Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vasande Vechokwadi Vanogona Kukubatsira Sei?

Vasande Vechokwadi Vanogona Kukubatsira Sei?

Vasande Vechokwadi Vanogona Kukubatsira Sei?

MUMAGWARO, shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “musande” mune dzimwe shanduro ringashandurwa kuti “mutsvene.” Shoko iri raishanda kuna ani? “Muuzhinji, rinoreva vatendi,” inodaro An Expository Dictionary of New Testament Words, “rinoreva vose vakadaro uye haringoshandisirwi vanhu vanonzi vatsvene zvikuru, kana vaya vaimboita mabasa aionekwa sematsvene zvikuru.”

Naizvozvo muapostora Pauro akaratidza kuti vaKristu vose vokutanga vaiva vasande vechokwadi, kana kuti vatsvene. Somuenzaniso, akanyora tsamba yake muzana remakore rokutanga C.E. “kuungano yaMwari iri muKorinde, pamwe nevatsvene vose vari [mupurovhinzi yeRoma] muAkaya yose.” (2 VaKorinde 1:1) Gare gare, Pauro akanyora tsamba “kuavo vose vari muRoma sevanodiwa vaMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene.” (VaRoma 1:7) Zviri pachena kuti vatsvene ava vakanga vasati vafa, uye kuti vakanga vasina kutsaurwa nechikonzero chokuita chimwe chinhu chakanaka kupfuura vamwe vatendi vose. Vaizonzi vasande pakudini?

Kuitwa Vatsvene naMwari

Shoko raMwari rinoratidza kuti munhu haaitwi musande nevanhu kana nesangano. Magwaro anoti: “[Mwari] akatiponesa akatidana nokudana kutsvene, kwete nemhaka yemabasa edu, asi nemhaka yokuda kwake uye nomutsa wake usina kufanirwa.” (2 Timoti 1:9) Mutsvene anoitwa mutsvene nokudanwa naJehovha, maererano nomutsa usina kufanirwa waMwari uye maererano nechinangwa Chake.

Vatsvene veungano yechiKristu inhengo dze“sungano itsva.” Ropa rakadeurwa raJesu Kristu rinosimbisa sungano iyi uye rinotsvenesa nhengo dzayo. (VaHebheru 9:15; 10:29; 13:20, 24) Vacheneswa mukuona kwaMwari, vanova ‘upristi hutsvene uye vanopa zvibayiro zvomudzimu zvakanaka kuna Mwari nomuna Jesu Kristu.’—1 Petro 2:5, 9.

Kukumbira Rubatsiro uye Kurevererwa Nevatsvene

Paine kudavira kwokuti “vasande” vanogona kupa vatendi rimwe simba rakati, mamiriyoni anovanamata achishandisa zvinhu zvavo kana kuvakumbira kuva varevereri. Iyi idzidziso yeBhaibheri here? Mumharidzo yepaGomo, Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanofanira kutaura naMwari sei, achiti: “Ipapo, munofanira kunyengetera kudai: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.’” (Mateu 6:9) Minyengetero inotaurwa zvakakodzera kuna Jehovha Mwari oga.

Vachiedza kutsigira kureverera kwe“vasande,” vamwe vafundisi vanoshandisa VaRoma 15:30, patinoverenga kuti: “Ndinokurayirai, hama, nokunaShe wedu Jesu Kristu uye norudo rwomudzimu, kuti muzvishandise nesimba pamwe neni muminyengetero kuna Mwari nokuda kwangu.” Pauro aikurudzira here vatendi ivavo kunyengetera kwaari kana kushandisa zita rake kuti vataure naMwari? Kwete. Kunyange minyengetero inoitirwa vasande vechokwadi, kana vatsvene, ichikurudzirwa muBhaibheri, hapana patinorayirwa naMwari kunyengetera kune kana kuburikidza nevatsvene vakadaro.—VaFiripi 1:1, 3, 4.

Zvisinei, Mwari akagadza Murevereri weminyengetero yedu. “Ndini nzira nechokwadi noupenyu,” akadaro Jesu Kristu. “Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” Jesu akatiwo: “Zvose zvamunokumbira muzita rangu, ndichazviita, kuti Baba vapiwe mbiri nokuMwanakomana. Kana mukakumbira chimwe chinhu muzita rangu, ndichachiita.” (Johani 14:6, 13, 14) Tinogona kuva nechivimbo kuti Jehovha anoda kunzwa minyengetero inopiwa kuburikidza nezita raJesu. NezvaJesu, Bhaibheri rinoti: “Anokwanisawo kuponesa zvakakwana vanosvika Mwari nekwaari, nokuti anogara ari mupenyu kuti avakumbirire.”—VaHebheru 7:25.

Kana Jesu achida kutireverera, nei “vasande” vachiwanzokumbirwa mumunyengetero nevanamati vari muchiKristudhomu? Mubhuku rake rinonzi The Age of Faith, munyori wenhau dzakaitika Will Durant anoratidza pakatangira tsika iyi. Anotaura kuti Wemasimba Ose aityiwa uye Jesu aiita seanotaurika naye nyore, Durant anobva ati: “Asi hapana aiva noushingi hwokutaura na[Jesu] chiso nechiso iye amborega zvachose kushandisa zviri muMharidzo yake yepaGomo. Zvaiita sezvine ungwaru kunyengetera kuburikidza nokumusande akatenderwa ari kudenga, uye kukumbira kureverera kwake kuna Kristu.” Kuzvidya mwoyo uku kwakarurama here?

