Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Dzivisai Dhiyabhorosi”

“Dzivisai Dhiyabhorosi”

Dzivisai Dhiyabhorosi”

“Dzivisai Dhiyabhorosi, uye achakutizai.”—JAKOBHO 4:7.

1. Chii chingataurwa nezvenyika yanhasi, uye nei vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo vachifanira kungwarira?

“MWARI akanyangarika, asi Dhiyabhorosi achiripo.” Mashoko iwayo aAndré Malraux munyori wokuFrance anorondedzera zvakakodzera mamiriro ezvinhu aripo nhasi munyika yatiri kurarama. Zvechokwadi mabasa evanhu anoita seanoratidza uipi hwaDhiyabhorosi kupfuura kuda kwaMwari. Satani ari kutsausa vanhu “nebasa rose rine simba nezviratidzo zvenhema nemanenji nokunyengera kwose kusina kururama nokuda kweavo vari kuparara.” (2 VaTesaronika 2:9, 10) Zvisinei mu“mazuva okupedzisira” ano, Satani ari kunyanyoda kunanga vashumiri vaMwari vakazvitsaurira, achirwa nevaKristu vakazodzwa, “vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” (2 Timoti 3:1; Zvakazarurwa 12:9, 17) VaKristu ava neshamwari dzavo dzine tariro yokugara pasi pano vanofanira kungwarira.

2. Satani akanyengera Evha sei, uye muapostora Pauro aityirei?

2 Satani munyengeri chaiye. Achihwanda nenyoka, akanyengera Evha kufunga kuti aigona kuwana mufaro mukuru nokuzvitonga asina basa naMwari. (Genesi 3:1-6) Zviuru zvina zvemakore gare gare, muapostora Pauro akaratidza kutyira vaKristu vakazodzwa vaiva muKorinde kuti vaigona kunyengerwa nemanomano aSatani. Pauro akanyora kuti: “Ndinotya kuti nenzira yakati, sokunyengetedzwa kwakaitwa Evha nenyoka nemanomano ayo, pfungwa dzenyu dzingaodzwa dzibve pauchokwadi nokuchena zvakafanira Kristu.” (2 VaKorinde 11:3) Satani anoshatisa pfungwa dzevanhu uye anokanganisa kufunga kwavo. Sokunyengera kwaakaita Evha, anogona kuita kuti vaKristu vafunge zvenhema uye kuti vafungidzire kuti mufaro wavo unobva pachimwe chinhu chisingatenderwi naJehovha noMwanakomana wake.

3. Jehovha anopa dziviriroi kubva kuna Dhiyabhorosi?

3 Satani anogona kufananidzwa nomubati weshiri anoteya misungo kuti abate shiri dzinenge dzakavarairwa. Kuti tinzvenge misungo yaSatani tinofanira ku‘gara munzvimbo yakavandika yoWokumusoro-soro,’ nzvimbo yokufananidzira yakachengeteka inopiwa naJehovha kune vaya vanoziva kuti ndiye changamire wezvose mune zvavanoita. (Pisarema 91:1-3) Tinoda dziviriro yose inopiwa naJehovha achishandisa Shoko rake, mudzimu wake, uye sangano rake kuitira kuti ‘tikwanise kumira takasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.’ (VaEfeso 6:11) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “manomano” rinogonawo kunzi “unyengeri” kana kuti “mazano okunyengera.” Hapana mubvunzo kuti Dhiyabhorosi anoshandisa mazano okunyengera uye zviito zvounyengeri zvakawanda mukuedza kwake kubata vashumiri vaJehovha mumusungo.

