Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mufambiro Wenyu Ngauve Wakanaka Kwazvo Pakati Pemamwe Marudzi”

“Mufambiro Wenyu Ngauve Wakanaka Kwazvo Pakati Pemamwe Marudzi”

“Mufambiro Wenyu Ngauve Wakanaka Kwazvo Pakati Pemamwe Marudzi”

“Kudzai vanhu vose, idai sangano rose rehama.”—1 Petro 2:17.

1, 2. (a) Mumwe munyori wenyaya dzomupepanhau akanyora mashoko okuti chii maererano neZvapupu zvaJehovha? (b) Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiedza kuramba zvichizvibata zvakanakisisa?

MAKORE akati kuti apfuura, mumwe munyori wenyaya dzomupepanhau kuAmarillo, Texas, U.S.A., akashanyira machechi akasiyana-siyana munharaunda iyoyo akashuma zvaakawana. Pane rimwe boka raakaona rakasiyana nemamwe ose. Akati: “Kwemakore matatu, ndakapinda kokorodzano dzegore negore dzeZvapupu zvaJehovha kuAmarillo Civic Center. Sezvandaiita besanwa navo handina kumboona munhu akatungidza mudzanga wefodya, akavhura bhodhoro rehwahwa, kana akataura zvinonyadzisa. Raiva boka revanhu vakachena, vanozvibata, vanopfeka zvine mwero, uye vane unhu hwakanaka kupfuura vanhu vapi zvavo vandati ndambosangana navo.” Mashoko akadai maererano neZvapupu zvaJehovha akanyorwa kakawanda. Nei Zvapupu zvichirumbidzwa kakawanda nevanhu vane zvitendero zvakasiyana nezvavo?

2 Kakawanda, vanhu vaMwari vanorumbidzwa nokuda kwokuzvibata kwavo zvakanaka. Kunyange zvazvo tsika dzoruzhinji rwevanhu dziri kuderera, Zvapupu zvaJehovha zvinonzwa zvichisungirwa kuva netsika dzakanakisisa dzokuzvibata, sorutivi rwokunamata kwavo. Vanoziva kuti zvavanoita zvine zvazvinoratidza pamusoro paJehovha uye hama dzavo dzechiKristu uye kuti kuzvibata kwavo kunoita kuti chokwadi chavanoparidza chifarirwe. (Johani 15:8; Tito 2:7, 8) Zvino ngatione kuti tingaramba sei tichizvibata zvakanaka tobva taramba tichisimudzira mukurumbira wakanaka waJehovha neZvapupu zvake uye kubatsirwa kwatinoita nokuita kudaro.

Mhuri yechiKristu

3. Mhuri dzechiKristu dzinoda kudzivirirwa pachii?

3 Funga nezvokuzvibata kwedu mumhuri. Bhuku rinonzi Die Neuen Inquisitoren: Religionsfreiheit und Glaubensneid (Vabvunzurudzi Vatsva: Rusununguko Rwechitendero uye Shanje Dzechitendero), rakanyorwa naGerhard Besier naErwin K. Scheuch, rinoti: “Mukuona kwe[Zvapupu zvaJehovha] mhuri chinhu chinofanira kuchengetedzwa chaizvo.” Mashoko iwayo ndeechokwadi, uye nhasi mhuri inoda kudzivirirwa pane zvakawanda. Kune vana “vasingateereri vabereki” nevanhu vakuru vasina “rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo” kana kuti “vasingazvidzori.” (2 Timoti 3:2, 3) Mhuri dzava nzvimbo dzokurwisana kwevakaroorana, vabereki vanobata vana vavo zvisina kunaka kana kuvaregeredza, uye vana vanopandukira, vanobatanidzwa mukushandisa zvinodhaka uye unzenza, kana kuti vanotiza pamusha. Zvose izvi mugumisiro wesimba rinoparadza ‘romudzimu wenyika.’ (VaEfeso 2:1, 2) Tinofanira kudzivirira mhuri dzedu pamudzimu iwoyo. Sei? Nokuteerera zano nenhungamiro izvo Jehovha anopa nhengo dzemhuri.