Bhaibheri rinotidzidzisa kuti kuburikidza naJesu tinogona kuva no‘rusununguko rwokutaura nokusvika nechivimbo’ mumunyengetero kuna Mwari. (VaEfeso 3:11, 12) Mwari Wemasimba ose haasi kure kure nevanhu zvokusakwanisa kunzwa minyengetero yedu. Munyori wepisarema Dhavhidhi akanyengetera nechivimbo kuti: “Imi vokunzwa munyengetero, vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.” (Pisarema 65:2) Pane kuti ape simba nezvinhu zve“vasande” vakafa, Jehovha anodurura mudzimu mutsvene wake pane vanoukumbira mukutenda. Jesu akati: “Kana imi, kunyange makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba vari kudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira!”—Ruka 11:13.

Basa Revatsvene

Vatsvene vainyorerwa tsamba naPauro vakafa mazana emakore apfuura uye, nokufamba kwenguva vaizogamuchira “korona youpenyu,” kumutsirwa kudenga. (Zvakazarurwa 2:10) Vanamati vaJehovha Mwari vanoziva kuti kunamata vasande ivava vechokwadi hakusi kwepaMagwaro uye hakugoni kudzivirira pazvirwere, panjodzi dzinongoitika dzoga, pakusagadzikana kwoupfumi, pakukwegura, kana kuti kufa. Saka, ungabvunza kuti, ‘Vatsvene vaMwari vane hanya chaizvoizvo nesu here? Tinofanira kutarisira kuti vatimiririre here?’

Vatsvene vanotaurwa chaizvo muuprofita hwakanyorwa naDhanieri. Muzana remakore rechitanhatu B.C.E., akaona zvinhu zvaifadza, zvine kuzadzika kunosvika muzuva redu. Mugungwa makabuda zvikara zvinotyisa zvina zvinomirira hurumende dzevanhu, dzisingakwanisi kugutsa zvinodiwa nevanhu. Dhanieri akabva aprofita kuti: “Asi vatsvene voWokumusoro-soro vachapiwa ushe, ushe huchava hwavo nokusingaperi-peri.”—Dhanieri 7:17, 18.

Pauro akataura nezve‘nhaka iyi yevatsvene,’ yokuva vadyi nhaka pamwe chete naKristu mudenga. (VaEfeso 1:18-21) Ropa raJesu rakazarurira vatsvene vanosvika 144 000 nzira yokumutsirwa kumbiri yokudenga. Muapostora Johani akazivisa kuti: “Munhu ane mugove pakumuka kwokutanga anofara uye mutsvene; rufu rwechipiri haruna simba pane ivava, asi vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye samadzimambo kwemakore ane chiuru.” (Zvakazarurwa 20:4, 6; 14:1, 3) Mune zvaakaratidzwa, Johani akanzwa boka rezvisikwa zvokudenga richiimba pamberi paJesu ane mbiri richiti: “Neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva mudzinza rose nendimi nevanhu norudzi, uye makavaita kuti vave umambo nevapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga samadzimambo pamusoro pepasi.” (Zvakazarurwa 5:9, 10) Izvi zvinokurudzira kwazvo! Jehovha Mwari pachake akanyatsosarudza varume nevakadzi ivava. Uyezve, vakashumira pasi pano nokutendeka, nokusangana nezvinetso zvose zvinosangana nevanhu. (1 VaKorinde 10:13) Naizvozvo, tinogona kuva nechivimbo kuti vatsvene vakamutswa ava, kana kuti vasande, vachava vatongi vane ngoni uye vanonzwisisa, vachifungawo nezvezvatinokundikana uye zvatisingagoni.

Zvikomborero Mukutonga kwoUmambo

Hurumende yoUmambo ichakurumidza kubvisa uipi hwose nokutambura zviri pasi pano. Panguva iyoyo, vanhu vachaswedera pedyo naMwari zvisina kumbobvira zvaitika. Johani akanyora kuti: “Naizvozvo ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarira! Tende raMwari rine vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari pachake achava navo.’” Ichaunza zvikomborero zvakawanda kuvanhu, nokuti uprofita hwacho hunopfuurira kuti: “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Iyoyo ichava nguva inofadza kwazvo! Migumisiro yokutonga kwakakwana kwaKristu Jesu uye kwevatsvene vanosvika 144 000 inorondedzerwazve pana Mika 4:3, 4: “[Jehovha] achatonga pakati pamarudzi mazhinji, acharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Asi mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.”

Vatsvene ndivo vanokoka vanhu kuuya kuzowana zvikomborero zvakadaro. Vachifananidzirwa nemwenga, vasande vechokwadi vanoramba vachiti: “Uya!” Mashoko acho anopfuurira kuti: “Uye munhu wose anonzwa ngaati: ‘Uya!’ Uye wose anonzwa nyota ngaauye; wose anoda ngaatore mvura youpenyu pachena.” (Zvakazarurwa 22:17) “Mvura youpenyu inosanganisirei”? Pakati pezvimwe zvacho, pane zivo yakarurama yezvinangwa zvaMwari. Achinyengetera kuna Mwari, Jesu akati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Zivo iyi inowanika nokudzidza Bhaibheri nguva dzose. Tinofara kwazvo kuti kuburikidza neShoko raMwari tinogona kunzwisisa zvakaita vatsvene vechokwadi uye kudzidza kushandiswa kwavachaitwa naye kubatsira vanhu nokusingaperi!

[Mufananidzo uri papeji 4]

Pauro akanyorera tsamba vasande vechokwadi

[Mufananidzo uri papeji 4, 5]

Vaapostora vakavimbika vaJesu vakava vasande vechokwadi, kana kuti vatsvene

[Mufananidzo uri papeji 6]

Tinogona kunyengetera nechivimbo kuna Mwari kuburikidza naJesu Kristu

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vasande kana kuti vatsvene vanenge vamutswa, vachava vatongi vane tsitsi panyika