Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurera Vana Munyika Isiri Yako—Zvinetso Zvacho Nemibayiro

Kurera Vana Munyika Isiri Yako—Zvinetso Zvacho Nemibayiro

Kurera Vana Munyika Isiri Yako—Zvinetso Zvacho Nemibayiro

MAMIRIYONI evanhu anotama munyika mawo aine tarisiro yokutangazve humwe upenyu mune imwe nyika. Iye zvino Europe ine vanhu vanodarika mamiriyoni 20 vanobva kune dzimwe nyika, vanhu vanodarika mamiriyoni 26 vakaberekerwa kune dzimwe nyika vanogara muUnited States, ukuwo inodarika 21 muzana yevagari vokuAustralia vakaberekerwa kune dzimwe nyika. Kakawanda, mhuri idzi dzinenge dzabva kune dzimwe nyika dzinofanira kushanda zvakaoma kudzidza mutauro mutsva uye dzinofanira kuchinjira kutsika dzemo.

Vana vanowanzokurumidza kudzidza mutauro wenyika yavo itsva uye vanotanga kufunga mumutauro mutsva wacho. Kana vari vabereki vavo zvingatora nguva yakareba. Vana pavanokurira munyika isiri yevabereki vavo, zvinetso zvemitauro zvingaita kuti kukurukurirana kusave nyore.

Mutauro mutsva hausi iwo chete unochinja mafungiro evana asiwo tsika dzenyika itsva dzingava nesimba pamafungiro avo. Vabereki vangawana zviito zvevana vavo zvakaoma kunzwisisa. Saka, vabereki vaya vanotamira kune dzimwe nyika vaine vana vavari kuedza kurera “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha” vanowana zvinetso zvavowo.—VaEfeso 6:4.

Chinetso Chokusvika Pamwoyo Nepfungwa

Vabereki vechiKristu vanoda uye vane basa rokudzidzisa vana vavo “rurimi rwakachena” rwechokwadi cheBhaibheri. (Zefania 3:9) Asi, kana vana vane zivo shoma chete yomutauro wevabereki vavo uye kana vabereki vasingakwanisi kunyatsotaura zvavanenge vachida mumutauro wajaira vana vavo, vabereki vangaroverera sei mutemo waJehovha mumwoyo yevana vavo? (Dheuteronomio 6:7) Vana vanganzwa mashoko anenge achitaurwa nevabereki vavo asi kana zviri kutaurwa zvisingasviki pamwoyo, vana vangava vaeni mumusha mavo chaimo.

Pedro naSandra vakatamira kuAustralia vachibva kuSouth America, uye vari kutarisana nechinetso ichi mukurera kwavari kuita vakomana vavo vaviri vachiri kuyaruka. * Pedro anoti: “Paunenge uchitaura zvinhu zvokunamata, mwoyo nepfungwa zvinobatanidzwa. Unofanira kubudisa pfungwa dzakadzama uye dzine musoro, saka panoda kuziva mashoko akawanda.” Sandra anotizve: “Kana vana vedu vasinganyatsonzwisisi rurimi rwaamai vedu, upenyu hwavo mune zvokunamata hungakanganisika. Vangatadza kukoshesa chokwadi, vasinganzwisisi nheyo iri kuseri kwezvavari kudzidza. Kunzwisisa kwavo zvinhu zvokunamata kungatadza kukura, uye ukama hwavo naJehovha hungakanganisika.”

Gnanapirakasam naHelen vakatamira kuGermany vachibva kuSri Lanka uye pari zvino vane vana vaviri. Vanoti: “Tinofunga kuti zvinokosha kwazvo kuti vana vedu vataure rurimi rwaamai uku vachidzidza chiGerman. Zvakakosha kuti vakwanise kukurukura nesu manzwiro avo, kutaura zviri kutsi kwemwoyo yavo.”

