Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kungava kubatana mukutenda nezvimwe zvitendero here kutenga chivako chechimwe chitendero kwava kuchiita Imba yoUmambo?

Zvapupu zvaJehovha hazviwanzoiti zvinhu zvakadaro nezvimwe zvitendero. Kunyange zvakadaro, kutengeserana kwakadaro hakunganzi kubatana mukutenda. Kunganzi kutengeserana kunoitwa kamwe chete chete. Ungano yomunharaunda yacho yeZvapupu zvaJehovha inenge isiri kushandira pamwe nerimwe boka rechitendero kuvaka nzvimbo yokunamatira ichashandiswa nemapoka acho ose.

Chii chinganzi kubatana mukutenda mumeso aJehovha? Chimbofunga nhungamiro yomuapostora Pauro inoti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko nevasingatendi. Nokuti kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima? Uyezve, itsinhiranoi iripo pakati paKristu naBheriari? Kana kuti munhu akatendeka ane mugove wei neasingatendi? Uye temberi yaMwari ine kubvumirana kwei nezvidhori? . . . ‘Naizvozvo ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena’; ‘uye ini ndichakugamuchirai.’” (2 VaKorinde 6:14-17) Pauro airevei nemashoko okuti “ushamwari” uye “mugove”?

Zviri pachena kuti ushamwari huri kutaurwa naPauro huri kusanganisira kunamata nokuita zvinhu zvine chokuita nokunamata nevanamati vezvidhori uye vasingatendi. Akanyevera Vakorinde kuti ‘vasadyire . . . patafura yemadhimoni.’ (1 VaKorinde 10:20, 21) Saka, chiito chokubatana mukutenda ndechiya chokugoverana mukunamata kana kushamwaridzana mune zvokunamata nemamwe masangano ezvitendero. (Eksodho 20:5; 23:13; 34:12) Kana chivako chaishandiswa nerimwe sangano rechitendero chikatengwa, ichi chinenge changotengerwa kuitwa Imba yoUmambo inenge ichidiwa. Chisati chashandiswa seImba yoUmambo, zvinhu zvose zvine chokuita nokunamata kwenhema zvinobviswa. Chagadziridzwa kudaro, chinotsaurirwa kuna Jehovha nokuda kwechinangwa chokumunamata chete. Hapana kugoverana kana ushamwari pakati pokunamata kwechokwadi nokwenhema.

Panenge pachikurukurwa zvinodiwa maererano nokutengeserana kwacho, kukurukurirana nevatengesi vacho kunofanira kuva kushoma uye kwebhizimisi chete. Nhengo dzeungano yechiKristu dzinofanira kuyeuka nyevero yaPauro yokusa“sungwa zvisina kufanira pajoko nevasingatendi.” Kunyange zvazvo tisingafungi kuti tiri nani kune vezvimwe zvitendero, hatisonganiri navo kana kuda kubatana navo mukunamata kwavo. *

Zvakadini nezvokurenda kweungano chivako chesangano rechitendero? Kurenda kunowanzoita kuti kukurukurirana kuve kwenguva dzose, nokudaro hakufaniri kuitwa. Kunyange kurenda chivako chakadaro nokuda kwechiitiko chimwe chete, dare revakuru rinofanira kufunga zvinotevera: Muchange muine zvidhori zvipi nezvipi uye zviratidzo zvechitendero chacho mukati kana kuti kunze kwechivako chacho here? Vanhu vari munzanga yacho vachaona sei kushandisa kwedu chivako chacho? Muungano muchava nomunhu upi noupi achagumburwa nokushandisa chivako ichi here? (Mateu 18:6; 1 VaKorinde 8:7-13) Vakuru vanoongorora zvinhu izvi vobva vasarudza zvakakodzera. Hana dzavo uye dzevari muungano yacho zvinofanira kufungwawo pakusarudza kuti votenga here chivako chakadaro uye kuchichinja kuva Imba yoUmambo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ona Nharireyomurindi, yaApril 15, 1999, mapeji 28 ne29, nokuda kwemashoko anotaura nzira yakakodzera yokuita nayo zvebhizimisi nemasangano asingatenderwi naJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Chivako ichi, chaiva sinagogi, chakatengwa ndokugadziridzwa kuva Imba yoUmambo