Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rambai Muchishumira Makabatana

Rambai Muchishumira Makabatana

Rambai Muchishumira Makabatana

‘Ndichavigira vanhu mutauro wakachena, kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumire vakabatana.’—Zefania 3:9.

1. Chii chiri kuitika mukuzadzika kwaZefania 3:9?

INENGE mitauro 6 000 yava kutaurwa pasi pose iye zvino. Kunze kwaiyoyi, kune tumitauro kana kuti marudzi emitauro omunharaunda dzakasiyana-siyana. Zvisinei, kunyange vanhu vachitaura ndimi dzakasiyana sechiArabhu nechiZulu, Mwari akaita chimwe chinhu chinoshamisa zvechokwadi. Akaita kuti zvibvire kuti vanhu vari kwose kwose vadzidze ndokutaura mutauro mumwe bedzi wakachena. Izvi zviri kuitika mukuzadzika kwechipikirwa chakapiwa kuburikidza nomuprofita Zefania chokuti: ‘Ini Jehovha Mwari ndichavigira vanhu mutauro wakachena [chaizvoizvo, “muromo wakachena,”], kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumire vakabatana.’—Zefania 3:9.

2. ‘Mutauro wakachena’ chii, uye chii chawakaita kuti chikwanisike?

2 ‘Mutauro wakachena’ ichokwadi chaMwari chinowanikwa muShoko rake, Bhaibheri. Zvikurukuru ichokwadi pamusoro poUmambo hwaMwari, huchatsvenesa zita raJehovha, kureverera uchangamire hwake, uye kuunzira vanhu zvikomborero. (Mateu 6:9, 10) Somutauro bedzi wakachena pachiKristu pasi pano, mutauro wakachena unotaurwa nevanhu vemarudzi ose nemadzinza ose. Unovaita kuti vakwanise kushumira Jehovha ‘vakabatana.’ Nokudaro vanomushumira vakabatana, kana kuti “vachibvumirana.”—The New English Bible.

Hapafaniri Kuva Norusarura

3. Chii chinoita kuti tikwanise kushumira Jehovha takabatana?

3 SevaKristu, tinofara nokushandira pamwe kwatinoita isu vanhu vemitauro yakasiyana-siyana. Kunyange zvazvo tichiparidza mashoko akanaka oUmambo mumitauro yevanhu yakawanda, tiri kushumira Mwari takabatana. (Pisarema 133:1) Izvi zvinobvira nokuti, chero kwatinogara pasi pano, tinotaura mutauro bedzi wakachena zvinoita kuti Jehovha arumbidzwe.

4. Nei pakati pevanhu vaMwari pasingafaniri kuva norusarura?

4 Hapafaniri kuva norusarura pakati pevanhu vaMwari. Muapostora Petro akajekesa izvozvo paakaparidza pamusha womukuru mukuru weuto weMamwe Marudzi ainzi Koneriyo muna 36 C.E. uye akangoerekana ataura kuti: “Zvechokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Sezvo ichocho chiri chokwadi, ungano yechiKristu haisi nzvimbo yorusarura, tumapoka, kana kuti chizivano.

5. Nei zvisina kunaka kukurudzira kuti pave netumapoka muungano?

5 Achitaura nezvokushanya kwake kuImba yoUmambo, mumwe mudzidzi wepakoreji akati: “Kazhinji, machechi anokweva vanhu vedzinza rakati. . . . Zvapupu zvaJehovha zvaiva zvakagara zvose pamwe chete kwete mutumapoka twakati.” Zvisinei, dzimwe nhengo dzeungano yaiva muKorinde yekare dzakanga dzichiumba tumapoka. Nokukonzera kupesana kudaro, vakanga vachirwisana nokushanda kwomudzimu mutsvene waMwari, nokuti unokurudzira kubatana uye rugare. (VaGaratiya 5:22) Kana taizokurudzira kuita tumapoka muungano, taizova tiri kurwisana nokutungamirira kwomudzimu. Naizvozvo, ngatifungei mashoko omuapostora Pauro kuvaKorinde anoti: “Ndinokurayira[i], hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu kuti mose mutaure muchibvumirana, uye kuti hapafaniri kuva nokupesana pakati penyu, asi kuti munyatsobatanidzwe mupfungwa imwe nomunzira imwe yokufunga.” (1 VaKorinde 1:10) Pauro akasimbisawo nyaya yokubatana mutsamba yake kuvaEfeso.—VaEfeso 4:1-6, 16.