4. Nhengo dzemhuri yechiKristu dzinofanira kuitirana chii?

4 VaKristu vakaroorana vanoziva kuti vane zvavanosungirwa kuitirana mupfungwa, mumudzimu, uye mumuviri. (1 VaKorinde 7:3-5; VaEfeso 5:21-23; 1 Petro 3:7) Vabereki vechiKristu vane zvinhu zvinokosha zvavanofanira kuitira vana vavo. (Zvirevo 22:6; 2 VaKorinde 12:14; VaEfeso 6:4) Uye sezvo vanokura, vana vari mumisha yechiKristu vanoziva kuti naivowo vane zvavanosungirwa kuita. (Zvirevo 1:8, 9; 23:22; VaEfeso 6:1; 1 Timoti 5:3, 4, 8) Kuita mitoro yemhuri kunoda kushanda nesimba, kutsunga, uye pfungwa yorudo nokuzvipira. Zvisinei, kana nhengo dzemhuri dzikaita mitoro yadzinopiwa naMwari, ipapo dzinova chikomborero kunhengo imwe neimwe uye muungano. Zvinotokosha zvikuru, dzinokudza Muvambi wemhuri, Jehovha Mwari.—Genesi 1:27, 28; VaEfeso 3:15.

Hama DzechiKristu

5. Zvikomboreroi zvatinowana nokusonganirana kwatinoita nehama dzedu dzechiKristu?

5 SevaKristu, tinewo zvatinofanira kuitira vatinonamata navo muungano, uyewo vaya vanoumba “sangano rose rehama . . . munyika yose.” (1 Petro 5:9) Ukama hwedu neungano hunokosha kuti tive vakasimba mumudzimu. Patinosangana nevaKristu vatinonamata navo, tinosimbiswa nokuwadzana kwatinoita navo uyewo nezvokudya zvinovaka zvinobva ku“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45-47) Kana tikava nezvinetso, tinogona kuenda kuhama dzedu kuti tipiwe mazano anobatsira anotorwa panheyo dzemitemo inobva muMagwaro. (Zvirevo 17:17; Muparidzi 4:9; Jakobho 5:13-18) Patinenge tine zvatinoshayiwa, hama dzedu hadzitirasi. Chikomborero chakadini kuva musangano raMwari!

6. Pauro akaratidza sei kuti tine zvatinofanira kuitira vamwe vaKristu?

6 Zvisinei, hatisi muungano kuti tingogamuchira chete; tirimowo kuti tipe. Zvechokwadi, Jesu akati: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” (Mabasa 20:35) Muapostora Pauro akataura nezvechido chokupa paakanyora kuti: “Ngatibatisisei kuzivisa kwepachena tariro yedu tisingazununguki, nokuti iye akapikira akatendeka. Uye ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, uye kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.”—VaHebheru 10:23-25.

7, 8. Tinoratidza sei kuti tinoda kupa zvose muungano yedu uye kuvaKristu vari mune dzimwe nyika?

7 Muungano, ‘tinozivisa pachena tariro yedu’ patinotsinhira pamisangano kana kuti patinoitawo chimwe chinhu mune dzimwe nzira papurogiramu. Zvatinoita izvozvo zvinokurudzira hama dzedu. Tinodzikurudzirawo nezvatinotaura misangano isati yatanga uye yapera. Ndiyo nguva yatinogona kusimbisa vasina simba, kunyaradza vakaora mwoyo, uye kunyaradza vanorwara. (1 VaTesaronika 5:14) VaKristu vepachokwadi havanyimi mukupa kworudzi rwakadaro, chiri chikonzero nei vakawanda kwazvo vanopinda misangano yedu kokutanga vachishamiswa kwazvo norudo rwavanoona pakati pedu.—Pisarema 37:21; Johani 15:12; 1 VaKorinde 14:25.

