Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunyaradzwa neZivo Yakarurama yaMwari

Kunyaradzwa neZivo Yakarurama yaMwari

Kunyaradzwa neZivo Yakarurama yaMwari

KUNE vamwe vanhu, zvinotaura Bhaibheri pamusoro porudo rwaMwari nengoni zvinomutsa mibvunzo inovhiringidza. Vanobvunza kuti: “Kana Mwari achida kubvisa uipi, achiziva mabvisiro acho, uye aine simba rokuhubvisa, nei huri kuramba hwakawanda? Chinetso chavo ndechokunzwananisa pfungwa nhatu idzi dzinoti: (1) Mwari ane simba zvikuru; (2) Mwari ane rudo, akanaka; uye (3) zvinhu zvinotambudza zvinoramba zvichiitika. Vanofunga kuti sezvo pasina mubvunzo kuti pfungwa yokupedzisira ndeyechokwadi, saka imwe yembiri dzacho haigoni kuva yechokwadi. Kwavari, Mwari haakwanisi kumisa uipi kana kuti haana hanya.

Mazuva anoverengeka World Trade Center muNew York yaparadzwa, mumwe mutungamiriri wechitendero ane mukurumbira muUnited States akati: “Muupenyu hwangu ndave ndichibvunzwa ndabvunzwazve . . . kuti nei Mwari achibvumira njodzi uye kutambura. Ndinofanira kubvuma kuti handizivi mhinduro zvachose, kunyange inogutsa ini pachangu.”

Maererano nemashoko aya, mumwe purofesa wezvidzidzo zvechitendero akanyora kuti akaororwa ne“zvidzidzo zvakanaka” zvakaparidzwa nomutungamiriri wechitendero uyu. Akatsigirawo pfungwa dzeimwe nyanzvi yakanyora kuti: “Kusanzwisisika kwokutambura imhosva yokuti Mwari haanzwisisiki.” Asi chaizvoizvo hazvibviri here kunzwisisa chikonzero nei Mwari achibvumira uipi?

Kwakabva Uipi

Kusiyana nezvingataurwa nevatungamiriri vechitendero, Bhaibheri hariratidzi kubvumira kunoita Mwari uipi sokusinganzwisisiki. Chinhu chinokosha pakunzwisisa nhau youipi kuziva kuti Jehovha haana kusika nyika yakaipa. Akasika vanhu vaviri vokutanga vakakwana, vasina chivi. Jehovha akatarira basa rake rokusika ndokuona kuti rakanga ‘rakanaka kwazvo.’ (Genesi 1:26, 31) Chaiva chinangwa chake kuti Adhamu naEvha vaite kuti Paradhiso yeEdheni izare pasi pose uye kuti vaizadze nevanhu vanofara vari pasi pouchangamire hwake hune rudo.—Isaya 45:18.

Uipi hwakatanga nechisikwa chomudzimu chakava nechido chokunamatwa, kunyange zvazvo pakutanga chakanga chakatendeka kuna Mwari. (Jakobho 1:14, 15) Kupandukira kwake kwakaratidzwa pasi pano paakafurira vanhu vaviri vokutanga kuti vabatane naye mukushora Mwari. Pane kuti vateerere murayiro waMwari wakajeka wokuti vasadya kana kubata muchero womuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, Adhamu naEvha vakatora mumwe ndokuudya. (Genesi 3:1-6) Nokuita kudaro, vakanga vasina kurega kumuteerera chete asiwo vakaratidza kuti vaida kuzvimiririra pasina Mwari.

Nhau Yokuvimbika Yakamutswa

Kupanduka uku kwakaitika muEdheni kwakamutsa nhau yokuvimbika, inobatanidza nyika yose. Vanhu vacho vakapanduka vakava nemibvunzo kana Jehovha aitonga zvisikwa zvake zvakarurama. Musiki aiva nekodzero yokurayira kuti vanhu vamuteerere zvakazara here? Vanhu vaizoita zviri nani here kana vaizozvimiririra?