Misungo Iyo Satani Akateyera vaKristu Vekare

4. VaKristu vekare vaigara munyika yakaita sei?

4 VaKristu vaiva muzana remakore rokutanga nerechipiri C.E. vairarama panguva apo Umambo hweRoma hwaiva hwakanyatsosimba. Pax Romana (Rugare rweRoma) yakaita kuti zvokutengeserana zvibudirire. Kubudirira uku kwakaita kuti vanhu vakakwirira vave nenguva yezororo yakawanda, uye vatongi vakaita kuti vanhuwo zvavo vawane zvinovaraidza zvakawanda kuitira kuti vasazopandukira. Pane imwe nguva, mazororo enyika akanga akawanda semazuva okushanda. Vatungamiriri vaishandisa mari dzehurumende kuti vape vanhu chingwa nevaraidzo, vachiita kuti vagare vakaguta uye pfungwa dzavo dzigare dzakatsauswa.

5, 6. (a) Nei zvakanga zvisina kukodzera kuti vaKristu vagare vachienda kudzimba uye kunhandare dzemitambo yeRoma? (b) Satani akashandisa mazano api okunyengera, uye vaKristu vaigona kuanzvenga sei?

5 Izvi zvaiva nengozi kuvaKristu vekare here? Tichitema nenyevero dzakanyorwa nevanyori vakatevera nguva yevaapostora, vakadai saTertullian, zvokuvaraidza zvakawanda panguva iyoyo zvakanga zvine ngozi zvikuru patsika dzevaKristu vechokwadi nokunamata kwavo. Chimwe chaikonzera ngozi iyi ndechokuti mhemberero zhinji nemitambo yacho zvaiitirwa kukudza vanamwari vechihedheni. (2 VaKorinde 6:14-18) Padzimba dzemitambo, kunyange mitambo yetsika mizhinji yaiva younzenza kana kuti yechisimba chinodeura ropa rakawanda. Nokufamba kwenguva kufarira mitambo yetsika kwakapera, uye mitambo iyoyo yakatsiviwa neshoo dzomunhu mumwe chete aitamba zvinonyadzisira achiimbirwa. Mubhuku rake rinonzi Daily Life in Ancient Rome, munyori wenhau dzakaitika Jérôme Carcopino anoti: “Mumitambo iyi vanhukadzi vaitamba vaibvumirwa kupfekenura vosara vari mushutu . . . Ropa raideurwa rakawanda. . . . [Kuedzesera kwacho] kwaibva kwanyanyisa kuratidza ushati hwakanga huchifarirwa noruzhinji. Vakanga vasingambosvotwi nezviratidzwa zvakadaro zvaityisa nokuti umhondi hunotyisa hwomudzimba dzemitambo hwakanga hwatotindivadza simba ravo rokunzwira tsitsi uye hwakanganisa kuona kwavo zvinhu nenzira yangogara ichizivikanwa kuti ndoyakanaka.”—Mateu 5:27, 28.

6 Mudzimba dzemitambo, vanhu vairwa kusvikira mumwe afa, kana kuti vairwa nezvikara, zvimwe vachizviuraya kana kuti vachiurayiwa nazvo. Matsotsi ainge awanikwa ane mhosva uye, gare gare vaKristu vakawanda vaikandirwa kuzvikara zvinotyisa. Kunyange munguva iyoyo yekare, mazano aSatani akanga ari okutindivadza kusema kwaiita vanhu unzenza nechisimba kusvikira zvinhu izvi zvangova zvinhu zvakajairika uye zvinofarirwa noruzhinji. Kusaenda kudzimba kana kuti kunhandare dzemitambo ndiyo bedzi yaiva nzira yokusabatwa nomusungo iwoyo.—1 VaKorinde 15:32, 33.

7, 8. (a) Nei kwakanga kusiri kuchenjera kuti muKristu aende kumijaho yengoro? (b) Satani aigona kuva akashandisa sei dzimba dzokugezera dzeRoma kuisa vaKristu mumusungo?