8 Kunyange zvakadaro, hatingoratidzi rudo kune vari muungano medu chete. Tinoruratidzawo kusangano rose rehama dzedu pasi pose. Ndicho chikonzero nei, somuenzaniso, paine bhokisi romupiro weHomwe yeDzimba dzoUmambo muImba yoUmambo imwe neimwe. Imba yedu yoUmambo ingava ichiratidzika zvakanaka, asi tinoziva kuti zviuru zvevaKristu vatinonamata navo zviri mune dzimwe nyika hazvina nzvimbo yakakodzera yokusanganira. Patinopa mipiro kuHomwe yeDzimba dzoUmambo, tinoratidza rudo rwedu kuvanhu vakadaro kunyange zvazvo tingasavaziva pachedu.

9. Zvapupu zvaJehovha zvinodanana nokuda kwechikonzero chipi chikuru?

9 Nei Zvapupu zvaJehovha zvichidanana? Jesu akavarayira kuti vadaro. (Johani 15:17) Uye kudanana kwavanoita kunoratidza kuti mudzimu waMwari uri kushanda pavari somunhu mumwe nomumwe uye seboka. Rudo chimwe che“zvibereko zvomudzimu.” (VaGaratiya 5:22, 23) Zvapupu zvaJehovha pazvinodzidza Bhaibheri, kupinda misangano yechiKristu, nokunyengetera nguva dzose kuna Mwari, rudo runoita sechinhu chavakaberekwa nacho pasinei nokuti vanorarama munyika umo ‘rudo rwevakawanda zvikuru rwatonhora.’—Mateu 24:12.

Kubata Nenyika Ino

10. Chii chatinofanira kuitira nyika ino?

10 Kutaura kwaPauro nezvo‘kuzivisa pachena tariro yedu’ kunotiyeuchidza nezvomumwe mutoro. Kuzivisa pachena uku kunosanganisira basa rokuparidza mashoko akanaka kune vaya vasati vava hama dzedu dzechiKristu. (Mateu 24:14; 28:19, 20; VaRoma 10:9, 10, 13-15) Kuparidza ikoko chimwe chiito chokupa. Kuti tiparidze zvinoda nguva, simba, kugadzirira, kudzidzira, uye kushandisa zvinhu zvatinazvo. Kunyange zvakadaro, Pauro akanyorawo kuti: “Ndine chikwereti kune vaGiriki nevasiri vaGiriki, kune vakachenjera nokuna mapenzi: nokudaro ndinodisa kuzivisawo mashoko akanaka kwamuri kuRoma ikoko.” (VaRoma 1:14, 15) Kufanana naPauro, ngatirege kuomera sezvatinobhadhara “chikwereti” ichi.

11. Inhungamiro dzipi mbiri dzomuMagwaro dzinodzora ukama hwedu nenyika, asi kunyange zvakadaro chii chatinoziva?

11 Tine zvimwe zvatinofanira kuitira vaya vatisinganamati navo here? Chaizvo. Ichokwadi kuti tinoziva kuti “nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Tinoziva kuti Jesu akati nezvevadzidzi vake: “Havasi rutivi rwenyika seni ndisiri rutivi rwenyika.” Kunyange zvakadaro, ndimo matinorarama, matinowana chokurarama nacho uye ine mabasa ainotiitira. (Johani 17:11, 15, 16) Saka tine zvatinosungirwa kuita munyika ino. Ndezvipi? Muapostora Petro akapindura mubvunzo iwoyo. Nguva pfupi Jerusarema risati raparadzwa, akanyorera vaKristu vaiva kuAsia Minor tsamba, uye imwe ndima iri mutsamba iyoyo inotibatsira kuva noukama hune mwero nenyika.

