Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Urambe Uchizvirovedza”

“Urambe Uchizvirovedza”

“Urambe Uchizvirovedza”

MHANYISA, svetuka chaizvo, shinga chaizvo! Izvi ndizvo zvaivavarirwa nevatambi vaiva muGirisi neRoma yekare. Kwemazana emakore, muOlympia, Delphi, uye muNemea nokuIsthmus yeKorinde, mitambo mikuru yaiitwa noku“komborera” kwevanamwari uye zviuru zvevacherechedzi zvichiona. Kuwana mukana wokukwikwidzawo mumitambo iyi kwaiva mugumisiro wokushanda zvakaoma kwemakore akawanda. Kukunda kwaiita kuti vanenge vahwina vapiwe mbiri, pamwe chete nemaguta okumusha kwavo.

Hazvishamisi kuti munzanga yaiita tsika dzakadai, vanyori veMagwaro echiKristu echiGiriki vakaenzanisa nhangemutange yokumudzimu yevaKristu nezvaiitwa pamitambo. Kuti vabudise pfungwa dzinokosha dzokudzidzisa, vaapostora Petro naPauro vose vakashandisa nounyanzvi mienzaniso yaiva nechokuita nemitambo yacho. Muzuva redu, nhangemutange yakafanana inoda simba ichingoripo. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaifanira kubata nemamiriro ezvinhu enyika yeJudha; nhasi isuwo tinofanira ‘kukwikwidzana’ nenyika yose zvayo yava pedyo nokuparadzwa. (2 Timoti 2:5; 3:1-5) Vamwe vangawana kuti ‘nhangemutange yavo yokutenda’ haiperi uye inonetesa. (1 Timoti 6:12, The New English Bible) Kuongorora kumwe kufananidzwa kunoitwa nhangemutange yechiKristu nezvimwe zviitiko zvemitambo muBhaibheri kuchabatsira kwazvo.

Murovedzi Ane Unyanzvi

Kubudirira kwomutambi kunoenderana zvikuru nomunhu anomurovedza. Ichitaura nezvemitambo yekare, Archaeologia Graeca inoti: “Vakwikwidzi vaisungirwa kupika kuti vainge vapedza mwedzi gumi yakazara vachigadzirira.” VaKristu vanodawo kurovedza zvakaoma. Pauro akarayira Timoti, mukuru wechiKristu kuti: “Urambe uchizvirovedza nokuzvipira kuna Mwari sevavariro yako.” (1 Timoti 4:7) Ndiani murovedzi we“mutambi” wechiKristu? Hakuna mumwe kunze kwaJehovha Mwari pachake! Muapostora Petro akanyora kuti: “Mwari womutsa usina kufanirwa wose . . . iye pachake achapedzisa kurovedzwa kwenyu, achakuitai kuti muve vakatsiga, achakuitai kuti muve vakasimba.”—1 Petro 5:10.

Mashoko okuti “achapedzisa kurovedzwa kwenyu” anobva mushoko rechiGiriki rechiito maererano neTheological Lexicon of the New Testament, zvikurukuru rinoreva “kuita kuti chinhu [kana munhu] chikodzere chinangwa chacho, kuchigadzirira uye kuchichinja kuti chikwanise kuita basa racho.” Saizvozvowo, Greek-English Lexicon yaLiddell naScott inotaura kuti shoko iri rechiito rinogona kurondedzerwa soku“gadzirira, kurovedza, kana kuti kushongedza zvizere.” Jehovha anoti‘gadzirira, kutirovedza, kana kuti kutishongedza zvizere sei munhangemutange isiri nyore yechiKristu? Kuti tinzwisise fananidzo yacho, ngatimboonai dzimwe nzira dzaishandiswa nevairovedza.

Bhuku rinonzi The Olympic Games in Ancient Greece rinoti: “Vaya vairovedza vechiduku vaishandisa nzira mbiri huru, yokutanga yacho yaiva nechinangwa chokukurudzira mudzidzi kuti ashandise muviri wake kwazvo sezvaaigona kuti awane migumisiro yakanakisisa, uye yechipiri yaiva yokuti avandudze unyanzvi hwake uye zvitaera.”

