‘Zvichenjererei Kupfuura Zvamunosiita’
‘Zvichenjererei Kupfuura Zvamunosiita’
“Zvakafanira kuti isu tizvichenjerere kupfuura zvatinosiita pazvinhu zvatakanzwa, kuti tirege kumbokukurwa.”—VAHEBHERU 2:1.
1. Ipa muenzaniso unoratidza kuti kutsauswa kunogona sei kutungamirira kunjodzi.
TSAONA dzemotokari dzinouraya vanhu vanenge 37 000 gore rimwe nerimwe muUnited States moga. Nyanzvi dzinoti dzakawanda dzetsaona idzi dzingadai dzisina kuitika kudai vatyairi vainyatsochenjerera mumugwagwa. Vamwe vatyairi vanoyeverwa nezviratidzo zvavanoona nezvikwangwani zvokushambadzira kana kuti nokushandisa nhare dzavo dzeserura. Kunewo vaya vane tsika yokudya vachityaira. Mumamiriro ezvinhu ose aya, kutsauswa kunogona kutungamirira kunjodzi.
2, 3. Pauro akayambira vaKristu vechiHebheru kutii, uye nei zano rake rakanga rakakodzera?
2 Makore anoda kusvika 2 000 motokari dzisati dzatanga kugadzirwa, muapostora Pauro akataura nezvorumwe rudzi rwokutsauswa kwakanga kuri kuparira njodzi kune vamwe vaKristu vechiHebheru. Pauro akasimbisa kuti Jesu Kristu akanga amutswa akapiwa chinzvimbo chakakwirira kudarika ngirozi dzose, nokuti akaitwa kuti agare kuruoko rworudyi rwaMwari. Ipapo muapostora wacho akati: “Ndokusaka zvakafanira kuti isu tizvichenjerere kupfuura zvatinosiita pazvinhu zvatakanzwa, kuti tirege kumbokukurwa.”—VaHebheru 2:1.
3 Nei vaKristu vechiHebheru vaifanira ‘kuchenjerera kupfuura zvavaisiita zvinhu zvavakanzwa’ nezvaJesu? Nokuti kwakanga kwapfuura makore anoda kusvika 30 Jesu abva pasi pano. Tenzi wavo asisipo, vamwe vaKristu vechiHebheru vakanga vava kutanga kukukurwa kubva pakutenda kwavo kwechokwadi. Vakanga vava kutsauswa nechiJudha, kunamata kwavo kwakare.
Vaifanira Kunyatsochenjerera
4. Nei vamwe vaKristu vechiHebheru vangadaro vakanzwa kuda kudzokera kuchiJudha?
4 Nei muKristu angadaro akanzwa kuda kudzokera kuchiJudha? Kunamata kwaiitwa pasi poMutemo kwaisanganisira zvinhu zvaioneka. Vanhu vaigona kuona vapristi uye kunzwa munhuwi wezvibayiro zvaipisirwa. Zvisinei, pazvimwe zvinhu, chiKristu chakanga chakati siyanei. VaKristu vaiva noMupristi Mukuru, Jesu Kristu, asi kwakanga kwapera makore makumi matatu asina kumboonekwa pasi pano. (VaHebheru 4:14) Vaiva netemberi, asi kudenga ndiko kwaiva kunzvimbo yayo tsvene. (VaHebheru 9:24) Kusiyana nokudzingiswa panyama kwaiitwa pasi poMutemo, kudzingiswa kwevaKristu kwaiva “kuya kwemwoyo nomudzimu.” (VaRoma 2:29) Naizvozvo, kuvaKristu vechiHebheru, chiKristu chingadaro chakatanga kuratidza sechisiri chechokwadi.
5. Pauro akaratidza sei kuti kunamata kwakatangwa naJesu kwaikosha kudarika kuya kwaiitwa pasi poMutemo?
5 VaKristu vechiHebheru vaifanira kuziva chimwe chinhu chinokosha kwazvo pamusoro pokunamata kwakatangwa naKristu. Kwakanga kwakavakirwa zvikuru pakutenda kudarika pakuona, asi kwaikosha kukunda Mutemo wakapiwa kuburikidza nomuprofita Mosesi. “Kana ropa rembudzi nerenzombe nemadota etsiru zvinosaswa pane vakasvibiswa zvichitsvenesa kusvikira nyama yachena,” akanyora kudaro Pauro, “ropa raKristu, uyo akazvipa nomudzimu usingaperi asina gwapa kuna Mwari, richachenesa zvikuru sei hana dzedu pamabasa akafa kuti tiitire Mwari mupenyu basa dzvene?” (VaHebheru 9:13, 14) Chokwadi, kukanganwirwa kunowanikwa nokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu kunokosha kwazvo munzira dzakawanda kukunda kuya kwaiwaniswa nezvibayiro zvaipiwa pasi poMutemo.—VaHebheru 7:26-28.