12. VaKristu “vagari vokune imwe nyika uye vagari venguva duku” munzira ipi, uye zvavakadaro, vanofanira kurega chii?

12 Chokutanga, Petro akati: “Vanodiwa, ndinokurayirai sevagari vokune imwe nyika uye vagari venguva duku kuti murambe muchirega kuchiva kwenyama, uko kunoramba kuchirwisana nemweya.” (1 Petro 2:11) VaKristu vechokwadi mupfungwa yomudzimu “vagari vokune imwe nyika uye vagari venguva duku” mukuti vanonyanyonangidzira upenyu hwavo patariro youpenyu husingaperi—vakazodzwa nomudzimu kudenga uye “mamwe makwai” muparadhiso yepasi ichauya. (Johani 10:16; VaFiripi 3:20, 21; VaHebheru 11:13; Zvakazarurwa 7:9, 14-17) Zvisinei, kuchiva kwenyama chii? Kunosanganisira zvinhu zvakadai sokuda kupfuma, kuda kuva nomukurumbira, kunzwa kuda kuita unzenza, uye kuchiva kunorondedzerwa se“shanje” uye “kuchochora.”—VaKorose 3:5; 1 Timoti 6:4, 9; 1 Johani 2:15, 16.

13. Kuchiva kwenyama “kunoramba kuchirwisana nemweya” wedu sei?

13 Kuchiva kwakadaro zvechokwadi “kunoramba kuchirwisana nemweya” wedu. Kunokanganisa ukama hwedu naMwari nokudaro kwoisa tariro yedu yechiKristu (“mweya” wedu, kana kuti upenyu) mungozi. Somuenzaniso, kana tikatanga kufarira zvinhu zvounzenza, tingazvipa sei “sechibayiro chipenyu, chitsvene, chakanaka kuna Mwari”? Kana tikawira mumusungo wokunyanya kuda zvinhu zvokunyama, tingave tiri ku“tanga kutsvaka umambo” sei? (VaRoma 12:1, 2; Mateu 6:33; 1 Timoti 6:17-19) Nzira iri nani ndeyokutevera muenzaniso waMosesi, kupira gotsi zvinhu zvenyika zvinonyengera, toisa basa raJehovha pokutanga muupenyu hwedu. (Mateu 6:19, 20; VaHebheru 11:24-26) Ndicho chinhu chinokosha pakuva noukama hune mwero nenyika.

‘Ivai Nomufambiro Wakanaka Kwazvo’

14. Nei isu sevaKristu tichiedza kuva nomufambiro wakanaka kwazvo?

14 Imwe nhungamiro inokosha inowanikwa mumashoko akazotaurwazve naPetro okuti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka kwazvo pakati pemamwe marudzi, kuti, muchinhu chavanokupomerai sevaiti vezvakaipa, vape mbiri kuna Mwari pazuva rokuongorora kwake nemhaka yemabasa enyu akanaka kwazvo avanoona.” (1 Petro 2:12) SevaKristu, tinoedza kuva nomuenzaniso wakanaka. Kuchikoro tinoshanda nesimba. Kubasa kwedu, tiri vanhu vanobishaira uye vakatendeseka—kunyange mushandirwi wedu achiratidzika kuva asinganzwisisi. Mumhuri ine zvitendero zvakasiyana, murume kana kuti mudzimai ari Chapupu anoedza nepaanogona kutevera nheyo dzemitemo yechiKristu. Hazvisi nyore nguva dzose, asi tinoziva kuti mufambiro wedu une muenzaniso wakanaka unofadza Jehovha uye kakawanda unova nomugumisiro wakanaka pane vasiri Zvapupu.—1 Petro 2:18-20; 3:1.

