Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takarambira Munzvimbo Yedu Yebasa

Takarambira Munzvimbo Yedu Yebasa

Nyaya Youpenyu

Takarambira Munzvimbo Yedu Yebasa

YAKATAURWA NAHERMANN BRUDER

Zvandaigona kusarudza zvaiva nyore: kushanda muUto reFrance Kune Imwe Nyika kwemakore mashanu kana kuti kupfigirwa mujeri rokuMorocco. Regai nditsanangure kuti ndakava sei munyatwa iyi.

NDAKABEREKERWA kuOppenau, muGermany, muna 1911, makore matatu chete Hondo Yenyika I isati yagundika. Vabereki vangu, Joseph naFrida Bruder, vaiva nevanasikana nevanakomana 17. Ini ndaiva mwana wavo wechi13.

Zvandichiri kuyeuka ndiri muduku, kuona uto revaimbi richifora mumugwagwa mukuru womuguta rokumba kwedu. Ndakwezviwa nenziyo yaiva noupenyu yokufora, ndakazotevera vaimbi kuchiteshi kuti ndione Baba nevamwe varume vainge vakapfeka yunifomu yechiuto vachikwira chitima. Chitima chacho zvachakasimuka, vamwe vakadzi vaiva vakamira vachitarisa vakabva vangotanga kusvimha misodzi. Nguva pfupi zvadaro, mupristi wedu akapa mharidzo refu muchechi ndokuverenga mazita evarume vana vakanga vafa vachidzivirira nyika yamadzibaba avo. “Iye zvino vava kudenga,” akatsanangura kudaro. Mukadzi ainge akamira pedyo neni akafenda.

Baba vakabatwa nefivhiri yetyphoid pavairwa vari kuRussia. Vakadzoka kumusha vapera chaizvo uye vakabva vangoendeswa kuchipatara chomunzvimbo yataigara. “Enda kuimba yokunamatira iri pedyo nokumakuva wodzokorora munyengetero waBaba Vedu ka50 uye Worumbidza Mariya ka50,” akarayira kudaro mupristi. “Wangodaro, baba vako vachaita nani.” Ndakatevedzera zano rake, asi Baba vakafa mangwana acho. Kunyange kukakomanawo zvako, hondo chinhu chairwadza kwazvo.

Mawanire Andakaita Chokwadi

Basa rainge risiri nyore kuwana muGermany munguva yehondo. Zvisinei, pandakapedza chikoro muna 1928, ndakakwanisa kuwana basa somurimi webindu muBasel, kuSwitzerland.

SaBaba, ndaiva muKaturike wepachokwadi. Chido changu chaiva chokuzoshanda somumongi anonzi muCapuchin muIndia. Munun’una wangu Richard, panguva iyoyo akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha, paakanzwa nezvezvirongwa izvi, akaita rwendo runokosha kuSwitzerland kuti aedze kundinyengetedza kuti ndisadaro. Akandinyevera nezvenjodzi dzokuvimba nevanhu, kunyanya vafundisi, uye akandikurudzira kuverenga Bhaibheri uye kuvimba nairo roga. Pasinei zvapo nokusaziva zvokuita, ndakawana Testamende Itsva ndokutanga kuiverenga. Zvishoma nezvishoma ndakajekerwa kuti zvakawanda zvandaitenda zvakanga zvisingawirirani nedzidziso dzeBhaibheri.

Mumwe musi weSvondo muna 1933, ndiri pamusha waRichard muGermany, akandisuma kuvaviri vakaroorana vaiva Zvapupu zvaJehovha. Vaziva kuti ndaiverenga Bhaibheri, vakandipa kabhuku kaiva nomusoro waiti: The Crisis. * Ndakatozoisa kabhuku ikaka pasi kwava kuda kuva pakati pousiku. Ndakabvuma kuti ndakanga ndawana chokwadi!

