Musarega Kuungana
Musarega Kuungana
“Ngatisarega kuungana, setsika ine vamwe,” Magwaro anodaro, “asi ngatikurudzirane—uye kunyanya zvamunoona Zuva richisvika.” (VaHebheru 10:25, New International Version) Zvakajeka kuti vanamati vechokwadi vanofanira kuungana panzvimbo yokunamatira kuti ‘varangarirane vokurudzirana kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.’—VaHebheru 10:24.
PAKANYORA muapostora Pauro mashoko ataurwa pamusoro apa muzana remakore rokutanga reNguva yedu Yavose, temberi yakaisvonaka muJerusarema yaishanda senzvimbo yokunamatira yevaJudha. Maivawo nemasinagogi. Jesu akanga a“dzidzisa musinagogi nomutemberi, [mai]ungana vaJudha vose.”—Johani 18:20.
Pauro aifunga nezvenzvimbo dzokuunganira dzorudzii paakarayira vaKristu kuungana kuti vakurudzirane? MuJerusarema maivawo nezvivako zvechitendero zvakaita sezvechiKristudhomu here? Zvivako zvakakura zvechitendero zvakatanga rini kune vaizviti vaKristu?
‘Imba kuZita raMwari’
Mirayiridzo yokutanga pamusoro penzvimbo yokunamatira Mwari inowanikwa mubhuku reBhaibheri raEksodho. Jehovha Mwari akarayiridza vanhu vake vakasarudzwa—vaIsraeri—kuvaka “tabhenakeri,” kana kuti “tende rokusongana.” Areka yesungano Eksodho, zvitsauko 25-27; 40:33-38) Bhaibheri rinotaurawo nezvetende iri se“temberi yaJehovha” uye se‘imba yaJehovha.’—1 Samueri 1:9, 24.
nedzimwe nhumbi tsvene zvaifanira kuchengetwa ikoko. Payakapera muna 1512 B.C.E, ‘kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.’ Tende raitakurika iroro rakashanda sechinhu chikuru chourongwa hwaMwari hwokusvika kwaari kweanodarika mazana mana emakore. (Gare gare, Dhavhidhi ava mambo muJerusarema, akaratidza chido chakasimba chokuvaka imba yechigarire kumbiri yaJehovha. Zvisinei, sezvo Dhavhidhi akanga ari murwi, Jehovha akamuudza kuti: “Iwe haungavakiri zita rangu imba.” Asi, Akasarudza Soromoni mwanakomana waDhavhidhi kuti avake temberi yacho. (1 Makoronike 22:6-10) Soromoni akatsaurira temberi yacho muna 1026 B.C.E., apedza makore manomwe nehafu achivaka. Jehovha akatendera chivako ichi, achiti: “Ndakatsaura imba iyi yawakavaka, kuti ndiise zita rangupo nokusingaperi; meso angu nomwoyo wangu zvichavapo nguva dzose.” (1 Madzimambo 9:3) Chero bedzi vaIsraeri vairamba vakatendeka, Jehovha aizotsigira imba yacho. Zvisinei, kana vaizotsauka pane zvakanga zvakarurama, Jehovha aizorega kutsigira nzvimbo yacho, uye ‘imba yacho yaizova murwi wemabwe.’—1 Madzimambo 9:4-9; 2 Makoronike 7:16, 19, 20.
Nokufamba kwenguva, vaIsraeri vakatsauka pakunamata kwechokwadi. (2 Madzimambo 21:1-5) “Saka [Jehovha] wakauyisa mambo wevaKardhea kwavari, . . . vakapisa imba yaMwari, vakaputsa rusvingo rweJerusarema, vakapisa dzimba dzose dzoushe dzaro nomoto, vakaparadza nhumbi dzose dzinokosha dzaro. Avo vakanga vapukunyuka pamunondo, wakaenda navo Bhabhironi; vakandova varanda vake navavanakomana vake.” Maererano neBhaibheri, izvi zvakaitika muna 607 B.C.E.—2 Makoronike 36:15-21; Jeremia 52:12-14.
