Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu Vasina Kwavakarerekera Mumazuva Okupedzisira

VaKristu Vasina Kwavakarerekera Mumazuva Okupedzisira

VaKristu Vasina Kwavakarerekera Mumazuva Okupedzisira

“Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.”—JOHANI 17:16.

1, 2. Jesu akatii nezvoukama hwevateveri vake nenyika, uye zvaakataura zvinoita kuti pamuke mibvunzo ipi?

PAUSIKU hwokupedzisira hwoupenyu hwake somunhu akakwana, Jesu akanyengetera munyengetero murefu vadzidzi vake vakateerera. Paainyengetera kudaro, akataura chimwe chinhu chinorondedzera upenyu hwevaKristu vose vechokwadi. Achitaura nezvevateveri vake, akati: “Ndakavapa shoko renyu, asi nyika yakavavenga, nokuti havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika. Ndinokukumbirai, kwete kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nemhaka yowakaipa. Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.”—Johani 17:14-16.

2 Kaviri, Jesu akati vateveri vake vaizova vasiri rutivi rwenyika. Uyezve, kuparadzana ikoko kwaizotungamirira kumakakatanwa—nyika yaizovavenga. Kunyange zvakadaro, vaKristu vaisafanira kutya; Jehovha aizovatarisira. (Zvirevo 18:10; Mateu 24:9, 13) Tichifunga zvakataurwa naJesu, zvakanaka kubvunza kuti: ‘Nei vaKristu vechokwadi vasiri rutivi rwenyika? Zvinorevei kusava rutivi rwenyika? Kana vaKristu vachivengwa nenyika, vanoiona sei nyika yacho? Zvikurukuru, vanoona sei hurumende dzenyika?’ Mhinduro dzinopiwa neMagwaro pamibvunzo iyi dzinokosha nokuti dzine chokuita nesu tose.

“Tinobva Kuna Mwari”

3. (a) Chii chinoita kuti tiparadzane nenyika? (b) Uchapupui huripo hwokuti nyika “iri musimba rewakaipa”?

3 Ukama hwedu hwepedyo naJehovha ndechimwe chikonzero nei tisiri rutivi rwenyika. Muapostora Johani akanyora kuti: “Tinoziva kuti tinobva kuna Mwari, asi nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Mashoko aJohani pamusoro penyika ndeechokwadi chaizvo. Hondo, kupara mhosva, utsinye, udzvinyiriri, kusatendeseka, uye unzenza izvo zvangova kwose kwose nhasi zvinopa uchapupu hwokuti Satani ndiye ari kudzora zvinhu, kwete Mwari. (Johani 12:31; 2 VaKorinde 4:4; VaEfeso 6:12) Munhu paanova mumwe weZvapupu zvaJehovha, haazoiti kana kubvumirana nemabasa akaipa iwayo, uye izvozvo zvinomuita kuti asava rutivi rwenyika.—VaRoma 12:2; 13:12-14; 1 VaKorinde 6:9-11; 1 Johani 3:10-12.

4. Tinoratidza munzira dzipi kuti tiri vaJehovha?

4 Johani akati vaKristu, kusiyana nenyika, ‘vanobva kuna Mwari.’ Vose vanozvitsaurira kuna Jehovha ndevake. Muapostora Pauro akati: “Nokuti zvose zviri zviviri kana tichirarama, tinoraramira Jehovha, uye kana tichifa, tinofira Jehovha. Naizvozvo zvose zviri zviviri kana tichirarama uye kana tichifa, tiri vaJehovha.” (VaRoma 14:8; Pisarema 116:15) Nokuti tiri vaJehovha, tinozvipira kwaari zvakakwana. (Eksodho 20:4-6) Saka, muKristu wechokwadi haatsauriri upenyu hwake kuzvinangwa zvenyika. Uye kunyange achiremekedza zviratidzo zvenyika, haanamati zvinhu izvi, kunyange nezviito kana mupfungwa. Haatombonamati nyanzvi dzemitambo kana zvimwe zvidhori zvemazuva ano. Ichokwadi kuti anoremekedza kodzero yevamwe yokuita zvavanoda, asi iye anonamata Musiki chete. (Mateu 4:10; Zvakazarurwa 19:10) Izviwo zvinomuita kuti aparadzane nenyika.

