Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Teerera Sezvo Mugumo Unoswedera Pedyo

Teerera Sezvo Mugumo Unoswedera Pedyo

Teerera Sezvo Mugumo Unoswedera Pedyo

“Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera” Shiro.—GENESI 49:10.

1. (a) Munguva yakapfuura, kuteerera Jehovha kakawanda kwaisanganisirei? (b) Jakobho akaprofita chii maererano nokuteerera?

KUTEERERA Jehovha kakawanda kwave kuchisanganisira kuteerera vanomumiririra. Ivava vave vachisanganisira ngirozi, madzitateguru okutenda, vatongi, vapristi, vaprofita, uye madzimambo. Chigaro choumambo chemadzimambo evaIsraeri chaitonzi chigaro choumambo chaJehovha. (1 Makoronike 29:23) Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vatongi veIsraeri vazhinji havana kuteerera Mwari, vachizviunzira matambudziko ivo pachavo nevavaitonga. Asi Jehovha haana kusiya vakavimbika vake vasina tariro; akavanyaradza nevimbiso yokugadza Mambo asina uori, uyo vakarurama vaizofara kuteerera. (Isaya 9:6, 7) Tateguru Jakobho uyo akanga ava kuda kufa akaprofita nezvomutongi aizouya, achiti: “Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, kana mudonzvo womubati pakati petsoka dzake, kusvikira Shiro auya; ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera iye.”—Genesi 49:10.

2. “Shiro” zvinorevei, uye kutonga kwake kwoumambo kuchasanganisirei?

2 “Shiro” ishoko rechiHebheru rinoreva kuti “Muridzi,” kana kuti “Mwene Wahwo.” Chokwadi, Shiro aizogara nhaka kodzero yokutonga, sezvinoratidzwa netsvimbo, uye simba rokutungamirira, sezvinoratidzwa nomudonzvo womutungamiriri. Uyezve, kutonga kwake kwoumambo kwaizosanganisira “vanhu” vose, kwete vazukuru vaJakobho chete. Izvi zvinoenderana nechipikirwa chaJehovha kuna Abrahamu chokuti: “Vana vako vachava varidzi vamasuo avavengi vavo; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako.” (Genesi 22:17, 18) Jehovha akasimbisa kuti ndiani aiva “mbeu” iyi muna 29 C.E. paakazodza Jesu weNazareta nomudzimu mutsvene.—Ruka 3:21-23, 34; VaGaratiya 3:16.

Umambo hwaJesu Hwokutanga

3. Jesu akagamuchira utongi hupi paakakwira kudenga?

3 Jesu paakakwira kudenga, haana kubva angotora tsvimbo yokutonga vanhu vari panyika pakarepo. (Pisarema 110:1) Zvisinei, akagamuchira “umambo” nevanhu vanomuteerera. Muapostora Pauro akataura kuti umambo ihwohwo ndohupi paakanyora kuti: “[Mwari] akatinunura [vaKristu vakazodzwa nomudzimu] pasimba rerima akatipinza muumambo hweMwanakomana wake waanoda.” (VaKorose 1:13) Kununurwa uku kwakatanga paPendekosti ya33 C.E. pakadururwa mudzimu mutsvene pavateveri vaJesu vakatendeka.—Mabasa 2:1-4; 1 Petro 2:9.

4. Vadzidzi vaJesu vokutanga vakaratidza kuteerera kwavo nenzira ipi, uye vari boka Jesu akavati ndivanaani?

4 Se“vamiririri vanotsiva Kristu,” vadzidzi vakazodzwa nomudzimu, vachiteerera vakatanga kuunganidza vamwe vaizova “vagari veimomo pamwe” navo muumambo hwomudzimu. (2 VaKorinde 5:20; VaEfeso 2:19; Mabasa 1:8) Kuwedzera pane izvi, ivava vaifanira kuramba vaka“nyatsobatanidzw[a] mupfungwa imwe nomunzira imwe yokufunga” kuti vatenderwe naMambo wavo Jesu Kristu. (1 VaKorinde 1:10) Vari boka, vakaumba “muranda akatendeka, akangwara,” kana kuti boka romutariri akatendeka.—Mateu 24:45; Ruka 12:42.

