Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anokomborera uye Anodzivirira Vaya Vanoteerera

Jehovha Anokomborera uye Anodzivirira Vaya Vanoteerera

Jehovha Anokomborera uye Anodzivirira Vaya Vanoteerera

“Ani nani unonditeerera uchagara zvakasimba, uchagadzikana, asingatyi zvakaipa.”—ZVIREVO 1:33.

1, 2. Nei kuteerera Mwari kuchikosha? Enzanisira.

TUNHIYO tunoyevedza turi kuteta tuchitsvaka zvokudya muuswa hupfupi, tusingatombozivi kuti pane gondo riri kuyengerera mudenga denga. Kamwe kamwe, nhunzvi inorira ichipa nyevero yengozi yobva yavhura mapapiro ayo. Nhiyo dzayo dzinomhanyira kwairi, uye munguva pfupi pfupi dzinenge dzatohwanda pasi pemapapiro ayo. Gondo harichatoedzi kutubata. * Chii chatinodzidza? Kuti kuteerera kunoponesa upenyu!

2 Chidzidzo ichocho chinonyanya kukosha kuvaKristu nhasi, nokuti Satani ari kuita zvose zvaanogona kuti abate vanhu vaMwari. (Zvakazarurwa 12:9, 12, 17) Vavariro yake ndeyokukanganisa ukama hwedu naMwari kuitira kuti tisazowana nyasha dzaJehovha netarisiro youpenyu husingaperi. (1 Petro 5:8) Zvisinei, kana tikaramba tiri pedyo naMwari tokurumidza kuteerera nhungamiro yatinogamuchira kuburikidza neShoko rake nesangano rake, tinogona kuva nechivimbo chokuti achatidzivirira. Munyori wepisarema akati: “Iye uchakufukidza neminhenga yake, uchatizira pasi pamapapiro ake.”—Pisarema 91:4.

Rudzi Rusingateereri Runobatwa Naye

3. Kusateerera kakawanda kwevaIsraeri kwakaguma nei?

3 Rudzi rwevaIsraeri parwaiteerera Jehovha, rwaigara ruchibatsirwa nokutarisirwa kwokungwarira kwarwaiitwa naye. Asi, kakawanda zvikuru vanhu vacho vaisiya Muiti wavo vachienda kune vanamwari vematanda nematombo—“zvinhu zvisina maturo, zvisingabatsiri kana kurwira.” (1 Samueri 12:21) Pashure pemazana emakore okupandukira kwakadaro, rudzi rwacho rwose rwakanga rwanyura chaizvo mukuramba kutenda zvokuti rwakanga rusingachadzoreki. Naizvozvo, Jesu akachema achiti: “Jerusarema, Jerusarema, muurayi wevaprofita neanotaka nematombo vakatumwa kwaari,—ndaiwanzoda sei kuunganidza vana vako, sokuunganidza kunoita nhunzvi nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo! Asi imi hamuna kuzvida. Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.”—Mateu 23:37, 38.

4. Kuramba kwakaita Jehovha Jerusarema kwakabuda pachena sei muna 70 C.E.?

4 Kuramba kwakaita Jehovha vaIsraeri vakanga vatsauka kwakabudiswa pachena nenzira inorwadza muna 70 C.E. Mugore iroro mauto eRoma, akasimudza mudenga denga mireza yawo yakanyorwa mufananidzo wegondo, vakauya kuJerusarema nokukurumidza kuzouraya vanhu zvinopisa tsitsi. Panguva iyoyo guta racho rakanga rakazara vanhu vaipemberera Paseka. Zvibayiro zvavo zvakawanda zvakatadza kuvawanisa nyasha dzaMwari. Ichocho chaiva chiyeuchidzo chinonzwisa urombo chemashoko akataurwa naSamueri kuna Mambo Sauro akanga asingateereri, anoti: “Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira, kuteeerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe.”—1 Samueri 15:22.

5. Jehovha anoda kuteerera kworudzii, uye tinoziva sei kuti kuteerera kwakadaro kunobvira?

5 Pasinei nokuti Jehovha anoda chaizvo kuti titeerere, anonyatsoziva kuti vanhu vasina kukwana vane zvimwe zvavasingakwanisi. (Pisarema 130:3, 4) Mwoyo wakatendeseka uye kuteerera kunobva pakutenda, rudo, uye kutya kusamufadza ndizvo zvaanoda. (Dheuteronomio 10:12, 13; Zvirevo 16:6; Isaya 43:10; Mika 6:8; VaRoma 6:17) Kuti kuteerera kwakadaro kunobvira kwakaratidzwa ne‘gore guru rezvapupu zvakatangira chiKristu,’ zvakaramba zvakatendeka mukutarisana nemiedzo inotyisa, kunyange rufu. (VaHebheru 11:36, 37; 12:1) Ivava vakafadza mwoyo waJehovha sei! (Zvirevo 27:11) Zvisinei, vamwe pakutanga vakanga vakatendeka asi vakatadza kuramba vachiteerera. Mumwe weava aiva Mambo Joashi wenyika yeJudha yekare.