Saizvozvowo, Jehovha anotikurudzira uye anotisimbisa kuti tisvike pakakwirira sepatingagona uye kuvandudza unyanzvi hwedu mubasa rake. Mwari wedu anotipa simba kuburikidza neBhaibheri, sangano rake repasi, uye vamwe vedu vechiKristu vakakura mumudzimu. Dzimwe nguva anotirovedza nechirango. (VaHebheru 12:6) Dzimwe nguvawo angabvumira miedzo yakasiyana-siyana uye zvinetso kuti zvive patiri kuitira kuti tigone kutsungirira. (Jakobho 1:2-4) Uye anopa simba rinodiwa. Muprofita Isaya anoti: “Vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.”—Isaya 40:31.

Kupfuura zvose, Jehovha anotipa mudzimu mutsvene wake wakawanda, unotisimbisa kuti tirambe tichimuitira basa rinogamuchirika kwaari. (Ruka 11:13) Muzviitiko zvakawanda vashumiri vaMwari vakatsungirira miedzo yakaoma, yokutenda kwenguva refu. Vaya vakadaro vangori varume nevakadzi vakafanana nesu. Asi kuvimba kwavo zvizere naMwari kwakaita kuti vakwanise kutsungirira. Zvechokwadi, ‘simba rinopfuura romuzvarirwo nderaMwari kwete rinobva mavari.’—2 VaKorinde 4:7.

Murovedzi Ane Hanya

Rimwe remabasa aiitwa nomurovedzi wekare raiva “rokuongorora kuti mutambi mumwe nomumwe uye mutambo wakati unoda kurovedza kakawanda sei,” inodaro imwe nyanzvi. Mwari paanotirovedza, anofungawo mamiriro edu ezvinhu, mano edu, zvatiri, uye zvatisingakwanisi somunhu mumwe nomumwe. Kazhinji patinenge tichirovedzwa naJehovha, tinomukumbira, sezvakaita Jobho kuti: “Rangarirai, ndizvo zvandinokumbira, kuti makandiumba sevhu.” (Jobho 10:9) Murovedzi wedu ane hanya anopindura sei? Dhavhidhi akanyora nezvaJehovha kuti: “Iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.”—Pisarema 103:14.

Ungave uine chinetso chakakomba choutano chinokutadzisa kuita zvaungakwanisa kuita muushumiri, kana kuti ungave uri kunetseka nokunzwa usingaremekedzeki. Zvichida uri kutamburira kusiya muitiro wakaipa, kana kuti ungafunga kuti haukwanisi kukurira kuda kufanana nevezera rako vari munharaunda yako, kubasa, kana kuchikoro. Chero zvingave zvakaita mamiriro ako ezvinhu, usambokanganwa kuti Jehovha anonzwisisa zvinetso zvako zviri nani kupfuura munhu upi noupi—kusanganisira iwe! Somurovedzi ane hanya, nguva dzose aripo kukubatsira kana ukaswedera pedyo naye.—Jakobho 4:8.

Varovedzi vekare “vaikwanisa kusiyanisa kuneta kana kuti kushayiwa simba kwakanga kusingakonzerwi nokurovedza muviri asi kwaikonzerwa nezvimwewo, pfungwa, kusurukirwa, kuodzwa mwoyo uye zvichingodaro. . . . Zvaiongororwa ne[varovedzi] zvaiva zvakawanda zvokuti vaitoongorora mararamiro akavanzika evatambi vopindira pavaifunga kuti pakakodzera.”

Dzimwe nguva unonzwa wakaneta kana kuti usina simba nemhaka yedzvinyiriro dzisingaperi uye miedzo yenyika ino here? Somurovedzi wako, Jehovha anokufarira chaizvo. (1 Petro 5:7) Anokurumidza kuona chiratidzo chipi nechipi chingava mauri chokushayiwa simba mumudzimu kana kuneta. Kunyange zvazvo Jehovha achiremekedza rusununguko rwedu uye zvatinozvisarudzira, achida kuti tigare zvakanaka nokusingaperi, anotibatsira zvakakwana uye anotiruramisa pazvinodiwa. (Isaya 30:21) Sei? Achishandisa Bhabheri uye mabhuku anotaura zveBhaibheri, vakuru vechiKristu vari muungano, uye hama dzedu dzine rudo.