7 Hapana mubvunzo kuti mijaho yengoro yaiitirwa munhandare yainakidza kwazvo, asi yaisakodzera vaKristu nokuti vanhu vaizopedzisira vave kuita mhirizhonga. Mumwe munyori womuzana remakore rechitatu akati vamwe vevaiona vaisvika pakurwa uye Carcopino anoti “vazivi venyeredzi nemahure vaiitirawo basa ravo” pasi pemaberere enhandare iyi. Zviri pachena kuti nhandare dzeRoma dzaisava nzvimbo yevaKristu.—1 VaKorinde 6:9, 10.

8 Zvakadini nenzvimbo dzokugezera dzeRoma dzaiva nomukurumbira? Ichokwadi kuti hapana chakanga chakaipa nokugeza kuti urambe wakachena. Asi nzvimbo dzokugezera dzeRoma dzaiva zvivako zvikuru zvaiva nedzimba dzaikwizirwa vanhu miviri nemafuta, dzokusimbisa muviri, dzokubhejera, uye nzvimbo dzokudyira nokunwira. Kunyange zvazvo zvainzi pane nguva yokuti vanhurume kana kuti vanhukadzi vashandise dzimba dzokugezera, kakawanda vanhurume nevanhukadzi vaingoregwa vachigeza pamwe chete. Clement wokuAlexandria akanyora kuti: “Dzimba dzokugezera dzinongozarurirwa vose vanhurume nevanhukadzi pasina kusarudza; uye vanopfekenura zvipfeko zvose kuti vaite zvinonyadzisa.” Saka nzvimbo yaiva nekodzero yokushandiswa navose yaigona kushandiswa naSatani somusungo kuvaKristu. Vakachenjera havana kumboenda ikoko.

9. VaKristu vekare vaifanira kunzvenga misungo ipi?

9 Kubheja yaiva nzira yokuvaraidza nguva yaifarirwa zvikuru apo Umambo hweRoma hwakanga hwakasimba. VaKristu vekare vaigona kurega kubheja kwaiitwa kumijaho yengoro nokusangoenda kunhandare dzacho. Kubheja pamwero muduku kwaiitwawo zvisingabvumirwi nomutemo mumakamuri akavandika emahotera nemabhawa. Vatambi vaibheja nenhamba yaiva pamatombo kana kuti mapfupa ainge ari muruoko rwomumwe wevatambi vacho. Kubheja kwaiita kuti upenyu hwevanhu hunakidze, nokuti kwaipa tariro yokuita mari usina kubuda dikita. (VaEfeso 5:5) Uyezve, vanhukadzi vaitengesa hwahwa munzvimbo dzakadaro vaiwanzova mahure zvichiita kuti ngozi yokuita unzenza iwedzere. Ndiyo yaiva mimwe yemisungo iyo vaKristu vaigara mumaguta oUmambo hweRoma vaiteyerwa naSatani. Ko mazuva ano zvinhu zvakasiyana zvikuru neizvi here?

Misungo yaSatani Nhasi

10. Mamiriro ezvinhu nhasi akafanana sei nezvaiva zvakatekeshera muUmambo hweRoma?

10 Unyengeri hwaSatani hauna kumbonyanya kuchinja mumazana emakore apfuura aya. Kuti vaKristu vaigara muguta rakaipa reKorinde varege “kunyengerwa naSatani,” Pauro akavapa zano rakasimba. Akati: “Mazano [aSatani] tinoaziva.” (2 VaKorinde 2:11) Nhasi munyika dzakasimukira dzakawanda, zvinhu zvakangofanana nezvaiva muUmambo hweRoma pahwakanga hwakasimba. Vanhu vazhinji vane nguva yokufaranuka yakawanda kupfuura kare kwose. Rotari inotsigirwa nehurumende inotopa varombo katariro. Varaidzo isingadhuri inogona kupinda mupfungwa dzevanhu isharaude. Nhandare dzemitambo dzakazara, vanhu vanobheja, vanhu vanomboita mhirizhonga, nevatambi vanowanzoiitawo. Nziyo dzakaipa dzinongogarorira munzeve dzevanhu, uye mashoo anonyadzisira anoitwa mumadariro edzimba dzemitambo uyewo mumafirimu nomuTV. Mune dzimwe nyika kugeza kwevanhurume nevanhukadzi pamwe chete munzvimbo dzokugezera dzinonzi sauna uye muzvitubu zvinopisa kwakurumbira, tisingatauri hedu kugeza uri mushutu kunoitwa mune mamwe mahombekombe okutandarira. Sezvazvakanga zvakangoita mumazana emakore ekare okunamata kwechiKristu, Satani anoedza kunyengera vashumiri vaMwari nokushandisa mafaro enyika.

