Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu Vanoda Rubatsiro Rwomumwe Nomumwe

VaKristu Vanoda Rubatsiro Rwomumwe Nomumwe

VaKristu Vanoda Rubatsiro Rwomumwe Nomumwe

“Tiri mitezo yomumwe nomumwe.”—VAEFESO 4:25.

1. Imwe enisaikoropidhiya inoti kudii nezvomuviri womunhu?

MUVIRI womunhu wakasikwa zvinoshamisa! The World Book Encyclopedia inoti: “Vanhu dzimwe nguva vanoti muviri womunhu muchina—unoshamisa kupfuura yose yati yambogadzirwa. Ichokwadi kuti muviri womunhu hausi muchina. Asi unogona kufananidzwa nomuchina munzira dzakawanda. Kufanana nomuchina, muviri wakaumbwa nenhengo dzakawanda. Nhengo imwe neimwe yomuviri, kufanana nepati imwe neimwe yomuchina, ine mabasa ayo ainoita. Asi nhengo dzose dzinoshanda pamwe chete nokudaro dzichiita kuti muviri, kana kuti muchina ushande zvakanaka.”

2. Muviri womunhu neungano yechiKristu zvakafanana munzira ipi?

2 Chokwadi, muviri womunhu une nhengo dzakawanda, kana kuti mitezo uye imwe neimwe inopa chimwe chinhu chinodiwa. Hapana tsinga imwe, tsandanyama, kana imwe nhengo yomuviri isina chinangwa. Saizvozvowo, nhengo imwe neimwe yeungano yechiKristu inogona kubatsira chimwe chinhu kuti ungano ive noutano norunako rwomudzimu. (1 VaKorinde 12:14-26) Kunyange zvazvo pasina nhengo yeungano inofanira kunzwa iri nani kupfuura vamwe, hapana munhu anofanira kuzviona seasingakoshi.—VaRoma 12:3.

3. VaEfeso 4:25 inoratidza sei kuti vaKristu vanoda rubatsiro rwomumwe nomumwe?

3 Senhengo dzomuviri dzisina kuzvimirira, vaKristu vanoda rubatsiro rwomumwe nomumwe. Muapostora Pauro akaudza hama dzake dzakazodzwa nomudzimu kuti: “Saka, zvino zvamakabvisa nhema, mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake, nokuti tiri mitezo yomumwe nomumwe.” (VaEfeso 4:25) Sezvo vari ‘vomumwe nomumwe,’ nhengo dzaIsraeri womudzimu—“muviri waKristu”—dzinotaurirana chokwadi uye dzinoshandira pamwe zvizere. Hungu, mumwe nomumwe wavo inhengo yevamwe vose. (VaEfeso 4:11-13) VaKristu vanotaura chokwadi avo vanoshandira pamwe vane tariro yokurarama pasi pano vanofara kuti vakabatana navo.

4. Vatsva vangabatsirwa munzira dzipi?

4 Gore negore, zviuru zvevanhu vane tariro yokurarama muparadhiso yepasi pano zvinobhabhatidzwa. Dzimwe nhengo dzeungano dzinofara kuvabatsira ‘kupfuurira kuti vave vakuru.’ (VaHebheru 6:1-3) Kubatsira uku kungasanganisira kupindura mibvunzo yeBhaibheri kana kupa rubatsiro runoshanda muushumiri. Tinogona kubatsira vatsva nokuratidza muenzaniso wakanaka kwazvo kuburikidza nokuitawo chimwe chinhu pamisangano yeungano nguva dzose. Munguva dzokuora mwoyo, tinogonawo kukurudzira kana kuti kunyaradza. (1 VaTesaronika 5:14, 15) Tinofanira kutsvaka nzira dzokuyamura vamwe ku“pfuurira kufamba muchokwadi.” (3 Johani 4) Tingava tiri vaduku kana vakuru, tichangotanga kufamba muchokwadi kana kuti takafamba machiri kwemakore, tinogona kutsigira hama dzedu pakunamata—uye dzinotoda rubatsiro rwedu.

