Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pwere Dzinoda Chokwadi

Pwere Dzinoda Chokwadi

Pwere Dzinoda Chokwadi

“JAYA ringaramba richinatsa nzira yaro neiko?” akabvunza kudaro munyori wepisarema wechiHebheru zviuru zvemakore zvadarika. (Pisarema 119:9) Uyu uchiri mubvunzo unokosha nanhasi nokuti vechiduku vanotarisana nezvinetso zvakawanda munyika. Unzenza hwaita kuti vechiduku vakawanda vaite AIDS, inenge hafu yevaya vane hosha iyi yakaipa vane makore ari pakati pe15 ne24. Kushandisa zvinodhaka kunokonzerawo zvinetso zvakawanda, kuchiita kuti vechiduku vakurumidze kufa. Nziyo dzakashata; mafirimu anoratidza chisimba nounzenza, purogiramu dzeTV, nemavhidhiyo, uye zvinonyadzisira zvinoonekwa paIndaneti zvinokuvadza vechiduku zvikuru. Naizvozvo, mubvunzo wakabvunzwa nomunyori wepisarema une chokuita zvikuru nevabereki vakawanda nhasi uye pwere.

Achipindura mubvunzo wake, munyori wepisarema iyeye anopa mhinduro iyi inoti: “Kana richiichenjerera sezvinorayira shoko renyu.” Zvechokwadi, Shoko raMwari, Bhaibheri rine nhungamiro yakaisvonaka kune vechiduku, uye nokuitevera, pwere dzakawanda dziri kubudirira muupenyu. (Pisarema 119:105) Ngatimboongororai mienzaniso yepwere dzinoda Mwari uye dzinoedza kuramba dzakasimba pakumunamata munyika ine vanhu vanotsvaka zvemafaro uye vanonyanya kuda zvinhu zvenyika.

Vanoonga Nhungamiro Yevabereki

Jacob Emmanuel aiva piyona wenguva yakazara kwemakore akati asati ava kushanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muMexico. Anoyeuka nomufaro kutanga kwaakaita kuda basa raMwari achiti: “Vabereki vangu ndivo vakandikurudzira zvikuru, kunyange zvazvo dzimwe hama dzakasimba pakunamata dzandaishamwaridzana nadzo dzaindibatsirawo chaizvo. Vakandikurudzira kuda basa rokuparidza. Zvishoma nezvishoma vakanditungamirira munzira yakarurama; handina kumbonzwa kuti vakandimanikidza.”

David, uyo atopedzera makore anoverengeka muushumiri hwenguva yakazara, anoyeuka kufadza kwazvakamuita kuti vabereki vake vakatanga kushanda semapiyona chaiwo apo iye nomunun’una wake vaiva vaduku. Baba vake vafa, amai vake vakaramba vari piyona chaiye. Kuwedzera kubasa ravo rokuparidza mashoko akanaka vaitarisira vana vavo. “Havana kumbondimanikidza kuti ndive piyona,” anodaro David, “asi tainakidzwa zvikuru nokupayona semhuri zvokuti ushamwari hwedu uye mamiriro acho ezvinhu akandikurudzira kuita saizvozvowo.” Nezvokukosha kwenhungamiro yakanaka uye kutarisirwa nevabereki, David anoti: “Usiku humwe nohumwe, amai vangu vaitiverengera nyaya dziri mubhuku rinonzi Kubva kuParadhiso Yakarasika kuParadhiso Ichawanikwazve. * Kurondedzera kwavaiita nyaya dzacho kwakatibatsira kuda kudya zvokudya zvomudzimu.”

Kukoshesa Misangano

Dzimwe pwere dzinoona zvakaoma kukoshesa misangano yechiKristu. Dzinopinda misangano nemhaka yokuti vabereki vadzo vanoenda nadzo. Zvisinei, kana dzikaramba dzichipinda misangano, nokufamba kwenguva dzingasvika pakuida. Funga nezvaAlfredo, uyo akatanga basa renguva yakazara paakanga ane makore 11. Anobvuma kuti paaiva neanenge makore mashanu, akaedza kunzvenga kuenda kumisangano nokuti yaimuita kuti arare asi vabereki vake vaisamubvumira kurara misangano ichiitwa. Anoti: “Sezvandaikura, zvishoma nezvishoma ndakatanga kufarira misangano chaizvo, zvikurukuru pandakanga ndadzidza kuverenga nokunyora nokuti kubva ipapo ndakatanga kupindura nemashoko angu ndoga.”

