Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku Vanozorodza Sedova

Vechiduku Vanozorodza Sedova

“Uyai Kwandiri, . . . Uye Ndichakuzorodzai”

Vechiduku Vanozorodza Sedova

PASINA mubvunzo Jesu aisanganisirawo vateveri vake vechiduku paakati: “Uyai kwandiri, . . . uye ndichakuzorodzai.” (Mateu 11:28) Vanhu pavakatanga kuendesa vana vavo kwaari, vadzidzi vake vakaedza kuvadzivisa. Asi Jesu akati: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedze kuvadzivisa.” Jesu akato‘fungatira vana vacho mumaoko ake akatanga kuvakomborera.’ (Mako 10:14-16) Hazvina mubvunzo kuti Jesu aikoshesa vechiduku.

Bhaibheri rinotaura nezvemajaya akatendeka nemhandara, uyewo pwere nevana vaduku, vakava mienzaniso yakaisvonaka mukushumira Mwari. Ma“jaya” anozorodza sedova akafanotaurwa mubhuku rePisarema. Rinotiudzawo nezve“majaya” ne“mhandara” vanorumbidza zita raJehovha.—Pisarema 110:3; 148:12, 13.

Nzvimbo Inoita Kuti Vechiduku Vabudirire

Fananidzo yedova yakakodzera, sezvo dova riine chokuita nokuwanda uye zvikomborero. (Genesi 27:28) Dova rakanyorovera uye rinozorodza. Munguva ino yokuvapo kwaKristu, vaKristu vechiduku vanouya nokuzvidira muchiverengero chikuru. Kungofanana nedova rinozorodza, majaya akawanda nemhandara vanoshumira Jehovha nomufaro uye vanobatsira vavanonamata navo.—Pisarema 71:17.

VaKristu vechiduku havangokurudziri vamwe chete, ivowo vanokurudzirwa mubasa ravo. Sangano raMwari rinopa mhoteredzo ingaita kuti vabudirire. Majaya nemhandara vane ukama hwepedyo naMwari vaine tsika dzakanaka. (Pisarema 119:9) Muungano, vanoitawo mabasa akanaka uye vanowana shamwari dzakanaka—zvinhu zvinowedzera kuti pave noupenyu hunogutsa uye hune zvahunoreva.

‘Zvinosimbisa uye Zvinozorodza’

VaKristu vechiduku pachavo vanonzwa se“dova” here? Inzwa Tania, mukadzi wechiduku anoshanda zvikuru neungano uye anopa nomufaro maawa anodarika 70 pamwedzi muushumiri. Anonzwa sei? “Ndinonzwa ndasimbiswa uye ndakurudzirwa,” anodaro. “Kushamwaridzana naJehovha nesangano rake repasi muupenyu hwangu kwave kuchindi‘simbisa uye kuchindizorodza.’”—Zvirevo 3:8.

Ariel, mumwe mushumiri wechiduku wenguva yakazara, anoonga zvokudya zvokumudzimu zvaanowana muungano. “Pandinoenda kumisangano yechiKristu, kukokorodzano, nokumagungano uye pandinokwanisa kudyira patafura yaJehovha yokunamata, zvechokwadi ndinosimbiswa mumudzimu,” anodaro. “Uye zvinondikurudzira kuziva kuti munyika yose, ndine vamwe vandinoshanda navo.” Achirondedzera kunobva kusimbisa uku, anoti: “Zvinosimbisa kushamwaridzana naJehovha, kunyanya pandinonzwa kana kuti pandinoona migumisiro yakaipa inoitika pavanhu inokonzerwa nenyika ino.”—Jakobho 2:23.

Abishai ane makore 20, anoshumira somuevhangeri wenguva yakazara uye somushumiri anoshumira muungano. Anorondedzera manzwiro ake nemashoko aya: “Ndinonzwa ndakurudzirwa nokuti ndinoziva mabatirwo ezvinetso zvakawanda zviri kusangana nevechiduku nhasi. Chokwadi chinobva muBhaibheri chakandibatsira kuramba ndakatarisa zvandinoda kuti ndishumire Jehovha nemweya wangu wose.”

Mumakore ake okuyaruka, Antoine aiva nehasha. Akamborova mumwe waaidzidza naye nechigaro, uye akashandisa penzura kubaya mumwezve. Antoine akanga asina ushamwari zvachose! Asi mirayiridzo iri muBhaibheri yakachinja unhu hwake. Iye zvino ava nemakore 19 uye ari kushanda somushumiri anoshumira uye somushumiri wenguva yakazara muungano, anoti: “Ndinoonga Jehovha nokundibvumira kuwana zivo yake uye nokundibatsira kuona kudiwa kwokuzvidzora nokuchinja nzira yangu. Nenzira iyi, ndakadzivisa zvinetso zvakawanda.”

Vamwe vanoona unhu hunofadza hwevaKristu vechiduku. Mateo Chapupu chiduku muItaly. Mudzidzisi wake akasarudza kuti munhu upi noupi mukirasi yacho aizotaura shoko rinonyadzisa aizoripiswa kamuripo kaduku. Imwe nguva pava paya, vana vacho vakakumbira kuti murayiro wacho ubviswe nokuti vakati, “zvakaoma kusataura mutauro wakaipa.” “Asi,” anotsanangura kudaro Matteo, “mudzidzisi akati zvakanga zvisina, uye akashandisa ini, mumwe weZvapupu zvaJehovha somuenzaniso, achindirumbidza pamberi pekirasi yose nokuda kwomutauro wangu wakachena.”

Mukirasi ine misikanzwa kuThailand, mumwe mudzidzisi akadana Racha ane makore 11 kuti amire pamberi pekirasi yacho ndokumurumbidza nokuda kwounhu hwake, achiti: “Nei imi mose musingamutevedzeri? Anoshanda nesimba muzvidzidzo zvake uye ane unhu.” Akabva audza vana vacho kuti: “Ndinofunga kuti munofanira kuva vamwe veZvapupu zvaJehovha, saRacha, kuti muvandudze mufambiro wenyu.”

Zvinofadza kuona zviuru zvevaKristu vechiduku zvichisvika pakuziva Jehovha zviri nani uye kuita kuda kwake. Vanhu vechiduku vakadaro vanoratidza uchenjeri hunopfuura hwezera ravo. Mwari anokwanisa kuvabatsira kubudirira muupenyu hwavo hwazvino uyewo kuvapa remangwana rine mbiri munyika itsva iri kuuya. (1 Timoti 4:8) Munyika ino yakaita segwenga mune zvokunamata, izere nevechiduku vasingagutsikani uye vakaora mwoyo, ivo vanoratidza kuva vakasiyana zvinozorodza!