Tingaita Sei Kuti Mazuva Edu Akoshe Kuna Jehovha?
Tingaita Sei Kuti Mazuva Edu Akoshe Kuna Jehovha?
“Akarasika nezuro, panenge pakati pokubuda kwezuva nokuvira kwaro, maawa maviri endarama, rimwe nerimwe riine maminitsi makumi matanhatu emadhaimani. Hapana mubayiro unopiwa, nokuti aenda zvachose!”—Lydia H. Sigourney, munyori wokuAmerica (1791-1865).
MAZUVA oupenyu hwedu anoita semashoma uye seanopfuura nokukurumidza. Munyori wepisarema Dhavhidhi akafungisisa nezvokupfupika kwoupenyu uye zvakamuita kuti anyengetere kuti: “Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, uye mwero wamazuva angu, kuti akadini; ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu. Tarirai, makaita mazuva angu soupamhi hwechanza; uye nguva yokurarama kwangu sechinhu chisipo pamberi penyu.” Dhavhidhi aiva nehanya nokurarama nenzira inofadza Mwari, mumatauriro ake nomuzviito. Achitaura kuvimba kwake naMwari, akati: “Tariro yangu iri mamuri.” (Pisarema 39:4, 5, 7) Jehovha akateerera. Zvechokwadi akayera mabasa aDhavhidhi ndokumupa mubayiro waienderana.
Zviri nyore kuwandirwa nezvokuita muminiti yoga yoga yezuva tobatwa mumusungo woupenyu hwokumhanya-mhanya uye huzere nezvokuita. Izvi zvingaita kuti tizvidye mwoyo, kunyanya zvakuine zvakawanda zvokuita uye zvokusangana nazvo uye paine nguva shomanana yokuzviita. Chatine hanya nacho chakafanana here nechaiva naDhavhidhi—kurarama upenyu hwedu kuti Mwari atifarire? Kutaura chokwadi, Jehovha anoona uye anonyatsoongorora mumwe nomumwe wedu. Jobho, murume aitya Mwari, akabvuma makore anenge 3 600 apfuura kuti Jehovha akaona nzira dzake nokuverenga nhano dzake dzose. Jobho akazvibvunza kuti: “Kana akandivinga, ndingapindurei kwaari?” (Jobho 31:4-6, 14) Zvinokwanisika kuita kuti mazuva edu akoshe kuna Mwari nokuisa zvinhu zvine chokuita nokunamata pakutanga, kuteerera mirayiro yake, uye kushandisa nguva yedu nokuchenjera. Ngatimbonyatsofungisisai zvinhu izvi.
Kuita Kuti Zvinhu Zvokunamata Zvive Chinhu Chikuru Kwatiri
Magwaro akafuridzirwa anotikurudzira nenzira yakakodzera kuisa zvokunamata pokutanga paanoti: “Muve nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” Zvinhu izvi zvinokosha ndezvipi? Mhinduro yacho inosanganisira “zivo yakarurama uye nenzwisiso yakazara.” (VaFiripi 1:9, 10) Kuti tiwane zivo yechinangwa chaJehovha zvinotoda kushandisa nguva yedu nokuchenjera. Zvisinei, kuita zvokunamata chinhu chikuru kuchaita kuti tive noupenyu hune mubayiro uye hunogutsa.
Muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti ‘tive nechokwadi chezvakanaka kunaShe.’ Kuva kwedu nechokwadi kunofanira kusanganisira kuongorora vavariro dzedu nezvinodiwa nomwoyo wedu. Muapostora anoenderera mberi achiti: “Rambai muchinzwisisa kuti kuda kwaJehovha chii.” (VaEfeso 5:10, 17) Saka Jehovha anodei? Chirevo cheBhaibheri chinopindura kuti: “Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; uzviwanire njere nezvose zvaunazvo. Uhukudze, hugokukwiridza.” (Zvirevo 4:7, 8) Jehovha anofara nomunhu anowana uchenjeri hwake ohushandisa. (Zvirevo 23:15) Chakanakira uchenjeri hwakadaro ndechokuti hahukwanisi kutorwa kana kuparadzwa. Kutaura zvazviri, hunova chinhu chinochengetedza uye chinodzivirira “panzira yezvakaipa, napavanhu vanotaura zvisakarurama.”—Zvirevo 2:10-15.
Saka, kana zvakadaro kuchenjera kusiyana nepfungwa dzokusada zvokunamata! Tinofanira kuonga zvinotaura Jehovha uye kumutya zvakakodzera. (Zvirevo 23:17, 18) Kunyange zvazvo mafungiro akadaro angawanikwa chero nguva muupenyu, zvakanakisisa kuva netsika iyi yakarurama uye kuita kuti unhu hwedu hutungamirirwe neBhaibheri tichiri vaduku. “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako,” anodaro Mambo Soromoni akachenjera.—Muparidzi 12:1.
