Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nguva Yokufara muBalkans

Nguva Yokufara muBalkans

Nguva Yokufara muBalkans

Maiva muna 1922. Musangano weVadzidzi veBhaibheri Vepachokwadi, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, wakanga uri kuitwa muInnsbruck, kuAustria. Franz Brand, murume wechiduku aibva kuApatin muVojvodina, kuSerbia akanga aripowo pane vaiteerera. Mukurukuri paakangotaura zita raMwari, rokuti Jehovha, mhomho yakatanga kusveeredza, ichiita kuti zvisave nyore kuti aenderere mberi, uye musangano wacho wakamiswa. Asi, zvakanzwiwa naFranz zvakamuorora kwazvo, uye akatanga kuparidza mashoko akanaka oUmambo. Aya aiva mavambo maduku okuwedzera kunofadza mune zvokunamata mune imwe yenyika dzeBalkan.

KUVANHU vakawanda nhasi, zita rokuti Yugoslavia rinovaonesa mufananidzo wehondo uye murakatira wemitumbi yevanhu. Mifananidzo inosuruvarisa yokuponda kunotyisa, vapoteri vasina tariro, misha yakaparara, uye nherera dziri kutambura inovapo mupfungwa. Mashoko haagoni kurondedzera kushungurudzika nemarwadzo uye kusuruvara zvakakonzerwa nehondo yakavapo muBalkan Peninsula kubvira muna 1991 kusvika muna 1995, yakabvisa tariro yokubudirira kwokuedza kwevanhu kwokuva neremangwana risina zvinetso. Somugumisiro wehondo, vanhu vari muyaichimbova Yugoslavia vari kutambura nenhamo yemari uye urombo hwakaipisisa. *

Zvamuine kutambura kwakadaro, zvakaoma kuti munhu atarisire kuwana vanhu vanofara munyika iyi. Zvisinei, zvingaita sezvinoshamisa nokuti vanhu vakadaro varimo. Kutaura zvazviri, vakatova nezuva ravakafara chaizvo zana remakore rechi20 rava kunopera. Franz Brand, jaya rambotaurwa, rinei chokuita nezvose izvi?

Zvokunamata Zvinowedzera muBalkans

Franz Brand akafara nechokwadi chitsva chaakanga anzwa ndokusarudza kuti aifanira kuparadzira mashoko akanaka. Akawana basa rokugera muMaribor, guta riri muSlovenia pedyo nomuganhu weAustria, ndokutanga kuparidzira vaiuya kuzogerwa, avo vaiwanzogara nokuteerera chinyararire pavaigerwa. Somugumisiro wezvaakaita, kwakava neboka diki revazivisi voUmambo muMaribor ma1920 ava kunopera. Hurukuro dzeBhaibheri dzaipiwa muresitorendi, iyo yakazonzi nenzira yakakodzera Novi svet (Nyika Itsva) Resitorendi Yezvokudya Zvomugungwa.

Nokufamba kwenguva, mashoko akanaka akaparadzirwa munyika yacho yose. Kushandiswa kwe“Photo-Drama of Creation” (kuratidzwa mumaawa masere kwezvinhu zvaisanganisira mafirimu, masiraidhi, uye zvakarekodhwa) kwakabatsira chaizvo pakuwedzera uku. Pakazotambudzwa Zvapupu zvaJehovha kwazvo muGermany muma 1930, Zvapupu zvaiva muUmambo hweYugoslavia zvakasimbiswa nemapiyona okuGermany akatiza nyika yawo. Vachizvipira kusiya upenyu hwavo huri nyore kana kuti hwomutambarakede, vakasvika kunzvimbo dzaiva kure dzenyika iyi ine makomo vachiparidza. Pakutanga, zvakaita sokunge kuti shoko ravo rakangofarirwa nevanhu vashoma. Mukutanga kwema1940, vaparidzi 150 chete ndivo vaishuma basa romumunda.

Muna 1941, chitambudzo chaityisa chakatanga, chakatozoguma muna 1952. Zvaifadza kwazvo kuti pakupedzisira musi waSeptember 9, 1953, muutongi hwechiKomonizimu hwaGeneral Tito, Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa zviri pamutemo! Gore iroro, makanga mava nevaparidzi 914 vemashoko akanaka, uye nhamba yacho yakawedzera zvishoma nezvishoma. Muna 1991, nhamba yevaparidzi yakanga yawedzera kusvika ku7 420, uye 16 072 vakapinda Chirangaridzo gore iroro.

Kubvira musi waAugust 16 kusvika ku18, 1991, kokorodzano yemarudzi ose yeZvapupu zvaJehovha yokutanga munyika iyi yakaitwa muZagreb, kuCroatia. Vanhu vanokwana 14 684 vakabva munyika iyoyo nokunze kwenyika yacho vakapinda. Kokorodzano isingakanganwiki iyi yakagadzirira vanhu vaJehovha nokuda kwemiedzo yaiva mberi. Pazvifambiso zvakapedzisira kudarika muganhu weCroatia neSerbia paiva nemabhazi akanga achidzosera nhume dzokuSerbia kumusha kwadzo. Bhazi rokupedzisira radarika, muganhu wakavharwa hondo ndokutanga.

Vanhu vaJehovha Vane Zvikonzero Zvokufara

Makore ehondo aratidza kuva nguva yokuedzwa kukuru kweZvapupu zvaJehovha muBalkans. Kunyange zvakadaro, zvine chikonzero chokufara nokuti Jehovha akomborera vanhu vake ikoko nokuwedzera kwakaisvonaka. Kubvira muna 1991, nhamba yevaparidzi voUmambo munzvimbo yaichimbova Yugoslavia yawedzera zvokudarika 80 kubva muzana. Gore rebasa ra2001 rakava nenhamba yepamusoro ye13 472.