Miguel naCarmen, avo vakabva kuUruguay vachienda kuAustralia, vanoti: “Vabereki vari mumamiriro ezvinhu akaita seedu vanofanira kushanda nesimba. Vanofanira kunyatsodzidza mutauro mutsva wacho kuitira kuti vanzwisise uye vatsanangure zvinhu zvokunamata mumutauro iwoyo kana kuti kudzidzisa vana vavo kuziva mutauro wavo.”

Chisarudzo Chemhuri

Chinokosha zvikuru pakuti mhuri yose inenge yatama ive noutano hwakanaka mune zvokunamata, kusarudza mutauro uchashandiswa nemhuri yacho kuti ‘idzidziswe naJehovha.’ (Isaya 54:13) Kana ungano inotaura mutauro worurimi rwemhuri yacho iri pedyo, mhuri yacho ingasarudza kutsigira ungano iyi. Ukuwo, vangasarudza kupinda neungano inotaura mutauro unonyanya kushandiswa munyika yavakatamira. Zvinhui zvichavabatsira pakusarudza uku?

Demetrios naPatroulla, avo vakatama kubva kuCyprus kuenda kuEngland ndokurera vana vashanu ikoko, vanotsanangura chakavabatsira pane zvavakazosarudza: “Pakutanga, mhuri yedu yaipinda neungano inotaura chiGiriki. Nepo izvi zvakanyanya kubatsira isu vabereki, zvakaoneka kuti zvaivhiringidza kukura muzivo mune zvokunamata kwevana vedu. Kunyange zvazvo vainzwisisa mutauro wechiGiriki chisina kudzama, vaisanzwisisa pfungwa dzakadzama. Izvi zvakava pachena nokunonoka kwavo kuwedzera zivo mune zvokunamata. Semhuri, takatamira kuungano inotaura chiRungu, uye migumisiro yakanaka yakatokurumidza kuoneka pavana vedu. Vakabva vasimba pakunamata. Kusarudza kutama kwakanga kusiri nyore, asi kwatiri, kwakava kuchenjera.”

Mhuri yacho yakaramba ichitaura mutauro wevabereki vayo uye yakakohwa zvikomborero zvakawanda. Vana vavo vanoti: “Kuziva mutauro unopfuura mumwe chete kunobatsira. Kunyange zvazvo chiRungu uriwo mutauro watinoshandisa, takawana kuti kuziva chiGiriki kwakasimbisa ukama hwedu hwemhuri uye kwakaita kuti tive pedyo nepedyo, zvikurukuru navanasekuru uye navanambuya vedu. Uyewo kwakaita kuti tinyatsonzwisisa vaya vanenge vabva kune dzimwe nyika, uye kwakatipa chivimbo chokuti tinogona kudzidza mumwe mutauro. Saka patakakura, mhuri yedu yakatama kunobatsira ungano inotaura chiAlbania.”

Christopher naMargarita vakatamirawo kuEngland, vachibva kuCyprus uye vakarera vana vatatu ikoko. Vakasarudza kutsigira ungano inotaura chiGiriki. Mwanakomana wavo, Nikos, anoshumira somukuru mune imwe ungano inotaura chiGiriki anoyeuka kuti: “Takakurudzirwa kupinda neungano itsva yakanga yaumbwa inotaura chiGiriki. Mhuri yedu yakaona izvozvi sebasa ratakapiwa naMwari.”

Margarita anoti: “Vakomana vedu pavaiva nemakore manomwe mumwe masere, vakanyoresa muChikoro chaMwari choUshumiri. Sevabereki, taiti netsekei nokunzwisisa kwavo zvishoma chiGiriki. Zvisinei, hurukuro imwe neimwe yaigadzirirwa semhuri, uye taipedza maawa akawanda tichivabatsira kugadzirira hurukuro dzavo.”

Mwanasikana wavo Joanna anoti: “Ndinoyeuka Baba vachitidzidzisa chiGiriki nokunyora arufabheti pabhurakibhodhi kumba, uye taifanira kunyatsoidzidza. Vanhu vakawanda vanopedza makore nemakore vachidzidza mutauro, asi nokubatsira kwaAmai naBaba, takadzidza chiGiriki tisina kumbopedza nguva yakawanda.”