11. Misungo ipi iri mukuda kumbozorora nokumbofurwa nemhepo?

11 Munyika mune zvinetso zvakawanda, hazvishamisi kunzwa uchida kumbozorora kana kuti kumbofurwa nemhepo. Zvisinei, sezvakanga zvakangoita dzimba dzokugezera dzeRoma dzaiva nezvinhu zvaigona kuva nengozi kuvaKristu vekare, zvimwe zvivako nenzvimbo dzemazororo zvakava musungo wakashandiswa naSatani kuita kuti vaKristu vaite unzenza kana kuti vanyanyonwisa. Pauro akanyorera vaKristu vomuKorinde kuti: “Musatsauswa. Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera. Pengenukai nenzira yakarurama uye musave netsika yokuita chivi, nokuti vamwe havazivi Mwari.”—1 VaKorinde 15:33, 34.

12. Ndeapi mamwe emazano okunyengera anoshandiswa naSatani kubata vashumiri vaJehovha mumusungo nhasi?

12 Taona pane zvakaitika kuna Evha kuti Satani akashandisa sei unyengeri kushatisa kufunga kwake. (2 VaKorinde 11:3) Nhasi, mumwe wemisungo yaDhiyabhorosi ndewokuita kuti vaKristu vafunge kuti kana vakaita zvose zvavanogona kuti vaedze kuratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvakangofananawo nevamwe vanhu, vachabudirira kukwevera vamwe kuchokwadi chechiKristu. Pamwe vanobva vanyanyisa, zvokuti zvakapesana nezvavakananga ndizvo zvinobva zvazoitika. (Hagai 2:12-14) Mamwe emazano okunyengera aSatani ndeokushingisa vaKristu vakazvitsaurira, vakuru nevaduku, kurarama upenyu huviri ‘vochemedza mudzimu waMwari.’ (VaEfeso 4:30) Vamwe vakabatwa nomusungo uyu nokushandisa Indaneti zvisina kunaka.

13. Ndoupi musungo wakavanzika uri pakati pemanomano aDhiyabhorosi, uye izano ripi riri muna Zvirevo rakakodzera pano?

13 Mashiripiti asiri pachena ndomumwe wemisungo yaSatani. Hapana muKristu wechokwadi angaita zvouSatani kana kuti zvemidzimu. Asi vamwe vanovarairwa kana ava mafirimu, mitambo yepaTV, mitambo yemavhidhiyo, uye kunyange mabhuku evana uye mabhuku enyambo anotaura nezvemiitiro yechisimba kana kuti yemanomano. Tinofanira kugara kure nechinhu chose chine chokuita nezvemashiripiti. Tsumo youchenjeri inoti: “Minzwa nemisungo zviri panzira yousakarurama; asi unochengeta mweya wake uchagara kure nazvo.” (Zvirevo 22:5) Sezvo Satani ari “mwari wegadziriro ino yezvinhu” chinhu chose chakakurumbira chinogona kunge chakavanza mumwe wemisungo yake.—2 VaKorinde 4:4; 1 Johani 2:15, 16.