Vakakomborerwa Nokuda Kwokuteerera “Mutariri” waMwari

5. Kubvira kare kare, Jehovha ave achidzidzisa sei vanhu vake?

5 Jehovha ave achigovera vanhu vake vadzidzisi nguva dzose. Somuenzaniso, vaJudha vadzoka kubva kuBhabhironi, Ezra nevamwe varume vaikwanisa vanoverengeka havana kungoverengera vanhu Mutemo waMwari, ‘vakatsanangura’ mutemo iwoyo, ‘vachiududzira uye kuita kuti Shoko raMwari rinzwisisike.’—Nehemia 8:8.

6, 7. Boka romuranda rakagovera sei zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira richishandisa Dare Rinodzora, uye nei kuzviisa pasi peboka romuranda kwakakodzera?

6 Muzana remakore rokutanga, pakamuka nyaya yokudzingiswa muna 49 C.E., dare rinodzora reboka romuranda iroro rokutanga rakanyengetera rikakurukura nyaya iyoyo ndokusvika pachisarudzo chomuMagwaro. Pavakazivisa chisarudzo chavo netsamba, ungano dzakateerera nhungamiro yakapiwa dzikakomborerwa zvikuru naMwari. (Mabasa 15:6-15, 22-29; 16:4, 5) Saizvozvowo mazuva ano, muranda akatendeka achishandisa Dare Rinodzora akajekesa nyaya dzinokosha dzakadai sokusava nedivi ravakarerekera kwevaKristu, utsvene hweropa, uye kushandiswa kwezvinodhaka nefodya. (Isaya 2:4; Mabasa 21:25; 2 VaKorinde 7:1) Jehovha akakomborera vanhu vake nokuda kwokuteerera kwavo Shoko rake nomuranda akatendeka.

7 Nokuzviisa pasi peboka romuranda, vanhu vaMwari vanoratidzawo kuzviisa kwavanoita pasi paTenzi, Jesu Kristu. Kuzviisa pasi ikoko kwava kutonyanya kukosha mazuva ano nokuti chiremera chaJesu chakawedzerwa, sezvakafanotaurwa muuprofita hwaJakobho hwaakataura ava kuda kufa.

Shiro Anova Mutongi Wepasi Akakodzera

8. Chiremera chaKristu chakawedzerwa sei uye rini?

8 Uprofita hwaJakobho hwakafanotaura kuti Shiro ‘aizoteererwa nendudzi dzevanhu.’ Zviri pachena kuti utongi hwaKristu hwaizosanganisira vamwe kunze kwaIsraeri womudzimu. Hwaizosanganisira chii? Zvakazarurwa 11:15 inopindura kuti: “Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe wedu nehwaKristu wake, uye achatonga samambo nokusingaperi-peri.” Bhaibheri rinozivisa kuti Jesu akagamuchira chiremera ichocho pakuguma kwe“nguva nomwe” dzouprofita—“nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi”—muna 1914. * (Dhanieri 4:16, 17; Ruka 21:24) Mugore iroro, “kuvapo” kusingaonekwi kwaKristu saMesiya uye Mambo kwakatanga, sezvakaitawo nguva yake yoku“bata ushe pakati pavavengi” vake.—Mateu 24:3; Pisarema 110:2.

9. Jesu akaitei paakagamuchira Umambo hwake, uye izvi zvakava nomugumisiroi usina kunanga pavanhu, kunyanya vadzidzi vake?