6, 7. (a) Chii chakaita kuti zvive zvokukurumidzira kuti vaKristu vechiHebheru va‘zvichenjerere kupfuura zvavaisiita pazvinhu zvavakanzwa’? (b) Pauro paakanyorera vaHebheru tsamba yake, Jerusarema rakanga rasarirwa nenguva yakadini? (Ona mashoko omuzasi.)
6 Paiva nechimwe chikonzero nei vaKristu vechiHebheru vaifanira kunyatsochenjerera zvinhu zvavakanga vanzwa pamusoro paJesu. Akanga afanotaura kuti Jerusarema raizoparadzwa. Jesu akati: “Mazuva achauya pauri apo vavengi vako vachakupoteredza nomuchinjiziri une mapango akapinza uye vachakukomberedza nokukutambudza kubva kumativi ose, uye vachakurovera pasi iwe nevana vako vari mukati mako, uye havazosiyi dombo pamusoro pedombo mauri, nokuti hauna kunzwisisa nguva yokuongororwa kwako.”—Ruka 19:43, 44.
7 Izvi zvaizoitika rini? Jesu haana kutaura zuva neawa yacho. Asi, akapa murayiro uyu: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, zvadaro zivai kuti kuitwa dongo kwaro kwaswedera pedyo. Zvadaro vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo, nevari mukati maro ngavabude, uye vari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.” (Ruka 21:20, 21) Mumakore 30 pashure pokutaura kwaJesu mashoko iwayo, vamwe vaKristu muJerusarema vakakanganwa kuti zvinhu ndezvokukurumidzira, vakatsauswa. Vakaita sokuti vatarisa kurutivi ivo vachityaira. Kana vaisagadzirisa mafungiro avo, zvechokwadi paizoitika njodzi. Jerusarema rakanga rava pedyo nokuparadzwa, kunyange vaizvifunga kana kuti kwete! * Tinodavira kuti zano raPauro rakapa nyevero yakamutsa vaKristu vomuJerusarema vakanga vachikotsira mumudzimu.
‘Kuzvichenjerera Kupfuura Zvatinosiita’ Nhasi
8. Nei tichifanira ‘kuchenjerera’ chokwadi cheShoko raMwari “kupfuura zvatinosiita”?
8 Kufanana nevaKristu vomuzana remakore rokutanga, tinofanira ‘kuchenjerera’ chokwadi cheShoko raMwari “kupfuura zvatinosiita.” Nei? Nokuti isuwo takatarisana nokuparadzwa kwava kuda kuitwa nyika yose, kwete rudzi rumwe chete. (Zvakazarurwa 11:18; 16:14, 16) Ichokwadi kuti hatizivi zuva chairo neawa apo Jehovha achaita izvi. (Mateu 24:36) Kunyange zvakadaro, tave tichiona kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri hunonyatsoratidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5) Saka, tinofanira kungwarira chinhu chipi nechipi chinogona kutitsausa. Tinofanira kuteerera Shoko raMwari toramba tiine pfungwa yokukurumidzira. Tichango‘gona kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika’ kana bedzi taita izvozvo.—Ruka 21:36.
9, 10. (a) Tingaratidza sei kuti tinochenjerera zvinhu zvomudzimu? (b) Shoko raMwari ‘mwenje wetsoka dzedu’ uye ‘chiedza panzira yedu’ sei?
9 Munguva dzino dzinokosha, tingaratidza sei kuti tiri ‘kuchenjerera’ zvinhu zvomudzimu “kupfuura zvatinosiita”? Imwe nzira ndeyokupinda nguva dzose misangano yechiKristu, magungano, nekokorodzano. Tinofanirawo kuva vadzidzi vanoshingaira veBhaibheri kuitira kuti tigone kuswedera pedyo noMunyori waro, Jehovha. (Jakobho 4:8) Kana tikapinza zivo yaJehovha nokudzidza toga uye nemisangano, tichafanana nomunyori wepisarema uyo akati kuna Mwari: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.”—Pisarema 119:105.