Zvapupu zvaJehovha zvomuBasel zvakandipa mavhoriyamu maviri eStudies in the Scriptures * pamwe chete nemagazini nemamwe mabhuku. Ndaororwa nezvandaiverenga, ndakaenda kunoona mupristi womunharaunda yedu ndokumukumbira kubvisa zita rangu mubhuku rechechi. Mupristi wacho akatsamwa kwazvo ndokundinyevera kuti ndakanga ndava munjodzi yokurasikirwa nokutenda kwangu. Chokwadi, ndakanga ndisina kurasikirwa nokutenda. Nokuti kokutanga muupenyu hwangu, ndakanga ndiri kutotanga kuva nokutenda kwechokwadi.

Hama dzokuBasel dzakanga dziri kuronga rwendo rwokunoparidza kumuganhu nokupinda muFrance kupera kwevhiki iyoyo. Imwe hama yakanditsanangurira nomutsa kuti ndakanga ndisina kukokwa pamusana pokuti ndakanga ndichangotanga kusonganira neungano. Ndisingaodzwi mwoyo, ndakaratidza chido changu chokutanga kuparidza. Akurukura nomumwe mukuru, akandipa ndima muSwitzerland. Mamwe mangwanani eSvondo, ndakachovha bhasikoro rangu kuenda kumusha muduku waiva pedyo neBasel, ndiine mabhuku 4, magazini 28, uye mabhurocha 20 mubhegi rangu rebasa. Vakawanda vomumusha wacho vaiva kuchechi pandakasvika. Kunyange zvakadaro, pakasvika 11 dzemangwanani, bhegi rangu rebasa rakanga risisina chinhu.

Pandakaudza hama kuti ndaida kubhabhatidzwa, vakakurukura neni zvepachokwadi uye vakandibvunza mibvunzo yokuda kuona kana ndainge ndabata chokwadi. Ndakaororwa nokushingaira kwavo uye kuvimbika kuna Jehovha nesangano rake. Sezvo yaiva nguva yechando, hama yakandibhabhatidza mubhavhu rokugezera mumusha womumwe mukuru. Ndinoyeuka ndichinzwa mufaro usingarondedzereki uye simba rakawanda romukati. Maiva muna 1934.

Kushanda paPurazi roUmambo

Muna 1936, ndakanzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvatenga imwe nzvimbo muSwitzerland. Ndakazvipira kushanda somutarisiri webindu. Zvakandifadza kuti, ndakakokwa kushanda paPurazi roUmambo kuSteffisburg, makiromita anenge 30 kubva kuBern. Ndaibatsirawo vamwe mubasa ravo papurazi racho pose pazvaikwanisika. PaBheteri pakandidzidzisa kukosha kwokushandira pamwe.

Chimwe chiitiko chinokosha mumakore oupenyu hwangu kwaiva kushanya kwaHama Rutherford papurazi racho muna 1936. Pavakaona kukura kwemadomasi edu uye kubereka kwakanga kwakaita zvirimwa, vakanyemwerera ndokuratidza kugutsikana kwavo. Vaiva hama yaizodiwa!

Ndashanda papurazi kwemakore anongoti darikei matatu, tsamba yaibva kudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha kuUnited States yakaverengwa pakudya kwemangwanani. Tsamba yacho yakasimbisa kudiwa kwokuita basa rokuparidza nokukurumidza uye yakakumbira kana pane vapi nevapi vaida kushanda semapiyona mhiri kwemakungwa. Ndisingazezi, ndakazvipira. Ndakaudzwa muna May 1939 kwandaifanira kuenda—Brazil!

Panguva yacho, ndaipinda misangano neUngano yeThun, pedyo nePurazi roUmambo. Misi yeSvondo, boka redu raienda kunoparidza kuAlps, panochovhewa bhasikoro maawa maviri kubva kuThun. Margaritha Steiner aivawo muboka racho. Ndakangoerekana ndapindwa neimwe pfungwa: Jesu haana kutuma vadzidzi vake vaviri vaviri here? Pandaingotaurawo zvangu naMargaritha kuti ndakanga ndanzi ndiende kuBrazil, akataurawo chido chake chokushanda kwaidiwa vaparidzi zvikuru. Takaroorana musi waJuly 31, 1939.

