Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzimba dzoUmambo Dzakazarukira Munhu Wose

Dzimba dzoUmambo Dzakazarukira Munhu Wose

Mushumo Wevazivisi Voumambo

Dzimba dzoUmambo Dzakazarukira Munhu Wose

PAAIDZIDZISA vadzidzi vake kuti vaite ushumiri hwepachena, Jesu Kristu akavakurudzira ku‘paridza vari pamusoro pedzimba.’ (Mateu 10:27) Chokwadi, vaifanira kuita ushumiri hwavo hwechiKristu pachena, vanhu vose vachiona. Maererano nezano iri, basa reZvapupu zvaJehovha riri kuitwawo pachena. Kuriita pachena kudai kwaita kuti Zvapupu zvikunde kushorwa uye zvionekwe zvakanaka.

Kunyange zvazvo misangano yeungano yeZvapupu zvaJehovha ichigona kupindwa nevanhu vose, kufungirwa zvisiri izvo kunoita kuti vamwe vanhu vazeze kuenda kuImba yoUmambo. Izvi ndezvechokwadi kuFinland. Vamwe vanongotya kuenda kunzvimbo itsva. Panenge pavakwa Imba yoUmambo itsva kana kuti yanga iripo yagadziridzwa, panowanzoitwa urongwa hwokukoka shamwari, nevavakidzani kuzoona nzvimbo yacho. Panoedzwa chaizvo kukoka vavakidzani kuti vashanyire Imba yoUmambo uye kuti vazive basa reZvapupu zvaJehovha.

Mune imwe nzvimbo, Zvapupu zvakaronga kuparadzira magazini zuva rimwe chete razvaizokoka shamwari, nevavakidzani kuImba yoUmambo yazvo itsva. Zvimwe Zvapupu zviviri zvakasangana nomurume ainge ati kwegurei uyo akati aifarira kuverenga magazini eNharireyomurindi neMukai! Hama dzacho dzakamuudza nezvokukoka kwadzinoita shamwari, nevavakidzani uye kuti dzaikwanisa kuenda naye kuImba yoUmambo. Murume wacho akati aizofara kuenda nadzo. Mudzimai wake, zvaakanga ateererawo kukurukurirana kwavaiita, akadanidzira kuti, “Musaende muchindisiya!”

Paakapinda muImba yoUmambo, murume wacho akatarisa-tarisa ndokubva ati: “Urwu harusi ruvara rutema. Ingawani makatonaka uye mune chiedza. Ndakaudzwa kuti muImba yoUmambo munenge muine ruvara rutema!” Vaviri ava vakagara kwenguva yakati ndokukumbira mamwe mabhuku aivepo.

Imwe ungano yaida kuzivisa mupepanhau romunzvimbo yayo kuti iri kukoka shamwari nevavakidzani pakutsaurira Imba yayo yoUmambo. Atambira mashoko echiitiko chacho, mupepeti mukuru wepepanhau racho akakumbira kuti nyaya ine chokuita nechiitiko chacho inyorwe. Hama dzakabvumirana nazvo, uye munguva pfupi yakatevera, nyaya yakanaka yaiva hafu yepeji yakabuda mupepanhau, ichitaura chiitiko chacho uye ichirondedzera mabasa eZvapupu zvaJehovha anoitwa neungano yomunzvimbo iyoyo.

Nyaya yacho yabudiswa, chimwe Chapupu chechikuru chakasangana nomuvakidzani uyo akati kwachiri: “Nhasi mupepanhau manga mune nyaya yakanaka kwazvo yanga ichitaura nezveZvapupu zvaJehovha!” Hanzvadzi yacho yakakwanisa kupa uchapupu uye gare gare kumusiyira bhurocha rinonzi Zvapupu zvaJehovha Muzana Ramakore Rechimakumi Maviri.

Pane kuwedzera kujekesa mamwe maonerwe asiriwo anoitwa Zvapupu zvaJehovha, zvirongwa zvakadaro zvine chokuita nokukoka shamwari nevavakidzani uye purogiramu dzokutsaurira Dzimba dzoUmambo itsva zvakakurudzira vaparidzi kukoka vanhu vakawanda kupinda misangano. Chokwadi, munyika dzakawanda, kusanganisira Finland, vanhu vava kuziva kuti Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yakazarukira munhu wose.