Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvakaipa here kubhejera kana uchishandisa mari shomanana bedzi?

Shoko raMwari haritauri zvakadzama nezvokubhejera, asi rinotaura zvakakwana kuratidza kuti kubhejera kwose hakupindirani nemitemo yeBhaibheri. * Somuenzaniso, zvinozivikanwa zvikuru kuti kubhejera kunokonzera makaro. Izvozvo chete zvinokosha kuti vaKristu vafungisise nezvazvo, sezvo Bhaibheri richiti “vanhu vanokara” havazogari nhaka yoUmambo hwaMwari, uye rinoisa kuchochora muboka rokunamata zvidhori.—1 VaKorinde 6:9, 10; VaKorose 3:5.

Kubhejera kunokurudzirawo kuzvikudza uye pfungwa isina kunaka yemakwikwi, chido chakasimba chokuda kuhwinha. Muapostora Pauro akanyevera nezvezvinhu zvakadaro paakanyora kuti: “Ngatirege kuva vanozvikudza, tichinyandura makwikwi pakati pedu, tichiitirana shanje.” (VaGaratiya 5:26) Uyezve, kubhejera kunoita kuti vamwe vavimbe nemashura emhanza yakanaka. Vanhu vanobhejera vanodavira mashura orudzi rwose, vachitarisira kuva nemhanza yakanaka. Vanotiyeuchidza nezvevaIsraeri vasina kutendeka avo vakanga vachi ‘gadzirira mwari weMhanza Yakanaka tafura uye vaya vaidirira waini yakavhenganiswa mwari Anofanosarudza Zvichaitika.’—Isaya 65:11.

Vamwe vangafunga kuti kubhejera mari shomanana muchitamba makasa kana mutambo unotambirwa pabhodhi wakadai sedhirafuti nevoukama kana kuti neshamwari dzepedyo haisi varaidzo inokuvadza. Chokwadi, mumwe munhu anobheja mari shomanana haangazvioni seane makaro, anozvikudza, anoita makwikwi, kana kuti anodavira mashura. Zvisinei, kubheja kwake kungava nomugumisiroi pane vaya vaari kubhejerana navo? Vakawanda vevakapindwa muropa nokubhejera vakatanga vachibhejera zvinhu zviduku duku ‘vachingonakidzwa.’ (Ruka 16:10) Kwaiita sokutsauka zvishomanana kwakaguma kwava chimwe chinhu chakaipa zvikuru kwavari.

Izvozvo ndezvechokwadi zvikurukuru vana pavanobatanidzwa. Vana vakawanda vakanzwa vachifarira kuhwinha zvinhu zviduku uye vakaedzwa kuti vabhejere mari yakawanda. (1 Timoti 6:10) Ongororo yenguva yakareba yakabudiswa muUnited States neArizona Council nezvoKupindwa Muropa noKubhejera inosimbisa kuti vanhu vakawanda vakapindwa muropa nokubhejera vakatanga vachiri vaduku “vachibhejera zvinhu zviduku pamitambo kana kutamba makasa neshamwari kana nevoukama.” Mumwe mushumo unoti “vana vanotanga kubhejera vari kumba, kazhinji vachitamba makasa nevomumhuri uye neshamwari.” Mushumo wacho unotizve “zvikamu zvitatu kubva muzana zvevana vaibhejera vakatanga kuita kudaro vasati vasvika makore gumi nerimwe.” Maererano nebhuku rinonzi Why Do People Gamble Too Much—Pathological and Problem Gambling, vari kuyaruka vakawanda vanobhejera vanotsigira kupindwa muropa kwavo nokuita chitsotsi kana kuti unzenza. Mugumisiro unosuruvarisa zvikuru wechimwe chinhu chingave chairatidzika pakutanga sechisingakuvadzi!

Sezvo tiri kurarama munyika inotova nemisungo nemiedzo yakawanda, tingadirei zvedu kugara panyanga dzamushore pasina chikonzero? (Zvirevo 27:12) Kubhejera—vana varipo kana kuti vasipo, nokuda kwemari shoma kana yakawanda—kunokuvadza mumudzimu uye kunofanira kuregwa. VaKristu vanofarira kutandara vachitamba mitambo yepabhodhi kana makasa vangafanira kuita zvokunyora zvibozwa kana kuti kungotamba mutambo wacho zvokungonakidzwa pasina kunyora zvibozwa. VaKristu vakachenjera avo vane hanya nokunamata kwavo uyewo kweshamwari dzavo nokwevomumhuri mavo havabhejeri—kunyange nokuda kwemari shomanana.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Duramazwi Guru rechiShona rinorondedzera kubhejera richiti: “kuisirana mari vanhu vachiita mapitse, mumwe achiti zvichaitika ndezvizvi.” Izvi zvinosanganisira “kutamba mabhiza, rotari, njuga, feja-feja, chabuta nezvimwewo nechikonzero chokuda kuwana mari.”