Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu Vanofanira Kuva Negodo Here?

VaKristu Vanofanira Kuva Negodo Here?

VaKristu Vanofanira Kuva Negodo Here?

GODO—unhu hunofanira kuva nevaKristu here? Zvatiri vaKristu, tinokurudzirwa ku‘tevera rudo,’ uye tinoudzwa kuti “rudo haruna godo.” (1 VaKorinde 13:4; 14:1) Ukuwo, tinoudzwawo kuti “Jehovha . . . ndiMwari ane godo” uye tinorayirwa ‘kuva vatevedzeri vaMwari.’ (Eksodho 34:14; VaEfeso 5:1) Nei pachiita sepane kupesana?

Nokuti mashoko echiHebheru neechiGiriki akashandurwa kuti ‘godo’ muBhaibheri anoreva zvakawanda. Anogona kureva zvinhu zvakanaka kana kuti zvisina, zvichienderana nokuti mashoko acho ari kushandiswa sei. Somuenzaniso, shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “godo” rinogona kureva “kuomerera pakuzvipira kuna Mwari; kusada anokwikwidza; kushingairira; chido; godo [rakarurama kana rakaipa]; kuchiva.” Shoko rechiGiriki rinoenderana neiri rinorevawo zvakafanana. Mashoko aya angareva kuva nepfungwa dzisiri idzo, dzisina kururama kumunhu anofungirwa kunzi ari kukwikwidza kana kuti anoita seari kufambirwa zvakanaka nezvinhu. (Zvirevo 14:30) Anogona kurevawo kuratidzwa kwakanaka kwounhu hwaMwari—kuda kudzivirira munhu waunoda kuti asakuvadzwe.—2 VaKorinde 11:2.

Muenzaniso Unopfuura Yose

Jehovha ndiye muenzaniso unopfuura yose pakuratidza godo rakakodzera. Vavariro dzake dzakanaka uye dzakachena, anokurudzirwa nechido chokuchengeta vanhu vake vasina kushatiswa mumudzimu nomutsika. Nezvevanhu vake vekare, vanotaurwa nenzira yokufananidzira seZiyoni, akati: “Ndine godo pamusoro peZiyoni, godo guru, ndine godo pamusoro paro, dziri shungu kwadzo.” (Zekaria 8:2) Sezvinongoita baba vane rudo vanogara vakangwaririra kudzivirira vana vavo pakukuvadzwa, Jehovha akangwarira kudzivirira vashumiri vake panjodzi yokukuvadzwa mumuviri nomumudzimu.

Kuti achengetedze vanhu vake, Jehovha akapa Shoko rake Bhaibheri. Rizere nemashoko anovakurudzira kufamba nokuchenjera, uye rizere nemienzaniso yevaya vakaita kudaro. Pana Isaya 48:17, tinoverenga kuti: “Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.” Zvinonyaradza kwazvo kuziva kuti godo rake rinoita kuti ave nehanya nesu uye atitarisire! Kudai akanga asingaratidzi godo nenzira iyi yakanaka, taizotambura nezvakasiyana-siyana pamusana pokusava noruzivo. Kuratidza kwaJehovha godo hakuna udyire zvachose.

Saka kana zvakadai, godo raMwari rakasiyana papi negodo risina kukodzera? Kuti tiwane izvi, ngatimboonai muenzaniso waMiriami naPinehasi. Cherechedza chakaita kuti vaite zvinhu semaitiro avakazviita.

Miriami naPinehasi

Miriami aiva hanzvadzi huru yaMosesi naAroni, vakatungamirira vaIsraeri pakubuda kwavo muIjipiti. VaIsraeri vari murenje, Miriami akaitira godo hanzvadzi yake Mosesi. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mosesi nokuda kwomukadzi waiva muKushi, waakanga awana . . . Vakati: ‘Ko Jehovha wakataura naMosesi iye oga here? Ko haana kutaura nesuwo here?’” Zvinoita sokuti Miriami ndiye akatungamirira pakumukira Mosesi uku, nokuti Jehovha akaranga Miriami, kwete Aroni, nehosha yemaperembudzi kwevhiki nokuda kwokusaremekedza kwake.—Numeri 12:1-15.

Chii chakaita kuti Miriami amukire Mosesi? Aiitira kunamata kwechokwadi here kana kuti aida kudzivirira vamwe vake vechiIsraeri pakukuvadzwa? Zviri pachena kuti handizvo. Zvinoita sokuti Miriami akanga atendera chido chisina kukodzera kukura mumwoyo make chokuti anyanye kuwana mukurumbira uye chiremera. Zvaaiva muprofitakadzi muIsraeri, airemekedzwa kwazvo nevanhu, zvikurukuru nevakadzi. Akavatungamirira pakuimba uye pakutamba pashure pokunge vaIsraeri vaponeswa nenzira inoshamisa paGungwa Dzvuku. Panguva ino, Miriami angave akatyira zvisiri izvo hazvo, kurasikirwa nomumwe mukurumbira wake kumunhu waaifungira somukwikwidzi, mudzimai waMosesi. Amanikidzwa negodo roudyire, akamukira Mosesi, munhu akanga agadzwa naJehovha.—Eksodho 15:1, 20, 21.