Sezvakafanotaurwa nomuprofita Isaya, Mwari akamutsa Mambo Koreshi wePersia kuti asunungure vaJudha pasimba reBhabhironi. (Isaya 45:1) Papera makore 70 vari nhapwa, vakadzoka kuJerusarema muna 537 B.C.E. nechinangwa chokuvakazve temberi. (Ezra 1:1-6; 2:1, 2; Jeremia 29:10) Pashure pokumbononotswa kuvaka, temberi yakazopera muna 515 B.C.E., uye kunamata Mwari kwakachena kwakadzorerwa. Kunyange yakanga isina kunaka setemberi yaSoromoni, chivako chacho chakagara kweanoda kusvika makore 600. Zvisinei, temberi iyi yakapararawo nokuti vaIsraeri vakaregeredza kunamata Jehovha. Jesu Kristu paakauya pasi pano, temberi yacho yakanga iri kuvakwazve naMambo Herodhi. Chii chaizoitika kutemberi iyi?
‘Hapana Dombo Richazombosiyiwa Pamusoro Pedombo’
Achitaura nezvetemberi yomuJerusarema, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Hapana dombo richazombosiyiwa pano pamusoro pedombo risingakoromorwi.” (Mateu 24:1, 2) Maererano nemashoko iwayo, nzvimbo yakanga yazivikanwa kwemazana emakore somusimboti wokunamatira Mwari yakaparadzwa muna 70 C.E. nemauto eRoma ayo akauya kuzomisa kumukira kwevaJudha. * Temberi iyoyo haina kuzovakwazve. Muzana remakore rechinomwe, temberi yevaMuslim yaizivikanwa seDome of the Rock yakavakwa, uye nanhasi iripo panzvimbo yaimbonamatira vaJudha.
Urongwa hwokunamata hwevateveri vaJesu hwaizova hwakadini? VaKristu vekare vaibva kurudzi rwechiJudha vaizoramba vachinamata Mwari patemberi yaizoparadzwa munguva pfupi yaitevera here? VaKristu vakanga vasiri vaJudha vaizonamata Mwari vari kupi? Zvivako zvechitendero chechiKristudhomu zvaishanda sezvinotsiva temberi iya here? Kukurukurirana kwakaita Jesu nomukadzi weSamariya kunoita kuti tinzwisise nyaya yacho.
Kwemazana emakore, vaSamariya vainamatira Mwari patemberi huru yaiva paGomo reGerizimu muSamariya. “Madzitateguru edu ainamatira mugomo iri,” akadaro mukadzi weSamariya kuna Jesu, “asi munoti muJerusarema ndiyo nzvimbo umo vanhu vanofanira kunamatira.” Achipindura Jesu akati: “Nditende, mukadzi, Awa iri kuuya apo musingazonamatiri Baba mugomo iri kana muJerusarema.” Temberi chaiyoiyo yaisazodiwa pakunamata Jehovha, nokuti Jesu akatsanangura kuti: “Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:20, 21, 24) Gare gare muapostora Pauro akaudza vaAtene kuti: “Mwari akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi, achiva, sezvaari Iyeyu, Ishe wokudenga nepasi, haagari mutemberi dzakaitwa nemaoko.”—Mabasa 17:24.
Zvakajeka kuti zvivako zvechitendero chechiKristudhomu hazvinei chokuita nourongwa hwetemberi hwaiitwa Nguva yechiKristu isati yasvika. Uye vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakanga vasina chikonzero chokumisa zvivako zvakadaro. Zvisinei, vaapostora vafa, kutsauka padzidziso dzechokwadi kwakafanotaurwa—kuramba kutenda—kwakavapo. (Mabasa 20:29, 30) Makore mazhinji Mambo weRoma Constantine asati atendeutsirwa kuchiKristu muna 313 C.E. sezvinofungidzirwa, vaizviti vaKristu vakatanga kutsauka pane zvakanga zvadzidziswa naJesu.
Constantine akakonzera kubatana kwe“chiKristu” nechitendero chechihedheni cheRoma. The Encyclopædia Britannica inoti: “Constantine pachake akarayira kuvakwa kwemachechi echiKristu matatu makuru muRoma: St. Peter’s, S. Paolo Fuori le Mura, uye S. Giovanni muLaterano. Constantine. . . akaita muchinjikwa wakazotevedzerwa mumachechi okumadokero kweEurope Nguva yokuma500 C.E. kusvika kuma1500 C.E.” St. Peter’s Basilica yakazovakwazve kuRome ichiri kunzi musimboti weChechi yeRoma Katurike.
