Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ropafadzo Yokubatanidzwawo Mukuwedzera Kwakaitika Hondo Yapera

Ropafadzo Yokubatanidzwawo Mukuwedzera Kwakaitika Hondo Yapera

Nyaya Youpenyu

Ropafadzo Yokubatanidzwawo Mukuwedzera Kwakaitika Hondo Yapera

YAKATAURWA NAFILIP S. HOFFMANN

Hondo Yenyika II yakanga ichangobva kupera muna May 1945. Muna December wegore iroro, Nathan H. Knorr, aitarisira mabasa okuparidza eZvapupu zvaJehovha pasi pose, akashanyira Denmark nomunyori wake aiva nemakore 25, Milton G. Henschel. Chivako chihombe chakarendwa kuitira kushanya uku kwaitarisirwa kwazvo. Kana tirisu vaduku, takanyanya kunakidzwa nehurukuro yaHama Henschel, sezvo vaiva vezera redu uye vakanga vasarudza musoro waiti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako.”—Muparidzi 12:1.

PAKUSHANYA ikoko, takaziva kuti zvinhu zvinofadza zvakanga zviri kuitika kuti basa rokuparidza rinoitwa pasi pose rienderere mberi uye kuti isuwo taigona kuriitawo. (Mateu 24:14) Somuenzaniso, chikoro chitsva chokudzidzisa varume nevakadzi vechiduku basa roumishinari chakanga chavhurwa muUnited States. Hama Knorr vakasimbisa kuti dai taizonzi takokwa, taizongowana “tiketi rokuenda chete” uye kuti takanga tisingazozivi kwataizoguma tava. Kunyange zvakadaro, vamwe vedu takanyorera.

Ndisati ndarondedzera zvakaitika Hondo Yenyika II yapera, regai ndidzokere shure pakuzvarwa kwangu muna 1919. Paiva nezviitiko zvinoverengeka zvakaitika hondo isati yatanga uye payaiitika zvakachinja upenyu hwangu zvikuru.

Kuwana Chokwadi cheBhaibheri Kumwana Akarasika

Amai pavakava nepamuviri pangu—mwana wavo wokutanga—vakanyengetera kuti kana ndaiva mukomana, ndizova mumishinari. Hanzvadzi yavo yaiva Mudzidzi weBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha, asi nhengo dzemhuri yavo dzaimuona semwana akarasika. Musha wedu waiva pedyo neCopenhagen, uye Vadzidzi veBhaibheri pavaiva nekokorodzano dzegore negore ikoko, Amai vaikoka Sekuru Thomas, avo vaigara chinhambwe, kuti vagare nesu. Pakazosvika 1930 zivo yavo inoshamisa yeBhaibheri uye kutsanangura kwavo kunonzwisisika zvakanga zvaita kuti Amai vade kuva Mudzidzi weBhaibheri.

Amai vaida Bhaibheri. Vachitevedzera murayiro uri pana Dheuteronomio 6:7, vakatidzidzisa ini nehanzvadzi yangu ‘pavainge vagere mumba mavo, vachifamba munzira, vakarara, kana vachimuka.’ Nokufamba kwenguva, ndakatanga kuitawo basa rokuparidza pamba nemba. Ndaida kukurukura nyaya dzakadai sokusafa kwomweya uye moto wehero, dzaidzidziswa nemachechi. Ndaikwanisa kunyatsoratidza kubva muBhaibheri kuti dzidziso dzakadaro hadzina kururama.—Pisarema 146:3, 4; Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4.

Mhuri Yedu Inobatana

Pashure pekokorodzano yakaitirwa muCopenhagen muna 1937, paidiwa munhu anobatsira kwenguva pfupi panzvimbo yaichengeterwa mabhuku nehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muDenmark. Ndakanga ndichangopedza zvidzidzo zvangu pakoreji yezvebhizimisi uye ndakanga ndisina mutoro, saka ndakazvipira kubatsira panzvimbo yokuchengetera mabhuku iyoyo. Pakapera basa panzvimbo iyi, ndakakumbirwa kubatsira pahofisi yebazi. Nokukurumidza pashure pacho, ndakabva pamusha ndokutamira kubazi muCopenhagen kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndabhabhatidzwa. Kusonganirana nevaKristu vakakura mumudzimu zuva nezuva kwakandibatsira kufambira mberi mune zvokunamata. Gore rakatevera racho, musi waJanuary 1, 1938, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha Mwari nokubhabhatidzwa mumvura.

