Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunyaradzwa Munguva Yenhamo

Kunyaradzwa Munguva Yenhamo

Kunyaradzwa Munguva Yenhamo

NHAU dzemazuva ano hadzinyaradzi zvachose. Mumwe munhu akanyora kuti: “Zvinhu zviri kuitika mazuva ano zvinosuruvarisa zvikuru zvokuti tinowanzoona zvakatiomera kusarudza kana tingaona nhau dza6:00 kana kuti kwete.” Nyika yakazara nehondo, ugandanga, kutambura, utsotsi, uye hosha—uipi hungatitambudzawo zvakananga munguva pfupi iri kutevera kana husati hwatodaro.

Bhaibheri rakafanotaura zvakarurama mamiriro ezvinhu aya. Achirondedzera nguva yedu, Jesu akati kwaizova nehondo huru, nhenda, kuperevedza kwezvokudya, uye kudengenyeka kwepasi. (Ruka 21:10, 11) Saizvozvowo, muapostora Pauro akanyora nezve“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” vanhu pavaizova vanotyisa, vanoda mari, uye vasingadi zvakanaka. Nguva iyoyo akaiti “mazuva okupedzisira.”—2 Timoti 3:1-5.

Saka, pakurondedzera mamiriro akaita zvinhu munyika, nhau dzinotaura zvakada kufanana nezvakafanotaurwa neBhaibheri. Asi kufanana kwacho kunogumira pakutaura chete. Bhaibheri rinotsanangura zvinopfuura zvinoitwa nenhau. Tichishandisa Shoko raMwari rakafuridzirwa, tinogona kusvika pakunzwisisa kwete bedzi chikonzero nei kune uipi hwakawanda kudai asiwo zvichange zvakaita remangwana.

Maonero Anoita Mwari Uipi

Bhaibheri rinotsanangura maonero anoita Mwari mamiriro ezvinhu anorwadza omuzuva redu. Kunyange zvazvo akafanoona zvinetso zviripo nhasi, haabvumirani nazvo kana kuti kushivirira kuvapo kwazvo nokusingaperi. “Mwari rudo,” akanyora kudaro muapostora Johani. (1 Johani 4:8) Jehovha ane hanya zvikuru nevanhu uye anovenga uipi hwose. Zvakakodzera zvikuru kuti tiende kuna Mwari kuti atinyaradze, nokuti akanaka uye anonzwira tsitsi uyezve ane simba nechido chokubvisa uipi pasi pano. Munyori wepisarema akanyora kuti: “[Mambo wokudenga akagadzwa naMwari] ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.”—Pisarema 72:12-14.

Unonzwira tsitsi vaya vanotambura here? Zvimwe unodaro. Kunzwira vamwe ngoni unhu hwakaiswa matiri naJehovha, sezvo takasikwa mumufananidzo wake. (Genesi 1:26, 27) Naizvozvo, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anorwadziwa nokutambura kwevanhu. Jesu, uyo aiziva Jehovha zvikuru kupinda munhu upi noupi, akadzidzisa kuti Jehovha anotifarira zvikuru uye azere netsitsi.—Mateu 10:29, 31.

Chisiko chinoratidza kuti Mwari ane hanya nevanhu. Jesu akati Mwari ‘anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye anoita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’ (Mateu 5:45) Kuvanhu veguta reRistra, muapostora Pauro akati: “[Mwari haana] “kuzvisiya asina uchapupu pakuti akaita zvakanaka, achikupai mvura inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo yenyu zvikuru kusvika pakuzara nezvokudya nomufaro.”—Mabasa 14:17.

Ndiani Ane Mhosva?

Zvinofadza kuti Pauro akatiwo kuvanhu veRistra: “Pazvizvarwa zvakapfuura [Mwari] akatendera marudzi ose kuti afambe munzira dzawo.” Saka, marudzi—kana vanhu pachavo—ndivo vane mhosva huru yemamiriro ezvinhu akaipa mazhinji avanozviwana vari maari. Mwari haana mhosva.—Mabasa 14:16.

Nei Jehovha achibvumira zvinhu zvakaipa kuti zviitike? Achazomboita chimwe chinhu nezvazvo here? Mhinduro yemibvunzo iyi inogona kuwanikwa muShoko raMwari bedzi. Nokuti mhinduro yacho ine chokuita zvikuru nomumwe munhu womudzimu uye nenhau yaakamutsa munyika yomudzimu isingaoneki.

[Mifananidzo iri papeji 4]

Vanhu vanonzwirana ngoni. Mwari haanyanyi kurwadziwa nokutambura kwevanhu here?

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 2]

BUTIRO: Motokari yehondo: UN PHOTO 158181/J. Isaac; kudengenyeka kwepasi: San Hong R-C Picture Company

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Kumusoro nechokuruboshwe, Croatia: UN PHOTO 159208/S. Whitehouse; mwana ari kuziya nenzara: UN PHOTO 146150 BY O. MONSEN