“Chechi yakatorawo dzimwe tsika dzechitendero dzakanga dzakakurumbira muRoma [yevahedheni] chiKristu chisati chasvika,” anodaro munyori wenhau dzakaitika Will Durant. Izvi zvaisanganisira “mavakirwo echivako chechechi.” Kubva muzana remakore rechi10 kusvika kune rechi15, machechi nemacathedral aivakwa zvikuru, uye mavakirwo acho aisimbiswa zvikuru. Ndipo pakatanga kuvapo zvivako zvechiKristudhomu zvakawanda zvava kunzi zvivako zvounyanzvi zvino.
Vanhu vanozorodzwa mune zvokunamata uye vanokurudzirwa nokunamatira muchechi nguva dzose here? “Kwandiri, chechi yakasvika pakumirira zvose zvinofinha uye zvinonetesa muchitendero,” anodaro Francisco wokuBrazil. “Misa yaiva mutambo usina zvaunoreva, waidzokorora zvaisagutsa zvandaida chaizvo. Ndainzwa ndazorodzwa payaipera.” Kunyange zvakadaro, vatendi vechokwadi vanorayirwa kuungana. Vanofanira kutevera urongwa hupi hwemisangano?
“Ungano Iri Mumba Mavo”
Muenzaniso wokuungana kwechiKristu unobva pakuongorora kuungana kwaiita vatendi vomuzana remakore rokutanga. Magwaro anoratidza kuti vaiwanzoungana mudzimba dzavo. Somuenzaniso, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndikwazisirei Priska naAkwira vashandi pamwe neni muna Kristu Jesu, uye kwazisai ungano iri mumba mavo.” (VaRoma 16:3, 5; VaKorose 4:15; Firimoni 2) Shoko rechiGiriki rokuti “ungano” (ek·kle·siʹa) rinoshandurwa kuti “chechi” mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzechiShona, dzakadai seBhaibheri Dzvene Testamende Itsva. Asi shoko racho rinoreva boka revanhu vakaungana nokuda kwechinangwa chimwe, kwete pachivako. (Mabasa 8:1; 13:1) Kunamata kunoitwa nevaKristu vechokwadi hakuna basa nezvivako zvechitendero zvemaoresa.
Misangano yaiitwa sei muungano dzechiKristu dzekare? Mudzidzi Jakobho anoshandisa shoko rechiGiriki rokuti sy·na·go·geʹ kureva musangano wechiKristu. (Jakobho 2:2) Shoko rechiGiriki iri rinoreva “kuungana” uye rinogona kuchinjaniswa nerokuti ek·kle·siʹa. Zvisinei, nokufamba kwenguva, shoko rokuti “sinagogi” rakareva nzvimbo kana kuti chivako paiitirwa gungano. VaKristu vokutanga vechiJudha vaiziva zvaiitika kusinagogi. *
Kunyange zvazvo vaJudha vaiungana patemberi muJerusarema pamutambo wavo wepagore negore, masinagogi aishanda senzvimbo dzekwavaigara dzokudzidza pamusoro paJehovha uye dzokudzidza Mutemo. Kunenge kuti kumasinagogi kwainyengeterwa uye kwaiverengwa Magwaro, achinyatsotsanangurwa uye kuchipiwa murayiridzo. Pauro nevaaiva navo pavakapinda musinagogi muAndiyoki, “vakuru vanotungamirira vesinagogi vakatumira shoko kwavari, vachiti: ‘Varume, hama, kana pane shoko ripi neripi rokukurudzira vanhu ramunaro, ritaurei.’” (Mabasa 13:15) VaKristu vokutanga vechiJudha pavaiungana mudzimba dzavo, pasina mubvunzo vaitevera muenzaniso iwoyo, vachiita kuti misangano yavo idzidzise zvinobva muMagwaro uye ive inovaka mune zvokunamata.