Cintia, mumwe musikana ane makore 17 anoshanda sapiyona wenguva dzose, anotaura kuti ushamwari hwakanaka hwakabatsira zvikuru mukuita kuti ade basa raMwari. Anoti: “Ukama hwakanaka nehama uye kupinda misangano nguva dzose zvakaita kuti ndisashuva shamwari dzangu dzokunyika uye kuita zvinofarirwa nevechiduku, zvakadai sokuenda kumadhindindi. Zvaitaurwa uye zvakasangana nevamwe zvandakanzwa ndiri kumisangano zvakaita kuti ndive nechido chokupa Jehovha zvose zvandinazvo, uye ndinofunga kuti chinhu chakanakisisa chandinacho upwere hwangu. Saka ndakasarudza kuhushandisa kuita basa rake.”

Zvisinei, anobvuma kuti: “Ndisati ndabhabhatidzwa, pane imwe nguva yandaiona zviri nyore kurovha misangano, ndichishandisa basa rokuchikoro rinoitirwa kumba kana kuti zvimwewo zvokuchikoro senzira yokuzvipembedza nayo. Ndakarovha misangano inoverengeka, uye izvi zvakatanga kuita kuti ndiderere mune zvokunamata. Ndakatanga kudanana nomumwe mukomana akanga asina kudzidza Bhaibheri. Ndichibatsirwa naJehovha, ndakazvigadzirisa nokufamba kwenguva.”

Chisarudzo Chomunhu Pachake

Pablo, imwe pwere iri kushumira Jehovha iri mubasa renguva yakazara, paanobvunzwa kuti chinhu chipi chaanofunga kuti chinokosha kukudziridza kuda chokwadi cheShoko raMwari, anoti: “Ndinofunga pane zvinhu zviviri: kudzidza ndiri ndoga nguva dzose uye kushingairira basa rokuparidza. Ndinoonga vabereki vangu nokundidzidzisa chokwadi pamusoro paJehovha, uye ndinofunga kuti ndicho chinhu chakanakisisa chavakandipa. Zvisinei, ndinofanira kuva nechokwadi pachangu kuti nei ndichida Jehovha. Naizvozvo, zvinokosha kuziva ‘kufara uye kudzika’ kwechokwadi cheBhaibheri. Ndiyo nzira chete inoita kuti tinzwe tichida Shoko raJehovha, iro rinoita kuti ‘moto upfute’ matiri kuti tiritaurire vamwe. Kushingairira basa rokuparidza ikoko kuchaita kuti kukoshesa kwedu chokwadi kurambe kuri kupenyu.”—VaEfeso 3:18; Jeremia 20:9.

Jacob Emmanuel, ambotaurwa, anoyeukawo kukosha kwokuzvisarudzira kushumira Jehovha. Anoti vabereki vake havana kumbomumanikidza kuti abhabhatidzwe. “Ndinoona kuti iyi yaive iri nzira yakanakisisa nokuti migumisiro yacho yakanaka. Somuenzaniso, dzimwe pwere dzandaigara ndichitamba nadzo dzakasarudza kubhabhatidzwa panguva imwe chete. Kunyange zvazvo izvozvo zvakanga zvakanaka, ndinoona kuti vamwe vakangozviitira manyemwe, uye nguva pfupi gare gare, kushingairira kwavo zvinhu zvoUmambo kwakaderera. Muchiitiko changu vabereki vangu havana kundimanikidza kuita chisarudzo chokuzvitsaurira kuna Jehovha. Ndakazvisarudzira.”

Basa reUngano

Vamwe vechiduku vakadzidza chokwadi cheShoko raMwari pachavo, vasingabatsirwi nevabereki vavo. Chokwadi zvakaoma kudzidza kuita zvakarurama ndokuramba uchidaro uri mumamiriro ezvinhu akadaro.