Nzira yepedyo-pedyo yokukudziridza kuonga Jehovha iri kuburikidza nokunyengetera uri woga kwaari zuva rimwe nerimwe. Dhavhidhi akaziva kukosha kwokutaura naJehovha, nokuti akakumbira kuti: “Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; musanyarara muchiona misodzi yangu.” (Pisarema 39:12) Pane dzimwe nguva ukama hwedu hwepedyo kwazvo naMwari hunotibaya mwoyo zvokusvika pakusvimha misodzi here? Zvechokwadi, kana tikataura naJehovha kakawanda zviri kutsi kwemwoyo yedu tofungisisa Shoko rake, achaswedera pedyo nesu.—Jakobho 4:8.
Dzidza Kuteerera
Mosesi ndomumwe murume aiva nokutenda aiziva kuti aifanira kuvimba naMwari. SaDhavhidhi, Mosesi aikwanisa kuona kuti upenyu huzere nezvinetso. Saka akabva akumbira Mwari kuti amudzidzise ‘kunyatsoverenga mazuva ake, kuti azviwanire mwoyo wakachenjera.’ (Pisarema 90:10-12) Mwoyo wakachenjera waizovapo chete nokudzidza uye kurarama maererano nemitemo yaJehovha nenhungamiro. Mosesi aiziva izvi uye gare gare akaedza kudzamisa chokwadi ichocho chaikosha kurudzi rwevaIsraeri kuburikidza nokudzokorora mitemo yaMwari nemirayiro kwavari vasati vatora Nyika Yakapikirwa kuva yavo. Chero munhu aizosarudzwa gare gare naJehovha kuva mambo wevaIsraeri aifanira kuzvinyorera kopi yoMutemo oiverenga mazuva ose oupenyu hwake. Nei? Kuti adzidze kutya Mwari. Izvi zvaizoedza kuteerera kwamambo. Zvaizomudzivirira pakuti arege kuzvikudza mumwoyo make kudarika hama dzake uyewo zvaizowedzera mazuva ake paumambo hwake. (Dheuteronomio 17:18-20) Chipikirwa ichi chakadzokororwazve Jehovha paakaudza Soromoni mwanakomana waDhavhidhi kuti: “Kana ukada kufamba nenzira dzangu, nokuchengeta mitemo yangu nemirayiro yangu, sezvakafamba baba vako Dhavhidhi, ipapo ndichawanza mazuva ako.”—1 Madzimambo 3:10-14.
Kuteerera chinhu chinokosha kuna Mwari. Kana tikarerutsa zvimwe zvinhu zvinodiwa naJehovha uye zvaanorayira sezvisingakoshi, chokwadi anocherechedza maonero akadaro. (Zvirevo 15:3) Kuziva izvi kunofanira kuita kuti tikoshese kwazvo nhungamiro dzose dzaMwari, kunyange kuita kudaro kungasava nyore nguva dzose. Satani anoita zvose zvaanokwanisa ku“tipinganidza” sezvatinoedza kuteerera mitemo yaMwari nemirayiro.—1 VaTesaronika 2:18.
Zvinonyanya kukosha kuteerera zano riri Mumagwaro rokuungana nevamwe nokuda kwokunamata uye kushamwaridzana. (Dheuteronomio 31:12, 13; VaHebheru 10:24, 25) Saka zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndakatsunga zvakakodzera here kuita zvinhu zvinonyatsobatsira?’ Kuregeredza kuungana nevamwe uye kusiya mirayiridzo inopiwa pamisangano yechiKristu tichiedza kutsvaka mari kungaita kuti ukama hwedu naJehovha huve zinyeke-nyeke. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mararamire enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo. Nokuti [Jehovha] akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’” (VaHebheru 13:5) Kuteerera nechido mirayiro yaJehovha kunoratidza kuti tinovimba zvizere kuti achatitarisira.
Jesu akadzidza kuteerera uye akabatsirika. Isu tinogonawo kudaro. (VaHebheru 5:8) Kana tikadzidza kuteerera, zvichabva zvangotiitira nyore kunyange muzvinhu zviduku. Ichokwadi kuti pamusana pokutendeka kwedu, tingafanira kukunda kubatwa zvisina kunaka uye kunyange noutsinye. Izvi zvinganyanya kuitika kubasa, kuchikoro, kana mumhuri ine zvitendero zvakasiyana. Kunyange zvakadaro, tinonyaradzwa nemashoko akaudzwa vaIsraeri okuti kana ‘vaizoda Jehovha nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira; aizova upenyu hwavo uye aizowanza mazuva avo.’ (Dheuteronomio 30:20) Tinopikirwawo zvakafanana.