“Kuzvidzora Muzvinhu Zvose”

Zvechokwadi, zvakawanda zvaidiwa kuti munhu abudirire pane kungova nomurovedzi ane unyanzvi. Zvakawanda zvaienderana nomutambi pachake uye pakuzvipira kwake kukurovedza kwacho kwaiva kwakaoma. Purogiramu yacho yaiva yakaoma, sezvo kurovedza kwacho kwaisanganisira kurega zvachose zvimwe zvinhu uye kudya zvinenge zvataurwa. Horace, mumwe mudetembi womuzana remakore rokutanga B.C.E., akataura kuti vakwikwidzi “vairega waini uye vakadzi zvachose” kuti “vawane vavariro yavaida.” Uye maererano neimwe nyanzvi yeBhaibheri inonzi F. C. Cook, vaikwikwidza mumitambo yacho vaifanira “kuzvidzora [uye] kudya zvinovaka chete . . . kwemwedzi gumi.”

Pauro akashandisa fananidzo iyi paakanyorera vaKristu vaiva muKorinde, guta raiva rakarovedzana kwazvo neMitambo yeIsthmus yaiitirwa pedyo naro, kuti: “Munhu wose anotora rutivi mumakwikwi anoshandisa kuzvidzora muzvinhu zvose.” (1 VaKorinde 9:25) VaKristu vechokwadi havadi mararamiro okuda zvinhu zvakawanda, ounzenza, uye asina kuchena enyika ino. (VaEfeso 5:3-5; 1 Johani 2:15-17) Tumiitiro tusingadiwi naMwari uye tusiri mumagwaro tunofanira kubviswa twotsiviwa nounhu hwakafanana nehwaKristu.—VaKorose 3:9, 10, 12.

Izvi zvingaitwa chirudzii? Kutanga, cherechedza mhinduro yaPauro achishandisa muenzaniso une simba, anoti: “Ndinorwadzisa muviri wangu ndichiutungamirira somuranda, kuti, kana ndaparidzira vamwe, ini ndirege kuva asingatenderwi munzira yakati.”—1 VaKorinde 9:27.

Apa Pauro akataura pfungwa ine simba zvikuru! Akanga asiri kukurudzira kuzvirwadzisa. Asi, akabvuma kuti iye pachake ane zvinorwisana maari. Dzimwe nguva, aiita zvinhu zvaaisada kuita orega kuita zvinhu zvaaida kuita. Asi akarwa kuti asambobvumira kusava kwake nesimba kuti kumudzore. ‘Akarwadzisa muviri wake,’ achikunda zvishuvo nounhu hwenyama nesimba.—VaRoma 7:21-25.

VaKristu vose vanofanira kuitawo saizvozvo. Pauro akataura nezvokuchinja kwakaitwa nevamwe vaiva muKorinde vaimboita ufeve, kunamata zvidhori, ungochani, kuba, nezvimwewo zvakadaro. Chii chakaita kuti vakwanise kuchinja? Simba reShoko raMwari nomudzimu mutsvene pamwe chete nokutsunga kwavo kuita zvarinotaura. “Asi makagezwa mukachena,” akadaro Pauro, “asi makatsveneswa, asi makanzi makarurama muzita raShe wedu Jesu Kristu nomudzimu waMwari wedu.” (1 VaKorinde 6:9-11) Petro akanyora zvakafanana nezvevaya vakanga vakasiya miitiro yakaipa yakadaro. SevaKristu, vose vakanga vanyatsochinja.—1 Petro 4:3, 4.

