Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Kwakaoma Kwazvo Kukumbira Ruregerero?

Nei Kwakaoma Kwazvo Kukumbira Ruregerero?

Nei Kwakaoma Kwazvo Kukumbira Ruregerero?

MUNA July 2000, Dare Rinodzika Mitemo yeNyika reCalifornia kuUnited States rakadzika mutemo wokusunungura vanhu vanenge vaine mhosva kana vakumbira ruregerero kumunhu akakuvadzwa mutsaona yavakabatanidzwa. Mutemo uyu wakadzikirwei? Zvakacherechedzwa kuti tsaona painokuvadza munhu kana zvinhu, vanhu vanowanzozeza kukumbira ruregero vachityira kuti zvingaonekwa nedare sokubvuma mhosva. Ukuwo, vaya vanofunga kuti vanofanira kubva vangokumbirwa ruregero vangatsamwa, uye katsaonawo zvako kangazova nyaya hombe.

Chokwadi, haumanikidzwi kukumbira ruregerero patsaona yaitika isiri mhosva yako. Uye pangava nenguva pakungava kuchenjera kungwaririra zvaunotaura. Chirevo chekare chinoti: “Kudarika hakungakoni pamunhu une mashoko mazhinji, asi unodzora miromo yake, uno uchenjeri.” (Zvirevo 10:19; 27:12) Kunyange zvakadaro, unogona kungwaririra uye kubatsira.

Zvisinei, hachisi chokwadi here kuti vanhu vakawanda havachakumbiri ruregero, kunyange pasina nyaya dzokukwirirana kumatare? Pamusha mudzimai angachema-chema achiti, ‘Murume wangu haambokumbiri ruregerero pachinhu chipi nechipi.’ Kubasa foromani anganyunyuta achiti, ‘Vashandi vangu havabvumi zvavanokanganisa, uye kashoma kuti vataure kuti vane urombo.’ Kuchikoro mudzidzisi angataura kuti, ‘Vana havasi kudzidziswa kutaura kuti ndiregerereiwo.’

Chimwe chikonzero chinoita kuti munhu azeze kukumbira ruregerero ndechokutya kurambirwa. Achinetseka kuti akumbirwa ruregerero angaratidza kuti haana basa noruregerero rwakumbirwa, mukumbiri angarega kuratidza manzwiro ake. Kutaura zvazviri, munhu akakanganisirwa angatorega kutaura neakamutadzira wacho, zvichiita kuti kuyanana kutooma.

Kusava nehanya nemanzwiro evamwe vanhu chingava chimwe chikonzero nei vamwe vachizeza kukumbira ruregerero. Vangafunga kuti, ‘Kukumbira ruregerero hakugadzirisi zvandatokanganisa kare.’ Panotova nevamwe vanozeza kutaura kuti ndine urombo pamusana pezvingazoitika. Vanoti, ‘Handingazonzi ndine mhosva ndobva ndazokumbirwa kuripa here?’ Zvisinei, chipingamupinyi chikuru chokubvuma kukanganisa kudada. Munhu anodada zvokutadza kuti “ndine urombo” chaizvoizvo angave ari kuti, ‘handidi kuzvinyadzisa nokubvuma zvandinenge ndakanganisa. Izvozvo zvingaita kuti ndiremekedzwe zvishoma.’

Chero zvazvingava, vakawanda vanowana zvakaoma kutaura mashoko okukumbira ruregerero. Asi kukumbira ruregerero kunokosha chaizvoizvo here? Kukumbira ruregerero kunobatsirei?

[Mufananidzo uri papeji 3]

“Vana havasi kudzidziswa kutaura kuti ndiregerereiwo”

[Mufananidzo uri papeji 3]

“Murume wangu haambokumbiri ruregerero”

[Mufananidzo uri papeji 3]

“Vashandi vangu havabvumi zvavanokanganisa”