Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Imba yoUmambo Inopiwa Menduru

Imba yoUmambo Inopiwa Menduru

Mushumo Wevazivisi voUmambo

Imba yoUmambo Inopiwa Menduru

BAZI rinoona nezvezvakapoteredza muFinland rakasarudza gore ra2000 kuva “Gore Rokugadzira Mapindu Zvinoyevedza.” Mumwe wevakaronga izvi akati “chinangwa chokuita kuti kugadzira mapindu zvinoyevedza kuve musoro wegore ndechokutiyeuchidza tose nezvezvinoitwa nemhoteredzo yakasvibira muupenyu hwedu hwezuva nezuva uye kugara kwedu zvakanaka.”

Musi waJanuary 12, 2001, tsamba yakabva kuFinnish Association of Landscape Industries yakasvika kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muFinland. Tsamba yacho yaitsanangura kuti Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri muTikkurila yakanga yapiwa imwe yemenduru dzomusoro wegore iroro wokugadzirwa kwemapindu kunoyevedza nemhaka yokugadzirwa zvakanaka kwemhoteredzo dzayo uye bindu rayo rakaisvonaka. Tsamba yacho yakawedzera kuti “chitarisiko chakapoteredza imba yacho, muzhizha uye muchando, chinofadza, chakanaka zvikuru, uye ndechepamusoro-soro.”

Zvapupu zvaJehovha zvakapiwa menduru yacho paRosendahl Hotel muTampere, Finland, pachiitiko chakapindwa nenyanzvi nevanamuzvinabhizimisi 400. Finnish Association of Landscape Industries yakabudisawo mashoko, aya anoti: “Munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika, Dzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha dzinogara dzakagadzirwa zvakaisvonaka. Kutarisirwa kwemhoteredzo yacho kunoita kuti munhu wose anopfuura nepo atorwe mwoyo. Imba yoUmambo yomuTikkurila mumwe womuenzaniso webindu rose rakaisvonaka. Chivako chacho nemhoteredzo yacho yakakura zvose zvinoratidza rugare uye zvinoita kuti zvinhu zviratidzike zvakanaka.”

MuFinland mune Dzimba dzoUmambo 233, zhinji dzacho dzakapoteredzwa nemapindu akaisvonaka. Zvisinei, chinoita kuti nzvimbo idzi dzive dzakanakisisa ndechokuti inzvimbo dzokunamata kwechokwadi uye dzokudzidza Bhaibheri. Kune Zvapupu zvaJehovha zvinodarika mamiriyoni matanhatu pasi pose, Imba yoUmambo—yakanyatsoshongedzwa kana iri pakati nepakati—inzvimbo inodiwa zvikuru. Ndosaka vachida kuitarisira zvakanaka uye norudo. Vanhu vose vari munzanga yenyu vakasununguka kuenda kuDzimba dzoUmambo idzi!