9 Chiito chakatanga kuitwa naJesu agamuchira simba roUmambo chaiva chokukandira “pasi” uyo anozivikanwa nokusateerera kupfuura ani zvake—Satani—pamwe chete nemadhimoni ake. Kubvira ipapo, midzimu yakaipa iyi yakatangira vanhu matambudziko asina kubvira amboonekwa, tisingatauri kutanga kwayakaita mamiriro ezvinhu anoita kuti kuteerera Jehovha kuome. (Zvakazarurwa 12:7-12; 2 Timoti 3:1-5) Kutaura zvazviri, vakazodzwa vaJehovha, “vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu,” neshamwari dzavo, “mamwe makwai,” ndivo vanonyanyonangwa naSatani muhondo yake yomudzimu.—Zvakazarurwa 12:17; Johani 10:16.

10. Kuzadzika kwouprofita hupi hweBhaibheri kunosimbisa kukundikana kwokurwisa kwaSatani vaKristu vechokwadi?

10 Zvisinei, Satani achakundikana, nokuti rino i“zuva raShe,” uye hapana chingatadzisa Jesu “kupedzisa kukunda kwake.” (Zvakazarurwa 1:10; 6:2) Somuenzaniso, achava nechokwadi chokuti kuiswa chiratidzo kwokupedzisira kwevaIsraeri vomudzimu 144 000 kwaitwa. Achadzivirirawo “boka guru revanhu, vakanga vasina munhu aikwanisa kuverenga, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” (Zvakazarurwa 7:1-4, 9, 14-16) Zvisinei, kusiyana neshamwari dzavo dzakazodzwa, ava vachava vanhu vanoteerera vachatongwa naJesu pasi pano. (Dhanieri 7:13, 14) Kuvapo kwavo panyika kunotopa uchapupu hunoonekwa hwokuti Shiro zvechokwadi ndiye Mutongi wo“Umambo hwenyika.”—Zvakazarurwa 11:15.

Iye Zvino Yava Nguva Yoku‘teerera Mashoko Akanaka’

11, 12. (a) Ndivanaani bedzi vachapukunyuka mugumo wenyika iripo zvino? (b) Unhu hworudzii hunova nevaya vanofema “mudzimu wenyika”?

11 Vose vanoda upenyu husingaperi vanofanira kudzidza kuteerera, nokuti Bhaibheri rinonyatsotaura kuti “vasingazivi Mwari uye vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu” havazopukunyuki zuva rokutsiva kwaJehovha. (2 VaTesaronika 1:8) Zvisinei, mamiriro ezvinhu akaipa aripo zvino uye kupandukirwa kuri kuitwa mitemo yeBhaibheri nezvimwe zvarinotaura zvinoita kuti kuteerera mashoko akanaka kuome zvikuru.

12 Bhaibheri rinorondedzera maitiro aya okupandukira Mwari kuti “mudzimu wenyika.” (1 VaKorinde 2:12) Achitsanangura simba rawo pavanhu, muapostora Pauro akanyorera vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuEfeso, achiti: “Mamakambofamba maererano negadziriro yezvinhu yenyika ino, maererano nomutongi wesimba remhepo, mudzimu unoshanda zvino muvanakomana vokusateerera. Hungu, pakati pavo isu tose pane imwe nguva takambozvibata maererano nokuchiva kwenyama yedu, tichiita zvinhu zvaidiwa nenyama nokufunga kwedu, uye pakuzvarwa takanga tiri vana vokuitirwa hasha sevamwe vose.”—VaEfeso 2:2, 3.

13. VaKristu vakabudirira sei kuramba mafungiro enyika, uye zvichiva nemigumisiro ipi inobatsira?

13 Zvinofadza kuti vaKristu veEfeso havana kuramba vari varanda vemafungiro iwayo okusateerera. Asi, vakava vana vaMwari vanoteerera nokuzviisa pasi pomudzimu wake vachikohwa zvibereko zvawo zvakawanda uye zvakanaka. (VaGaratiya 5:22, 23) Saizvozvowo nhasi, mudzimu waMwari—simba guru kupfuura ose aripo—uri kubatsira mamiriyoni evanhu kuteerera Jehovha, zvichiguma nokuti anogona kuva “nechivimbo chakakwana chetariro kusvikira kumugumo.”—VaHebheru 6:11; Zekaria 4:6.

