Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ane Hanya Newe

Jehovha Ane Hanya Newe

Jehovha Ane Hanya Newe

‘Kandirai kufunganya kwenyu kwose pana Mwari, nokuti ane hanya nemi.’ 1 PETRO 5:7.

1. Jehovha naSatani vakasiyana zvachose pazvinhu zvipi zvinokosha?

JEHOVHA naSatani vakatosiyana zvachose. Munhu wose anonzwa achiswedzwa pedyo naJehovha anotosemburwa naDhiyabhorosi. Kusiyana uku kunotaurwa nezvakwo mune rimwe bhuku rokutsvakurudza mashoko. Nezvemabasa aSatani anotaurwa mubhuku reBhaibheri raJobho, Encyclopædia Britannica (1970) inoti: ‘Basa raSatani nderokungofamba-famba nenyika yose achitsvaka zviito kana kuti vanhu vangapomerwa kuti vakaipa, saka basa rake rakapesana zvachose neiro re“maziso aShe,” anotarira-tarira pasi pose achisimbisa zvose zvakanaka. (II Mak. xvi, 9) Satani haavimbi nokunaka kwevanhu kusina udyire uye anobvumidzwa naMwari kuedza kunaka ikoko achigumira mumiganhu inoiswa naMwari.’ Chokwadi uku kusiyana chaiko!—Jobho 1:6-12; 2:1-7.

2, 3. (a) Zvinorehwa neshoko rokuti “Dhiyabhorosi” zvinonyatsoratidzwa sei nezvakaitika kuna Jobho? (b) Bhaibheri rinoratidza sei kuti Satani ari kuramba achipomera vashumiri vaJehovha vari pasi pano?

2 Shoko rokuti “Dhiyabhorosi” rinobva mushoko rechiGiriki rinoreva kuti “mupomeri wenhema,” “mucheri.” Bhuku raJobho rinoratidza kuti Satani akapomera Jobho mushumiri akanga akatendeka waJehovha kuti aishumira Jehovha achingoitira kuti zvimunakire, achiti: “Jobho unotya Mwari pasina here?” (Jobho 1:9) Nhoroondo iri mubhuku raJobho inoratidza kuti pasinei nokuedzwa kwake, Jobho akatowedzera kuswedera kuna Jehovha. (Jobho 10:9, 12; 12:9, 10; 19:25; 27:5; 28:28) Pashure penhamo yake, akati kuna Mwari: “Ndakanga ndanzwa zvenyu nokunzwa kwenzeve, asi zvino ziso rangu rinokuonai.”—Jobho 42:5.

3 Satani haasisiri kupomera vashumiri vaMwari vakatendeka kubvira panguva yaJobho here? Aiwa. Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti munguva ino yomugumo, Satani ari kuramba achipomera hama dzaKristu dzakazodzwa uye pasina mubvunzo shamwari dzavo dzakavimbika. (2 Timoti 3:12; Zvakazarurwa 12:10, 17) Saka zvakakosha zvikuru kuti isu tose sevaKristu vechokwadi tizviise pasi paMwari wedu ane hanya nesu, Jehovha, tichimushumira zvichibva pasi pemwoyo toratidza kuti kupomera kwaSatani manyepo. Kana tikadaro, tichaita kuti mwoyo waJehovha ufare.—Zvirevo 27:11.

Jehovha Anotsvaka Nzira Dzokutibatsira Nadzo

4, 5. (a) Jehovha anotsvakei pasi pano, kusiyana naSatani? (b) Isu tinofanira kuitei, kana tichizowana nyasha dzaJehovha?

4 Dhiyabhorosi anofamba-famba munyika, achitsvaka munhu wokupomera uye waangadya. (Jobho 1:7, 9; 1 Petro 5:8) Kusiyana neizvi, Jehovha anotsvaka kubatsira vaya vanoda kusimbiswa naye. Muprofita Hanani akaudza Mambo Asa kuti: “Nokuti maziso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Kusiyana kwakadini kuripo pakati poruvengo rwaSatani nokutarisira kworudo kwaJehovha!