15. Tinoziva sei kuti kuzvibata zvakanakisisa kweZvapupu zvaJehovha kunocherechedzwa nevakawanda?

15 Kubudirira kweZvapupu zvaJehovha zvakawanda pakuva netsika nomuenzaniso wakanaka kunoonekwa mumashoko anotaurwa pamusoro pazvo akabudiswa mumakore ose apfuura aya. Somuenzaniso, pepanhau rokuItaly rinonzi Il Tempo rakashuma kuti: “Vanhu vanoshanda neZvapupu zvaJehovha vanozvirondedzera sevashandi vakatendeseka, vanogutsikana nokutenda kwavo zvokuti vangaratidzika sevanopengeswa nakwo; kunyange zvakadaro, zvakafanirwa noruremekedzo nokuda kwokutendeka kwazvo mutsika.” Pepanhau rinonzi Herald rokuBuenos Aires, Argentina, rakati: “Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza mumakore ose aya kuva vagari vomunyika vanoshanda nesimba, vanoita zvinhu nemwoyo wose, vasingapambadzi zvinhu, uye vanotya Mwari.” Nyanzvi yokuRussia inonzi Sergei Ivanenko yakati: “Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa pasi pose kuva vanhu vanonyatsoteerera mutemo uye zvikurukuru nokuda kwokungwarira kwavo kubhadhara mitero.” Maneja weimwe nzvimbo inoshandiswa neZvapupu zvaJehovha muZimbabwe nokuda kwekokorodzano dzazvo akati: “Ndinoona zvimwe Zvapupu zvichinonga mapepa nokuchenesa zvimbudzi. Nhandare yacho inosiyiwa yachena kupfuura zvayanga iri. Vechiduku venyu vane tsika. Ndinoti dai nyika yose izere neZvapupu zvaJehovha.”

Kuzviisa Pasi kwechiKristu

16. Tine ukama hwakadii nezviremera zvomunyika yatinogara, uye nei?

16 Petro anotaurawo nezvoukama hwedu nezviremera zvenyika ino. Anoti: “Zviisei pasi pechinhu chose chakaitwa nomunhu nokuda kwaShe: angava mambo somukuru kana magavhuna seanotumwa naye kuti arange vanoita zvakaipa uye kuti arumbidze vanoita zvakanaka. Nokuti izvozvo ndizvo zvinoda Mwari, kuti nokuita zvakanaka munyaradze kutaura kwokusaziva kwemapenzi.” (1 Pet. 2:13-15) Tinoonga kubatsirwa kwatinoitwa nehurumende yakarongeka, uye tichitungamirirwa nemashoko aPetro, tinoteerera mitemo yayo uye tinobhadhara mitero yedu. Kunyange tichiziva kodzero yakapiwa hurumende naMwari yokuranga vanotyora mutemo, tinozviisa pasi pechiremera chomunyika matinogara zvikurukuru “nokuda kwaShe.” Ndiko kuda kwaMwari. Uyezve, hatidi kuzvidzisa zita raJehovha nokurangirwa zvakaipa.—VaRoma 13:1, 4-7; Tito 3:1; 1 Petro 3:17.

17. Apo “mapenzi” anotishora, tinogona kuva nechivimbo chei?

17 Sezvineiwo, vamwe vanhu vane chiremera, “mapenzi,” vanotitambudza kana kutishora nedzimwe nzira—zvakadai sokungotipomera. Kunyange zvakadaro, munguva yaJehovha yakafanira, nhema dzavo nguva dzose dzinobudiswa pachena, uye ‘kutaura kwavo kwokusaziva’ kunobva kwangonyaradzwa. Mukurumbira wedu wokuzvibata sevaKristu unoratidza woga chokwadi. Ndicho chikonzero nei vakuru vakuru vehurumende vakatendeseka vachiwanzotirumbidza vachiti tinoita zvakanaka.—VaRoma 13:3; Tito 2:7, 8.