Shandisa Nguva Nokuchenjera
Kushandisa nguva yedu nokuchenjera kuchatibatsirawo kuita kuti mazuva edu akoshe kuna Jehovha. Kusiyana nemari inogona kuchengetwa, nguva inofanira kushandiswa, kana kuti icharasika. Awa yoga yoga inenge yadarika inenge yaenda zvachose. Sezvo pachigarova nezvakawanda zvokuita kudarika zvatinokwanisa kuita, tiri kushandisa nguva yedu maererano nezvinangwa zvedu muupenyu here? Chinangwa chikuru chevaKristu vose chinofanira kuva chokuparidza Umambo nguva dzose nokuita basa rokuita vadzidzi.—Mateu 24:14; 28:19, 20.
Kushandisa nguva yedu nokuchenjera kunovapo chete kana tichinyatsoziva kukosha kwayo. Zvakakodzera kuti VaEfeso inotikurudzira ‘kuzvitengera nguva yakafanira,’ uye izvi zvinoreva “kuitenga,” kurega zvinhu zvisinganyanyi kukosha. Zvinoreva kurega kutsvaka zvinhu zvinotambisa nguva. Kuona terevhizheni zvikuru kana kunyanya kutsvaka zvinhu paIndaneti, kana kuverenga zvinhu zvokunyika zvisingabatsiri, kana kunyanyisa mune zvevaraidzo nenhandaro zvingatisiya taneta. Uyezve, kuunganidza zvinhu kwakanyanya kungatidyira nguva inodiwa kuwana mwoyo wakachenjera. 5:16
Vatsigiri vanoziva kunyatsorongwa kwenguva vanoti: “Zvakaoma kushandisa nguva yako zvakanaka usina zvinangwa zvakajeka.” Vanotaura zvinhu zvishanu zvokuita zvokuti uve nechinangwa: zvinofanira kunge zvakananga, zvichioneka pazvava, zvichikwanisika, zviri zvinhu chaizvo zvinoitika, uye zvine nguva yazvinopiwa.
Chimwe chinangwa chinobatsira ndechokuvandudza kuverenga kwedu Bhaibheri. Nhano yokutanga ndeyokuti chinangwa chedu chive chakananga—kuverenga Bhaibheri rose. Nhano inotevera ndeyokuita kuti chinangwa chedu chioneke pachinenge chava. Nokuita izvi, tinogona kuona kufambira mberi kwedu. Zvinangwa zvinofanira kuita kuti tishande nesimba tokura. Zvinofanira kukwanisika uye zviri zvinhu chaizvo zvinoitika. Mano omunhu, unyanzvi, uye nguva inenge iripo zvinofanira kufungwa nezvazvo. Kune vamwe, nguva yakawanda inodiwa kuti zvinangwa zvacho zvikwanisike. Pakupedzisira, zvinangwa zvedu zvinofanira kupiwa nguva. Kutara musi wokupedza chimwe chinhu kungawedzera chido chokuti chiitwe.
Nhengo dzose dzemhuri yeBheteri munyika yose, dzinoshanda padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha kana pane rimwe remapazi, dzinovavarira kupedza Bhaibheri rose mukati megore radzo rokutanga paBheteri. Dzinoziva kuti kuverenga Bhaibheri kunobatsira kunoita kuti dzikure mune zvokunamata uye dziswedere pedyo naJehovha, ari kudzidzidzisa zvinobatsira. (Isaya 48:17) Tingaitawo kuti kuverenga Bhaibheri kuve chinangwa chedu here?
Zvakanakira Kuita Kuti Mazuva Edu Akoshe
Kukoshesa zvikuru zvinhu zvokunamata kuchaita kuti tiwane makomborero akawanda. Nokutika, kunobatsira kuti tinzwe kuti tapedza chimwe chinhu uye tova nechinangwa muupenyu. Kugarotaura naJehovha mumunyengetero womwoyo wose kunotiswededza pedyo naye. Kunyengetera chaiko kunoratidza kuti tinovimba naye. Kuverenga Bhaibheri mazuva ose nemabhuku eBhaibheri anopiwa no“muranda akatendeka, akangwara” kunoratidza kuda kwedu kuteerera zvinotaura Mwari kwatiri. (Mateu 24:45-47) Izvi zvinotibatsira kuwana mwoyo wakachenjera kuitira kuti tisarudze zvakanaka muupenyu.—Pisarema 1:1-3.
Tinofara kuteerera mirayiro yaJehovha, nokuti kuita kudaro hakuremi. (1 Johani 5:3) Sezvatinoita kuti zuva rimwe nerimwe rikoshe kuna Jehovha, tinosimbisa ukama hwedu naye. Tinovawo vatsigiri vechokwadi kune vamwe vedu vechiKristu mune zvokunamata. Zviito zvakadaro zvinoita kuti Jehovha Mwari afare. (Zvirevo 27:11) Uye hakuna mubayiro unodarika kufarirwa naJehovha iye zvino uye nokusingaperi!
[Mufananidzo uri papeji 21]
VaKristu vanokoshesa zvinhu zvokunamata
[Mifananidzo iri papeji 22]
Uri kushandisa nguva yako nokuchenjera here?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Tinosimbisa ukama hwedu naJehovha kana tichiita kuti zuva rimwe nerimwe rikoshe kwaari