Vakapa Rubatsiro Rwaidiwa

5. Akwira naPrisira vakabatsira sei Pauro?

5 VaKristu vakaroorana ndivo vamwe vanogutsikana nokubatsira hama dzavo. Somuenzaniso, Akwira nomudzimai wake, Prisira (Priska), vakabatsira Pauro. Vakamugamuchira mumba mavo, vakashanda naye sevagadziri vematende, uye vakamubatsira kuumba ungano itsva muKorinde. (Mabasa 18:1-4) Muimwe nzira isina kutaurwa, vakaisa upenyu hwavo mungozi nokuda kwaPauro. Aigara muRoma apo Pauro akaudza vaKristu vaivako kuti: “Ndikwazisirei Priska naAkwira vashandi pamwe chete neni muna Kristu Jesu, vakaisa mitsipa yavo pangozi nokuda kwemweya wangu, vanoongwa kwete neni bedzi asiwo neungano dzose dzemamwe marudzi.” (VaRoma 16:3, 4) Kufanana naAkwira naPrisira, vamwe vaKristu vemazuva ano vanoumba ungano uye vanobatsira hama dzavo munzira dzakasiyana-siyana, dzimwe nguva vachitoisa upenyu hwavo mungozi kuti vasatengese vamwe vashumiri vaMwari kuti vaitirwe utsinye kana kuurayiwa nevatambudzi.

6. Aporo akabatsirwa sei?

6 Akwira naPrisira vakabatsirawo Aporo muKristu aiva nyanzvi pakutaura, uyo aidzidzisa vagari vokuEfeso nezvaJesu Kristu. Panguva iyoyo, Aporo aingoziva rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani mukuratidza kupfidza zvivi zvakaitirwa sungano yoMutemo. Vachiziva kuti Aporo aida kubatsirwa, Akwira, naPrisira “vakamutsanangurira nzira yaMwari zvakanyatsorurama.” Vanofanira kuve vakamutsanangurira kuti rubhabhatidzo rwechiKristu rwaisanganisira kunyudzwa mumvura nokudururirwa mudzimu mutsvene. Aporo akapinza mumusoro zvaakadzidza. Gare gare ari muAkaya “akabatsira zvikuru avo vakanga vatenda nemhaka yomutsa usina kufanirwa waMwari; nokuti nesimba akaratidza kwazvo vaJudha pachena kuti vakanga vasina kururama, asi achiratidza neMagwaro kuti Jesu aiva Kristu.” (Mabasa 18:24-28) Zvinotaurwa nevatinonamata navo kazhinji zvinogona kubatsira kuwedzera kunzwisisa kwedu Shoko raMwari. Tinoda rubatsiro rwomumwe nomumwe pakadai.

Kuyamura Nezvinhu

7. VaFiripi vakaita sei apo hama dzavo dzechiKristu dzaida rubatsiro rwokunyama?

7 Nhengo dzeungano yechiKristu muFiripi dzaida Pauro kwazvo uye dzakamutumira zvinhu paaigara kuTesaronika. (VaFiripi 4:15, 16) Hama dzokuJerusarema padzaida rubatsiro rwokunyama, vaFiripi vakaratidza kuda kupa mipiro kunyange kupfuura zvavaiva nazvo. Pauro akaonga zvikuru chido chakanaka kwazvo chehama nehanzvadzi dzake dzokuFiripi zvokuti akavataura somuenzaniso kune vamwe vatendi.—2 VaKorinde 8:1-6.

8. Epafrodhito akaratidza pfungwa dzorudzii?

8 Pauro paaiva akasungwa, hama dzokuFiripi hadzina kungomutumira zvipo chete asi dzakatumirawo nhume yadzo Epafurodhito. “Nemhaka yebasa raShe [Epafurodhito] akapotsa afa, achiisa mweya wake pangozi,” akadaro Pauro, “kuti atsive kwazvo kusavapo kwenyu pano kuti mundishandire.” (VaFiripi 2:25-30; 4:18) Hatiudzwi kana Epafurodhito aiva mukuru kana kuti mushumiri anoshumira. Asi, aiva muKristu akazvipira uye aibatsira, uye Pauro aida chaizvo kubatsirwa naye. Muungano menyu mune mumwe munhu akafanana naEpafrodhito here?