5 Jehovha haationgorori kuti abate zvose zvatinokanganisa nezvatinokundikana kuita. Munyori wePisarema akanyora kuti: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe.” (Pisarema 130:3) Zvinongoonekwa kuti mhinduro ndeyokuti: hapana. (Muparidzi 7:20) Kana tikaswedera pedyo naJehovha nemwoyo yakakwana, maziso ake achava patiri, kwete kuti atipe mhosva, asi kuti aone zvatiri kushingairira kuita opindura minyengetero yedu yokukumbira kubatsirwa nokukanganwirwa. Muapostora Petro akanyora kuti: “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo; asi chiso chaJehovha chinopesana nevanoita zvinhu zvakaipa.”—1 Petro 3:12.

6. Zvakaitika kuna Dhavhidhi zvinonyaradza nokutinyevera sei?

6 Dhavhidhi akanga asina kukwana uye akatadza zvakakomba. (2 Samueri 12:7-9) Asi akadurura mwoyo wake kuna Jehovha akaswedera pedyo naye mumunyengetero womwoyo wose. (Pisarema 51:1-12, mashoko ari pamusoro) Jehovha akanzwa munyengetero wake akamukanganwira, kunyange zvazvo Dhavhidhi akarwadziwa nemigumisiro yechivi chake. (2 Samueri 12:10-14) Izvi zvinofanira kutinyaradza nokutinyevera. Zvinonyaradza kuziva kuti Jehovha anoda kukanganwira zvivi zvedu kana tikapfidza zvechokwadi, asi kuziva kuti zvivi zvinounza matambudziko akakomba kunoita kuti tifungisise. (VaGaratiya 6:7-9) Kana tichida kuswedera pedyo naJehovha, tinofanira kugara kure sezvatingagona nezvinhu zvose zvisingamufadzi.—Pisarema 97:10.

Jehovha Anokwevera Vanhu Vake Kwaari

7. Jehovha anotarira vanhu vakaita sei, uye anovakwevera kwaari sei?

7 Dhavhidhi akanyora mune rimwe remapisarema ake kuti: “Jehovha uri kumusoro, kunyange zvakadaro une hanya nounozvininipisa; asi une manyawi Jehovha unomuziva ari kure.” (Pisarema 138:6) Rimwewo pisarema rinotaura zvakangoda kufanana richiti: “Ndianiko wakafanana naJehovha Mwari wedu, iye anogara kumusoro, iye unozvidukupisa kuti aone zviri kudenga napasi? Unosimudza murombo abve muguruva.” (Pisarema 113:5-7) Hungu Musiki wemasimba ose wezvakasikwa zvose anozvideredza kuti atarire pasi, uye maziso ake anoona “unozvininipisa,” “murombo,” vanhu “vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoitwa.” (Ezekieri 9:4) Anokwevera vakadaro kwaari achishandisa Mwanakomana wake. Paaiva pasi pano, Jesu akati: “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva . . . Hapana angagona kuuya kwandiri kana akasabvumirwa naBaba.”—Johani 6:44, 65.

8, 9. (a) Nei tose tichifanira kuuya kuna Jesu? (b) Chii chinonyanya kushamisa paurongwa hworudzikinuro?

8 Vanhu vose vanofanira kuuya kuna Jesu votenda chibayiro chorudzikinuro nokuti vakazvarwa vari vatadzi, vakaparadzaniswa naMwari. (Johani 3:36) Vanofanira kuyananiswa naMwari. (2 VaKorinde 5:20) Mwari haana kumirira kuti vatadzi vamuteterere kuti aite urongwa hwokuti vave norugare naye. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vanhu vanoita zvivi, Kristu akatifira. . . . Nokuti kana, patakanga tiri vavengi, takayananiswa naMwari nemhaka yorufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru kwazvo noupenyu hwake, zvino zvatava vakayananiswa.”—VaRoma 5:8, 10.