Ukuwo, Pinehasi, aiva nevavariro yakasiyana pane zvaakaita. Nguva pfupi vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, vaIsraeri pavainge vakadzika misasa paNyika yeMoabhi, vakadzi vechiMoabhi nevechiMidhiyani vakanyengera varume vakawanda vechiIsraeri kuita unzenza uye kunamata zvidhori. Kuti musasa ucheneswe uye kuti hasha dzaJehovha dzakanga dzopfuta dzipomhodzwe, vatongi vechiIsraeri vakarayirwa kuuraya varume vose vakanga vatsauka. Nokuda kwezvinangwa zvounzenza, muchinda waSimeoni ainzi Zimri akauya nomukadzi muMidhiyani Kozbhi mumusasa ‘ungano yose yavana vaIsraeri ichizviona.’ Pinehasi haana kumboswerofunga zvokuita. Achinzwa godo, kana kuti kushingairira, kunamatwa kwaJehovha uye nechido chokuchengetedza musasa wakachena mutsika, akaurayira zvifeve izvi mutende razvo. Akarumbidzwa nokuda kwe“godo rehasha,” “asingamboshiviriri vanorwisana neni” Jehovha. Zvakaitwa naPinehasi zvakamisa denda rokuranga rakanga ratouraya vanhu 24 000, uye Jehovha akamupa mubayiro wokuti sungano youpristi irambire mudzinza rake nokusingaperi.—Numeri 25:4-13; The New English Bible.

Kuratidzwa kwegodo kwevaviri ava kwakanga kwakasiyana papi? Miriami akamukira hanzvadzi yake nechikonzero chegodo rine udyire, asi Pinehasi akaratidza ruramisiro yakavakirwa pagodo raMwari. Dziripo nguva, dzatinofanira kunzwa tichifanira kutaura kana kuita chimwe chinhu kudzivirira zita raJehovha, kunamatwa kwake, uye vanhu vake, sezvakaitwa naPinehasi.

Godo Risina Kukodzera

Kunyange zvakadaro, zvinoita here kuva negodo risina kukodzera? Hungu zvinoita. Izvi zvakanga zvakadaro pavaJudha vomuzana remakore rokutanga. Vakachengeta tsika dzavo uye Mutemo wavakanga vapiwa naMwari negodo. Vachiedza kudzivirira Mutemo, vakaumba mirau nemitemo zvisingaverengeki zvakaremera vanhu kwazvo. (Mateu 23:4) Vasingagoni kana kuti vasingadi kubvuma kuti Mwari akanga atsiva Mutemo waMosesi nezvawaifanofananidzira, godo ravo risina kunaka rakaita kuti vaitire vateveri vaJesu Kristu hasha dzisingadzoreki. Muapostora Pauro, uyo pachake akanga akavimbika kuMutemo mupfungwa yegodo risina kukodzera, akataura kuti vanhu vaya vaidzivirira Mutemo vakanga vachi“shingairira [kuitira godo] Mwari; asi kwete maererano nezivo yakarurama.”—VaRoma 10:2; VaGaratiya 1:14.

Kunyange vaJudha vakawanda vakava vaKristu vakawana zvakaoma kuzvisunungura pakushingairira Mutemo uku kwokunyanyisa. Pashure perwendo rwake rwechitatu rwoumishinari, Pauro akapa mushumo kudare rinodzora romuzana remakore rokutanga nezvokutendeuka kwemamwe marudzi. Panguva iyoyo, zviuru zvevaKristu vechiJudha vai“shingairira Mutemo.” (Mabasa 21:20) Apa akanga atova makore akati pashure pokunge dare rinodzora rarayira kuti vaKristu Vemamwe Marudzi vaisafanira kudzingiswa. Nyaya dzaiva nechokuita nokuchengeta Mutemo dzakanga dzakonzera makakatanwa muungano. (Mabasa 15:1, 2, 28, 29; VaGaratiya 4:9, 10; 5:7-12) Vasinganzwisisi mabatiro akanga oita Jehovha vanhu vake, vamwe vaKristu vechiJudha vakaomerera papfungwa dzavo, vachitsoropodza vamwe.—VaKorose 2:17; VaHebheru 10:1.