“Umambo Hwangu Hausi Rutivi Rwenyika Ino”

5, 6. Kuzviisa pasi poUmambo hwaMwari kunoita kuti tive vakaparadzana nenyika sei?

5 VaKristu Vateveri vaJesu Kristu uye vanhu vari pasi poUmambo hwaMwari, izvo zvinovaitawo kuti vasava rutivi rwenyika. Jesu paakanga achitongwa pamberi paPondiyo Pirato, akati: “Umambo hwangu hausi rutivi rwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva rutivi rwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu haubvi pano.” (Johani 18:36) Umambo ndihwo huchashandiswa kutsvenesa zita raJehovha, kureverera uchangamire hwake uye kuita kuda kwake pasi pano sokudenga. (Mateu 6:9, 10) Muushumiri hwake hwose, Jesu akaparidza mashoko akanaka oUmambo, uye akati hwaizoziviswa nevateveri vake kusvikira kumugumo wenyika ino chaiko. (Mateu 4:23; 24:14) Muna 1914 mashoko ouprofita aZvakazarurwa 11:15 akazadzika, ayo anoti: “Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe wedu nehwaKristu wake, uye achatonga samambo nokusingaperi-peri.” Rimwe zuva munguva pfupi iri kutevera, Umambo hwokudenga ihwohwo huchava simba chete rinenge richitonga vanhu. (Dhanieri 2:44) Pane imwe nguva, kunyange vatongi venyika vachamanikidzwa kubvuma simba rahwo.—Pisarema 2:6-12.

6 Vachifunga zvose izvozvo, vaKristu vechokwadi nhasi vanotongwa noUmambo hwaMwari, uye vanotevera zano raJesu ‘rokuramba vachitanga kutsvaka umambo nokururama kwaMwari.’ (Mateu 6:33). Izvozvo hazviiti kuti vave vasina kuvimbika kunyika dzavanogara madziri, asi zvinovaita kuti vaparadzane nenyika pakunamata. Basa guru revaKristu nhasi, kufanana nomuzana remakore rokutanga, ‘nderokupupurira kwazvo pamusoro poumambo hwaMwari.’ (Mabasa 28:23) Hapana hurumende yevanhu ine kodzero yokuvhiringidza basa raMwari iroro.

7. Nei vaKristu vechokwadi vasina kwavakarerekera, uye vakaratidza sei izvi?

7 Maererano nokuva kwavo vanhu vaJehovha uye kuva vateveri vaJesu uye vanhu vanotongwa noUmambo hwaMwari, Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvisina divi razvakarerekera mukurwisana kunoitika munyika imwe uye munyika dzakawanda kwomumazana emakore echi20 ne21. Hapana divi razvakasarudza, hazvina kumborwisana naani zvake, uye hazvina kuparadzira mashoko akashata zvichibatsira nyika ipi neipi. Vachiratidza kutenda nenzira inoshamisa mukutarisana nokushora kunoratidza sokunoda kuvakurira, vakatevedzera zvakataurirwa vatongi veNazi vokuGermany muna 1934 kuti: “Hatinei nenhau dzezvematongerwe enyika, asi takazvipira zvakazara kuUmambo hwaMwari pasi paKristu Mambo wake. Hatizokuvadzi kana kukanganisira chero ani zvake. Tichafara kuita zvakanaka murunyararo tichiitira vanhu vose zvakanaka patinowana mukana wacho.”

Vamiririri Nenhume dzaKristu

8, 9. Zvapupu zvaJehovha nhasi vamiririri nenhume munzirai, uye izvi zvinoita kuti ukama hwavo nemarudzi huve hwakadini?

8 Pauro akazvirondedzera iye pachake nevamwe vaKristu vakazodzwa se“vamiririri vanotsiva Kristu, sokunge kuti Mwari akanga achiteterera nokwatiri.” (2 VaKorinde 5:20; VaEfeso 6:20) Kubvira muna 1914, vaKristu vakazodzwa nomudzimu vanogona kutaurwa nezvavo sevamiririri voUmambo hwaMwari, uhwo vari “vanakomana” vahwo. (Mateu 13:38; VaFiripi 3:20; Zvakazarurwa 5:9, 10) Kuwedzera kune ivava, Jehovha akaunza kubva mumarudzi “boka guru revanhu” re“mamwe makwai,” vaKristu vane tariro yokurarama pasi pano, kuti vatsigire vanakomana vakazodzwa mubasa ravo rokuva vamiririri. (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) “Mamwe makwai” aya anogona kunzi “nhume” dzoUmambo hwaMwari.