10 Bhaibheri rinoshanda se‘chiedza panzira yedu’ parinotiudza zvinangwa zvaMwari zvenguva yemberi. ‘Mwenje wetsoka dzedu’ zvakare. Nemamwe mashoko rinogona kutibatsira pane imwe nhanho yatichada kutora patinotarisana nezvinetso zvoupenyu zvinopedza simba. Ndicho chikonzero nei zvichikosha kuti ti‘chenjerere kupfuura zvatinosiita’ patinoungana nevamwe vatinonamata navo nokuda kwomurayiridzo uye patinoverenga Shoko raMwari tiri toga. Mashoko atinodzidza achatiyamura kuita zvisarudzo zvokuchenjera uye zvinobatsira izvo zvinofadza Jehovha zvichiita kuti mwoyo wake ufare. (Zvirevo 27:11; Isaya 48:17) Tinogona sei kuwedzera nguva yatinokwanisa kudzidza zvinhu zvichipinda mumusoro pamisangano uye patinodzidza tiri toga zvokuti tinonyatsobatsirwa nezvinhu zvomudzimu zvatinopiwa naMwari?
Kuita Kuti Kuteerera Kwedu Pamisangano Kuvandudzike
11. Nei kuteerera pamisangano yechiKristu kwakaoma dzimwe nguva?
11 Dzimwe nguva, kuteerera pamisangano yechiKristu kwakaoma. Pfungwa dzinogona kutsauswa zviri nyore, pamwe nomwana ari kuchema kana kuti munhu anonoka ari kutsvaka pokugara. Pashure pokushanda zvakaoma, tingava taneta. Munhu ari kukurukura pachikuva angasava mukurukuri anonyanya kunakidza, uye takarivara, tava kutofunga zvimwe—zvichida kutotsimwaira! Tichifunga nezvemashoko anokosha ari kutaurwa, tingaita zvakanaka kuvandudza kuteerera kwatinoita pamisangano yeungano. Asi izvi tingazviita sei?
12. Chii chinogona kuita kuti zvitirerukire kuteerera kumisangano yeungano?
12 Zvinowanzova nyore kuteerera pamisangano kana takanyatsogadzirira. Saka kana zvakadaro, tinodii kutsaura nguva yokufanofunga nezvemashoko achadzidzwa? Zvinongoda maminitsi mashoma chete zuva rimwe nerimwe okuverenga nokufungisisa chikamu chezvitsauko zvakarongwa zvokuverengwa kweBhaibheri kwevhiki yacho. Kana tikazvironga, tinogona kuwanawo nguva yokugadzirira Chidzidzo Chebhuku Cheungano neChidzidzo cheNharireyomurindi. Pasinei
nepurogiramu yatinosarudza, chinhu chimwe ndechechokwadi: Kugadzirira kuchatibatsira kuteerera zviri kukurukurwa pamisangano yeungano.13. Chii chingatibatsira kuramba tichifunga nezvezvinhu zviri kukurukurwa pamisangano?
13 Kuwedzera pakunyatsogadzirira, vamwe vanoona kuti vanoteerera zviri nani pavanogara nechokumberi muImba yoUmambo. Kuramba wakatarisana nomukurukuri, kuvhurawo Bhaibheri apo rugwaro runoverengwa, uye kuva nezvokunyora ndedzimwe nzira dzokuita nadzo kuti pfungwa dzedu dzisambeya-mbeya. Zvisinei, kuva nomwoyo wakagadzirira kunokosha zvikuru kupfuura imwe nzira ipi neipi yokuita nayo kuti titeerere. Tinofanira kunzwisisa chikonzero chokuungana kwedu pamwe chete. Tinosangana nehama dzedu zvikurukuru kuti tinamate Jehovha. (Pisarema 26:12; Ruka 2:36, 37) Misangano inzira inokosha yatinodyiswa nayo mumudzimu. (Mateu 24:45-47) Uyezve, inotipa mikana ‘yokunyandurirana kurudo nemabasa akanaka kwazvo.’—VaHebheru 10:24, 25.