Varanda vaMwari

18. SevaKristu, munzira dzipi matingarega kushandisa rusununguko rwedu zvisina kufanira?

18 Zvino Petro anonyevera kuti: “Ivai sevanhu vakasununguka, asi muchiva norusununguko rwenyu kwete serwokufukidza uipi hwenyu, asi sevaranda vaMwari.” (1 Petro 2:16; VaGaratiya 5:13) Nhasi, zivo yedu yechokwadi cheBhaibheri inotisunungura mudzidziso dzechitendero chenhema. (Johani 8:32) Pamusoro pazvo, takasununguka, uye tinosarudza zvatinoda. Kunyange zvakadaro, hatishandisi rusununguko rwedu zvisina kufanira. Patinosarudza vokushamwaridzana navo, zvipfeko, kuzvigadzira chitarisiko, varaidzo—kunyange zvokudya nezvokunwa—tinoyeuka kuti vaKristu vechokwadi varanda vaMwari, havasi vanhu vanozvifadza. Tinosarudza kunamata Jehovha pane kuva varanda vokuchiva kwenyama yedu kana kuti vefashoni nemiitiro yenyika.—VaGaratiya 5:24; 2 Timoti 2:22; Tito 2:11, 12.

19-21. (a) Tinoona sei vaya vari munzvimbo dzechiremera chenyika? (b) Vamwe ‘vakada sangano rose rehama’ sei? (c) Ndoupi uri mutoro wedu unokosha kupfuura yose?

19 Petro anoenderera mberi achiti: “Kudzai vanhu vose, idai sangano rose rehama, ityai Mwari, kudzai mambo.” (1 Petro 2:17) Sezvo Jehovha Mwari achibvumira vanhu kuva muzvinzvimbo zvakasiyana-siyana zvechiremera, tinoratidza vanhu ivavo rukudzo rwakafanira. Tinotovanyengeterera, kuitira kuti vatibvumire kuita ushumiri hwedu murunyararo uye kuzvipira kuna Mwari. (1 Timoti 2:1-4) Zvisinei, panguva imwe chete iyi, ‘tinoda sangano rose rehama.’ Nguva dzose tinoshandira zvakanakira hama dzedu dzechiKristu, kwete zvinodzikuvadza.

20 Somuenzaniso, apo imwe nyika yomuAfrica yakakamurwa nemhirizhonga dzemadzinza, kuzvibata kwechiKristu kweZvapupu zvaJehovha kwakabuda pachena. Pepanhau rokuSwitzerland rinonzi Reformierte Presse rakashuma kuti: “Muna 1995, sangano rinonzi African Rights . . . rakakwanisa kuratidza kuti machechi ose akapindira mu[kurwisana kwacho] kunze kweZvapupu zvaJehovha chete.” Dzimwe nyika padzakanzwa nezvezviitiko zvinorwadza zvakaitika izvi, Zvapupu zvaJehovha muEurope zvakakurumidza kutumira zvokudya norubatsiro rwemishonga kuhama dzazvo nevamwewo munyika iyoyo yakanga ichitambura. (VaGaratiya 6:10) Vakateerera mashoko aZvirevo 3:27 anoti: “Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.”

21 Zvisinei, pane mumwe mutoro unokosha zvikuru kudarika rukudzo rwatinofanira kupa chiremera chipi nechipi chenyika ino uye kunyange kupfuura rudo rwatinofanira kuratidza hama dzedu. Mutoro wei? Petro akati: “Ityai Mwari.” Tine chikwereti naJehovha chakakura kwazvo kupfuura chikwereti chatinacho nomunhu upi noupi. Izvozvo ndezvechokwadi sei? Uye tingaita sei mitoro yedu kuna Mwari uku tichiita zvatinosungirwa kuitira zviremera zvomunyika ino? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

• VaKristu vane mitoro yei mumhuri?

• Tingaratidza sei chido chokupa muungano?

• Tine mitoro yei munyika yatinogara?

• Zvii zvimwe zvatinobatsirwa nazvo kana tikaramba tichizvibata zvakanakisisa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Mhuri yechiKristu ingava sei tsime romufaro mukuru?

[Mifananidzo iri papeji 10]

Nei Zvapupu zvaJehovha zvichidanana?

[Mifananidzo iri papeji 10]

Tinogona kuratidza kuda hama dzedu kunyange tisingadzizivi isu pachedu here?