Kumira Zvainge Zvisingatarisirwi

Takafamba nechikepe kubva paLe Havre, France, kupera kwaAugust 1939, takananga kuSantos, Brazil. Nzvimbo dzinorara vaviri vaviri dzakanga dzapera, saka taifanira kufamba tiri munzvimbo dzakasiyana. Tiri kufamba, mashoko akasvika okuti Great Britain neFrance zvainge zvoda kurwa neGermany. Boka revanhu 30 vokuGermany rakatanga kuimba nziyo yenyika yeGermany. Izvi zvakagumbura mutyairi mukuru wechikepe chacho ndokubva achinja nzira achibva amira paSafi, Morocco. Vafambi vaiva nemagwaro okufambisa okuGermany vaingova nemaminitsi mashanu okuti vaburuke. Zvaisanganisira isu.

Takachengetwa pakamba yemapurisa zuva rimwe chete ndokuzotutirwa mubhazi raiva mugweje zvawo ndokuendeswa kujeri raiva kuMarrakech, makiromita anenge 140. Mazuva akaoma akatevera. Makamuri edu aiva akazarisa uye aine rima. Chimbudzi chaishandiswa nevanhu vose—gomba raiva pauriri—chaigara chichivharika. Mumwe nomumwe wedu akapiwa saga rakasviba rokurarira, uye usiku, makonzo ain’en’ena tsoka dzedu. Taipimirwa zvokudya muchipoto chine ngura kaviri zuva roga roga.

Mukuru mukuru weuto akatsanangura kuti ndaizosunungurwa dai ndaizobvuma kushanda kwemakore mashanu muUto reFrance Raiva Kunze Kwenyika. Kuramba kwandakaita kwakaita kuti ndigume ndava mumamiriro ezvinhu andingarondedzera seakaipisisa zvikuru kwemaawa 24. Yakawanda yenguva iyi, ndakaipedza ndichinyengetera.

Pashure pemazuva masere, vakuru vakuru vejeri vakandibvumira kuona Margaritha zvakare. Akanga aondoroka zvisingaiti, uye akachema zvokusanyararidzika. Ndakaedza nepandaikwanisa kumukurudzira. Takabvunzurudzwa ndokuendeswa nechitima kuCasablanca, uko Margaritha akazosunungurwa. Ndakaendeswa kumusasa wevasungwa kuPort Lyautey (yava kunzi Kenitra), yaiva kure nemakiromita anenge 180. Mumiriri weSwitzerland, akapa Margaritha zano rokuti adzokere kuSwitzerland, asi akaramba nokuvimbika kuenda asina ini. Mwedzi miviri yandaiva paPort Lyautey, aiuya zuva roga roga kubva kuCasablanca achindiunzirawo zvokudya.

Gore rakanga radarika, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvabudisa bhuku raiva nomusoro unoti Kreuzzug gegen das Christentum (Crusade Against Christianity) kuti vanhu vaone kuti Zvapupu zvakanga zvisingabatanidzwi muutongi hweNazi. Ndiri mumusasa wevasungwa, hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muBern yakanyorera zviremera zveFrance tsamba, ndokupfigira bhuku iri ichiedza kuratidza kuti takanga tisiri vaNazi. Margaritha akaitawo basa rinoyemurwa rokushanyira vakuru vakuru vehurumende uye achiedza kuita kuti vaone kuti tainge tisina mhosva. Pakupedzisira, 1939 apera, takawana mvumo yokubva muMorocco.