Muna September 1939, Hondo Yenyika II yakatanga. Zvadaro, musi waApril 9, 1940, mauto eGermany akapinda muDenmark. Sezvo vanhu vokuDenmark vakapiwa rusununguko rwakati, takabvumirwa kuramba tichiita basa redu rokuparidza.

Chimwe chinhu chinofadza chakabva chaitika. Baba vakava Chapupu chakavimbika, chinoshingaira, zvichiita kuti mufaro wemhuri yedu ubve wawedzera. Nokudaro, ini nevamwe vangu vokuDenmark patakakokwa kunopinda kirasi yechisere yeChikoro cheGiriyedhi, mhuri yose yakanditsigira. Kosi yacho yemwedzi mishanu, iyo yakatanga muna September 1946, yakaitirwa pazvivako zvakaisvonaka kunze kweSouth Lansing muruwa rweNew York.

Kudzidziswa kuGiriyedhi uye Pashure Pokubvako

Giriyedhi yakapa mikana yakaisvonaka yokuita shamwari itsva. Mamwe manheru ndichifamba-famba zvangu pazvivako zvedu ndina Harold King wokuEngland, takataura nezvekwataizoendeswa pashure pokunge tapedza kudzidza. “Ndinoda mumwezve mukana wokuona mawere machena enzvimbo inonzi Dover iri kuEngland,” akadaro Harold. Akanga akarurama, asi zvakamutorera makore 17 asati aona mawere iwayo zvakare, uye mana nehafu emakore awo akaapedza akapfigirwa mujeri rake oga kuChina! *

Tapedza kudzidza, ndakaendeswa kuTexas, U.S.A., kunoshanda somutariri anofambira, ndichishanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha kuti ndidzibatsire mumudzimu. Ndakatambirwa nemaoko maviri. Kana dziri hama dzokuTexas, chinhu chaifadza kuva nomunhu wechiduku wokuEurope akanga achangobva kupinda Chikoro cheGiriyedhi. Asi pashure pemwedzi minomwe bedzi ndiri kuTexas, ndakadanwa kudzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha riri kuBrooklyn, New York. Ikoko Hama Knorr vakandipa basa romuhofisi, nemirayiridzo yokudzidza mashandire anoita madhipatimendi ose ipapo. Zvadaro ndaizofanira kuti kana ndadzokera kuDenmark, ndishandise zviya zvandainge ndadzidza, ndichibata chokwadi kuti zvinhu zvose zvakanga zvichiitwa semaitirwe azvaiitwa kuBrooklyn. Pfungwa yacho yakanga iri yokuti maitirwe ezvinhu afanane mumapazi ari pasi pose kuitira kushanda kwakarongeka. Pava paya, Hama Knorr vakanditamisira kuGermany.

Kushandisa Mirayiridzo kuMapazi

Pandakasvika muWiesbaden, Germany, muna July 1949, maguta akawanda okuGermany akanga achakangoita ungwandangwanda. Vaya vaitungamirira basa rokuparidza vaiva varume vakanga vatambudzwa kubva nguva yakatora Hitler utongi muna 1933. Vamwe vakanga vagara mumajeri uye mumisasa yevasungwa kwemakore masere kusvika kugumi kana kupfuura! Ndakashanda nevashumiri vaJehovha vakadaro kwemakore matatu nehafu. Muenzaniso wavo usina kufanana nowevamwe unondiyeuchidza nezveshoko rakataurwa nomunyori wenhau dzakaitika wokuGermany Gabriele Yonan, uyo akanyora kuti: “Dai pasina muenzaniso uyu wokutendeka kweboka iri rechiKristu pasi poutongi hwoudzvinyiriri hweNational Socialist, taisazova nechokwadi kana zvaizombokwanisika kuzadzikisa dzidziso dzechiKristu dzaJesu—pashure peAuschwitz neHolocaust.”

Basa rangu pabazi raiva rakafanana nerandaiita kuDenmark: kuita kuti pave nenzira itsva, yakafanana yokuita nayo zvinhu zvesangano. Hama dzokuGermany padzakangonzwisisa kuti kugadzirisa kwacho kwakanga kusiri kushora basa radzo—asi kuti nguva yokushandira pamwe kwemapazi akasiyana-siyana nedzimbahwe yakanga yasvika—dzakakurudzirwa uye dzakazadzwa nepfungwa yakaisvonaka yokushandira pamwe.