9 Muapostora Johani akasimbisa chokwadi chinokosha kwazvo chokuti Mwari ari kuti vanhu vayananiswe naye, achinyora kuti: “Neizvi rudo rwaMwari rwakaoneswa kwatiri, nokuti Mwari akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi munyika kuti tiwane upenyu naye. Rudo rwuri muchinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida akatumira Mwanakomana wake sechibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu.” (1 Johani 4:9, 10) Akatanga ndiMwari, kwete vanhu. Haunzwi here uchiswededzwa kuna Mwari akaratidza rudo rwakakura kudaro ku“vanhu vanoita zvivi,” vanotova “vavengi” pamusoro pazvo?—Johani 3:16.

Kukosha Kwokutsvaka Jehovha

10, 11. (a) Tinofanira kuitei kuti titsvake Jehovha? (b) Tinofanira kuona sei nyika yaSatani?

10 Ichokwadi kuti Jehovha haatimanikidzi kuenda kwaari. Tinofanira kumutsvaka ‘kumutsvanzvadzira tomuwana chaizvoizvo, kunyange, chaizvoizvo, asiri kure nomumwe nomumwe wedu.’ (Mabasa 17:27) Tinofanira kubvuma kodzero yaJehovha yokutirayira kuzviisa pasi pake. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Naizvozvo, zviisei pasi paMwari; asi dzivisai Dhiyabhorosi, uye achakutizai. Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi. Chenesai maoko enyu, imi vanhu vanoita zvivi, munatse mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri.” (Jakobho 4:7, 8) Hatifaniri kuzeza kumira takasimba tichidzivisa Dhiyabhorosi uye tichitsigira Jehovha.

11 Izvi zvinoreva kutambira kure nenyika yakaipa yaSatani. Jakobho akanyorawo kuti: “Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari? Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari yenyika anozviita muvengi waMwari.” (Jakobho 4:4) Saizvozvowo, kana tichida kuva shamwari dzaJehovha, tinofanira kutarisira kuti nyika yaSatani ichativenga.—Johani 15:19; 1 Johani 3:13.

12. (a) Dhavhidhi akanyora mashoko okuti chii anonyaradza? (b) Jehovha akanyevera kuti chii achishandisa muprofita Azariya?

12 Kana pakava neimwe nzira yatingashorwa nayo nenyika yaSatani, tinofanira kunyengetera kuna Jehovha, tichimukumbira kutibatsira. Dhavhidhi, uyo akazvionera simba rinoponesa roruoko rwaJehovha kakawanda kwazvo, akanyora kuti tinyaradzwe, kuti: “Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari, vose vanodana kwaari nezvokwadi. Uchaitira vanomutya sezvavanoda; uchanzwawo kudanidzira kwavo, ndokuvaponesa. Jehovha unochengeta vose vanomuda; asi vakaipa uchavaparadza vose.” (Pisarema 145:18-20) Pisarema iri rinoratidza kuti Jehovha anogona kutiponesa patinenge taedzwa tiri toga uye kuti achaponesa vanhu vake vari pamwe chete panguva yo“kutambudzika kukuru.” (Zvakazarurwa 7:14) Jehovha acharamba ari pedyo nesu kana tikaramba tiri pedyo naye. Muprofita Azariya achitungamirirwa no‘mudzimu waMwari’ akataura zvatinogona kutora sechokwadi chikuru, kuti: “Jehovha anemi, kana imi munaye; kana mukamutsvaka, uchawanikwa nemi; asi kana mukamurasa, iye uchakurasaiwo.”—2 Makoronike 15:1, 2.