Mambo Akakanganiswa Nesonganiro Dzakashata

6, 7. Joashi aiva mambo worudzii apo Jehoyadha aiva mupenyu?

6 Mambo Joashi akapotsa aurayirwa chigaro ari kacheche. Apo Joashi akasvika makore manomwe, Mupristi Mukuru Jehoyadha noushingi akamubudisa paaiva akahwanda ndokumuita mambo. Sezvo Jehoyadha aitya Mwari akava sababa nomupi wemazano kuna Joashi, mutongi muduku uyu “akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ose omupristi Jehoyadha.”—2 Makoronike 22:10–23:1, 11; 24:1, 2.

7 Mabasa akanaka aJoashi aisanganisira kuvandudza temberi yaJehovha—chiito ‘chaiva mumwoyo waJoashi.’ Akayeuchidza Mupristi Mukuru Jehoyadha nezvokudiwa kwokuunganidza mutero wetemberi kubva kuJudha neJerusarema, ‘sezvakarayirwa naMosesi,’ kuitira kutsigira nemari basa rokugadziridza. Zviri pachena kuti Jehoyadha akanga abudirira kukurudzira mambo wechiduku uyu kudzidza nokuteerera Mutemo waMwari. Saka basa repatemberi nemidziyo yetemberi rakakurumidza kupedzwa.—2 Makoronike 24:4, 6, 13, 14; Dheuteronomio 17:18.

8. (a) Chii chakanyanya kuparadza kunamata kwaJoashi? (b) Kusateerera kwamambo kwakazomutungamirira kuitei?

8 Zvinosuruvarisa kuti kuteerera kwaJoashi hakuna kumbosvika kure. Nei? Shoko raMwari rinotiudza kuti: “Jehoyadha wakati afa, machinda aJudha akasvika, akanamata mambo, ipapo mambo akavateerera. Vakasiya imba yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, vakashumira matanda okunamata nawo nezvifananidzo; Mwari akatsamwira Judha neJerusarema pamusoro pemhaka iyi.” Kufurira kwemachinda enyika yeJudha kwakaitawo kuti mambo wacho aise zvimiti munzeve paitaura vaprofita vaMwari, mumwe wavo aiva mwanakomana waJehoyadha ainzi Zekariya, uyo akashinga kutsiura Joashi nevanhu nezvokusateerera kwavo. Pane kuti apfidze, Joashi akaita kuti Zekariya atemwe nemabwe kusvikira afa. Joashi akanga ava munhu asina tsitsi, uye asingateereri sei—zvose izvi nokuti akanga abvuma kufurirwa nesonganiro dzakaipa!—2 Makoronike 24:17-22; 1 VaKorinde 15:33.

9. Zvakazoguma zvaitika kuna Joashi nemachinda zvinosimbisa sei upenzi hwokusateerera?

9 Joashi neshamwari dzake dzaiva machinda pavakasiya Jehovha, zvinhu zvakavafambira sei? Mauto evaSiriya—‘boka duku bedzi ravanhu’—akapinda munyika yeJudha aka“paradza machinda ose avanhu.” Mauto aya akamanikidzawo mambo kuti avape zvinhu zvake uyewo ndarama nesirivha yomunzvimbo tsvene. Kunyange zvazvo Joashi akapona, akasiyiwa asisina kusimba uye achirwara. Nguva pfupi pashure pazvo, vamwe pakati pevaranda vake vakarangana kumuurayira chigaro. (2 Makoronike 24:23-25; 2 Madzimambo 12:17, 18) Mashoko aJehovha kuvaIsraeri ndeechokwadi sei, anoti: “Kana uchiramba kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako kuti uchenjere kuita mirayiro yake yose, nezvaakatema, . . . kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako”!—Dheuteronomio 28:15.

Munyori Akaponeswa Nokuteerera

10, 11. (a) Nei zvichibatsira kufungisisa nezvezano iro Jehovha akapa Bharuki? (b) Jehovha akapa Bharuki zano rokuti chii?