Muna 1952 ndakatambira tsamba yaibva kuhofisi yaHama Knorr, ichindiudza kutamira kubazi riri muBern, kuSwitzerland. Ndakapiwa basa rokushanda somutariri webazi ipapo kutanga musi waJanuary 1, 1953.

Zvimwe Zvaikonzera Kufara muSwitzerland

Isiri nguva refu ndasvika muSwitzerland, ndakasangana naEsther pakokorodzano, uye nenguva isipi takavimbisana kuroorana. Muna August 1954, Hama Knorr vakandirayira kuenda kuBrooklyn, uko ndakaudzwa maitirwe erimwe basa idzva rinofadza. Sezvo nhamba uye ukuru hwemahofisi emapazi ari pasi pose zvakanga zvawedzera kwazvo, humwe hurongwa hwakanga huchitangwa. Nyika dzepasi pose dzakakamurwa dzichiiswa mumazoni, zoni imwe neimwe ichifanira kushandwa nomutariri wezoni. Ndakapiwa mazoni maviri okushanda: Europe nenyika dzeMediterranean.

Ndichangobva kushanyira Brooklyn kwenguva pfupi, ndakadzokera kuSwitzerland ndokugadzirira basa rokushanyira nyika nenyika. Ini naEsther takaroorana, uye akauya kuzogara neni pahofisi yebazi muSwitzerland. Murwendo rwangu rwokutanga takaenda kumisha yemamishinari nemapazi okuItaly, Greece, Cyprus, nyika dzokuMiddle East uye dziri kumhenderekedzo yegungwa kuNorth Africa, uye Spain nePortugal—dzose dzikasanganiswa i13. Tambodzokera kuBern zvekare, ndakaendazve kune dzimwe nyika dzokuEurope dziri kumadokero kweIron Curtain. Mugore redu rokutanga taroorana, ndaisava kumusha kwemwedzi mitanhatu, tichishumira hama dzedu dzechiKristu.

Kuchinja Kwemamiriro Ezvinhu

Muna 1957, Esther akaziva kuti akanga ava nepamuviri, uye sezvo bazi risina kugadzirirwa vabereki vane vana, takasarudza kutamira kuDenmark, uko Baba vakatigamuchira kuti tigare navo. Esther akatarisira vose mwanasikana wedu, Rakel, nababa vangu, ini ndichibatsira basa pahofisi yedu itsva yakanga ichangovakwa. Ndakashanda somurayiridzi weChikoro Choushumiri choUmambo chevatariri veungano uyewo ndakaramba ndichishanda somutariri wezoni.

Basa rokufambira nyika nenyika raireva nguva refu uchifamba, uye zvinosuruvarisa kuti rakaguma raita kuti ndipedze nguva refu ndisina mwanasikana wedu. Izvozvo zvaiva nemigumisiro yazvowo. Ndakambopedza imwe nguva muParis, kwatakaisa muchina muduku wokudhinda. Esther naRakel vakauya nechitima kuzondiona ndokusvika paGare du Nord. Ini naLéopold Jontès wokubazi takaenda ikoko kunovatambira. Rakel akamira pamusuwo wechitima, akatarisa Léopold, ndokutarisa ini, ndokutarisazve Léopold, achibva ambundira Léopold!

Kumwe kuchinja kunoshamisa kwakaitika pandakanga ndava nemakore 45, apo ndakasiya ushumiri hwenguva yakazara kuti ndiwane mari yokutarisira mhuri yangu. Noruzivo rwandakanga ndawana somushumiri weZvapupu zvaJehovha, ndakakwanisa kuwana basa samanija anoona kubuda kwezvinhu kunze kwenyika. Ndashandira kambani iyoyo kwemakore anenge mapfumbamwe uye Rakel apedza chikoro, takasarudza kuita maererano nekurudziro yokutamira kwaidiwa vaparidzi voUmambo zvikuru.

Ndaongorora mikana yokuenda kuNorway, ndakabvunza mumwe anotsvagira vanhu mabasa kana ikoko kwaizowanika basa. Mhinduro yacho yakanga isingakurudziri. Paiva netarisiro shoma kuti murume ava nemakore 55 ariwane. Kunyange zvakadaro, ndakataura nehofisi yebazi muOslo uye ndokurenda imwe imba pedyo neguta reDrøbak, nechivimbo chokuti mukana wokuwana basa waizomuka. Mumwe mukana wakamuka, uye pakazotevera nguva yokufara zvikuru mubasa roUmambo muNorway.