Saka hatifaniri kubatwa mumusungo wokuva negodo tichiedza kudzivirira pfungwa dzedu dzatinoda kana nzira dzisina kuvakirwa zvakasimba paShoko raMwari. Tinoita zvakanaka kubvuma kumwezve kujekeswa kweShoko raMwari kuburikidza nenzira iri kushandiswa naJehovha nhasi.

Itira Jehovha Godo

Zvisinei, godo raMwari rine parinoshanda mukunamata kwechokwadi. Patinoita setiri kunyanya kutyira mukurumbira wedu kana kodzero, godo raMwari rinoita kuti tifunge nezvaJehovha. Rinoita kuti titsvake mikana yokuzivisa chokwadi nezvake, tichidzivirira nzira dzake nevanhu vake.

Akiko, mumwe mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha, akatsoropodzwa kwazvo nasaimba aiva nemafungiro asiri iwo pamutemo waMwari weropa. Akiko akadzivirira Shoko raMwari nounyanzvi, akatotaura kuoma uye zvinetso zvinovapo nemhaka yokuisirwa ropa. Akurudzirwa nechido chikuru chokutaura nezvaJehovha, akachinjira kurukurirano yacho kune chaakaona kuti ndicho chaiva chinetso chaicho chokuramba kwomukadzi wacho—kusadavira kwake kuvapo kwoMusiki. Akiko akakurukura nasaimba wacho kuti zvinhu zvakasikwa zvinotsigira sei kudavira kuvapo kwoMusiki. Kudzivirira kwake kune ushingi hakuna kungoita kuti mafungiro asiri iwo abve asiwo kwakatungamirira kukudzidza Bhaibheri nomukadzi wacho pamusha pake. Nhasi saimba uyu aiva nehasha murumbidzi waJehovha.

Godo rakakodzera, kana kuti kushingairira kunamata kwechokwadi zvinoita kuti tingwaririre uye titsvake mikana yokutaura zvatinotenda uye kuzvidzivirira kubasa, kuchikoro, muzvitoro, uye patinenge tichifamba. Somuenzaniso, Midori, akatsunga kutaura zvaanotenda kuvanhu vaanoshanda navo. Mumwe waanoshanda naye ari mumakore okuma40 akati akanga asingafariri kutaura neZvapupu zvaJehovha. Pava paya, mune imwe kurukurirano, mukadzi wacho akanyunyuta pamusana pemwanasikana wake akanga ava kuva nounhu husina kunaka. Midori akamuratidza bhuku rinonzi Vechiduku Vanobvunza KutiMhinduro Dzinoshanda, * uye akabvuma kuronga kuti mwanasikana wacho adzidze bhuku racho. Vakatanga kudzidza, asi amai vacho vakanga vasingabatanidzwi mukurukurirano yacho. Midori akasarudza kuratidza mukadzi wacho vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name.* Iyoyi yakagadzirisa zvizhinji mumaonero ake asiri iwo. Akurudzirwa nezvaakaona, akati: “Ndinoda kuita somumwe weZvapupu zvaJehovha.” Akabatana nomwanasikana wake kudzidza Bhaibheri.

Godo rakakodzera rinewo parinoshanda muungano yechiKristu. Rinosimudzira ushamwari hune rudo hune hanya uye rinoita kuti tirambe zvinhu zvinopesvedzera zvinoparadza zvingakuvadza hama dzedu dzatinonamata nadzo, zvakaita seguhwa rinokuvadza uye mafungiro evakaramba kutenda. Godo raMwari rinoita kuti titsigire zvisarudzo zvevakuru, avo pane dzimwe nguva vanoona zvakakodzera kutsiura vaiti vezvakaipa. (1 VaKorinde 5:11-13; 1 Timoti 5:20) Achinyora nezvemanzwiro ake egodo nokuda kwevamwe vake vaaitenda navo vaiva muungano yeKorinde, Pauro akati: “Ndine godo pamusoro penyu, godo raMwari, nokuti inini ndakakuvimbisai kuti muroorwe nomurume mumwe chete kuti ndikupei kuna Kristu semhandara yakachena.” (2 VaKorinde 11:2) Saizvozvowo godo redu rinotikurudzira kuita zvose zvatingagona kudzivirira kuchena kwedzidziso, kwokumudzimu, uye kwetsika kwevose vari muungano.

Kutaura zvazviri, godo rinoitwa nevavariro yakakodzera—godo raMwari—rinovaka vamwe. Rinoita kuti Jehovha atifarire uye rinofanira kuva pakati poumwe unhu hunowanika muvaKristu nhasi.—Johani 2:17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 29]

Zvakaitwa naPinehasi zvaive zvakatsamira pagodo raMwari

[Mifananidzo iri papeji 30]

Usabatwe mumusungo wokuva negodo risina kukodzera

[Mifananidzo iri papeji 31]

Godo raMwari rinoita kuti tiudze vamwe kutenda kwedu uye tikoshese kuva kwedu hama nehama