6, 7. Izanoi rakapiwa naJakobho maererano nechizivano, uye mashoko ake anoshanda sei?

6 VaKristu vagara vachitarisirwa kuti vasasarura. (VaRoma 2:11) Nemhaka yokuti vamwe vomuungano yomuzana remakore rokutanga vakanga vachibata vapfumi zvakanaka kudarika vamwe, mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Hama dzangu, hamutendi Ishe wedu Jesu Kristu, kukudzwa kwedu, nemabasa okusarura, munodaro here? Nokuti, kana munhu ane marin’i endarama paminwe yake uye akapfeka zvipfeko zvakanaka kwazvo akapinda pamakaungana, uye murombo akapfeka zvine tsvina akapindawo, munofarira uyo akapfeka zvipfeko zvakanaka kwazvo muchiti: ‘Iwe gara pano apa panzvimbo yakanaka kwazvo,’ asi kune murombo moti: ‘Iwe ramba wakamira,’ kana kuti: ‘Gara apo pasi pechitsiko chetsoka dzangu,’ munosarurana uye mava vatongi vanoita zvisarudzo zvakaipa, hazvisiri izvo here?”—Jakobho 2: 1-4.

7 Kudai vapfumi vasingatendi vaiva nerin’i dzendarama nezvipfeko zvakaisvonaka vaiuya kumusangano wechiKristu pamwe chete nevasingatendi varombo vaiva nezvipfeko zvakasvipa, vapfumi vaibatwa zvakanaka. Vaipiwa zvigaro “panzvimbo yakanaka kwazvo,” asi varombo vainzi vamire kana kugara pasi, patsoka dzomumwe munhu. Asi Mwari akapa chibayiro chorudzikinuro chaJesu kuvapfumi nevarombo zvakafanana asingasaruri. (Jobho 34:19; 2 VaKorinde 5:14) Saka kana tichizofadza Jehovha tomushumira takabatana, hatifaniri kuratidza chizivano kana ‘kuyemura vanhu kuti isu pachedu tibatsirwe.’—Judha 4, 16.

Musagunun’una

8. Chii chakaitika nemhaka yokuti vaIsraeri vakagunun’una?

8 Kuti tirambe takabatana uye toramba tichiwana nyasha dzaMwari, tinofanira kuteerera zano raPauro rokuti: “Rambai muchiita zvinhu zvose musingagunun’uni.” (VaFiripi 2:14, 15) VaIsraeri vakanga vasina kutenda avo vakanga vasunungurwa muusungwa hweIjipiti vakagunun’unira Mosesi naAroni uye nokudaro kunyange Jehovha Mwari. Pamusana peizvi, varume vose vaiva nemakore 20 zvichikwira, kunze kwaJoshua naKarebhi nevaRevhi vakanga vakatendeka, havana kupinda muNyika Yakapikirwa asi vakafa murwendo rwevaIsraeri rwemakore 40 murenje. (Numeri 14:2, 3, 26-30; 1 VaKorinde 10:10) Mubayiro wakadini wavakabhadhara pamusana pokugunun’una!

9. Chii chakaitika kuna Miriami pamusana pokugunun’una kwake?

9 Izvi zvinoratidza zvinogona kuitika kurudzi rwose runogunun’una. Zvakadini nevanhu vanogunun’una vari voga? Hanzvadzi yaMosesi, Miriami, pamwe chete nehanzvadzi yake Aroni, vakagunun’una vachiti: “Ko Jehovha wakataura naMosesi iye oga here? Ko haana kutaura nesuwo here?” Nhoroondo yacho inoenderera mberi ichiti: “Jehovha akazvinzwa.” (Numeri 12:1, 2) Zvakaguma nei? Miriami, uyo anofanira kuva ndiye akatungamirira mukugunun’una uku, akanyadziswa naMwari. Sei? Nokurohwa nemaperembudzi izvo zvakamumanikidza kugara kunze kwomusasa kwemazuva manomwe kusvikira achena.—Numeri 12:9-15.