Takatozoziva tava kuenda kuBrazil kuti zvikepe zvesabhumarini zveGermany zvakanga zvichirwisa nzira dzengarava muAtlantic uye kuti isu ndisu tainyanya kudiwa. Kunyange zvazvo ngarava yedu Jamaique, yaiva yezvokutengeserana, yaiva yakaiswa pfuti mberi neshure. Mukati mezuva, mutyairi mukuru wengarava aifamba achinzvenga-nzvenga uye airamba achikanda zvinoputika. Usiku taidzima mwenje kuti vanhu vokuGermany vasatione. Takazorodzwa kwazvo pakupedzisira patakasvika pachiteshi chengarava chinonzi Santos, kuBrazil, musi waFebruary 6, 1940, mwedzi inodarika mishanu tabva kuEurope!

Kudzokera Kujeri

Nzvimbo yatakatanga kuparidza yainzi Montenegro, guta riri kumaodzanyemba kwenyika yeBrazil inonzi Rio Grande do Sul. Zvaiva pachena kuti zviremera zvechechi zvainge zvaudzwa nezvokusvika kwedu. Taparidza kwemaawa maviri chete, mapurisa akatisunga ndokutitorera marekodzi edu ose egiramufoni aiva nemharidzo dzeBhaibheri, mabhuku edu ose, uye kunyange nemabhegi edu ebasa aiva akagadzirwa neganda rengamera ataiva tatenga kuMorocco. Mupristi naminisita aitaura chiGerman vainge vakatimirira kukamba yemapurisa. Vakateerera hurukuro dzaHama Rutherford mukuru mukuru wemapurisa paaidziridza pagiramufoni yedu yaakanga atorawo. Chokwadi Hama Rutherford vakanga vasingamboti pamunhondo pamusasa! Pakasvika chikamu chaitaura nezveVatican, mupristi akatsamwa kwazvo ndokubva ati bwa kubuda.

Nokukumbira kwabhishopi weSanta Maria, mapurisa akatiendesa kuPôrto Alegre, guta guru renyika yacho. Margaritha akabva asunungurwa uye ndokutsvaka rubatsiro rwomumiriri wenyika yeSwitzerland. Mumiriri wacho akataura kuti adzokere kuSwitzerland. Zvakare akaramba kundisiya. Margaritha agara ari shamwari yangu yakavimbika. Mazuva makumi matatu gare gare ndakabvunzurudzwa ndokusunungurwa. Mapurisa akatiti tisarudze: kubva munyika yacho mukati memazuva gumi kana kuti “kumirira kuona zvaizoitika.” Takaenda kuRio de Janeiro takurudzirwa nedzimbahwe.

“Ndapota Verenga Kadhi Iri”

Pasinei zvapo nesumo iyi yaisanyanyonakidza mumunda weBrazil, takafara kwazvo! Pashure pezvose, takanga tiri vapenyu, mabhegi edu akanga azarazve nemabhuku, uye taifanira kuparidza muRio de Janeiro yose. Asi taizoparidza sei isu taiva nezivo shoma yechiPutukezi? Nokushandisa kadhi rine mharidzo. “Por favor, leia este cartão” (“Ndapota verenga kadhi iri”) ndiwo mashoko echiPutukezi atakatanga kudzidzira kuti tiashandise mubasa rokuparidza. Uye kadhi iroro rakaita kuti tibudirire zvikuru! Mumwedzi mumwe chete, takaparadzira mabhuku anodarika 1 000. Vakawanda vevakagamuchira mabhuku edu eBhaibheri gare gare vakagamuchira chokwadi. Kutaura chokwadi, mabhuku edu akapa uchapupu hunobudirira kudarika zvatingadai takaita. Izvi zvakaita kuti ndinyatsoona kukosha kwokusiya mabhuku edu mumaoko evanhu vanofarira.

Panguva iyoyo Rio de Janeiro ndiro raiva guta guru reBrazil, uye shoko redu rakanyanya kugamuchirwa zvakanaka muzvivako zvehurumende. Ndakava neropafadzo yokupupurira minisita wezvemari naminisita wemauto. Panguva iyi, ndakaona uchapupu hwakajeka hwokushanda kwomudzimu waJehovha.

