Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mhiko dzinopikwa kuna Mwari dzinosungirwa kuitwa nguva dzose here?

Mumagwaro, mhiko ivimbiso inokosha inoitwa kuna Mwari yokumuitira chimwe chinhu, kumupa chimwe chinhu, kushumira kana kuita rimwe basa, kana kuti kurega zvimwe zvinhu zvisingarambidzwi hazvo nomutemo. Bhaibheri rine nhoroondo dzemhiko dzaiva nepadzaigumira pakuti dzaisanganisira chitsidzo chokutevedza gwara rakati kana Mwari ainge aita chimwe chinhu pakutanga. Somuenzaniso, Hana, amai vomuprofita Samueri, ‘vakaita mhiko, vakati: Jehovha wehondo, kana . . . mukasakanganwa murandakadzi wenyu, asi mukamupa murandakadzi wenyu mwana womukomana, ipapo ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, musoro wake haungaveurwi nechisvo.’ (1 Samueri 1:11) Bhaibheri rinorondedzerawo mhiko sedzinoitwa nokuzvidira. Mhiko dzinoitwa kuna Mwari dzinosungirwa kusvika papi?

“Kana uchinge wapikira Mwari mhiko,” anodaro Mambo Soromoni weIsraeri yekare, “usanonoka kuiripa.” Anotizve: “Ripa zvaunopika. Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi.” (Muparidzi 5:4, 5) Mutemo wakapiwa vaIsraeri kuburikidza naMosesi unoti: “Kana ukapikira Jehovha Mwari wako mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti zvirokwazvo, Jehovha Mwari wako uchaibvunza kwauri; zvingava zvivi kwauri.” (Dheuteronomio 23:21) Zviri pachena kuti, kupika mhiko kuna Mwari inyaya inokosha. Kunofanira kuitwa nevavariro yakanaka, uye anenge aiita anofanira kunge ane chokwadi chokuti anokwanisa kudzorera zvipi nezvipi zvaanovimbisa mumhiko yacho. Zvinotova nani kusaita mhiko yacho. Zvisinei, kana dzangoitwa, mhiko dzose dzinosungirwa kuitwa here?

Zvakadini kana mhiko yaida kuti mumwe munhu aite chimwe chinhu chinozooneka kuti hachienderani nezvinodiwa naMwari? Ngatiti yaiva mhiko yaizobatanidza unzenza nokunamata kwechokwadi? (Dheuteronomio 23:18) Zviri pachena kuti hausungirwi kuzadzisa mhiko yakadaro. Uyezve, muMutemo waMosesi, mhiko yaiitwa nomukadzi yaigona kunzi haishandi nababa vake kana nomurume wake.—Numeri 30:3-15.

Fungawo nezvomunhu anenge aita mhiko kuna Mwari yokugara asina kuroora kana kuroorwa asi zvino owana zvava kumuomera. Mhiko yake inenge yamuisa pachidanho chokuti anonzwa kuti kuramba ari mairi kuzviisa pedyo nokutyora mitemo yaMwari mune zvetsika dzokuzvibata. Anofanira here kungoramba achiedza kuripa mhiko yake? Hazvizovi zvakanaka here kuti azvidzivirire pamhosva younzenza nokurega kuripa mhiko yake, zvadaro okumbira ngoni dzaMwari nokukanganwira? Iye chete ndiye anogona kusarudza munhau iyi. Hapana mumwe munhu anogona kumusarudzira.

Zvakadini kana mumwe munhu akaita mhiko yaanozoona kuti akaiita asina kunyatsofunga? Anofanira kuramba achiedza kuizadzisa here? Zvakanga zvisiri nyore kuti Jefita aite mhiko yaakanga apika kuna Mwari, asi nokunyatsongwarira akaita kudaro. (Vatongi 11:30-40) Kutadza kwomunhu kuchengeta mhiko kungaita kuti Mwari ‘atsamwe’ uye aparadze zvange zvaitwa nomunhu wacho. (Muparidzi 5:6) Kusakoshesa kuzadzika mhiko kungaita kuti Mwari asafarire munhu wacho.

Jesu Kristu akati: “Ingoregai shoko renyu rokuti Hungu rireve Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa; nokuti zvinopfuura izvi zvinobva kune wakaipa.” (Mateu 5:37) MuKristu anofanira kuva nehanya kwete chete nokuripa mhiko dzake kuna Mwari asiwo kuratidza kuvimbika mumashoko ake ose—kuna Mwari nevanhu. Zvakadini akazviwana ava mutsekwende yokuti akaita chibvumirano nomumwe munhu chaiita sechakanaka pakutanga asi pakuzonyatsoongorora chava kuoneka soupenzi? Haafaniri kubata zvinhu zvakadaro nenzira yokurerutsa. Asi pamusana pokukurukurirana kwepachokwadi, mumwe wacho angasarudza kumusunungura pamhiko yacho.—Pisarema 15:4; Zvirevo 6:2, 3.

Nezvemhiko uye zvimwe zvinhu zvose, chii chatinofanira kuva nehanya nacho zvikuru? Nguva dzose ngatitsvake kuramba tiine ukama hwakanaka naJehovha Mwari.

[Mifananidzo iri papeji 30, 31]

Hana haana kuzeza kuripa mhiko yake

[Mifananidzo iri papeji 30, 31]

Kunyange zvazvo kuita kudaro kwaive kwakaoma, Jefita akaripa mhiko yake