Dzimwe mhuri dzinotsigira ungano inotaura mutauro wokumusha kwadzo nokuti vabereki vacho vanofunga kuti vanofanira kudzidziswa norurimi rwaamai kuti vave “nokunzwisisa kwomudzimu” uye kufambira mberi. (VaKorose 1:9, 10; 1 Timoti 4:13, 15) Kana kuti mhuri yacho ingaona kuziva mutauro wayo sokungashandiswa kubatsira vamwe vanouya vanotaura mutauro wavo kudzidza chokwadi.

Ukuwo, imwe mhuri ingafunga kuti zvingaibatsira kupinda neungano inotaura mutauro unonyanya kushandiswa munyika iyoyo yayakatamira. (VaFiripi 2:4; 1 Timoti 3:5) Apedza kukurukura mamiriro ezvinhu acho nemhuri yacho, zviri kumusoro wemhuri kuti asarudze ambonyengetera. (VaRoma 14:4; 1 VaKorinde 11:3, VaFiripi 4:6, 7) Ndezvipi zvingabatsira mhuri idzi?

Zvimwe Zvinogona Kunyatsobatsira

Pedro naSandra, vambotaurwa, vanoti: “Mumusha wedu tine mutemo wokutaura chiSpanish chete kuitira kuti rurimi rwedu rwaamai rusatsakatike. Mutemo uyu wakaoma kuchengeta, sezvo vakomana vedu vachiziva kuti tinonzwisisa chiRungu. Asi dai tisingachengeti mutemo uyu, munguva pfupi vangatadza kunzwisisa chiSpanish.”

Miguel naCarmen, vambotaurwawo vanoti: “Kana vabereki vachiitisa chidzidzo chemhuri chenguva dzose uye zuva nezuva vachikurukura rugwaro rwezuva nezuva mururimi rwaamai, vana havazongodzidzi zvinhu zvinoumba mutauro wacho chete—asiwo vachadzidza kutaura pfungwa dzine chokuita nokunamata mumutauro iwoyo.”

Miguel anotiwo: “Itai kuti kupupura kunakidze. Ndima yedu inosanganisira chikamu chikuru cheguta guru, uye nguva yakawanda inopera tichifamba nemotokari kutsvaka vanhu vanotaura mutauro wedu. Nguva iyoyo tinoishandisa kutamba mitambo yeBhaibheri uye kutaura zvinhu zvinokosha. Ndinoedza kuronga nzendo dzokupupura kuitira kuti tiite shanyo dzakawanda dzokudzoka dzakanaka. Zvadaro, panozopera zuva, vana vanenge vabatanidzwa mukurukurirano zvichida imwe chete inokosha.”

Kubudirira Pakutarisana Nokusiyana Kwetsika

Shoko raMwari rinokurudzira vechiduku kuti: “Mwanakomana wangu, inzwa kurayirira kwababa vako; usarasa kudzidzisa kwamai vako.” (Zvirevo 1:8) Zvisinei, zvinetso zvingamuka apo kurayirira kwababa uye “kudzidzisa” kwaamai zvingapesvedzerwa netsika dzakasiyana nedzekwavakabva uye idzo vana vanozviona vava.

Zvechokwadi, zviri kumusoro woga woga wemhuri kusarudza matungamirire aachaita veimba yake, uye haafaniri kungopesvedzerwa nedzimwe mhuri. (VaGaratiya 6:4, 5) Kunyange zvakadaro, kukurukurirana kwakanaka pakati pevabereki nevana kungaita kuti zvive nyore kugamuchira tsika itsva.

Zvisinei, zhinji dzetsika kana kuti zviito zvakapararira munyika dzakabudirira, zvinokuvadza utano hwakanaka hwevaKristu mune zvokunamata. Unzenza, makaro, uye kupandukira zvinowanzosimudzirwa nemimhanzi ine mukurumbira uye varaidzo. (VaRoma 1:26-32) Vabereki vechiKristu havafaniri kurega mutoro wavo wokudzora vana vavo pamimhanzi nevaraidzo zvavanosarudza nemhaka chete yokuti vabereki havanzwisisi mutauro wacho. Vanofanira kuva nenhungamiro dzakasimba. Asi, izvi zvingakonzera chinetso.