Pane imwe nguva, ndichiparidza ndiri mune imwe nzvimbo iri pakati peRio, ndakasvika paMuzinda Unotongerwa Mhosva. Zvakangoitikawo kuti ndakazviwana ndava mune rimwe kamuri ndapoteredzwa nevarume vakanga vakapfeka zvitema, pakati pewaiita somusangano wemariro. Ndakaenda kune murume aitaridzika seakasiyana nevamwe ndokumutambidza kadhi rangu raiva nemharidzo. Akanga asiri mariro. Kutaura zvazviri ndakanga ndatovhiringidza mhosva yaitongwa mudare, uye ndakanga ndiri kutotaura nomutongi. Achiseka, akapa chiratidzo kumapurisa kuti asave nezvaanoita. Zvine ruremekedzo akagamuchira kopi yebhuku raChildren * achibva apa mupiro. Ndava kubuda, mumwe mupurisa akanongedza chiziviso chaiva pamusuo chainyatsooneka chaiti: Proibida a entrada de pessoas estranhas (Vanhu Vasina Mvumo Havabvumirwi).

Mumwe munda waibereka chaiva chiteshi chengarava. Pane imwe nguva, ndakasangana nomufambisi wechikepe uyo akagamuchira mabhuku asati adzokera kugungwa. Gare gare, takasangana naye pagungano. Mhuri yake yose yakanga yagamuchira chokwadi, uye iye pachake akanga ari kufambira mberi zvakanaka. Izvozvo zvakaita kuti tifare zvikuru.

Zvisinei, zvinhu zvose hazvaingofamba nyore nyore. Vhiza yedu yemwedzi mitanhatu yakapera, uye takanga totarisira kubudiswa munyika yacho. Tanyorera kudzimbahwe nezvemamiriro ainge aita zvinhu, takatambira tsamba yorudo kubva kuna Hama Rutherford, ichitikurudzira kutsungirira uye iine mashoko airatidza zvataifanira kuita. Taida kugara muBrazil, uye tichibatsirwa negweta, pakupedzisira takawana vhiza yokugara zvachose muna 1945.

Basa Renguva Yakareba

Zvisinei, tisati tatanga basa iri, Jonathan, mwanakomana wedu, akaberekwa muna 1941, Ruth muna 1943, uye Esther muna 1945. Kuti titarisire zvaidiwa nemhuri yedu yaikura, ndaifanira kutsvaka basa rokunyika. Margaritha akaramba ari mubasa rokuparidza nguva yakazara kutozosvika pakaberekwa mwana wedu wechitatu.

Kubvira pamavambo, taishanda tose semhuri mubasa rokuparidza munzvimbo dzomuguta, muzviteshi zvezvitima, mumigwagwa uye mumizinda yezvebhizimisi. Manheru eMigovera, taiparadzira Nharireyomurindi neMukai! pamwe chete, uye idzi dzaiva nguva dzinofadza zvechokwadi.

Pamusha, mwana woga woga aiva nemabasa aaifanira kuita pazuva. Jonathan ndiye aiva nebasa rokuchenesa chitofu nomukicheni. Vasikana vaichenesa firiji, kuchenesa chivanze, nokuporisha bhutsu. Izvi zvakavabatsira kudzidza kuva vakarongeka uye kuda kutanga kuita basa. Nhasi, vana vedu vashandi vanoshanda nesimba vanotarisira zvakanaka misha yavo nezvinhu zvavo, zvichiita kuti ini naMargaritha tifare chaizvo.

