Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Fudzai Boka raMwari”

“Fudzai Boka raMwari”

“Uyai Kwandiri, . . . uye Ndichakuzorodzai”

“Fudzai Boka raMwari”

“Nguva yose munenge muripo kuti mutipe nzeve uye mashoko anokurudzira anobva muBhaibheri.”—Pamela.

“Ndinokutendai nezvose zvamunotiitira. Chokwadi zvinotibatsira kwazvo.”—Robert.

PAMELA naRobert vakanzwa vachida kunyora mashoko aya okutenda vakuru vechiKristu vari muungano dzavo. Vamwe pakati pevashumiri vaMwari munyika yose vanotendawo kutarisirwa uye kuramba vachitsigirwa kwavanoitwa nevaya vano‘fudza boka raMwari.’ (1 Petro 5:2) Chokwadi, vanhu vaJehovha vanoonga zvinhu zvakawanda zvavanoitirwa nevakuru ava uye maitiro avanozviita.

“Muchigarova Nezvakawanda Zvokuita”

Vakuru vechiKristu vanopiwa mabasa akawanda. (Ruka 12:48) Vanogadzirira hurukuro dzinopiwa mumisangano yeungano uye vanoparidza pachena mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Mabasa avo anosanganisira kufambira vatendi vavanonamata navo vachivafudza. Vakuru vanopa nguva yavo kune vaya vanoda kutarisirwa chaizvo—vakura nevamwe—vachiita zvose izvi vasingaregi kutarisira mhuri dzavo mune zvokunamata nokunyama. (Jobho 29:12-15; 1 Timoti 3:4, 5; 5:8) Vamwe vakuru vanobatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo. Vamwe vanoshanda muMatare Okubata Nezvipatara kana kuti inhengo dzeMapoka Anofambira Varwere. Uye vakawanda vavo vanoita mabasa okuzvipira pamagungano uye pakokorodzano. Ndizvo chaizvo kuti vakuru vano“garova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaKorinde 15:58) Ndosaka zvisingashamisi kuti vakuru vanoshanda nesimba kudaro vanotendwa kwazvo nevaya vavanotarisira!—1 VaTesaronika 5:12, 13.

Vakuru vanowanzofambira vamwe vavo vechiKristu kudzimba dzavo kana kupi zvako kuti vavasimbise mune zvokunamata vanokurudzira. “Dai kwanga kusiri kutsigira kworudo nokukurudzira kwevakuru,” anodaro Thomas, uyo akakura asina baba pamusha, “handifungi kuti nhasi ndingadai ndichishumira Jehovha somushumiri wenguva yakazara.” Vaduku vakawanda vakarerwa mumhuri dzine mubereki mumwe vanobvuma kuti tarisiro yavakawana kuvakuru yakavabatsira kuva noukama hwomunhu oga naMwari.

Kushanyirwa nechinangwa chokufudzwa kunokosheswawo chaizvo nevakura vari muungano. Pashure pokunge mamishinari maviri akaroorana ari pakati pemakore okuma80 ashanyirwa nevakuru vaviri, akanyora kuti: “Tinoda kutaura kuonga kwedu pamusana pokushanya kwenyu kwatakada chaizvo. Maenda, takaverengazve magwaro amakaverenga nesu. Hatimbofi takakanganwa mashoko enyu anokurudzira.” Chirikadzi ine makore 70 yakanyorera vakuru kuti: “Ndakanga ndichitonyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire, uye akatumira imi hama mbiri kumba kwangu. Kushanya kwenyu chikomborero chakabva kuna Jehovha!” Wakabatsirwa here nguva pfupi ichangopfuura nokushanyirwa nevakuru vomuungano yako? Chokwadi tose zvedu tinoonga zvavanoita kuti vafudze boka ravanotarisira!