Noé anoyeuka kubatsirwa kwaakaitwa nechokwadi. Kubvira achiri muduku zvikuru, akanga asingatani kushatirwa uye kurwa. Paakatanga kudzidza Bhaibheri aine makore 14, unhu hwake hwakatanga kuvandudzika, zvokuti vabereki vake vakanga vasingafariri Bhaibheri panguva yacho, vakafara zvikuru. Sezvo Noé akafambira mberi mune zvokunamata, aida kushandisa upenyu hwake zvakazara mubasa raMwari. Zvino ari kuita ushumiri hwenguva yakazara.

Ndizvo zvakaitawo Alejandro akatanga kufarira chokwadi chechiKristu paakanga achiri muduku zvikuru, kunyange zvazvo vabereki vake vakanga vasingachifariri. Achitaura kuonga kwaanoita chokwadi, anoti: “Ndakakurira mumusha wechiKaturike. Asi kuda kwangu zvechiKomonisti zvokuti hakuna Mwari kwakawedzera, sezvo chechi yakanga isina kupindura mibvunzo yangu yakanga yandinetsa kubvira ndiri muduku zvikuru. Sangano raJehovha rakandibatsira kuwana zivo yaMwari. Chaizvoizvo rakaponesa upenyu hwangu nokuti dai ndisina kudzidza Bhaibheri, zvimwe ndingadai ndakaita zvounzenza, udhakwa, kana kuti kushandisa zvinodhaka. Zvimwe ndingadai ndakatova mumwe weboka revapanduki, zvichiva nomugumisiro unorwadza.”

Pwere ingaramba sei ichitsvaka chokwadi ndokuomerera kwachiri isingatsigirwi nevabereki vayo? Zviri pachena kuti vakuru nevamwe vari muungano vanoita basa rinokosha zvikuru. Noé anoti: “Handina kumbonzwa ndiri ndoga, nokuti nguva dzose Jehovha ave ari pedyo neni zvikuru. Uyezve, ndaitsigirwa nehama nehanzvadzi dzakawanda dzine rudo idzo dzava vanababa vangu, vanaamai, uye hanzvadzi dzangu dzomuungano.” Zvino anoshanda paBheteri uye anoshandisa nguva yake kuita basa raMwari. Saizvozvowo, Alejandro anoti: “Chimwe chinhu chandichagara ndichionga ndechokuti ndaiva nechikomborero chokuva muungano yaiva nedare revakuru vaindiratidza rudo. Ndinoonga zvikuru nokuti pandakatanga kudzidza Bhaibheri, ndiine makore 16, zvinonetsa pwere zvinozivikanwa zvikuru zvakandinetsawo. Mhuri dzomuungano hadzina kumbondisiya. Nguva dzose paiva nomumwe munhu aindigamuchira nomutsa ndokusangoita kuti ndive mumba make nokuwana zvokudya bedzi asiwo rudo rwake rwepamwoyo.” Zvino Alejandro ave ari mubasa renguva yakazara kweanodarika makore 13.

Vamwe vanhu vanofunga kuti kunamata ndokwevanhu vakuru chete. Zvisinei, vechiduku vakawanda vakadzidza chokwadi cheBhaibheri vachiri vaduku zvikuru uye vakasvika pakuda Jehovha ndokuramba vakatendeka kwaari. Mashoko aDhavhidhi akanyorwa pana Pisarema 110:3 angashanda kupwere idzi anoti: “Vanhu vako vachazviisa nomwoyo wose pazuva rauchaunganidza hondo yako, nenguva tsvene, pachizvaro chamangwanani, ndipo pane dova roujaya hwako.”

Zvakaoma kuti vechiduku vadzidze chokwadi ndokuomerera kwachiri. Zvinofadza kwazvo kuona kuti vakawanda vari kuramba vari pedyo zvikuru nesangano raJehovha, vachipinda misangano nguva dzose, uye vachidzidza Bhaibheri nokushingaira. Nokuita kudaro, vave vachikwanisa kukudziridza rudo rwechokwadi nokuda kweShoko raMwari uye basa rake!—Pisarema 119:15, 16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha muna 1958; iye zvino harichadhindwi.