Carmen anoti: “Kakawanda hatiwanzonzwisisi mashoko emimhanzi inoteererwa nevana vedu. Mutinhimira wacho unganzwika sowakanaka, asi kana mashoko acho achireva zvimwe kana kuti ari echibhende ounzenza, izvi hatizozivi.” Vakaita sei nemamiriro ezvinhu aya? Miguel anoti: “Tinopedza nguva yakawanda tichidzidzisa vana vedu nezvengozi dzemimhanzi younzenza, uye tinoedza kuvabatsira kusarudza mimhanzi ingatenderwa naJehovha.” Hungu, kungwarira uye kunzwisisa zvinodiwa kubata nokusiyana kwetsika.—Dheuteronomio 11:18, 19; VaFiripi 4:5.

Kukohwa Mibayiro Yacho

Kurera vana munyika isiri yako kunoda kuwanirwa nguva uye kushanda nesimba. Hapana mubvunzo kuti ichi ichokwadi. Asi vabereki nevana vanogona kukohwa mibayiro yokuwedzera pane zvavanenge vaita.

Azzam nomudzimai wake, Sara, vakatama kuTurkey ndokuenda kuGermany, kwavakarerera vana vatatu. Mwanakomana wavo wedangwe iye zvino anoshanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha kuSelters, Germany. Azzam anoti: “Chinhu chinobatsira vana zvikuru ndechokuti vanogona kuva nounhu hunobatsira mutsika dzose.”

Antonio naLutonadio vakatama kuAngola ndokuenda kuGermany uye vari kurera vana vapfumbamwe ikoko. Mhuri yacho inotaura chiLingala, chiFrench, uye chiGerman. Antonio anoti: “Kukwanisa kutaura mitauro yakasiyana-siyana kunobatsira mhuri yedu kupupurira vanhu vanobva kunyika dzakawanda. Izvi zvinotifadza zvechokwadi.”

Vamwe vana vaviri vevabereki vokuJapan avo vakatamira kuEngland vanonzwa kuti zvakavanakira chaizvo kuziva zvose chiJapan nechiRungu. Vaduku vacho vanoti: “Kuziva mitauro miviri kwakatibatsira kuwana basa. Takabatsirwa nekokorodzano huru dzechiRungu. Panguva imwe chete, tine ropafadzo yokushumira muungano inotaura chiJapan, inoda kubatsirwa zvikuru.”

Unogona Kubudirira

Kurera vana uchigara pakati pevanhu vasingagoverani zvaunokoshesa mutsika chinetso chakasangana nevashumiri vaMwari kubvira munguva inotaurwa muBhaibheri. Vabereki vaMosesi vakabudirira, kunyange zvazvo akarererwa muIjipiti. (Ekisodho 2:9, 10) Nhapwa dzechiJudha dzinoverengeka dzaiva muBhabhironi dzakarera vana vaida kudzokera kuJerusarema kunotangazve kunamata kwechokwadi.—Ezra 2:1, 2, 64-70.

Nhasiwo, vabereki vechiKristu vanogona kubudirira. Vangawana mubayiro wokunzwa vana vavo vachitaura zvakanzwiwa nevamwe vabereki zvichitaurwa nevana vavo: “Tiri mhuri yakabatana chaizvo nemhaka yokutarisira kune rudo kwaBaba naAmai, vatagara tichikurukurirana navo zvakanaka. Tinofara kuvawo vamwe vemhuri iri munyika yose iri kushumira Jehovha.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kutaura mumutauro worurimi rwako rwaamai chete pamusha kunoita kuti vana vave noruzivo runodiwa rwomutauro wacho

[Mufananidzo uri papeji 24]

Mutauro unozivikanwa navanasekuru, vanambuya nevazukuru unochengetedza ukama hwavo

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kudzidza Bhaibheri nevana vako kunoita kuti vave “nokunzwisisa kwomudzimu”