10, 11. Kugunun’una kusingadzorwi kunogona kuguma nei? Ipa muenzaniso.

10 Kugunun’una hakusi kungonyunyutira chikanganiso chakati. Vanhu vanoramba vachigunun’una vanonyanyofunga nezvemanzwiro avo kana kuti chinzvimbo, vachida kuti vanhu vavanzwire urombo pane kufunga nezvaMwari. Kana zvikasadzorwa, izvi zvinokonzera kupesana pakati pehama dzechiKristu uye zvinokanganisa zvadzinoda kuita kuti dzishumire Jehovha dzakabatana. Izvi zvinodaro nokuti vanogunun’una vanoramba vachitaura zvinyunyuto zvavo, pasina mubvunzo vachivimba kuti vamwe vachavanzwira urombo.

11 Somuenzaniso, mumwe munhu angatsoropodza imwe nzira iyo mukuru anopa nayo hurukuro dzake muungano kana kuti yaanotarisira nayo mabasa ake. Kana tikateerera munyunyuti, tingatanga kufunga semafungiro aanoita. Mbeu yokusagutsikana isati yadyarwa mupfungwa dzedu, tingave tanga tisina basa nezvinoitwa nomukuru iyeye, asi iye zvino tava nebasa nazvo. Pakupedzisira, hapana chinoitwa nomukuru iyeye chichava chakanaka mumaziso edu, uye isuwo tingatanga kunyunyuta pamusoro pake. Maitiro akadai haana kukodzera muungano yevanhu vaJehovha.

12. Kugunun’una kunogona kuva nomugumisiroi paukama hwedu naMwari?

12 Kugunun’unira varume vane basa rokufudza boka raMwari kungatungamirira mukutuka. Kugunun’una kwakadaro kana kutaura zvakashata nezvavo nenzira yokuchera kunogona kukanganisa kwazvo ukama hwedu naJehovha. (Eksodho 22:28) Vatuki vasingapfidzi havazogari nhaka yoUmambo hwaMwari. (1 VaKorinde 5:11; 6:10) Mudzidzi Judha akanyora nezvevagunun’uni vakanga “vachizvidza ushe uye vachitaura zvakaipa nezvevane mbiri,” kana kuti varume vaiva nemitoro muungano. (Judha 8) Vagunun’uni ivavo vakanga vasingadiwi naMwari, uye nenzira yokuchenjera hatiteveri nzira yavo yakaipa.

13. Nei kusiri kunyunyuta kwose kusina kunaka?

13 Zvisinei, hakusi kunyunyuta kwose kusingafadzi Mwari. Haana kurega kuteerera ‘kudanidzira kwokunyunyuta’ maererano neSodhomu neGomora asi akaparadza maguta iwayo akanga akaipa. (Genesi 18:20, 21; 19:24, 25) MuJerusarema, nguva pfupi pashure pePendekosti ya33 C.E., “vaJudha vaitaura chiGiriki vakagunun’unira vaJudha vaitaura chiHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzakanga dzichidarikwa pakugoverwa kwezvokudya kwezuva nezuva.” Saka, “vane gumi nevaviri” vakagadzirisa zvinhu zvacho nokugadza “varume vanomwe vanopupurirwa” pa“basa rakafanira” rokugovera zvokudya. (Mabasa 6:1-6) Vakuru vomuzuva ranhasi havafaniri ‘kudzivira nzeve dzavo’ kuzvichemo zvinonzwika. (Zvirevo 21:13) Uye pane kushora vavanonamata navo, vakuru vanofanira kukurudzira uye kuvaka.—1 VaKorinde 8:1.

14. Kuti tisagunun’una, tinofanira kuva nechii?

14 Isu tose hatifaniri kugunun’una, nokuti kugara uchingonyunyuta chinhu chisina kuchena pakunamata. Maitiro akadaro angakanganisa kubatana kwedu. Pane kudaro, ngatibvumirei mudzimu mutsvene kubereka rudo matiri. (VaGaratiya 5:22) Kuteerera ‘mutemo woumambo worudo’ kuchatibatsira kuramba tichishumira Jehovha takabatana.—Jakobho 2:8; 1 VaKorinde 13:4-8; 1 Petro 4:8.