14. Jesu akazivisa sei vaKristu vose vanorarama mumazuva okupedzisira zvinhu chaizvo zvaizoedza kuteerera kwavo?

14 Yeukawo kuti tinotsigirwa zvakasimba naShiro, uyo pamwe chete naBaba vake vasingazobvumiri muvengi—dhimoni kana munhu—kuedza kuteerera kwedu zvokuti hatingagoni kutsungirira. (1 VaKorinde 10:13) Kutaura zvazviri, kutibatsira muhondo yedu yomudzimu, Jesu akarondedzera zvinetso chaizvo zvinoverengeka zvataizotarisana nazvo mumazuva ano okupedzisira. Akaita izvi achishandisa tsamba nomwe, dzaakapa nechiratidzo kumuapostora Johani. (Zvakazarurwa 1:10, 11) Zvinobvumwa kuti dzaiva nemazano anokosha nokuda kwevaKristu kare ikako, asi dzinonyanya kushanda mu“zuva raShe,” kubvira muna 1914. Naizvozvo, zvakakodzera sei kuti titeerere mashoko iwayo! *

Dzivisa Kusava Nehanya, Unzenza, Kudisisa Zvinhu Zvenyika

15. Nei tichifanira kungwarira chinetso chakabata ungano yaiva muEfeso, uye tingaita sei kudaro? (2 Petro 1:5-8)

15 Tsamba yaJesu yokutanga yakanyorerwa ungano yaiva muEfeso. Apedza kurumbidza ungano yacho nokuda kwokutsungirira kwayo, Jesu akataura kuti: “Kunyange zvakadaro, ndinopesana newe pane ichi, kuti wakasiya rudo rwawaiva narwo pakutanga.” (Zvakazarurwa 2:1-4) Nhasi, vamwe vaKristu vaimboshingaira vakarasawo rudo runopisa rwavaimbova narwo nokuda kwaMwari. Kuchinja kwakadaro kunogona kunetesa ukama hwomunhu naMwari uye zvinofanira kukurumidza kugadziriswa. Rudo rwakadaro runogona sei kumutsidzirwa? Nokudzidza Bhaibheri nguva dzose, kupinda misangano, munyengetero, uye kufungisisa zvatinodzidza. (1 Johani 5:3) Chokwadi, izvi zvinoda “kushingaira nemwoyo wose,” asi kushingairira zviripo. (2 Petro 1:5-8) Kana kuzviongorora nokutendeseka kuchiratidza kuti rudo rwako rwatonhora, ipapo gadzirisa zvinhu nokukurumidza, uchiteerera zano raJesu rokuti: “Yeuka pane chawakawa, upfidze uite zviito zvekare.”—Zvakazarurwa 2:5.

16. Ndivanaani vaifurira vamwe kuita zvine ngozi mumudzimu vaivapo muungano dzomuPegamo neTiyatira, uye nei mashoko akataurwa naJesu kwadziri akakodzera nhasi?