14. Chii chaizvoizvo chinoita kuti musangano ubudirire?
14 Vamwe vangave netsika yokuyera manakiro omusangano nemano okudzidzisa evakurukuri. Kana vakurukuri vacho vachikwanisa chaizvo, unganzi musangano unonakidza. Asi tingasafara kana zvichiita sokuti zviri kudzidziswa zvacho hazvisi kubatsira. Ichokwadi kuti vaya vari papurogiramu vanofanira kuita zvose zvavanogona kuti vashandise unyanzvi hwokudzidzisa uye zvikurukuru kuti vasvike pamwoyo pevateereri. (1 Timoti 4:16) Asi isu vari kuteerera hatifaniri kunyanyotsoropodza. Kunyange mano okudzidzisa evakurukuri achikosha, haasiwo chete anoita kuti musangano ubudirire. Haubvumi here kuti tinofanira kunyanyofunga nezvokuti tinoteerera sei, kwete kuti mukurukuri anopa sei hurukuro yake? Patinopinda misangano toteerera kune zviri kukurukurwa, tiri kunamata Mwari maererano nokuda kwake. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti musangano ubudirire. Kana tichida kwazvo kupinza zivo yaMwari, tichabatsirwa nemisangano, pasinei zvapo nemano omukurukuri. (Zvirevo 2:1-5) Saka ngatiedzei zvose zvatinogona ‘kuchenjerera kupfuura zvatinosiita’ pamisangano yedu.
Batsirwa Zvizere Nokudzidza Kwako Uri Woga
15. Kudzidza nokufungisisa kungatibatsira sei?
15 Tinobatsirwa zvikuru noku‘chenjerera kupfuura zvatinosiita’ panguva dzatinodzidza tiri toga nokufungisisa. Kuverenga nokufungisisa Bhaibheri nemabhuku echiKristu kuchatipa mikana inokosha yokunyatsopinza chokwadi cheShoko raMwari mumwoyo medu. Izvi zvichabatsirawo zvikuru panzira yatinofunga nokuita nayo zvinhu. Chokwadi, zvichatibatsira kuwana mufaro mukuita kuda kwaJehovha. (Pisarema 1:2; 40:8) Naizvozvo, tinofanira kukudziridza masimba edu okuisa pfungwa pachinhu chimwe chete kuitira kuti atibatsire zvakanaka patinodzidza. Zviri nyore kwazvo kutsauswa! Zvinhu zvidukuduku zvinovhiringidza—kurira kworunhare kana kuti karuzha zvingatitsausa. Kana kuti pasina izvi, tingave tiri vanhu vasingagoni kudzidza kwenguva refu zvichipinda mumusoro. Tingagara pasi nevavariro dzakanaka dzokudya zvomudzimu, asi nenguva isipi pfungwa dzedu dzingatove dzava kufunga zvimwewo zvakasiyana. Tinga‘chenjerera kupfuura zvatinosiita’ sei patinenge tichidzidza Shoko raMwari tiri toga?
16. (a) Nei zvichikosha kuti tironge nguva yokudzidza tiri toga? (b) Wakawana sei nguva yokudzidza Shoko raMwari?
16 Zvinobatsira kuita purogiramu tosarudza nzvimbo inoita kuti tinyatsodzidza zvakanaka. Vakawanda vedu hatiwanzowana nguva nenzvimbo yedu toga kakawanda. Tinganzwa sokuti kumhanya kwezviitiko zvezuva nezuva kuri kutikukura sezvinoitwa danda norwizi rwadira. Chaizvoizvo, tinofanira kuita setinorwisana nesimba remvura yacho, totsvaka kachitsuwa kadiki kokuzorora. Hatingangomiri chete tichiti mukana wokudzidza uchangouya woga. Pane kudaro, tinofanira kudzora zvinhu kuburikidza nokuwana nguva yokudzidza. (VaEfeso 5:15, 16) Vamwe vanotsaura nguva pfupi mangwanani pakungava nezvinhu zvishoma zvinotsausa. Vamwe vanowana kuti manheru anovapa mukana uri nani. Chiripo apa ndechokuti hatifaniri kufuratira kukosha kwokupinza zivo yakarurama yaMwari noMwanakomana wake. (Johani 17:3) Naizvozvo ngatironge nguva yokudzidza tiri toga tobva taomerera papurogiramu iyoyo.
17. Kufungisisa kudini, uye kunogona kutibatsira sei?
17 Kufungisisa—muitiro wokudzeya zvinhu zvatinodzidza—kunokosha. Kunotibatsira kubvisa pfungwa dzaMwari papeji yakadhindwa tichidzipinza mumwoyo medu. Kufungisisa kunotibatsira kuona mashandisiro atingaita zano reBhaibheri zvokuti tinova “vaiti veshoko, kwete vanzwi bedzi.” (Jakobho 1:22-25) Uyezve, kufungisisa kunotibatsira kuramba tichiswedera pedyo naJehovha, nokuti kunoita kuti tikwanise kufungisisa unhu hwake nenzira yahunoratidzwa nayo mumashoko ari kukurukurwa panguva dzokudzidza.