10 Unomboora mwoyo nokuti pakati pevanhu vaunosangana navo muushumiri hwechiKristu, vashoma vanoratidza kufarira mashoko akanaka here? Unombonzwa sounoti chivei vapfumi nemararamiro avo emadiro here? Kana zvakadaro, funga nezvaBharuki, munyori waJeremia, nezano rorudo raakapiwa naJehovha.

11 Bharuki akanga achinyora shoko rouprofita apo Jehovha akatanga kutaura naye. Nei? Nokuti Bharuki akatanga kusema upenyu hwake uye kuda chimwe chinhu chiri nani kudarika ropafadzo yake yaikosha yokushumira Mwari. Achicherechedza kuchinja uku kwemafungiro aBharuki, Jehovha akamupa zano rakajeka asi rine mutsa, achiti: “Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru . . . Usazvitsvaka; nokuti tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penyama yose . . . ; asi ndichakupa upenyu hwako huve chinhu chakapambwa panzvimbo dzose kwaunoenda.”—Jeremia 36:4; 45:5.

12. Nei tisingafaniri kuzvitsvakira “zvinhu zvikuru” munyika iripo zvino?

12 Unogona kuona here mumashoko aJehovha kuna Bharuki kuva Kwake nehanya zvikuru nomurume uyu akanaka, akanga amushumira nokutendeka zvikuru uye noushingi pamwe chete naJeremia? Saizvozvowo nhasi, Jehovha ane hanya zvikuru nevaya vanonzwa vava kuda kutevera zvavanofunga kuti zviri nani munyika ino. Zvinofadza kuti kufanana naBharuki, vakawanda vakadaro vakabvuma kugadziridzwa norudo kwavakaitwa nehama dzakakura mumudzimu dzine mutoro. (Ruka 15:4-7) Hungu, tose zvedu ngatinzwisise kuti vaya vanozvitsvakira “zvinhu zvikuru” munyika ino havana ramangwana rakanaka. Vakadaro havangokundikani kuwana mufaro wechokwadi asi, zvakatonyanya kuipa, nokukurumidza vachapfuura nenyika ino nokuchiva kwayo kwose kwoudyire.—Mateu 6:19, 20; 1 Johani 2:15-17.

13. Nhoroondo yaBharuki inotidzidzisa chidzidzoi pakuzvininipisa?

13 Nhoroondo inotaura nezvaBharuki inotidzidzisawo chidzidzo chinokosha chokuzvininipisa. Cherechedza kuti Jehovha haasiriye akapa Bharuki zano zvakananga asi akataura achishandisa Jeremia, uyo zvichida Bharuki ainyatsoziva kusakwana kwake uye unhu hwake. (Jeremia 45:1, 2) Asi, Bharuki haana kukundwa nokudada; nokuzvininipisa akaziva kwainyatsobva zano racho—kuna Jehovha. (2 Makoronike 26:3, 4, 16; Zvirevo 18:12; 19:20) Saka kana ‘tikadarika tisati tazviziva’ topiwa zano rakakodzera kubva muShoko raMwari, ngatitevedzere kukura mupfungwa, kunzwisisa zvinhu zvomudzimu, uye kuzvininipisa kwaBharuki.—VaGaratiya 6:1.

14. Nei zvakatinakira kuti titeerere vaya vari kutitungamirira?

14 Kana isu tichizvininipisa kudaro zvinobatsirawo vaya vanopa zano racho. VaHebheru 13:17 inoti: “Teererai avo vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti vari kurinda mweya yenyu saavo vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvozvi zvaizova zvinokukuvadzai.” Vakuru vanotaura kakawanda sei zviri mumwoyo mavo kuna Jehovha, vachinyengeterera ushingi, uchenjeri, nounyanzvi hunodiwa kuti vaite chinhu ichi chakaoma mubasa ravo rokufudza! ‘Ngatizive varume vakadaro.’—1 VaKorinde 16:18.

15. (a) Jeremia akaratidza sei kuvimba kwake naBharuki? (b) Bharuki akakomborerwa sei nokuda kwokuteerera kwake?

15 Zviri pachena kuti Bharuki akagadzirisa mafungiro ake, nokuti Jeremia akabva amupa basa rakanga rakaoma zvikuru—kuti aende kutemberi overenga zvinonzwika shoko rokutonga iro iye pachake akanga anyora achiudzwa naJeremia. Bharuki akateerera here? Hungu, akaita “zvose sezvaakarayirwa nomuprofita Jeremia.” Zvakaitika ndezvokuti, akatoverengera machinda eJerusarema mashoko iwayo, izvo pasina mubvunzo zvaida ushingi hwakati. (Jeremia 36:1-6, 8, 14, 15) Guta racho parakaparadzwa nevaBhabhironi makore 18 gare gare, fungidzira kuti Bharuki anofanira kuva akafara sei kuti akaponeswa nokuti akanga ateerera nyevero yaJehovha akarega kuzvitsvakira “zvinhu zvikuru”!—Jeremia 39:1, 2, 11, 12; 43:6.

