zvakagadzirwa nevanhu zvinonamatwa, munyori wepisarema akati: “Ivo vanozviita vachafanana nazvo; zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.” (Pisarema 115:4-8) Saka zviri pachena kuti basa ripi neripi rinosanganisira kugadzira zvakananga zvinhu zvinonamatwa, kusanganisira mireza yenyika, harina kukodzera vanamati vaJehovha. (1 Johani 5:21) Mamwe mamiriro ezvinhu angamuka kubasa uko vaKristu vanoratidza asi vasingashori, kuti havanamati mureza kana zvaunomirira asi Jehovha chete.
Somuenzaniso, mushandirwi angakumbira mushandi wake kuti akwidze nokudzikisa mureza pachivako. Kana munhu achizoita izvi kana kwete zvinotsamira pamaonero ake mamiriro acho ezvinhu. Kana kukwidza kana kudzikisa mureza kuri mhemberero chaiyo, paine vanhu vanenge vakamira kana kuti vachikwazisa mureza wacho, kuita izvi kunobva kwava kubatanidzwa mumhemberero yacho.
Ukuwo, kana pasina mhemberero pakuturikwa nokudzikiswa kwomureza, kuita izvi kwakangofanana nokuita mabasa akadai sokugadzirira chivako kuti chishandiswe, kukiinura nokukiya misuo, uye kuvhura nokuvhara mahwindo. Muzviitiko zvakadaro, mureza unenge uchingova chiratidzo cheHurumende, uye kuukwidza nokuudzikisa pakuitwa kwemamwe mabasa anogara achiitwa chisarudzo chomunhu nomunhu zvichibva pakuti hana yake yakadzidziswa Bhaibheri inotii. (VaGaratiya 6:5) Hana yomumwe ingaita kuti akumbire foromani wake kuti mumwe mushandi amise mureza nokuudzikisa. Mumwe muKristu anganzwa hana yake ichimutendera kubata mureza chero pasina mhemberero iri kuitwa. Chero zvinenge zvasarudzwa, vanamati vechokwadi vanofanira kuva “nehana yakanaka” pamberi paMwari.—1 Petro 3:16.
Hapana pazvinorambidzwa muMagwaro kushanda kana kuva muzvivako zvinoshandira vanhu vose, zvakadai semahofisi emanisiparati uye zvikoro, nzvimbo dzinomiswa mureza yenyika. Mureza ungaonekawo pazvitambi, pamarezinesi emotokari, kana pane zvimwe zvinhu zvakagadzirwa nehurumende. Kushandisa zvinhu zvakadaro pachakwo hakurevi kuti vanhu vanenge vabatanidzwa muzviito zvokunamata. Chinokosha pano hakusi kuvapo kwomureza kana chaunomiririra, asi zvinoitwa nomunhu kwauri.
Mireza inowanzoiswa pamahwindo, pamisuo, pamotokari, matafura, kana pazvimwe zvinhu. Zvipfeko zvakadhindwa mufananidzo womureza zvinogonawo kutengwa. Mune dzimwe nyika, hazvibvumirwi nomutemo kupfeka zvinhu zvakadaro. Kunyange kuita kudaro kusiri kuzotyora mutemo, kunoratidza ukama hworudzii hwomunhu nenyika? Nezvevateveri vake, Jesu Kristu akati: “Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johani 17:16) Mugumisiro wazvinoita pavamwe vatendi haufaniri kutorwa sousina basa. Zvingakuvadza hana dzevamwe here? Kutsunga kwavo kuramba vakasimba mukutenda kuchazununguswa here? Pauro akapa zano vaKristu kuti: “Muve nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe, kuti muve vasina chavanopomerwa uye musingagumburi vamwe.”—VaFiripi 1:10.
“Munyoro Kune Vose”
Mamiriro ezvinhu enyika zvaanoderera mu“nguva dzinonetsa,” chido chokutsigira nyika chingangowedzera. (2 Timoti 3:1) Vaya vanoda Mwari ngavasambokanganwa kuti ruponeso runobva kuna Jehovha chete. Ndiye akafanirwa nokuzvipira zvizere. Pavakakumbirwa kuita chimwe chinhu chaisapindirana nokuda kwaJehovha, vaapostora vaJesu vakati: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.
“Muranda waShe haafaniri kurwa,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “asi anofanira kuva munyoro kune vose.” (2 Timoti 2:24) Saka, vaKristu vanoedza kuva norugare, vanoremekedza, uye vanyoro sezvavanotsamira pahana yavo yakadzidziswa Bhaibheri mukuita zvisarudzo zvavo pachavo panyaya yokukwazisa mureza uye kuimba nziyo dzenyika nenyika.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vakashinga asi vasingashori, vaHebheru vatatu vakasarudza kufadza Mwari
[Mufananidzo uri papeji 24]
MuKristu anofanira kuita sei panenge pachiitwa mhemberero yokutsigira nyika?