Kuita Zvinhu Nechinagwa Chaicho

Pauro akapa mufananidzo unotaura nezvepfungwa dzake dzaiva dzakananga pachinhu chimwe uye dzaiona zviri mberi kuti asvitse vavariro dzake dzomudzimu, achiti: “Makandire andiri kuita zvibhakera ndookuti ndisarove mhepo.” (1 VaKorinde 9:26) Mukwikwidzi aikanda sei zvibhakera zvake? Bhuku rinonzi The Life of the Greeks and Romans rinopindura kuti: “Pakanga pasingadiwi kushandisa simba rakanyanyisa chete, asiwo kunyatsocherechedza zvisingakwaniswi nomukwikwidzi. Zvimwewo zvaikosha kwaiva kukanda zvibhakera nounyanzvi hwakadzidzwa muzvikoro zvetsimba, uye kukurumidza kurova mukwikwidzi.”

Nyama yedu isina kukwana ndomumwewo wevakwikwidzi vedu. Takacherechedza ‘zvatisingakwanisi’ kuita here? Tinoda kuzviona semaonerwo atinoitwa nevamwe here—zvikurukuru maonerwo atingaitwa naSatani? Izvozvo zvinoda kuzviongorora nokuvimbika uye kuda kuchinja. Kuzvinyengera kunoitika nyore nyore. (Jakobho 1:22) Zviri nyore kwazvo kuona chiito chisiri chokuchenjera sechakarurama! (1 Samueri 15:13-15, 20, 21) Izvozvo zvakafanana noku‘rova mhepo.’

Mumazuva ano okupedzisira, vaya vanoda kufadza Jehovha vowana upenyu havafaniri kuzeza kusiyanisa chakarurama nechakaipa, ungano yaMwari nenyika isina kuvimbika. Havafaniri kutsauka, kuva ‘vasingakwanisi kuita zvisarudzo, vasina kugadzikana munzira dzavo dzose.’ (Jakobho 1:8) Havafaniri kutambisa simba ravo vachitsvaka zvisina basa. Munhu paanongotevera pfungwa yakananga chinhu chimwe iyi, achafara uye ‘kufambira mberi kwake kuchaonekwa nevanhu vose.’—1 Timoti 4:15.

Hungu, nhangemutange yechiKristu ichingoripo. Jehovha—Murovedzi wedu Mukuru—anotipa norudo mirayiridzo uye rubatsiro zvinodiwa kuti titsungirire uye tipedzisire takunda. (Isaya 48:17) Kufanana nevatambi vekare, tinofanira kuzviranga, kuzvidzora, uye kufunga chinhu chimwe chete muhondo yedu yokutenda. Zviito zvedu zvine chinangwa chaicho zvichawana mubayiro kwazvo.—VaHebheru 11:6.

[Bhokisi riri papeji 31]

‘Muzorei Mafuta’

Chimwe chikamu chokurovedza vatambi muGirisi yekare chaiitwa nomuzori. Basa rake raiva rokuzora mafuta miviri yevarume vainge voda kurovedza muviri. Varovedzi “vakacherechedza kuti kudzvanya-dzvanya tsandanyama nounyanzvi kurovedza kusati kwatanga kwaibatsira, uyewo kuti kudzvanya-dzvanya zvinyoro-nyoro nokungwarira kwaibatsira kuti mutambi uya ainge apedza kurovedza mupurogiramu yakareba agadzikane uye anzwe zviri nani,” inodaro The Olympic Games in Ancient Greece.

Sezvo kuzora muviri womunhu mafuta chaiwo kuchizorodza, kuchirapa, uye kuchiporesa, kushandisira “mutambi” wechiKristu aneta Shoko raMwari kunogona kumururamisa, kumunyaradza, uye kumuporesa. Saka, vari pasi poutungamiriri hwaJehovha, varume vakuru veungano vanokurudzirwa kunyengeterera munhu akadaro, nenzira yokufananidzira “vachimuzora mafuta muzita raJehovha,” chinhu chinobatsira kuti munhu apore mumudzimu.—Jakobho 5:13-15; Pisarema 141:5.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Chibayiro chaipiwa, vatambi vaipika kuti vainge varovedza kwemwedzi gumi

[Kwazvakatorwa]

Musée du Louvre, Paris

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 29]

Copyright British Museum