Nguva dzainakidza zvikuru ndedziya apo vakawanda muungano yedu vaiita nzendo kuchamhembe kunoshanda ndima dzisina kugoverwa. Tairenda makoteji panzvimbo yokudzikira matende, uye zuva roga roga taishanyira mapurazi akanga akaita fararira mumakomo akaisvonaka. Waiva mufaro mukuru kuudza vanhu ava vane ushamwari nezvoUmambo hwaMwari. Mabhuku akawanda akagoverwa, asi vanofarira vaitozofanira kushanyirwazve gore raitevera. Kunyange zvakadaro, vanhu vacho havana kutikanganwa! Esther naRakel vachiri kuyeuka imwe nguva yatakadzokera ndokumbundirwa senhengo dzemhuri dzakanga dzakarasika kare kare. Tapedza makore matatu muNorway, takadzokera kuDenmark.

Mufaro Woupenyu Hwemhuri

Nenguva isipi Rakel akatanga kudanana naNiels Højer, piyona anoshingaira wenguva yakazara. Pashure pokunge varoorana, Niels naRakel vakaramba vachipayona kusvikira vava nevana. Niels ave ari murume akanaka uye baba vakaisvonaka, vanonyatsofarira mhuri yavo chaizvo. Mamwe mangwanani-ngwanani akatakura mwanakomana wake pabhasikoro rake ndokuenda kumhenderekedzo kuti vanoona zuva richibuda. Mumwe muvakidzani akabvunza mukomana wacho kuti vakanga vaitei ikoko. Akapindura kuti: “Tanyengetera kuna Jehovha.”

Makore mashomanana gare gare, ini naEsther takaona vazukuru vedu vokutanga vaviri vachibhabhatidzwa, Benjamin naNadja. Pane vaiona paiva naNiels, uyo akabva angomira akatarisana neni. Akanditarisa ndokuti, “Murume chaiye haachemi.” Asi, nguva yakatevera tose takanga tochema takambundirana. Zvinofadza sei kuva nomukwasha waunogona kuseka uye kuchema naye!

Kuramba Tichichinjira Kumamwe Mamiriro Ezvinhu

Chimwe chikomborero chakavapo apo ini naEsther takakumbirwa kudzokera kunoshanda kuhofisi yebazi muDenmark. Zvisinei, nenguva iyoyo urongwa hwakanga huri kuitwa hwokuti pavakwe bazi rakati kurei muHolbæk. Ndakava neropafadzo yokutarisirawo basa rokuvaka, rose raiitwa nevashandi vasingabhadharwi vaizvipira. Pasinei nomwaka wechando chakanyanya, nokuzopera kwa1982, zvinhu zvikuru zvebasa racho zvakanga zvapera, uye tose takafara kutamira muzvivako zvakakura, zvakavandudzwa!

Nenguva isipi ndakanga ndoita basa romuhofisi, rakandigutsa zvikuru, uku Esther achishanda pamuchina wokugamuchira nhare. Zvisinei, nokufamba kwenguva aifanira kuvhiyiwa hudyu otsiviwa neimwe yokuisira, uye gore nehafu gare gare, akavhiyiwa dundira. Pasinei nomutsa watakaratidzwa nevashandi vepabazi, takasarudza kuti zvaizova nani kune vose vaibatanidzwa kuti tibve pabazi. Takatamira kuungano yaiva nomwanasikana wedu nemhuri yedu.

Nhasi utano hwaEsther hauna kutsarukana. Asi, ndinogona kutaura zvechokwadi kuti mumakore ose atakashanda tose, nemamiriro edu ezvinhu akachinja kakawanda, ave ari shamwari nomutsigiri wangu akaisvonaka. Pasinei noutano husina kutsarukana, tose zvedu tichiri kuitawo basa rokuparidza nepatinogona napo. Pandinotarisa upenyu hwangu, ndinoyeuka nokuonga mashoko omunyori wepisarema okuti: “Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu.”—Pisarema 71:17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 1963, mapeji 437-42.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ndichiburutsa mabhuku pabazi reGermany paraivakwa muna 1949

[Mufananidzo uri papeji 25]

Vandaishanda navo vaisanganisira Zvapupu zvakaita seizvi zvakanga zvadzoka kubva kumisasa yevasungwa

[Mifananidzo iri papeji 26]

Ndina Esther nhasi uye pazuva redu romuchato paBheteri rokuBern, muna October 1955