Kuteerera Panguva Yokukombwa Kwakaponesa Upenyu

16. Jehovha akava sei netsitsi nokuda kwevaJudha vaiva muJerusarema panguva yokukomba kwevaBhabhironi muna 607 B.C.E.?

16 Pakasvika mugumo weJerusarema muna 607 B.C.E., tsitsi dzaMwari nokuda kwevaiteerera dzakabuda pachena zvakare. Kukomba kwacho pakwakanga kwanyanyisa, Jehovha akati kuvaJudha: “Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira youpenyu nenzira yorufu. Ani nani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo nenzara nehosha; asi ani nani unobuda akaenda kuvaKadheya vanokukombai, iye uchararama, upenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba.” (Jeremia 21:8, 9) Kunyange zvazvo vagari vomuJerusarema vakanga vakafanirwa nokuparadzwa, Jehovha akava netsitsi nokuda kwevaya vaimuteerera, kunyange panguva yokupedzisira iyi yakanga yakaoma. *

17. (a) Kuteerera kwaJeremia kwakaiswa pamuedzo munzira dzipi mbiri apo Jehovha akamurayira kuudza vaJudha vakanga vakombwa ‘kuenda kuvaKadheya’? (b) Tingabatsirwa sei nomuenzaniso waJeremia wokuteerera noushingi?

17 Hapana mubvunzo kuti kuudza vaJudha kuti vakande mapfumo pasi kwakaisawo kuteerera kwaJeremia pamuedzo. Chikonzero chokutanga ndechokuti, aiva negodo nokuda kwezita raMwari. Akanga asingadi kuti rizvidzwe nevavengi avo vaizoti zvidhori zvisina upenyu ndizvo zviri kuvabatsira kukunda. (Jeremia 50:2, 11; Mariro aJeremia 2:16) Kuwedzera pane izvi, Jeremia aiziva kuti nokuudza vanhu kuti vakande mapfumo pasi, akanga ari kuisa upenyu hwake pachake mungozi yakakura, nokuti vakawanda vaizotora mashoko ake seokupandukira. Asi haana kutya, asi akateerera akataura mashoko aJehovha. (Jeremia 38:4, 17, 18) Kufanana naJeremia, isuwo tinotaura shoko risingafarirwi. Ndiro shoko iro Jesu akazvidzirwawo. (Isaya 53:3; Mateu 24:9) Saka ngatirege “kutya munhu,” asi kufanana naJeremia, ngatiteerere Jehovha noushingi, tichivimba naye zvizere.—Zvirevo 29:25.

Kuteerera Takatarisana Nokudenha kwaGogi

18. Vashumiri vaJehovha vachatarisana nemiedzo ipi yokuteerera munguva yemberi?

18 Nokukurumidza, nyika yose yakaipa yaSatani ichaparadzwa mu“kutambudzika kukuru” kusati kwamboitika. (Mateu 24:21) Hapana mubvunzo kuti nguva iyoyo isati yasvika uye mukati mayo, vanhu vaMwari vachawana miedzo mikuru yokutenda nokuteerera kwavo. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotiudza kuti Satani, mubasa rake sa“Gogi, wenyika yaMagogi,” achaita zvose zvaanogona kurwisa vashumiri vaJehovha, achikurudzira mapoka anorondedzerwa se“hondo ine simba . . . , segore rinofukidza nyika.” (Ezekieri 38:2, 14-16) Vachikurirwa pauwandu uye vasina zvombo, vanhu vaMwari vachatarisira kuhwanda mu‘mapapiro’ aJehovha, ayo anovhura kuti adzivirire vanoteerera.

19, 20. (a) Nei kuteerera kwevaIsraeri kwaikosha zvikuru pavaiva paGungwa Dzvuku? (b) Kufungisisa nezvenhoroondo yepaGungwa Dzvuku tichinyengetera kungatibatsira sei nhasi?