Mahofisi omuZagreb neBelgrade (Serbia) ndiwo aishandiswa kutarisira basa reZvapupu zvaJehovha kwose kwaichimbova Yugoslavia. Nokuwedzera uye kuchinja kwezvematongerwe enyika, zvaiva zvakakodzera kuva nemahofisi matsva muLjubljana (Slovenia), neSkopje (Macedonia), kuwedzera pakuwana mamwe matsva muBelgrade neZagreb. Vanhu vanenge 140 vari kushanda mumahofisi iwaya. Vazhinji vacho ndevechiduku, vanoda Jehovha uye vanoshingaira kwazvo. Vanoverengeka vavo vari kushandura mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri muchiCroatia, chiMacedonia, chiSerbia, uye chiSlovenia. Zvinopa mufaro sei kuti magazini akawanda nemabhuku eZvapupu zvaJehovha mumitauro iyi zviri kubudirana panguva imwe chete nemabhuku eChirungu! Mabhuku aya anobatsira kuwana nyaradzo netariro.

Chimwe chikonzero chokufara kubatsira kusina udyire kuri kuitwa nevashumiri vakawanda venguva yakazara vokune dzimwe nyika. Dzimba dzoUmambo dzakaisvonaka dzinoverengeka dzakavakwa mumakore achangopfuura, zvichiita kuti ungano dziwedzere kufara. Asi, zvakawanda zvakanga zvichiri mberi. Zvaizodaro sei?

Chirongwa Chakasiyana Nezvimwe

Vaparidzi vakawanda vaiwanzobvunza kuti, ‘Tichazombova neShanduro yeNyika Itsva mumutauro wedu here?’ Gore negore, vaitarisira nechido kunzwa chiziviso chine chokuita neizvi pakokorodzano yoruwa. Asi, chirongwa chikuru kudaro chaizoitwa sei, sezvo matimu okushandura mitauro iyi akanga aumbwa makore mashomanana chete apfuura uye paingova nevashanduri vashoma?

Pashure pokuongorora nyaya yacho, Dare Rinodzora rakatendera kuva nechirongwa chokushandira pamwe kwematimu anoshandura chiCroatia, chiMacedonia, nechiSerbia zvobva zvaita kuti abatsirike nokushanda kwevamwe uye noruzivo rwomumwe nomumwe. Timu yeCroatia ndiyo yaizotungamirira.

Zuva Romufaro

Zvapupu zvaJehovha zviri muBalkans hazvifi zvakakanganwa musi waJuly 23, 1999. Kokorodzano dzoRuwa dze“Shoko raMwari Rouprofita” dzaifanira kuitwa panguva imwe chete muBelgrade, Sarajevo (Bosnia-Herzogovina), Skopje, nokuZagreb. Kwenguva yakati zvakanga zvisina chokwadi kuti kokorodzano yaizoitwa muBelgrade here nokuti paibhomba NATO, misangano yakanga isingabvumirwi. Hama dzakafara kwazvo kutarisira kusonganiranazve pashure pemwedzi yakawanda apo chokwadi chakanga chichirambidzwa! Zvisinei, pane zvakaitika zvakapfuura nokure zvavaitarisira.

Masikati eChishanu chiziviso chinokosha chakapiwa mumaguta ose mana aiitirwa kokorodzano. Nhume dzinokwana 13 497 dzainge dzakanyarara dzichitarisira zvaiva mberi. Mukurukuri paakazobudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki muchiCroatia nechiSerbia ndokuudza vateereri kuti kushandura chiMacedonia kwakanga kuchienderera mberi zvakanaka, nhume dzakatadza kuzvidzora. Kuombera maoko kwaiva noruzha kwakaita kuti mukurukuri atadze kupedza chiziviso chacho. Pakokorodzano yakaitirwa muSarajevo, vateereri vakanga vati zii-i, vashaya romuromo. Runyararo rwacho rwakateverwa nokuombera maoko kwenguva refu. Misodzi yomufaro yakaerera pamatama evakawanda muBelgrade, uye mukurukuri akavhiringidzwa nokuombera maoko kwaidzokororwa asati apedzisa chiziviso chake. Munhu wose akafara kwazvo!

Chipo chacho chakanyatsokosheswa nokuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvapiwa kodzero dzokudhinda shanduro yeBhaibheri yechiCroatia neyechiSerbiawo. Saka, Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumitauro iyi miviri yakabatanidzwa kuva bhuku rimwe chete neshanduro yayo yeMagwaro echiHebheru yomumitauro yacho yose. Uyezve, Bhaibheri rechiSerbia rakadhindwa nemabhii echiRoma nechiCyrillic.

Vachitenda zvipo zvose zvakaisvonaka uye nhungamiro yavakawana, vanhu vaJehovha vari muBalkans vanonyatsobvumirana nemashoko aDhavhidhi anoti: “Kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, handingatongotyi zvakaipa; nokuti imi muneni.” Pasinei nematambudziko ose avari kuramba vachisangana nawo, vakatsunga kuita ‘mufaro waJehovha simba ravo.’—Pisarema 23:4; Nehemia 8:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Yaichimbova Yugoslavia ine nyika nhanhatu—Bosnia-Herzegovina, Croatia, Macedonia, Montenegro, Serbia, neSlovenia.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Boka rokutanga revaparidzi vokuMaribor, Slovenia, richiparidza mundima dziri kure