9 Mumiririri nevaanoshanda navo havapindiri munyaya dzenyika yavanoshanda vari. Saizvozvowo, vaKristu vanoramba vasina kwavakarerekera munyaya dzenyika dzepasi rose. Havatsigiri kana kurwisa boka ripi zvaro rorudzi, dzinza, nzanga, kana rezvemari. (Mabasa 10:34, 35) Pane kudaro, ‘vanoitira vose zvakanaka.’ (VaGaratiya 6:10) Kusava nedivi ravakarerekera kweZvapupu zvaJehovha kunoreva kuti hapana angambotaura zvakarurama kuti haadi kunzwa shoko ravo nokuti vakabatana neboka rinopikisa redzinza, kana rudzi.

Vanozivikanwa Norudo

10. KumuKristu, rudo runokosha sei?

10 Kuwedzera pane zvataurwa, vaKristu havana kwavakarerekera munyaya dzenyika pamusana poukama hwavo nevamwe vaKristu. Jesu akati kuvateveri vake: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Rudo rwehama chinhu chinokosha pakuva muKristu. (1 Johani 3:14) Sezvazvakaita noukama hwake naJehovha naJesu, ukama uhwo muKristu anahwo nevamwe vaKristu ndehwepedyo zvikuru. Rudo rwake harungoratidzwi kune vari muungano yake chete. Runosanganisira “sangano rose rehama [dzake] munyika yose.”—1 Petro 5:9.

11. Mufambiro weZvapupu zvaJehovha unotsigirwa sei nokudanana kwazvo?

11 Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza kuda kwazvo hama nokuzadzika mashoko aIsaya 2:4 anoti: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” Vachirayiridzwa naJehovha, vaKristu vechokwadi vane rugare naMwari uye pachavo. (Isaya 54:13) Sezvo vachida Mwari nehama dzavo, hazvingavi nomusoro kuti varwisane nevamwe vaKristu vavanonamata navo—kana vamwewo vanhu—vari kune dzimwe nyika. Rugare rwavo nokubatana zvinhu zvinokosha pakunamata kwavo, chiratidzo chokuti vane mudzimu waMwari zvechokwadi. (Pisarema 133:1; Mika 2:12; Mateu 22:37-39; VaKorose 3:14) ‘Vanotsvaka rugare kuti varutevere,’ vachiziva kuti “meso aJehovha anotarira vakarurama.”—Pisarema 34:14, 15.

Maonero Ayo vaKristu Vanoita Nyika

12. Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera unhu hwaJehovha hupi hunoratidzwa vanhu vari munyika, uye sei?

12 Jehovha akazivisa kuti achatonga nyika ino zvakaipa, asi haasati atonga vanhu vose vari munyika. Achaita izvozvo achishandisa Jesu panguva Yake yakafanira. (Pisarema 67:3, 4; Mateu 25:31-46; 2 Petro 3:10) Panguva ino, anoratidza rudo rukuru kuvanhu. Akatopa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kuitira kuti munhu wose awane mukana wokugamuchira upenyu husingaperi. (Johani 3:16) SevaKristu, tinotevedzera rudo rwaMwari nokuudza vamwe nezvourongwa hwaMwari hworuponeso, kunyange kana zvatinoedza kuita zvichirambwa kakawanda.

13. Tinofanira kuona sei zviremera zvenyika?

13 Tinofanira kuona sei vatongi venyika? Pauro akapindura mubvunzo iwoyo paakanyora kuti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevane simba zvikuru, nokuti hapana simba risina kubvumirwa naMwari; vane simba vose varipo vakaiswa munzvimbo yavo ine mwero naMwari.” (VaRoma 13:1, 2) Vanhu vari munzvimbo dz“ine mwero” dzechiremera (dzakakwirira kana dzakaderera zvichienzaniswa nedzimwe, asi nguva dzose dzakaderera pane yaJehovha) nokuti Wemasimba Ose anovabvumira kuva munzvimbo idzodzo. MuKristu anozviisa pasi pechiremera chenyika nokuti ndicho chimwe chinhu chinodiwa pakuteerera Jehovha. Zvisinei, zvakadini kana pakava nokupesana pakati pezvinodiwa naMwari nezviya zvehurumende dzevanhu?