Taitarisirawo vana kuti vazvibate pamisangano. Purogiramu isati yatanga, vainwa girazi remvura voenda kuchimbuzi. Musangano uchiitwa, Jonathan aigara kuruboshwe rwangu, Ruth kurudyi rwangu, oteverwa naMargaritha, uye kurudyi rwake, kwaiva naEsther. Izvi zvakavabatsira kunyatsoteerera uye kudya zvokudya zvine chokuita nokunamata kutangira pazera duku zvikuru.

Jehovha akakomborera zvatakaita. Vana vedu vose vachiri kushumira Jehovha nokutendeka uye vachiri kuitawo basa rokuparidza nomufaro. Jonathan iko zvino ari kushumira somukuru muUngano yeNovo Méier, muRio de Janeiro.

Pakazosvika 1970, vana vedu vose vakanga varoorwa nokuroora uye vabva pamusha, saka ini naMargaritha takasarudza kutamira kwaidiwa vaparidzi. Takambotanga tamira paPoços de Caldas, muRuwa rweMinas Gerais, panguva iyoyo yaiva neboka diki revaparidzi 19 voUmambo. Ndakashungurudzika pandakatanga kuona nzvimbo yavo yokusanganira—kamuri raiva pauriri hwepasi risina mahwindo uye raida kutogadziriswa chaizvo. Nenguva isipi, takatanga kutsvaka Imba yoUmambo iri nani uye nokukurumidza takawana chivako chinotaridzika munzvimbo yakanaka. Izvi zvakaita kuti pave nomusiyano! Makore mana nehafu gare gare, nhamba yevaparidzi yakanga yawedzera kusvika ku155. Muna 1989 taifanira kutamira kuAraruama, Rio de Janeiro, uko takashumira kwemakore mapfumbamwe. Munguva iyi takaona ungano mbiri itsva dzichiumbwa.

Kupiwa Mubayiro Pamusana Pokuramba Tiri Mubasa Redu

Muna 1998, zvinetso zvoutano uye kuda kuva pedyo nevana vedu zvakaita kuti titamire kuSão Gonçalo, Rio de Janeiro. Ndichiri kushumira somukuru muungano ikoko. Tinoita nepatinogona napo kubudawo mubasa rokuparidza nguva dzose. Margaritha anofarira kuparidzira vanhu vanowanika pasupamaketi iri pedyo, uye nomutsa ungano yakatipa imwe ndima iri pedyo nomusha wedu, zvichitiitira nyore kuparidza maererano nokubvumira kunoita utano hwedu.

Ini naMargaritha tave takazvitsaurira sevashumiri vaJehovha zvino kweanodarika makore 60. Takanyatsozvionera kuti ‘kunyange hurumende kana zvinhu zviripo zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvikwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.’ (VaRoma 8:38, 39) Uye zvave zvichifadza kwazvo kuona kuunganidzwa kwe“mamwe makwai,” vane tariro inoshamisa youpenyu husingaperi papasi rakakwana, rinenge rakapoteredzwa nezvisikwa zvaMwari zvakaisvonaka! (Johani 10:16) Patakasvika muna 1940, Rio de Janeiro yaiva neungano imwe chete chete, iine vaparidzi 28. Nhasi mava neungano dzinenge 250 uye vaparidzi voUmambo vanodarika 20 000.

Iripo imwe nguva yatingadai takadzokera kumhuri dzedu dziri kuEurope. Asi nzvimbo yedu yebasa ratakapiwa naJehovha iri muno muBrazil. Tinofara sei kuti takaramba tiri mubasa redu!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi hakachadhindwi.

^ ndima 12 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi hakachadhindwi.

^ ndima 33 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi harichadhindwi.

[Mufananidzo uri papeji 21]

PaPurazi roUmambo, kuSteffisburg, Switzerland, ma1930 ava kunopera (Ndiri nechokumucheto kuruboshwe)

[Mufananidzo uri papeji 23]

Nguva pfupi tisati tachata, muna 1939

[Mufananidzo uri papeji 23]

Casablanca kuma 1940

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kuparidza semhuri

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kuita ushumiri nguva dzose nhasi