18. Zvii zvinodiwa kuti tifungisise zvinobatsira?
18 Kuti tibatsirwe zvizere nokudzidza nokufungisisa, tinofanira kugara mupfungwa musina chinotsausa. Kuitira kuti tiwane nzvimbo yokuisa mashoko matsva patinofungisisa, hatifaniri kumbofunga nezvezvinhu zvinotsausa zvoupenyu hwemazuva ano. Kuita izvi kunoda nguva uye kunoda kuti tive tiri toga, asi hakusi kuzorodza kwazvinoita kudya zvokudya zvomudzimu nokunwa mvura yechokwadi inowanikwa muShoko raMwari!
19. (a) Maererano nokudzidza voga, chii chakabatsira vamwe kuwedzera nguva yavanokwanisa kudzidza zvichipinda mumusoro? (b) Tinofanira kunzwa sei pamusoro pokudzidza, uye zvii zvatinogona kubatsirwa nazvo nebasa iri rinokosha?
19 Zvakadini kana tisingagoni kudzidza kwenguva refu zvichipinda mumusoro uye pfungwa 1 VaKorinde 2:10) Kuita kudaro kunoita kuti tikwanise kuwedzera zivo yedu pamusoro paMwari uye kukudziridza masimba edu okunzwisisa. (VaHebheru 5:14) Kana tiri vadzidzi vanoshingaira veShoko raMwari, tichavawo “vanonyatsokwanisa kudzidzisa vamwe.”—2 Timoti 2:2.
dzedu dzotanga kumbeya-mbeya tangodzidza kwenguva pfupi? Vamwe vakaona kuti vanogona kuwedzera masimba avo okuisa pfungwa pachinhu chimwe pavanenge vachidzidza nokutanga nokudzidza kwenguva pfupi vachienda vachiwedzera nguva yacho zvishoma nezvishoma. Vavariro yedu inofanira kuva yokutora nguva yakawanda tichidzidza pane kudzidza tichimhanya. Tinofanira kuita kuti tinzwe tichifarira zvikuru nyaya iri kudzidzwa. Uye tinogona kutsvakurudza zvimwe tichishandisa zvinhu zvakawanda zvakagoverwa neboka romuranda akatendeka, akangwara. Kutsvakisisa “zvinhu zvakadzika zvaMwari” kunokosha zvikuru. (20. Tingatanga nokuchengetedza sei ukama hwepedyo zvikuru naJehovha Mwari?
20 Kupinda misangano yechiKristu nokudzidza tiri toga kunogona kuita zvakawanda kutibatsira kukudziridza nokuchengetedza ukama hwepedyo zvikuru naJehovha. Zvinofanira kuva zvirizvo zvakanga zvakaita munyori wepisarema, uyo akati kuna Mwari: “Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose.” (Pisarema 119:97) Saka ngatiite zvose zvatinogona kuti tipinde misangano, magungano, nekokorodzano nguva dzose. Uye ngatitenge nguva yokudzidza Bhaibheri nokufungisisa. Tichakomborerwa zvikuru ‘nokuchenjerera’ Shoko raMwari “kupfuura zvatinosiita.”
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 7 Tsamba kuvaHebheru ingangova yakanyorwa muna 61 C.E. Kana zvakadaro, paingova pashure pemakore anenge mashanu bedzi apo Jerusarema rakakombwa nemauto akadzika misasa aCestius Gallus. Munguva pfupi, mauto iwayo akadzokera, zvichibvumira kuti vaKristu vakanga vakachenjerera vatize. Makore mana pashure pazvo, guta rakakombwa nemauto eRoma aitungamirirwa noMukuru Wemauto Titus.
Unoyeuka Here?
• Nei vamwe vaKristu vechiHebheru vakanga vachikukurwa kubva pakutenda kwechokwadi?
• Tingaramba sei tichichenjerera pamisangano yechiKristu?
• Chii chichatiyamura kuti tibatsirwe nokudzidza Bhaibheri nokufungisisa tiri toga?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 11]
VaKristu vechiHebheru vaifanira kuchenjerera kuparadzwa kwakanga kwava kuda kuitwa Jerusarema
[Mufananidzo uri papeji 13]
Vabereki vanogona kuyamura vana vavo kuti vabatsirwe nemisangano yechiKristu