16 VaKristu vaiva muPegamo neTiyatira vakarumbidzwa nokuda kwokutendeka, kutsungirira, uye kushingaira kwavo. (Zvakazarurwa 2:12, 13, 18, 19) Asi, vaifurirwa nevamwe vairatidza mafungiro akaipa aBharami naJezebheri, avo vakasvibisa vaIsraeri vekare nounzenza uye kunamatwa kwaBhaari. (Numeri 31:16; 1 Madzimambo 16:30, 31; Zvakazarurwa 2:14, 16, 20-23) Asi zvakadini nenguva yedu—“zuva raShe”? Kufurira kwakaipa kudaro kuri kuonekwa here? Hungu, unzenza ndihwo huri kudzingisa vanhu vaMwari kupfuura zvimwe zvose nokure. Naizvozvo, zvinokosha sei kuti tidzivise kusonganira nevanhu vose—mukati nokunze kweungano—vanofurira vamwe kuva netsika dzakashata! (1 VaKorinde 5:9-11; 15:33) Vaya vanoda kuva vanhu vaShiro vanoteerera vacharegawo kuona varaidzo dzisina kunaka uyewo zvinonyadzisira zvomumabhuku nezvepaIndaneti.—Amosi 5:15; Mateu 5:28, 29.

17. Maonero nemafungiro evaya vaiva muSadhisi nomuRaodhikiya aiva akasiyana sei nemaonero aiita Jesu mamiriro avo ezvinhu omudzimu?

17 Kunze kwevanhu vashomanana, ungano yeSadhisi haina kana kumborumbidzwa. Yaiva ne“zita,” kana kuti yairatidzika semhenyu, asi kusava nehanya nezvinhu zvomudzimu kwakanga kwasimba zvokuti mukuona kwaJesu yakanga ‘yakafa.’ Kuteerera mashoko akanaka kwakanga kwangova kwokungoitawo. Chokwadi vakanga vaine mhosva! (Zvakazarurwa 3:1-3) Ungano yaiva muRaodhikiya yaiva yakadarowo. Yaiganza nepfuma, ichiti, “Ndakapfuma,” asi kuna Kristu yaiva ‘ichisiririsa uye ichinzwisa tsitsi uye iri murombo uye iri bofu uye isina kupfeka.’—Zvakazarurwa 3:14-17.

18. Munhu angaita sei kuti asava asingapisi kana kutonhora mumudzimu mukuona kwaMwari?

18 Nhasi, vamwe vaKristu vaimbova vakatendeka vakapindawo mumaitiro akadaro okusateerera. Pamwe vakabvumira mafungiro enyika kuvaita kuti vasave nepfungwa yokukurumidzira muupenyu hwavo, nokudaro vachipedzisira vava nemafungiro omudzimu asingapisi kana kutonhora maererano nokudzidza Bhaibheri, kunyengetera, misangano yechiKristu, noushumiri. (2 Petro 3:3, 4, 11, 12) Zvinokosha sei kuti vakadaro vateerere Kristu nokuchengeta pfuma muzvinhu zvomudzimu—hungu va“tenge [kuna Kristu] ndarama yakanatswa nemoto”! (Zvakazarurwa 3:18) Pfuma yechokwadi yakadaro inosanganisira kuva ‘vakapfuma pamabasa akanaka kwazvo, vane rupo, vanoda kugoverana.’ Nokuchengeta pfuma muzvinhu izvi zvinokosha zvechokwadi, ‘tinozvichengetera nheyo yakanaka kwazvo nokuda kwenguva yemberi, kuitira kuti tibatisise upenyu chaihwo.’—1 Timoti 6:17-19.