Mutemo waMwari nowaKesari

14, 15. (a) Dhanieri akaitei kuti pasava nokupesana munyaya yokuteerera? (b) VaHebheru vatatu vakaita sei apo kupesana panyaya yokuteerera kwakanga kusingagoni kudziviswa?

14 Dhanieri neshamwari dzake nhatu vanopa muenzaniso wakanaka kwazvo wokuzviisa pasi pehurumende dzevanhu uyewo vachizviisa pasi pechiremera chaMwari. VaHebheru vechiduku vana ava pavakaona vava nhapwa muBhabhironi, vakateerera mitemo yenyika iyoyo uye vakakurumidza kusarudzwa kuti vapiwe dzidzo chaiyo. Dhanieri paakaziva kuti dzidzo iyi yaigona kuzoita kuti vapesane noMutemo waJehovha, akakurukura nyaya yacho nomukuru mukuru aitarisira. Somugumisiro, urongwa chaihwo hwakaitwa hwokuremekedza hana dzevaHebheru vana ava. (Dhanieri 1:8-17) Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera muenzaniso waDhanieri pazvinotsanangura nokungwarira maonero azvinoita vakuru vakuru kuti vasazvimutsire zvinetso zvisina kufanira.

15 Zvisinei, pane imwe nguva yakatevera kupesana panyaya yokuzviisa pasi kwakanga kusingagoni kudziviswa. Mambo weBhabhironi akadzika chidhori chakakura mubani reDhura ndokurayira vakuru vakuru, kusanganisira vatarisiri vematunhu, kuti vaungane nokuda kwokukumikidzwa kwacho. Kusvika panguva ino, shamwari nhatu dzaDhanieri dzakanga dzagadzwa kuva vatariri vematunhu eBhabhironi, saka murayiro wacho waishanda kwavari. Pane imwe nguva mumutambo wacho, vose vakanga vakaungana vaifanira kukotamira chifananidzo chacho. Asi vaHebheru vacho vaiziva kuti izvozvo zvaizopesana nomutemo waMwari. (Dheuteronomio 5:8-10) Saka apo munhu wose akakotama, ivo vakaramba vakamira. Nokurega kuteerera murayiro wamambo, vaigona kuurayiwa noutsinye, uye upenyu hwavo hwakangoponeswa nechishamiso; asi vakasarudza kufa pane kurega kuteerera Jehovha.—Dhanieri 2:49–3:29.

16, 17. Vaapostora vakatii pavakarayirwa kuti varege kuparidza, uye nei?

16 Muzana remakore rokutanga, vaapostora vaJesu Kristu vakadanwa pamberi pevatungamiriri vechiJudha muJerusarema ndokurayirwa kuti varege kuparidza muzita raJesu. Vakaita sei? Jesu akanga avarayira kuita vadzidzi mumarudzi ose, izvo zvaizosanganisira Judhiya. Akanga avataurirawo kuti vave zvapupu zvake muJerusarema uyewo pasi pose. (Mateu 28:19, 20; Mabasa 1:8) Vaapostora vaiziva kuti mirayiro yaJesu yaimirira zvaidiwa naMwari kwavari. (Johani 5:30; 8:28) Saka, vakati: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 4:19, 20; 5:29.

17 Vaapostora vacho vakanga vasiri kupandukira. (Zvirevo 24:21) Zvisinei, apo vatongi vevanhu vakavarambidza kuita kuda kwaMwari, vakangoti, ‘Tinofanira kuteerera Mwari, kwete vanhu.’ Jesu akati tinofanira ‘kudzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.’ (Mako 12:17) Kana tikarega kuteerera murayiro waMwari nokuti mumwe munhu atiudza kuti tidaro, tiri kupa munhu zvinhu zvaMwari. Pane kudaro, tinodzorera zvinhu zvose zvaKesari, asi tinoziva chiremera chikuru chaJehovha. Ndiye Changamire Wezvose, Musiki, Tsime chairo rechiremera.—Zvakazarurwa 4:11.

Tichamira Takasimba

18, 19. Hama dzedu dzakawanda dzakasarudza kuita chii chakanaka kwazvo, uye tingatevedzera sei muenzaniso wadzo?

18 Panguva ino, hurumende dzakawanda dzenyika dzinoziva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvina divi razvakarerekera, uye izvozvo tinozvionga. Zvisinei, mune dzimwe nyika Zvapupu zvakatarisana nokushorwa kukuru. Muzana remakore rechi20 rose zvichiuya kunguva ino, dzimwe dzehama nehanzvadzi dzedu dzakatambura kwazvo, dzichirwa “kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda” mupfungwa yomudzimu.—1 Timoti 6:12.

19 Tingashinga sei saivo? Chokutanga, tinoyeuka kuti tinofanira kutarisira kushorwa. Hatifaniri kuvhunduka kana kunyange kushamiswa patinosangana nakwo. Pauro akanyevera Timoti kuti: “Vose vanoda kurarama nokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12; 1 Petro 4:12) Munyika umo Satani ari kungofurira vanhu, tingatadza nei kushorwa? (Zvakazarurwa 12:17) Chero takatendeka, nguva dzose pachava nevamwe ‘vanoshamiswa uye vanoramba vachitaura zvakaipa nezvedu.’—1 Petro 4:4.

20. Tinoyeuchidzwa chokwadi chipi chinopa simba?

20 Chechipiri, tine chivimbo chokuti Jehovha nengirozi dzake vachatitsigira. Sokutaura kwakaita Erisha wenguva yekare kuti, “vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.” (2 Madzimambo 6:16; Pisarema 34:7) Kungava kuti Jehovha, nokuda kwechinangwa chake chakanaka, anobvumira vanhu kumboramba vachitimanikidza kwekanguva. Kunyange zvakadaro, nguva dzose achatipa simba ratinoda kuti titsungirire. (Isaya 41:9, 10) Vamwe vakarasikirwa noupenyu hwavo, asi izvozvo hazvitityisi. Jesu akati: “Musatya vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya; asi ityai iye anogona kuparadza mweya nomuviri muGehena.” (Mateu 10:16-23, 28) Tinongova “vagari venguva duku” munyika ino. Tinoshandisa nguva yedu yatinayo kuti ti“batisise upenyu chaihwo,” upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari. (1 Petro 2:11; 1 Timoti 6:19) Hapana munhu anogona kutitorera mubayiro iwoyo chero bedzi tikaramba takatendeka kuna Mwari.

21. Chii chatinofanira kugara tichifunga nezvacho?

21 Saka, ngatiyeuke ukama hunokosha hwatinahwo naJehovha Mwari. Nguva dzose ngationge chikomborero chokuva vateveri vaKristu uye vanhu vanotongwa noUmambo. Ngatide hama dzedu nomwoyo wose, uye nguva dzose ngatifarire rudo rwadzinotiratidza. Kupfuura zvose, ngatiteerere mashoko omunyori wepisarema anoti: “Rindira Jehovha; iva nesimba, nomwoyo wako utsunge; ndinoti, rindira Jehovha.” (Pisarema 27:14; Isaya 54:17) Ipapo, kufanana nevaKristu vasingaverengeki vakatitangira, tichamira takasimba netariro yedu yechokwadi—tiri vaKristu vakatendeka vasina kwavakarerekera, avo vasiri rutivi rwenyika.

Unogona Kutsanangura Here?

• Ukama hwedu naJehovha hunotiparadzanisa nenyika ino sei?

• Sevanhu vanotongwa noUmambo, tingaramba sei tisina kwatakarerekera munyika ino?

• Kuda hama dzedu kunotichengeta sei tisina kwatakarerekera, takaparadzana nenyika?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kuzviisa kwedu pasi poUmambo hwaMwari kunoita kuti tive noukama hworudzii nenyika?

[Mufananidzo uri papeji 16]

MuHutu nomuTutsi vari kushanda vose vachifara

[Mufananidzo uri papeji 17]

Hama dzechiKristu dzechiJudha nedzechiArabhu

[Mufananidzo uri papeji 17]

VaKristu vechiSerbia, vechiBosnia, uye vechiCroatia vanofara kusonganirana

[Mufananidzo uri papeji 18]

Ndeipi iri nzira yakarurama yokutora apo vatongi vanotirayira kutyora mutemo waMwari?