19 Izvi zvinotiyeuchidza nezvoKubuda kwevaIsraeri muIjipiti. Arova Ijipiti nematambudziko gumi anorwadza, Jehovha akatungamirira vanhu vake, kwete nenzira yaiva pedyo yaienda kuNyika Yakapikirwa, asi nokuGungwa Dzvuku, uko vaigona kuvharirwa zviri nyore vorwiswa. Pachiuto, ikoko kwairatidza kuva chiito chine ngozi. Dai waivako, ungadai wakateerera shoko raJehovha here raakataura achishandisa Mosesi ndokufamba wakananga kuGungwa Dzvuku nechivimbo chakazara, uchiziva kuti Nyika Yakapikirwa yaiva kudivi rakasiyana neramakanga matora?—Eksodho 14:1-4.

20 Sezvatinoenderera mberi kuverenga chitsauko 14 chaEksodho, tinoona manunuriro akaita Jehovha vanhu vake achiratidza simba rinoshamisa. Nhoroondo dzakadaro dzinogona kusimbisa kutenda kwedu patinombozvipa nguva yokudzidza nezvadzo nokudzifungisisa! (2 Petro 2:9) Kutenda kwakasimba kunotisimbisawo kuti titeerere Jehovha, kunyange apo zvaanoda zvinoita sezviri kupesana nokufunga kwevanhu. (Zvirevo 3:5, 6) Saka zvibvunze kuti, ‘Ndiri kuedza kuvaka kutenda kwangu kuburikidza nokushingaira kudzidza Bhaibheri, kunyengetera, nokufungisisa, uyewo nokusonganira nguva dzose nevanhu vaMwari here?’—VaHebheru 10:24, 25; 12:1-3.

Kuteerera Kunopa Tariro

21. Zvikomborero zvipi, zvenguva ino neinouya, zvichawanikwa nevaya vanoteerera Jehovha?

21 Vaya vanoita upenyu hwokuteerera Jehovha vanoona Zvirevo 1:33 ichizadzika kunyange iye zvino, iyo inoti: “Asi ani nani unonditeerera uchagara zvakasimba, uchagadzikana, asingatyi zvakaipa.” Mashoko iwayo anonyaradza achashanda zvinoshamisa sei muzuva raJehovha rokutsiva riri kuuya! Jesu akatoudza vadzidzi vake kuti: “Panotanga kuitika zvinhu izvi, mirai muti twasu musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:28) Zviri pachena kuti vaya vanoteerera Mwari ndivo chete vachava nechivimbo chokuteerera mashoko aya.—Mateu 7:21.

22. (a) Vanhu vaJehovha vane chikonzero chipi chokuva nechivimbo? (b) Inhau dzipi dzichakurukurwa munyaya inotevera?

22 Chimwe chikonzero chokuva nechivimbo ndechokuti “Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaprofita zvakavanzika zvake.” (Amosi 3:7) Nhasi, Jehovha haafuridziri vaprofita sekare; asi akatuma boka romuranda akatendeka kuti ripe zvokudya kune veimba yake panguva yakafanira. (Mateu 24:45-47) Naizvozvo, zvinokosha kwazvo kuti tive vanhu vanoteerera “muranda” iyeye! Sezvicharatidzwa nenyaya inotevera, kuteerera kwakadaro kunoratidzawo maonero atinoita Jesu, tenzi wo“muranda.” Ndiye ‘anoteererwa nendudzi dzose.’—Genesi 49:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Kunyange zvazvo ichiwanzonzi ishiri inotya, “nhunzvi inorwa kusvikira yafa kuti idzivirire nhiyo dzayo kuti dzisakuvadzwa,” rinodaro rimwe bhuku resangano rinoona nezvokudzivirirwa kwemhuka.

^ ndima 16 Jeremia 38:19 inoratidza kuti vaJudha vakati kuti “vakaenda” kuvaKadheya uye havana kuurayiwa asi vakatapwa. Kuti vakakanda mapfumo pasi vachiteerera mashoko aJeremia here, hatizviudzwi. Zvisinei, kupona kwavo kwakasimbisa mashoko omuprofita wacho.

Unoyeuka Here?

• Kuramba vasingateereri kwevaIsraeri kwakaguma nei?

• Mambo Joashi akafurirwa sei nesonganiro dzake, zvose achiri muduku uye akura?

• Zvidzidzoi zvatingadzidza kuna Bharuki?

• Nei vanhu vaJehovha vanoteerera vasina chikonzero chokutya sezvo nyika iripo zvino inoswedera pedyo nomugumo wayo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Achitungamirirwa naJehoyadha, Joashi muduku aiteerera Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 15]

Songaniro dzakashata dzakafurira Joashi kuti aurayise muprofita waMwari

[Mufananidzo uri papeji 16]

Waizodai wakateerera Jehovha here ndokuona simba rake rokuponesa rinoshamisa?