Jehovha akabata nokudenhwa kwoutongi hwake munzira yairatidza kukwana kuri pakati nepakati kworudo, ruramisiro, uchenjeri, uye simba rake. Aigona kudai akashandisa simba rake kuparadza vapanduki vacho pakarepo. Izvozvo zvingadai zvakaita sezvakarurama, sezvo aiva nekodzero yokuita kudaro. Asi kuita kudaro kwaisazopindura mibvunzo yokuvimbika yakanga yamutswa. Kune rimwe divi, Mwari aigona kungodai akafuratira chivi chacho. Zvimwe nhasi vamwe vaizoona izvozvo kuva chiito chorudo. Asi izviwo zvaizokundikana kupindura zvakataurwa naSatani kuti vanhu vaizoita zviri nani vachizvitonga. Uyezve, izvozvo zvaisazokurudzira kunyange vamwe kuti vatsauke panzira yaJehovha here? Zvaizoguma nokutambura kusingaperi.

Nokuchenjera kwake, Jehovha akabvumira vanhu kuita zvavanoda kwenguva yakati. Kunyange zvazvo izvi zvaireva kubvumira uipi kuti huvepo kwenguva pfupi, saka vanhu vakava nomukana wokuratidza kana vangabudirira vachizvitonga pasina Mwari, vachirarama vachiita zvavanoda pane zvavanoti zvakarurama uye zvisina kururama. Zvave zvichiguma nei? Nguva nenguva nhau yevanhu yave yakazara nehondo, kusaruramisira, udzvinyiriri, uye kutambura. Kukundikana kukuru kwokupandukira Jehovha kuchagadzirisa zvachose nhau dzakamutswa muEdheni.

Zvichingunodai, Mwari akaratidza rudo rwake nokupa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, uyo akapa upenyu hwake somunhu kuva chibayiro chorudzikinuro. Izvi zvinoita kuti vanhu vanoteerera vasunungurwe pakutongerwa chivi norufu zvakavapo nokuda kwokusateerera kwaAdhamu. Rudzikinuro rwakazarurira nzira kuupenyu husingaperi vose vanotenda muna Jesu.—Johani 3:16.

Tine vimbiso yaJehovha inonyaradza yokuti kutambura kwevanhu ndokwenguva duku. “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo,” akanyora kudaro munyori wepisarema. “Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:10, 11.

Nguva Yemberi Yakachengeteka uye Inofadza

Kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kunoratidza kuti nguva yaMwari yokugumisa urwere, kusuruvara, uye rufu yava pedyo. Ona kufanoratidzwa kwakaisvonaka kwezvinhu zvichauya kwakaitwa muapostora Johani mune zvaakaratidzwa. Akanyora kuti: “Ndakaona denga idzva nepasi idzva; nokuti denga rekare nepasi rekare zvakanga zvapfuura, uye gungwa harisisipo. . . . Uye Mwari pachake achava [nevanhu]. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Mumashoko anoratidza kuvimbika kwezvipikirwa izvi, Johani akaudzwa kuti: “Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”—Zvakazarurwa 21:1-5.

Zvakadini nemabhiriyoni evanhu vasina mhosva vave vachifa kubvira pakupanduka muEdheni? Jehovha akavimbisa kuti achamutsa vanhu vakarara iye zvino murufu. Muapostora Pauro akati: “Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Ava vachava netariro yokurarama munyika umo “kururama kuchagara.”—2 Petro 3:13.

Sezvinongoita baba vane rudo vachabvumira mwana wavo kuvhiyiwa kunorwadza kana vachiziva kuti kuchaita kuti apore zvachose, naizvozvo Jehovha akabvumira vanhu kuti vatambure nouipi kwenguva pfupi pasi pano. Asi, zvikomborero zvisingagumi zvakamirira vose vanoda kuita zvinoda Mwari. Pauro akatsanangura kuti: “Zvisikwa zvakaiswa pasi pokusava nematuro, kwete nokuda kwazvo asi naiye akazviisa pasi pakwo, nokuda kwetariro yokuti zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.”—VaRoma 8:20, 21.

Idzi ndidzo nhau chaidzo—kwete dzatinoona paterevhizheni kana kuti dzatinoverenga mupepanhau asi mashoko akanaka. Ndiwo mashoko akanakisisa anobva kuna “Mwari wokunyaradza kwose,” ane hanya nesu chaizvoizvo.—2 VaKorinde 1:3.

[Mifananidzo iri papeji 6]

Nguva yaratidza kuti vanhu havagoni kuzvitonga zvinobudirira pasina Mwari

[Kwazvakatorwa]

Mhuri yokuSomalia: UN PHOTO 159849/M. GRANT; bhomba reatomu: USAF photo; musasa wevasungwa: U.S. National Archives photo