Vakarumbidzwa Nokuda Kwokuteerera Kwavo

19. Jesu akataurira vaKristu vaiva kuSimina nokuFiradhefiya mashoko api okurumbidza neezano?

19 Ungano dzaiva muSimina neFiradhefiya dzakasiyana nedzimwe semienzaniso yokuteerera, nokuti tsamba dzakanyorwa naJesu kwadziri hadzina tsiuro. Kune vaiva muSimina, akati: “Ndinoziva kutambudzika nourombo hwako—asi uri mupfumi.” (Zvakazarurwa 2:9) Musiyano wakadini nevaya vaiva muRaodhikiya, vaiganza nepfuma yenyika asi chaizvoizvo vakanga vari varombo! Chokwadi, Dhiyabhorosi haana kufadzwa kuona ani naani airatidza kutendeka nokuteerera Kristu. Saka, Jesu akanyevera kuti: “Usatya zvinhu zvowoda kutambura. Tarira! Dhiyabhorosi acharamba achikanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe kwazvo, uye kuti mutambudzike mazuva gumi. Iva akatendeka kunyange kusvikira kurufu, uye ndichakupa korona youpenyu.” (Zvakazarurwa 2:10) Saizvozvowo, Jesu akarumbidza vaiva muFiradhefiya, achiti: “Wakachengeta shoko rangu [kana kuti, wakanditeerera] uye hauna kuva wenhema kuzita rangu. Ndiri kuuya nokukurumidza. Ramba wakabatisisa zvaunazvo, kuti parege kuva neangatora korona yako.”—Zvakazarurwa 3:8, 11.

20. Mamiriyoni nhasi ave achichengeta sei shoko raJesu, uye pasinei zvapo nemamiriroi ezvinhu?

20 Mu“zuva raShe,” kuvambira muna 1914, vakatendeka vasara uye shamwari dzavo, mamwe makwai, ayo ava kusvika mamiriyoni akawanda, vakachengetawo shoko raJesu nokuita ushumiri vachishingaira uye kuburikidza nokuramba vakangotendeseka. Kufanana nehama dzavo dzomuzana remakore rokutanga, vamwe vakatambura nokuda kwokuteerera kwavo Kristu, kunyange kuiswa mumajeri nomumisasa yevasungwa. Vamwe vakachengeta shoko raJesu nokuramba vaine ‘ziso rakanaka,’ pasinei nokuti vanhu vakavapoteredza vakabudirira uye vane makaro. (Mateu 6:22, 23) Hungu munzvimbo dzose uye mumamiriro ezvinhu ose, vaKristu vechokwadi, kuburikidza nokuteerera kwavo, vanoramba vachifadza mwoyo waJehovha.—Zvirevo 27:11.

21. (a) Mutoro upi une chokuita nokunamata ucharamba uchiitwa neboka romuranda? (b) Tingaratidza sei kuti tinonyatsoda kuteerera Shiro?

21 Sezvatinoswedera pedyo nokutambudzika kukuru, “muranda akatendeka, akangwara” anoramba akatsunga kusamborega kuteerera Tenzi, Kristu. Izvi zvinosanganisira kugadzirira imba yaMwari zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira. Saka ngatirambe tichiratidza kuonga sangano raJehovha rinoshamisa rinoita zvaanoda uyewo zvarinogovera. Nenzira iyi, tinoratidza kuzviisa kwedu pasi paShiro, uyo achakomborera vanhu vake vose vanoteerera noupenyu husingaperi.—Mateu 24:45-47; 25:40; Johani 5:22-24.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Kuti utsanangurirwe “nguva nomwe,” ona chitsauko 10 chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 14 Kuti unzwe kutsanangurwa kwakakwana kwetsamba dzose dziri nomwe, tapota ona bhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, kutangira papeji 33.

Unoyeuka Here?

• Ibasa ripi raizoitwa naJesu sezvakafanotaurwa muuprofita hwaJakobho hwaakataura ava kuda kufa?

• Tinobvuma sei kuti Jesu ndiye Shiro, uye mafungiroi atisingafaniri kuva nawo?

• Mazanoi akakodzera zuva redu ari mutsamba dzakanyorerwa ungano nomwe dzaZvakazarurwa?

• Munzira dzipi dzatingatevedzera vaya vaiva muungano dzekare dzokuSimina neFiradhefiya?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 18]

Jehovha anokomborera vanhu vake nokuda kwokuteerera “mutariri” akatendeka

[Mufananidzo uri papeji 19]

Kufurira kwaSatani kunoita kuti kuteerera Mwari kuome

[Mifananidzo iri papeji 21]

Ukama hwakasimba naJehovha hunotibatsira kumuteerera