Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tose Tinoda Kurumbidzwa

Tose Tinoda Kurumbidzwa

Tose Tinoda Kurumbidzwa

ZUVA racho rakanga rakanaka kukasikana aka. Kunyange zvazvo kaida kutsiurwa pane dzimwe nguva, musi uyu kakanga kazvibata zvikuru. Zvisinei, manheru iwayo, pashure pokunge kasikana kacho kaenda kunoradzikwa, amai vako vakakanzwa kachichema. Pakakabvunzwa kuti nei kakanga kagumbuka, kakapfikura kachiti: “Ndanga ndisiri musikana akanaka here nhasi?”

Mubvunzo iwoyo wakabaya mwoyo waamai vacho. Vaigarokurumidza kutsiura mwanasikana wavo. Asi zvino, pasinei nokucherechedza kwavakanga vaita kuti kasikana kavo kakanga kaedza kuzvibata zvakaoma kudaro, amai vacho vakanga vasina kutaura kunyange shoko rimwe rokurumbidza.

Havasi vasikana vaduku chete vanoda kurumbidzwa uye kunyaradzwa. Tose tinoda—sokungoda kwatinoita zano uye kururamiswa.

Tinonzwa sei patinorumbidzwa zvinobva pamwoyo? Hazviiti kuti tifare here ndokuita kuti zuva redu rive rakajeka? Tingangofunga kuti mumwe munhu aticherechedza uye ane hanya nesu. Zvinoita kuti tive nechokwadi chokuti zvataita zvanga zvakafanira, uye zvinotikurudzira kuti tishandezve nesimba munguva yemberi. Hazvishamisi kuti kurumbidza kunobva pamwoyo kunowanzotiswededza pedyo nomunhu anozvipa nguva yokutaura chimwe chinhu chinokurudzira.—Zvirevo 15:23.

Jesu Kristu ainzwisisa kukosha kwokurumbidza. Mumufananidzo wematarenda, tenzi (achifananidzira Jesu pachake) anorumbidza norudo mumwe nomumwe wevaranda vaviri vakatendeka, achiti: “Waita zvakanaka, muranda akanaka uye akatendeka!” Zvinonyevenutsa mwoyo kwazvo! Kunyange zvazvo vaine mano akasiyana zvikuru uye kuwana kwakasiyana, vanorumbidzwa zvakaenzana.—Mateu 25:19-23.

Saka ngatiyeukei amai vekasikana kaya. Hatifaniri kumirira kuti vamwe vacheme tozovarumbidza. Asi, tinogona kutsvaka mikana yokurumbidza nayo. Chokwadi, tine chikonzero chakanaka chokurumbidza vamwe zvinobva pamwoyo pamikana iri yose.