Jesu Akadzivisa Dhiyabhorosi

14. Jesu akadzivisa sei muedzo wokutanga waDhiyabhorosi?

14 Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka wokudzivisa Dhiyabhorosi zvoita kuti atize. Abhabhatidzwa uye atsanya kwemazuva 40, Jesu akaedzwa naSatani. (Mateu 4:1-11) Mumuedzo wokutanga akashandisa nzara chaiyo iyo Jesu akanzwa pashure pokutsanya. Satani akati Jesu aite chishamiso chake chokutanga kuti apedze nzara yake. Achitora mashoko ari pana Dheuteronomio 8:3, Jesu akaramba kushandisa masimba ake nenzira youdyire uye akaisa zvokudya zvomudzimu pokutanga pane zvokudya zvenyama.

15. (a) Chii chinonzwiwa nomunhu wose chakashandiswa naSatani kuedza Jesu? (b) Ndeipi imwe yenzira huru dzounyengeri inoshandiswa naDhiyabhorosi nhasi pavashumiri vaMwari, asi tingamudzivisa sei?

15 Chinoshamisa pamuedzo uyu ndechokuti Dhiyabhorosi haana kumboda kuita kuti Jesu aite chivi chounzenza. Nzara, iyo inongoita kuti munhu anzwe achida zvokudya, yaiita sokuti ndicho chishuvo chakasimba kupfuura zvose chokushandisa kuedza Jesu panguva iyi. Dhiyabhorosi anoshandisa miedzo ipi kukwezva vanhu vaMwari nhasi? Yakawanda uye yakasiyana-siyana, asi ari kushandisa miedzo younzenza semamwe emabasa ake makuru ounyengeri mukuedza kwake kuvhiringidza kutendeseka kwevanhu vaJehovha. Tikatevedzera Jesu, tinogona kushora Dhiyabhorosi todzivisa miedzo yake. Sezvo Jesu akakunda miedzo yaSatani nokuyeuka magwaro akakodzera, patinoedzwa tinogona kuyeuka magwaro akadai saGenesi 39:9 na1 VaKorinde 6:18.

16. (a) Satani akaedza Jesu sei kechipiri? (b) Satani angashandisa nzira dzipi kutiita kuti tiedze Jehovha?

16 Kechipiri, Dhiyabhorosi akati Jesu ngaaedze kusvetuka pachidziro chetemberi oona kana Mwari aigona kumudzivirira nengirozi Dzake. Achitora mashoko ari pana Dheuteronomio 6:16, Jesu akaramba kuedza Baba vake. Satani angasatiedza kuti tisvetuke kubva pamusoro petemberi, asi angaita kuti tiedze Jehovha. Tinombonzwa here kamwoyo kokuda kuona kuti tingatevedzera mafashoni enyika kusvika papi mukupfeka kwedu uye mukuzvitsvindisa tisina kupiwa zano? Tinombova nomuedzo wokuda varaidzo inomutsa mibvunzo here? Kana zvakadaro tingave tichiedza Jehovha. Kana tichifarira izvozvo, Satani acharega kutitiza, asi angatambira pedyo nesu achiramba achiedza kutinyengera kuti timutsigire.

17. (a) Dhiyabhorosi akaedza sei Jesu kechitatu? (b) Jakobho 4:7 inogona kuva yechokwadi sei kwatiri?