Jehovha Anofanira Kuva Munhu Chaiye Kwatiri

13. Tingaratidza sei kuti Jehovha munhu chaiye kwatiri?

13 Muapostora Pauro akanyora nezvaMosesi achiti “akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (VaHebheru 11:27) Hapana mubvunzo kuti Mosesi haana kumboona Jehovha chaizvoizvo. (Eksodho 33:20) Asi Jehovha aiva munhu chaiye kwaari zvokuti aiita seaimuona. Saizvozvowo, pashure pemiedzo yake, maziso aJobho okutenda akanyatsoona Jehovha, saMwari anobvumira vashumiri vake vakatendeka kumboedzwa asi asingambovasiyi. (Jobho 42:5) Noa naEnoki vanonzi vaka‘famba naMwari.’ Izvi vakazviita nokutsvaka kufadza Mwari nokumuteerera. (Genesi 5:22-24; 6:9, 22; VaHebheru 11:5, 7) Kana Jehovha ari munhu chaiye kwatiri sezvaakanga akaita kuna Enoki, Noa, Jobho naMosesi, ticha‘funga nezvake’ panzira dzedu dzose, uye acha‘ruramisa makwara edu ose.’—Zvirevo 3:5, 6.

14. Ku“namatira” kuna Jehovha kunorevei?

14 Kwangosara mazuva mashomanana kuti vaIsraeri vapinde muNyika Yakapikirwa, Mosesi akavanyevera kuti: “Munofanira kutevera Jehovha Mwari wenyu nokumutya, nokuchengeta mirayiro yake, nokuteerera inzwi rake, nokumushumira, nokumunamatira.” (Dheuteronomio 13:4) Vaifanira kutevera Jehovha, kumutya, kumuteerera, uye kunamatira kwaari. Nezveshoko rakashandurwa pano kuti “namatira,” imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti “mutauro wacho unoratidza ukama hwapedyo zvikuru uye hwoushamwari.” Munyori wepisarema akati: “Kushamwaridzana naJehovha ndokwevaya vanomutya.” (Pisarema 25:14, NW) Ukama uhu hunokosha hwepedyo naJehovha huchava hwedu kana ari munhu chaiye kwatiri uye kana tichimuda zvokuti tinotya kusamufadza munzira ipi zvayo.—Pisarema 19:9-14.

Unoziva Here Kuti Jehovha Ane Hanya Newe?

15, 16. (a) Pisarema 34 rinoratidza sei kuti Jehovha ane hanya nesu? (b) Tinofanira kuitei kana zvichitiomera kuyeuka zvakanaka zvatakaitirwa naJehovha?

15 Mamwe emanomano aSatani ndookuedza kuita kuti tikanganwe kuti Mwari wedu, Jehovha, ane hanya nevashumiri vake vakatendeka nguva dzose. Mambo Dhavhidhi ainyatsoziva nezvoruoko runodzivirira rwaJehovha kunyange paakatarisana nenguva inotyisidzira zvikuru. Paaitofanira kunyepedzera kupenga pamberi paMambo Akishi weGati, akanyora rwiyo, pisarema rinonakidza kwazvo, raiva nemashoko aya okutenda: “Kudzai Jehovha pamwe chete neni, ngatikudzise zita rake pamwe chete. Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura, akandisunungura pakutya kwangu kwose. Mutumwa waJehovha unokomberedza vanomutya, nokuvarwira. Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; wakakomborerwa munhu unovimba naye. Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika. Wakarurama unamadambudzo mazhinji; asi Jehovha unomurwira abude paari ose.”—Pisarema 34:3, 4, 7, 8, 18, 19; 1 Samueri 21:10-15.

16 Une chokwadi nesimba raJehovha rinoponesa here? Unoziva nezvengirozi dzake dzinodzivirira here? Wakaravira ukazvionera pachako kuti Jehovha akanaka here? Ndirini pawakapedzisira kunyatsoona kuti Jehovha ave akanaka kwauri? Chimboedza kufunga. Paiva pamba yawakapedzisira kushanyira muushumiri here, pawakanga wava kufunga kuti hauchakwanisi kuenderera mberi? Zvimwe wakabva wava nekurukurirano inonakidza kwazvo nasaimba. Wakayeuka kutenda Jehovha here kuti akanga akupa simba rokuwedzera rawaida uye nokukukomborera kwaakaita? (2 VaKorinde 4:7) Asiwo, zvingakunetsa kufunga chimwe chinhu chaicho chakanaka chawakaitirwa naJehovha. Ungafanira kufunga uchidzokera shure muvhiki, mwedzi, gore kana kupfuura. Kana zvirizvo, wadii kunyatsoedza kuswedera pedyo naJehovha woona kuti anokutungamirira sei? Muapostora Petro akarayira vaKristu kuti: “Zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba . . . muchikandira kufunganya kwenyu kwose paari, nokuti ane hanya nemi.” (1 Petro 5:6, 7) Zvechokwadi uchashamisika kuti ane hanya newe zvakadini!—Pisarema 73:28.