Ungano Dzinokurudzira
SevaKristu vekare, nhasi Zvapupu zvaJehovha zvinoungana panzvimbo dzisingashamisiri dzokunamatira kuti zviwane murayiridzo unobva muBhaibheri uye kuti zvive noushamwari hwakanaka. Kwemakore akawanda zvaiungana bedzi mudzimba dzazvo uye nazvino zvichiri kudaro mune dzimwe nzvimbo. Asi zvino nhamba yeungano yawedzera kudarika 90 000, uye nzvimbo dzazvo huru dzazvinoungana dzinonzi Dzimba dzoUmambo. Zvivako izvi hazvishamisiri uye hazvina kuita semachechi mukutarisika kwazvo. Zvivako zvinobatsira uye zvine mwero, zvinoita kuti ungano dzine vanhu 100 kusvika ku200 vaungane pavanoita misangano yavo yevhiki nevhiki, kuti vateerere uye vadzidze kubva muShoko raMwari.
Ungano dzakawanda dzeZvapupu zvaJehovha dzinoungana katatu pavhiki. Mumwe musangano wacho ihurukuro yavose inenge iine musoro wezvinodiwa panguva iyoyo. Inoteverwa nechidzidzo chakavakirwa pamusoro weBhaibheri kana kuti uprofita, pachishandiswa magazini yeNharireyomurindi inenge ine mashoko acho. Mumwe musangano ndowechikoro chakagadzirirwa kudzidzisa kuparidza shoko reBhaibheri. Chinoteverwa nomumwe musangano wakatsaurirwa zvikurukuru kupa mazano anobatsira ushumiri hwechiKristu. Kamwe pavhiki, Zvapupu zvinounganawo kuti zvidzidze Bhaibheri mumapoka maduku mudzimba dzazvo. Munhu wose akasununguka kupinda misangano iyi. Hapana mari inomboita zvokukumbirwa.
Francisco, ambotaurwa, akaona kuti misangano paImba yoUmambo inobatsira zvikuru. Anoti: “Nzvimbo yokuunganira yandakatanga kushanyira yaiva chivako chakanaka chakanga chiri pakati perimwe guta, uye ndakabudamo ndaororwa zvikuru. Vaya vaivapo vaiva noushamwari, uye ndaigona kunzwisisa rudo rwaiva pakati pavo. Ndaida zvikuru kudzokerako zvekare. Kutaura zvazviri, handina kumborovha musangano kubvira ipapo. Misangano yechiKristu iyi inokurudzira, uye inogutsa chinodiwa changu mune zvokunamata. Kunyange pandinonzwa kuora mwoyo nokuda kwezvimwe zvikonzero, ndinoenda kuImba yoUmambo, ndichivimba kuti ndichadzoka kumba ndakurudzirwa.”
Dzidzo yeBhaibheri, ushamwari hunovaka, uye mukana wokurumbidza Mwari zvakakumirirawo kumisangano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha. Tinokukoka noushamwari kuti upinde misangano paImba yoUmambo iri pedyo nomusha wako. Uchafara kuti waenda.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 11 Temberi yacho yakaparadzwa zvachose nevaRoma. Wailing Wall, uko kunoenda vaJudha vakawanda vanobva kunzvimbo dziri kure kuti vanonyengetera, haisi chikamu chetemberi iyoyo. Inongova chikamu chorusvingo rwechivanze chetemberi.
^ ndima 20 Kunenge kuti masinagogi akatangwa mumakore 70 okuva nhapwa muBhabhironi pakwakanga kusina temberi kana kuti nguva pfupi vadzoka kubva pakutapwa temberi payakanga ichivakwa. Pakazosvika zana remakore rokutanga, guta rimwe nerimwe muParestina rakanga rave nesinagogi rayo, maguta makuru aiva neanodarika imwe.
[Mifananidzo iri papeji 4, 5]
Tabhenakeri uye gare gare temberi dzakashanda senzvimbo dzakaisvonaka dzokunamatira Jehovha
[Mufananidzo uri papeji 6]
St. Peter’s Basilica muRome
[Mufananidzo uri papeji 7]
VaKristu vekare vaiungana mudzimba dzavo
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Zvapupu zvaJehovha zvinoitira misangano mudzimba dzazvo uye paDzimba dzoUmambo