Ngwarira Kuchera

15. Ungaratidza sei kusiyana kwakaita makuhwa nokuchera?

15 Sezvo kugunun’una kuchigona kuita kuti tigume taita makuhwa anokuvadza, tinofanira kungwarira zvatinotaura. Makuhwa kutaura zvisina basa maererano nevanhu nezvinhu zvavo. Asi, kuchera kutaura zvenhema kune chinangwa chokukanganisa mukurumbira womumwe munhu. Kutaura kwakadaro kwakaipa uye hakudiwi naMwari. Naizvozvo Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera.”—Revhitiko 19:16.

16. Pauro akati chii nezvevamwe vaiita makuhwa, uye tinofanira kubatsirwa sei nezano rake?

16 Sezvo kutaura zvinhu zvisina basa kungaita kuti tigume tachera, Pauro akashora vamwe vaiita makuhwa. Ataura nezvechirikadzi dzaikodzera kubatsirwa neungano, akataura nezvechirikadzi dzakadzidza “kuve dzisina basa, dzichifamba-famba nedzimba; hungu, kwete bedzi kuva dzisina basa, asiwo dzinoita makuhwa nedzinopindira munhau dzevamwe vanhu, dzichitaura zvinhu zvadzisingafaniri kutaura.” (1 Timoti 5:11-15) Kana mukadzi wechiKristu akaona kuti ane chinetso chokutaura kungazomuita kuti agume ava kuchera, angaita zvakanaka kuteerera zano raPauro rokuva ‘wemwoyo wose, asingacheri.’ (1 Timoti 3:11) Ichokwadi, varume vechiKristu vanofanirawo kungwarira kuti vasataura makuhwa anokuvadza.—Zvirevo 10:19.

Musatonga!

17, 18. (a) Jesu akati chii nezvokutonga hama yedu? (b) Tingashandisa sei mashoko aJesu maererano nokutonga?

17 Kunyange tisingacheri munhu upi noupi, tingafanira kuita zvose zvatinogona kuti tirege kutonga vamwe. Jesu akashora maitiro akadaro paakati: “Musatonga kuti murege kutongwa; nokuti nokutonga kwamuri kutonga nakwo, muchatongwa nakwo; uye nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho. Ipapo, unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingafungi danda riri muziso rako? Kana ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu muziso rako’; asi, tarira! danda riri muziso rako? Munyengeri! Tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchanyatsoona mabvisire aungaita kabanzu kari muziso rehama yako.”—Mateu 7:1-5.

18 Hatifaniri kufunga kuti tinogona kubvisa “kabanzu”wo zvako kubva muziso rehama yedu kuti tiibatsire nepo tichitadziswa kusarudza zvakanaka ne“danda” rokufananidzira. Chokwadi ndechokuti, kana tichinyatsonzwisisa kuti Mwari ane ngoni zvakadini, hatizombodi kutonga hama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo. Ko tingavanzwisisa sei sokunzwisiswa kwavanoitwa naBaba vedu vokudenga? Ndosaka Jesu akatinyevera kuti ‘tisatonge kuti tisatongwewo’! Kunyatsoongorora kusakwana kwedu kunofanira kutiita kuti tisaita zvisarudzo zvingaonekwa naMwari sezvisina kururama.

Vasina Kusimba Asi Vanoremekedzwa

19. Tinofanira kuona sei vatinonamata navo?

19 Kana tichinyatsoda kushumira Mwari takabatana nehama dzedu dzatinonamata nadzo, hatizongoregi kutonga chete. Tichatungamirira mukuvaremekedza. (VaRoma 12:10) Tingatoti tichatsvaka zvakavanakira, kwete zvakatinakira, uye tichaita mabasa akaderera nokuda kwavo tichifara. (Johani 13:12-17; 1 VaKorinde 10:24) Tingaramba sei tiine mafungiro akanaka kudaro? Nokugara tichifunga kuti mutendi wose anokosha kuna Jehovha uye kuti tose tinotoda kubatsirwa nevamwe vedu, sezvo nhengo imwe neimwe yomuviri ichitovimbawo nedzimwe nhengo.—1 VaKorinde 12:14-27.

20, 21. Mashoko a2 Timoti 2:20, 21 anorevei kwatiri?