17 Satani paaida kupa Jesu umambo hwose hwenyika kana iye angomunamata kamwe chete, Jesu akamudzivisazve nokutaura mashoko oRugwaro, achitsigira zvakasimba kunamatwa kwaBaba vake chete. (Dheuteronomio 5:9; 6:13; 10:20) Satani angasatipa umambo hwenyika, asi anoramba achitiedza nezvinoyevedza zvenyika, kunyange kutoona uine kaumambo kako woga. Tinoita sezvakaita Jesu here, tichizvipira zvakakwana kuna Jehovha? Kana zvakadaro, zvakaitika kuna Jesu zvichaitika kwatiri. Nhoroondo yaMateu inoti: “Ipapo Dhiyabhorosi akamusiya.” (Mateu 4:11) Satani achatisiya kana tikamudzivisa zvakasimba nokuyeuka zvinodzidziswa neBhaibheri zvakakodzera ndokuzvishandisa. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Dzivisai Dhiyabhorosi, uye achakutizai.” (Jakobho 4:7) Mumwe muKristu akanyorera bazi reZvapupu zvaJehovha romuFrance achiti: “Zvechokwadi Satani ane manomano. Pasinei nokuti ndinoedza kuita zvakanakisisa sei, zvakandiomera zvikuru kudzora zvandinofunga nezvandinoda. Zvisinei, noushingi, kushivirira, uye kupfuura zvose, nokubatsira kwaJehovha, ndakakwanisa kubudirira nokuramba ndakaomerera kuchokwadi.”

Kushongedzerwa Zvizere Kudzivisa Dhiyabhorosi

18. Inhumbi dzipi dzomudzimu dzokuzvidzivirira nadzo dzinotiita kuti tikwanise kudzivisa Dhiyabhorosi?

18 Jehovha akatipa nhumbi dzomudzimu dzakakwana dzokuzvidzivirira nadzo kuti tikwanise ‘kumira takasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.’ (VaEfeso 6:11-18) Kuda kwedu chokwadi kuchasunga zviuno zvedu, kana kuti kutigadzirira kuita basa rechiKristu. Kutsunga kwedu kuomerera kuita zvakarurama zvinodiwa naJehovha kuchaita sechinovhariridza pachipfuva chinodzivirira mwoyo yedu. Kana tsoka dzedu dzakapfeka mashoko akanaka, dzichagara dzichitiendesa mubasa rokuparidza, uye izvi zvichatisimbisa nokutidzivirira mumudzimu. Kutenda kwedu kwakasimba kuchaita senhoo huru, kuchitidzivirira pa“zvombo zvinokandwa zvinopisa zvowakaipa,” kurwisa kwake kwemanomano uye miedzo. Tariro yedu ine chivimbo mukuzadzika kwezvipikirwa zvaJehovha ichaita sengowani inodzivirira mano okufunga ichitipa rugare rwepfungwa. (VaFiripi 4:7) Kana tikava shasha pakushandisa Shoko raMwari, richava sebakatwa ratinogona kushandisa kusunungura vanhu muusungwa hwomudzimu hwaSatani. Tinogonawo kurishandisa kuzvidzivirira, sezvakangoitwa naJesu paakaedzwa.

19. Kuwedzera paku‘dzivisa Dhiyabhorosi’ chii chinodiwa?

19 Kana tikaramba takapfeka “nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari” idzi uye tikaramba tichinyengetera, tinogona kuva nechivimbo chokudzivirirwa naJehovha patinorwiswa naSatani. (Johani 17:15; 1 VaKorinde 10:13) Asi Jakobho akaratidza kuti ‘kudzivisa Dhiyabhorosi’ kwoga hakuna kukwana. Kupfuura zvose tinofanirawo ku‘zviisa pasi paMwari,’ uyo ane hanya nesu. (Jakobho 4:7, 8) Kuti izvi tingazviita sei ndizvo zvichakurukurwa munyaya iri kutevera.

Ungapindura Sei?

• VaKristu vekare vaifanira kunzvenga misungo ipi yaSatani?

• Ndeapi manomano anoshandiswa naSatani nhasi achiedza kubata vashumiri vaJehovha mumusungo?

• Jesu akadzivisa sei miedzo yaDhiyabhorosi?

• Inhumbi dzipi dzomudzimu dzokuzvidzivirira nadzo dzinotiita kuti tikwanise kudzivisa Dhiyabhorosi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Jesu akadzivisa Dhiyabhorosi zvakasimba

[Mifananidzo iri papeji 10]

VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaramba varaidzo yechisimba neyounzenza

[Kwazvakatorwa]

The Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck