Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vatsigiri Vokunamata Kwechokwadi—Kare uye Zvino

Vatsigiri Vokunamata Kwechokwadi—Kare uye Zvino

Vatsigiri Vokunamata Kwechokwadi—Kare uye Zvino

UNOYEUKA zita romurume akachema pamusoro peguta rekare reJerusarema here? ‘Jesu,’ ungadaro—uye, chokwadi, Jesu akadaro. (Ruka 19:28, 41) Zvisinei, mazana emakore Jesu asati afamba pasi pano, mumwe mushumiri waMwari akatendeka akachemawo pamusoro peJerusarema. Ainzi Nehemia.—Nehemia 1:3, 4.

Chii chakaita kuti Nehemia asuruvare kwazvo zvokuti akachema pamusoro peJerusarema? Akaitei kuti abatsire guta racho uye vagari varo? Uye tingadzidzei pamuenzaniso wake? Kuti tipindure, ngationgororei zvakaitika muzuva rake.

Murume Aiva Nokunzwa Kwakasimba uye Aibva Angosarudza Zvokuita

Nehemia akagadzwa kuva gavhuna weJerusarema, asi asati adaro, aiva nechinzvimbo chakakwirira mumuzinda wePersia muguta reShushani. Asi upenyu hwake hwakanaka hahuna kuderedza kuva nehanya kwake nemagariro ehama dzake dzechiJudha dzaiva kure muJerusarema. Kutaura zvazviri, chinhu chokutanga chaakaita apo nhume dzechiJudha dzaibva kuJerusarema dzakashanya kuShushani kwaiva kudzi“bvunza pamusoro pavaJudha vakanga vapukunyuka, vakanga vasara pakutapwa, napamusoro peJerusarema.” (Nehemia 1:2) Vaenzi vacho pavakapindura kuti vanhu veJerusarema vakanga “vari pakutambudzika kukuru,” uye kuti rusvingo rweguta racho rwakanga “rwakoromoka,” Nehemia ‘akagara pasi ndokutanga kuchema, akaita mazuva achichema.’ Pashure pacho akataura kunzwa kwake kwokusuruvara mumunyengetero womwoyo wose kuna Jehovha. (Nehemia 1:3-11) Nei Nehemia akasuruvara zvakadaro? Nokuti Jerusarema raiva musimboti wokunamatwa kwaJehovha pasi pano, uye rakanga raregeredzwa. (1 Madzimambo 11:36) Uyezve, kukoromoka kweguta racho kwaiva kuratidzwa kwokuipa mune zvokunamata kwevagari varo.—Nehemia 1:6, 7.

Kunetseka kwaNehemia nokuda kweJerusarema uye kunzwira tsitsi kwaaiita vaJudha vaigara imomo kwakamuita kuti azvipire kuita basa. Kubva paakangobvumirwa kusava pabasa rake namambo wePersia, Nehemia akatanga kuronga rwendo rurefu rwokuJerusarema. (Nehemia 2:5, 6) Aida kupa simba rake, nguva yake, uye mano ake kutsigira basa raida kuitwa rokugadzirisa. Mumazuva mashomanana okusvika kwake, akanga atova nourongwa hwokugadzirisa masvingo ose eJerusarema.—Nehemia 2:11-18.

Nehemia akagovanisa mhuri dzakawanda basa guru rokugadzirisa rusvingo, dzose dzikashanda pamwe. * Mapoka akasiyana-siyana anodarika 40 akanzi rimwe nerimwe rigadzirise ‘chikamu chimwe chakayerwa.’ Zvikaguma nei? Nevashandi vakawanda zvikuru—kusanganisira vabereki nevana vavo—vaipa nguva yavo uye simba ravo, basa raiita serakaoma rakagona kuitwa. (Nehemia 3:11, 12, 19, 20) Mumwedzi miviri yokushanda zvakaoma, rusvingo rwacho rwose rwakagadziriswa! Nehemia akanyora kuti kunyange vaya vakanga vashora basa rokugadzirisa rusvingo vakabvuma kuti “basa iri rakaitwa naMwari wedu.”—Nehemia 6:15, 16.

Muenzaniso Unofanira Kuyeukwa

Nehemia haana kupa nguva yake uye unyanzvi hwokuronga chete. Akashandisawo pfuma yake kutsigira kunamata kwechokwadi. Akashandisa mari yake pachake kudzikinura hama dzake dzechiJudha kubva muuranda. Akakweretesa mari pasina mubereko. Haana kumbo“remedza” vaJudha nokurayira kuti apiwe mari sezvo aiva gavhuna, chimwe chinhu chaakanga aine kodzero yacho. Pane kudaro, imba yake yaitogara yakazarurwa kuti ape zvokudya ‘varume vane zana namakumi mashanu, uyewo nevaya vaiuya kwaari vachibva kuvahedheni vakanga vakamupoteredza.’ Zuva rimwe nerimwe aipa vaenzi vake ‘nzombe imwe, makwai matanhatu akatsaurwa uye shiri.’ Uyezve, kamwe pamazuva gumi oga oga aivapa “waini zhinji yamarudzi ose”—zvose zviri zvemari yake.—Nehemia 5:8, 10, 14-18.

Muenzaniso wakaisvonaka worupo wakaratidzwa naNehemia kuvashumiri vaMwari vose kare uye zvino! Mushumiri waMwari akashinga uyu akashandisa pfuma yake asingamanikidzwi uye achida kuti atsigire vashandi kuita kuti kunamata kwechokwadi kufambire mberi. Zvakakodzera kuti aigona kukumbira Jehovha kuti: ‘Rangarirai, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka nokuda kwezvose zvandakaitira rudzi urwu.’ (Nehemia 5:19) Zvechokwadi Jehovha achaita izvozvo chaizvo.—VaHebheru 6:10.

Muenzaniso waNehemia Uri Kutevedzerwa Mazuva Ano

Zvinonyevenutsa mwoyo kuona kuti mazuva ano vanhu vaJehovha vari kuratidzawo rudo rukuru, kuzvidira kuita chimwe chinhu, uye vari kuzvipira mukutsigira kunamata kwechokwadi. Patinonzwa kuti vamwe vatinonamata navo vari kutambura nenhamo, tinonetseka zvikuru nezvokuti vagere sei. (VaRoma 12:15) SaNehemia, tinonyengetera kuna Jehovha nokuda kwehama dzedu dzatinonamata nadzo dzinotambura, tichimukumbira kuti: “[Ndapota], ndinokumbira kuti nzeve yenyu iteerere kunyengetera kwomuranda wenyu nokunyengetera kwavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu.”—Nehemia 1:11; VaKorose 4:2.

Zvisinei, kuva nehanya kwedu nokugara zvakanaka mumudzimu nomumuviri kwehama dzedu dzechiKristu uye kufambira mberi kwokunamata kwakachena hakunei nemanzwiro edu chete. Zvinotikurudzirawo kuva nezvatinoita. Vaya vane mamiriro ezvinhu anovabvumira vanokurudzirwa norudo kusiya upenyu hwakanaka mumisha yavo, saNehemia, vachitamira kune dzimwe nzvimbo kuti vanobatsira vaya vanoda rubatsiro. Vasingaodzwi mwoyo noupenyu hwakaderera hungasangana nevazvipiri vakadaro mune dzimwe nzvimbo dzenyika, vanotsigira kufambira mberi kwokunamata kwechokwadi ikoko, vachishanda pamwe nehama dzavo dzechiKristu. Kuzvipira kwavanoratidza kunorumbidzwa zvechokwadi.

Kushanda Munzanga Yedu

Zvinonzwisisika kuti vakawanda vedu hatikwanisi kutamira kune imwe nzvimbo. Tinotsigira kunamata kwechokwadi tiri munzanga yedu. Izvozvo zvinoratidzwawo mubhuku raNehemia. Ona pfungwa inotaurwazve naNehemia nezvedzimwe mhuri dzakatendeka dzakaitawo basa rokugadzirisa. Akanyora kuti: ‘Jedhaya mwanakomana waHarumafi akaita basa rokugadzira pamberi peimba yake. Bhenjamini naHashubhi vakaita basa rokugadzira pamberi peimba yavo. Azariya mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnaniya, wakatevera kuita basa rokugadzira pedyo neimba yake.’ (Nehemia 3:10, 23, 28-30) Varume ivavo nemhuri dzavo vakabatsira zvikuru kufambisira mberi kunamata kwechokwadi nokuitawo chimwe chinhu mubasa rokugadzira vari munzanga yavo.

Mazuva ano, vakawanda vedu tinotsigira kunamata kwechokwadi munzanga dzedu munzira dzakasiyana-siyana. Tinoitawo mabasa okuvaka Dzimba dzoUmambo, mabasa okuyamura vanowirwa nenjodzi uye, zvinotokosha zvikuru, basa rokuparidza Umambo. Uyezve, isu pachedu tingava tichikwanisa kana kusakwanisa kuita basa rokuvaka kana rokuyamura, tose zvedu tine chido chomwoyo wose chokutsigira kunamata kwechokwadi nepfuma yedu, sorupo rwaiva naNehemia muzuva rake.—Ona bhokisi rakanzi “Zvinoratidza Kupa Kwokuzvidira.”

Kuwana mari inodiwa kutsigira mabasa edu okudhinda ari kuwedzera, mabasa okuyamura, uye mamwe mabasa akawanda anoitwa pasi pose dzimwe nguva kungaita sekwakaoma. Zvisinei, yeuka kuti basa rokugadzirisa rusvingo rukuru rweJerusarema raiitawo serakaoma. (Nehemia 4:10) Asi, nemhaka yokuti basa racho rakagovaniswa pakati pemhuri dzakawanda dzaiva nechido, basa racho rakapedzwa. Saizvozvowo mazuva ano, kuwana zvinhu zvakawanda zvinodiwa kuti tiite mabasa edu epasi pose kuchabudirira kana mumwe nomumwe wedu akaramba achiita chikamu chebasa racho.

Bhokisi rakanzi “Nzira Idzo Vamwe Vanosarudza Kupa Nadzo” rinoratidza nzira dzinoverengeka dzokutsigira nadzo basa roUmambo nemari. Gore rapera, vakawanda pakati pevanhu vaMwari vakapa rutsigiro irworwo, uye Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha rinoda kushandisa mukana uno kuonga zvikuru kune vose vane mwoyo yakaita kuti vape nokuzvidira. Kupfuura zvose, tinoonga Jehovha nokuda kwechikomborero chake chikuru pane zvinoitwa nomwoyo wose nevanhu vake mukusimudzira kunamata kwechokwadi pasi pose. Chokwadi, patinofunga kuti ruoko rwaJehovha rwakatitungamirira sei kwemakore ose aya, tinonzwa tichida kudzokorora mashoko aNehemia, uyo akaonga achiti: ‘Ruoko rwaMwari wangu rwakanga rwakanaka zvikuru pamusoro pangu.’—Nehemia 2:18.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Nehemia 3:5 inoti vamwe vaJudha vane mukurumbira, “vakuru,” vakaramba kushanda, asi ndivo voga. Vanhu vakasiyana-siyana—vapristi, vapfuri vendarama, vavhenganisi vemafuta okuzora, machinda, vashambadzi—vose vakatsigira basa racho.—Ndima 1, 8, 9, 32.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 28, 29]

Nzira Idzo Vamwe Vanosarudza Kupa Nadzo

MIPIRO YEBASA ROMUNYIKA YOSE

Vakawanda vanotsaura, kana kuti kuronga, mari yavanoisa mubhokisi romupiro rakanyorwa kuti “Mipiro Yebasa Romunyika Yose—Mateu 24:14.”

Mwedzi woga woga, ungano dzinoendesa mari iyi zvimwe kudzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha kana kuti kuhofisi yebazi romunyika yacho. Mipiro yemari yokuzvidira ingatumirwawo zvakananga kuTreasurer’s Office, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yebazi inotarisira nyika yenyu. Zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha zvingapiwawo. Mipiro iyi inofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti ichi chipo chaichoicho.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA

Mari ingapiwa nourongwa chaihwo hwokuti kana mupi ave kuida, anogona kuidzorerwa. Nokuda kwemamwe mashoko, tapota nyorerai kuTreasurer’s Office pakero yakanyorwa pamusoro apa.

KURONGA KUBATSIRA VAMWE

Kuwedzera kuzvipo chaizvoizvo zvemari nemipiro yaungazodzorerwa, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo kubatsira basa romunyika yose roUmambo. Idzi dzinosanganisira:

Inishuwarenzi: Watch Tower Society inganzi ndiyo inozowana inishuwarenzi youpenyu kana kuti muchirongwa chokurega basa kana kuti mudyandigere.

Maakaundi Okubhengi: Maakaundi okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti maakaundi okurega basa omunhu anganzi atarisirwe kana kuita kuti kana wafa azopiwa Watch Tower Society, maererano nezvinodiwa nebhengi romunzvimbo iyoyo.

Mari yeBhizimisi neMagwaro Anoratidza Mari iri Kumamwe Mabhizimisi: Mari yebhizimisi nemagwaro anoratidza mari iri kumamwe mabhizimisi zvingapiwa Watch Tower Society zvimwe sechipo chaicho.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa Watch Tower Society zvimwe nokuita chipo chaicho kana kuti nokuchengetera mupi wacho chivako kana nzvimbo kwoupenyu hwose, uyo anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Zivisa hofisi yebazi romunyika yako usati wanyora gwaro repamutemo rokupa chivako kana nzvimbo ipi neipi.

Chipo Chinobviswa Pagore Negore: Chipo chinobviswa pagore negore urongwa hwokuti munhu anotamisa mari kana kuti zvinhu achizviendesa kuWatch Tower Society. Mukutsinhana, munhu wacho anopa, kana kuti mumwe munhu anosarudzwa nomupi anowana mari yakati gore negore kwoupenyu hwose. Mupi wacho anobvisirwa mari yomutero gore rinotangwa kubviswa chipo chacho chepagore negore.

Zvido Zvenhaka Nokuchengetesa: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Society pachishandiswa chido chenhaka chepamutemo, kana kuti Watch Tower Society inganzi ndiyo inowana chibvumirano chokuchengetesa. Kuchengetesa kunobatsira sangano rechitendero kungapa kubatsira kwakati kwomutero.

Sezvinoreva mashoko okuti “kuronga kubatsira vamwe,” mipiro yorudzi urwu inonyatsoda kuti mupi wacho aronge. Kuyamura vanhu vanoda kubatsira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha norumwe rudzi rwokuronga kuti vabatsire, pakagadzirwa bhurocha riri mumutauro wechiRungu nechiSpanish rine musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide (Kupa Kwakarongwa Kwokubatsira Basa roUmambo romuNyika Yose). Bhurocha racho rakanyorerwa kupindura mibvunzo yakawanda yakagamuchirwa pamusoro pezvipo, zvido zvenhaka, nokuchengetesa. Rinewo mashoko okuwedzera pamusoro pezvivako kana nzvimbo, mari, uye kuronga mutero. Rinotaurira vanhu nezvenzira dzakasiyana-siyana dzokupa nadzo zvipo iye zvino kana kuti zvingasiya zvanyorwa pachido chenhaka pakufa. Bhurocha iri ringawanikwa nokukumbira rimwe zvakananga kuHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe.

Vapedza kuverenga bhurocha racho nokutaurirana neHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe, vakawanda vakakwanisa kubatsira Zvapupu zvaJehovha munyika yose, uye panguva iyoyowo, vakabatsirwa pamutero wavanobvisirwa. Hofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe inofanira kuziviswa uye kugamuchira gwaro ripi neripi rinokosha rine chokuita nourongwa uhwu. Kana ungada urongwa hupi nohupi hwokuronga kubatsira vamwe, unofanira kutaura neHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe, zvimwe netsamba kana kuti norunhare, pakero iri pasi apa kana kuti pahofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yenyu.

Charitable Planning Office

Jehovah’s Witnesses

P. Bag WG-5001, Westgate

Runhare: 332137/8

 

[Bhokisi riri papeji 30]

Zvinoratidza Kupa Kwokuzvidira

Mutsamba dzake kuvaKorinde, muapostora Pauro akataura zvinhu zvinokosha zvitatu zvinoratidza kupa kwokuzvidira. (1) Paainyora nezvokuunganidzwa kwemari, Pauro akarayira kuti: ‘Zuva rokutanga rose revhiki mumwe nomumwe wenyu ngaatsaure chimwe chinhu kumba kwake.’ (1 VaKorinde 16:2a) Saka kupa kunoda kufanoronga, uye kunoda kuitwa nenhevedzano. (2) Pauro akanyorawo kuti munhu mumwe nomumwe anofanira kupa “maererano nemari yaanowana.” (1 VaKorinde 16:2b, New International Version) Nemamwe mashoko, munhu anoda kupa nokuzvidira anogona kuita kudaro zvinoenderana nezvaanowana. Kunyange kana muKristu achitambira mari shoma, Jehovha anokoshesawo mari shoma yaangazobvisa. (Ruka 21:1-4) (3) Pauro akanyorazve kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asingaiti nokunyunyuta kana nokugombedzerwa, nokuti Mwari anoda mupi anofara.” (2 VaKorinde 9:7) VaKristu vechokwadi vanopa zvichibva pamwoyo—nomufaro.

[Mifananidzo iri papeji 26]

Nehemia aiva murume ane kunzwa kwakasimba uye aibva angosarudza zvokuita

[Mifananidzo iri papeji 30]

Mipiro yokuzvidira inotsigira mabasa okudhinda, mabasa okuyamura, kuvakwa kweDzimba dzoUmambo, uye mamwe mabasa anobatsira anoitwa pasi pose