20 Ichokwadi kuti vaKristu midziyo yevhu isina kusimba yakapiwa pfuma ine mbiri youshumiri. (2 VaKorinde 4:7) Kana tichizoita basa iri rakakomborerwa zvichaita kuti Jehovha arumbidzwe, tinofanira kuramba tichiremekedzeka pamberi pake noMwanakomana wake. Tinongogona kuramba tiri mudziyo unoremekedzwa unoshandiswa naMwari kana bedzi tikaramba takachena mutsika uye pakunamata. Maererano neizvi, Pauro akanyora kuti: “Mumba huru mune midziyo kwete bedzi yendarama nesirivha asiwo yematanda neyevhu, mimwe nokuda kwebasa rinokudzwa asi mimwe nokuda kwebasa risingakudzwi. Naizvozvo, kana munhu akaramba ari kure neyokupedzisira, achava mudziyo webasa rinokudzwa, wakatsveneswa, unoshanda kumuridzi wawo, wakagadzirirwa basa rose rakanaka.”—2 Timoti 2:20, 21.

21 Vanhu vasingazvibati maererano nezvinodiwa naMwari, ‘midziyo isingakudzwi.’ Zvisinei, nokutevera nzira yaMwari tichava ‘midziyo yebasa rinokudzwa, yakatsveneswa, kana kuti yakatsaurwa, nokuda kwebasa raJehovha uye yakagadzirirwa basa rose rakanaka.’ Saka tingazvibvunza kuti: ‘Ndiri “mudziyo unokudzwa” here? Ndinobatsira vamwe vandinonamata navo here? Ndiri nhengo yeungano inoshanda yakabatana nevamwe vandinonamata navo here?’

Rambai Muchishumira Makabatana

22. Ungano yechiKristu ingafananidzwa nechii?

22 Ungano yechiKristu urongwa hwakafanana nemhuri. Nhengo dzemhuri dzinodanana, dzinobatsirana uye dzinofara kana dzose dzichinamata Jehovha. Mhuri ingaumbwa nevanhu vanoverengeka vane unhu hwakasiyana-siyana, asi munhu wose ane nzvimbo inoremekedzwa. Ndizvo zvazvakaitawo muungano. Kunyange zvazvo isu tose takasiyana—uye tisina kukwana—Mwari akatikwevera kwaari achishandisa Kristu. (Johani 6:44; 14:6) Jehovha naJesu vanotida, uye kufanana nemhuri yakabata, tinotofanira kudanana.—1 Johani 4:7-11.

23. Tinofanira kuyeuka uye kutsunga kuitei?

23 Ungano yechiKristu iyo yakafanana nemhuri inzvimbo yatinofanira kutarisirawo kuwana vanhu vakavimbika. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndinoda kuti vanhu munzvimbo dzose varambe vachinyengetera, vachisimudza maoko akavimbika, pasina hasha uye nharo.” (1 Timoti 2:8) Nokudaro Pauro akabatanidza kuvimbika nomunyengetero wepachena “munzvimbo dzose” uko vaKristu vanosangana pamwe chete. Varume vakavimbika chete ndivo vanofanira kumiririra ungano mumunyengetero wepachena. Ichokwadi kuti Mwari anotitarisira kuti tose tive vakavimbika kwaari uye kune mumwe nomumwe. (Muparidzi 12:13, 14) Naizvozvo ngatitsungei kushandira pamwe tichipindirana, kufanana nenhengo dzomuviri womunhu. Ngatishumireiwo takabatana senhengo dzemhuri yevanamati vaJehovha. Kupfuura zvose, ngatiyeukei kuti tinotoda kubatsirwa nevamwe vedu uye tichatenderwa naMwari uye tichakomborerwa naye kana tikaramba tichimushumira takabatana.

Ungapindura Sei?

• Chii chinoita kuti vanhu vaJehovha vakwanise kumushumira vakabatana?

• Nei vaKristu vasingasaruri?

• Chii chaungati chakashata nokugunun’una?

• Nei tichifanira kukudza vatinonamata navo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Petro akaziva kuti “Mwari haasaruri”

[Mufananidzo uri papeji 16]

Unoziva here kuti nei Mwari akanyadzisa Miriami?

[Mufananidzo uri papeji 18]

VaKristu vakavimbika vanoshumira Jehovha vachifara vakabatana