Vafudzi Vanotevedzera Mwari naKristu

Jehovha Mufudzi ane rudo. (Pisarema 23:1-4; Jeremia 31:10; 1 Petro 2:25) Jesu Kristu Mufudzi mukuru anotarisirawo zvatinoda mukunamata. Kutaura zvazviri, anonzi “mufudzi akanaka kwazvo,” uye “mufudzi mukuru.” (Johani 10:11; VaHebheru 13:20; 1 Petro 5:4) Jesu akaitei nevaya vaida kuva vadzidzi vake? Akavakoka noushamwari kuti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai.”—Mateu 11:28.

Nhasiwo vakuru vanoedza kuzorodza uye kudzivirira boka. Varume vakadaro ‘vanova utiziro pamhepo, chivando pakunaya kukuru kwemvura, nzizi dzemvura panzvimbo yakawoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” (Isaya 32:2) Vadziviriri vane mutsa vakadaro vanozorodza, vanoremekedzwa neboka, uye vanowana nyasha dzaMwari.—VaFiripi 2:29; 1 Timoti 5:17.

Kutsigira Kunokosha Kunobva Kuvadzimai Vavo

Vanhu vaMwari vanoonga vakuru vechiKristu uye kutsigirwa kune rudo kwavanowana kubva kuvadzimai vavo. Kutsigira kunowanzoda kuti vakadzi vavo varege zvimwe zvinhu. Dzimwe nguva, vanenge vari pamba varume vavo vachitarisira zvinhu zveungano kana kuti vaenda kunofudza. Dzimwe nguva, vanosiya zvirongwa zvavo zvavanenge vanyatsoronga nokuti panenge pamuka chinetso chinoda kukurumidza kutarisirwa muungano. “Kunyange zvakadaro,” akadaro Michelle, “pandinoona kuti murume wangu akabatikana chaizvo kugadzirira misangano kana kuti mukufudza, ndinoramba ndichifunga kuti ari kuita basa raJehovha, uye ndinoedza kumutsigira nepandinogona napo.”

Cheryl, uyo akaroorwawo nomukuru, akati: “Ndinoziva kuti hama nehanzvadzi dziri muungano dzinoda kutaura nevakuru, uye ndinoda kuti dzinzwe kuti dzinokwanisa kutaura nomurume wangu chero nguva yadzinoda kutaura naye.” Vakadzi vanotsigira, vakadai saMichelle naCheryl, vanozvipira vachida kuitira kuti varume vavo vakwanise kutarisira makwai aMwari. Vadzimai vevakuru vanoongwa nokuda kwokutsigira kwavo.

Asi, mukuru ane zvizhinji zvokuita haafaniri kuregeredza zvinodiwa nomudzimai wake nevana mukunamata uye munyama. Mukuru akaroora anofanira kuva “asina chaanopomerwa, murume womukadzi mumwe, ane vana vanotenda vave vasingapomerwi zvakaipa kana kuti vasingadzoreki.” (Tito 1:6) Anofanira kutarisira mhuri yake munzira inorayirwa vatariri vechiKristu neMagwaro.—1 Timoti 3:1-7.

Kumukuru ane zvizhinji zvokuita, mudzimai anomutsigira anokosha kwazvo! Ndiwo manzwiro anoita vakuru vanofunga vakaroora. Zvakangoita sezvinotaura Bhaibheri kuti: “Wawana mukadzi wawana chinhu chakanaka.” (Zvirevo 18:22) Mushoko nomukuita, vakuru vakadaro vanoratidza vadzimai vavo kuonga kunobva pamwoyo. Kuwedzera pakunyengetera kwomwoyo wose uye kudzidza kunonakidza kwavanoita vose, vakaroorana ava vechiKristu vanotsaura nguva yokumboita zvinhu zvakadai sokufamba kumhenderekedzo yegungwa, kufamba musango, kana kufamba mupaka. Chokwadi, vakuru vanofara kutarisira vadzimai vavo norudo.—1 Petro 3:7.

Vakuru vanofudza boka raMwari vasina udyire vanozorodza vanhu vaJehovha mune zvokunamata. Chokwadi “zvipo zviri varume,” chikomborero kuungano!—VaEfeso 4:8, 11-13.