Ramba Uchitsvaka Jehovha

17. Chii chinodiwa kana tichizoramba tichitsvaka Jehovha?

17 Kuchengeta ukama hwedu naJehovha chinofanira kuva chinhu chinoramba chichiitwa. Jesu akati kuna Baba vake mumunyengetero: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Kupinza zivo yaJehovha neyoMwanakomana wake zvinoda kuti tirambe tichiedza. Kunyengetera uye mudzimu mutsvene ndizvo zvingatibatsira kunzwisisa “zvinhu zvakadzika zvaMwari.” (1 VaKorinde 2:10; Ruka 11:13) Tinodawo kutungamirirwa no“muranda akatendeka, akangwara” kuti tidyise pfungwa dzedu zvokudya zvomudzimu zvinopiwa “panguva yakafanira.” (Mateu 24:45) Achishandisa nzira iyi, Jehovha akatirayira kuti tiverenge Shoko rake zuva nezuva, tipinde misangano yedu yechiKristu nguva dzose, uye tiparidze “mashoko akanaka oumambo” nomwoyo wose. (Mateu 24:14) Kana tikadaro ticharamba tichitsvaka Mwari wedu ane hanya, Jehovha.

18, 19. (a) Tinofanira kutsunga kuitei? (b) Kana tikamira takatsiga pakudzivisa Dhiyabhorosi toramba tichitsvaka Jehovha, tichakomborerwa sei?

18 Satani ari kuita zvose zvaanogona kuita kuti vanhu vaJehovha vatambudzwe, vashorwe, uye vamanikidzwe kubva kumativi ose. Anoedza kukanganisa rugare rwedu oparadza ukama hwedu hwakanaka naMwari wedu. Haadi kuti tienderere mberi nebasa redu rokutsvaka vane mwoyo yakatendeseka tovabatsira kuuya kudivi raJehovha panhau youchangamire. Asi tinofanira kutsunga kuramba takavimbika kuna Jehovha, tichivimba naye kuti atinunure pane wakaipa. Kana tikarega Shoko raMwari richititungamirira uye tikaramba tichishingaira musangano rake rinoonekwa, tinogona kuva nechokwadi chokuti acharamba aripo kuti atitsigire.—Isaya 41:8-13.

19 Saka tose zvedu ngatidzivisei zvakasimba Dhiyabhorosi nemanomano ake, panguva iyi tichitsvaka Mwari wedu watinoda, Jehovha, asingazokundikani ‘kutitsigisa nokutisimbisa.’ (1 Petro 5:8-11) Nokudaro, ticha‘ramba tiri murudo rwaMwari, patinenge tichimirira ngoni dzaShe wedu Jesu Kristu tichifunga nezvoupenyu husingaperi.’—Judha 21.

Ungapindura Sei?

• Shoko rokuti “Dhiyabhorosi” rinorevei, uye Dhiyabhorosi anoratidza sei kuti ndizvo zvaari?

• Jehovha akasiyana sei naDhiyabhorosi pamaonero ayo Iye anoita vagari vepasi?

• Nei munhu achifanira kubvuma rudzikinuro paanotaura naJehovha?

• Ku“namatira” kuna Jehovha zvinorevei, uye tingaramba sei tichimutsvaka?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jobho akasvika pakunzwisisa kuti Jehovha aimutarisira, pasinei nemiedzo yake

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kuvapo pamisangano yechiKristu nguva nenguva, uye kushingaira mubasa rokuparidza kunotiyeuchidza nezvokuti Jehovha ane hanya nesu