Vaiva “Yamuro Inosimbisa”

9. Arisitako anotipa muenzaniso wei?

9 Hama nehanzvadzi dzine rudo, dzakadai saAkwira, Prisira, naEpafrodhito, dzinokosheswa muungano chero ipi zvayo. Vamwe vatinonamata navo vangava vakangoita somuKristu womuzana remakore rokutanga Arisitako. Iye nevamwewo vaiva “yamuro inosimbisa,” zvichida vanhu vainyaradza kana kuti vaiyamura muzvinhu zvinokosha, zvinoshanda. (VaKorose 4:10, 11) Nokuyamura Pauro, Arisitako akaratidza kuva shamwari yechokwadi munguva dzaaidiwa. Aiva rudzi rwomunhu anotaurwa pana Zvirevo 17:17 kuti: “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” Tose zvedu hatifaniri kuedza kuva “yamuro inosimbisa” kuhama dzedu dzechiKristu here? Tinofanira kunyanya kubatsira vaya vari mumatambudziko.

10. Petro akaratidza muenzaniso wei nokuda kwevakuru vechiKristu?

10 Vakuru vechiKristu ndivo zvikurukuru vanofanira kuva yamuro inosimbisa kuhama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu. Kristu akaudza muapostora Petro kuti: “Simbisa hama dzako.” (Ruka 22:32) Petro akakwanisa kuita izvozvo nokuti akaratidza unhu hwakafanana neibwe, kunyanya pashure pokunge Jesu amutswa. Vakuru, itai zvose zvamunogona kuti muitewo saizvozvo nokuzvidira uye nounyoro, nokuti hama dzenyu dzinoda kubatsirwa nemi.—Mabasa 20:28-30; 1 Petro 5:2, 3.

11. Tingabatsirwa sei nokufunga nezvepfungwa dzaiva naTimoti?

11 Shamwari yaPauro yaaifamba nayo Timoti aiva mukuru aiva nehanya kwazvo nevamwe vaKristu. Kunyange zvazvo aiva nezvimwe zvinetso zvoutano, Timoti akaratidza kutenda kwomwoyo wose ‘akashanda naPauro mukufambisira mberi mashoko akanaka.’ Naizvozvo muapostora wacho aigona kuudza vaFiripi kuti: “Handina mumwezve ane kufunga kwakafanana nokwake achatarisira nomwoyo wose zvinhu zvine chokuita nemi.” (VaFiripi 2:20, 22; 1 Timoti 5:23; 2 Timoti 1:5) Tinogona kuva chikomborero kune vatinonamata navo Jehovha nokuratidza pfungwa dzakafanana nedzaTimoti. Chokwadi, tinofanira kutsungirira utera hwedu pachedu sevanhu uye miedzo yakasiyana-siyana, asi isuwo tinogona uye tinofanira kuratidza kutenda kwakasimba norudo kuhama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo. Tinofanira kuyeuka nguva dzose kuti dzinoda rubatsiro rwedu.

Vakadzi Vaiva Nehanya Nevamwe

12. Chii chatingadzidza mumuenzaniso waDhokasi?

12 Dhokasi ndomumwe wevakadzi vaitya Mwari vaiva nehanya nevamwe. Paakafa, vadzidzi vakadaidza Petro ndokupinda naye muimba yepamusoro. Imomo “chirikadzi dzose dzakauya kwaari dzichisvimha misodzi dzichimuratidza nguo dzomukati nedzokunze dzakawanda dzaisiitwa naDhokasi paakanga achiri navo.” Dhokasi akamutswa uye pasina mubvunzo akaenderera mberi ‘kuwedzera mumabasa akanaka nezvipo zvengoni.’ Muungano yechiKristu yanhasi, mune vakadzi vakafanana naDhokasi vangaita zvipfeko kana kuita zvimwe zvinhu zvorudo kune vaya vanoshayiwa. Ichokwadi kuti mabasa avo akanaka anofanira kunyanya kutsigira zvinhu zvoUmambo nokuita basa rokuita vadzidzi.—Mabasa 9:36-42; Mateu 6:33; 28:19, 20.

13. Ridhiya akaratidza sei kuva nehanya nevaKristu vaainamata navo?

13 Mumwe mukadzi aitya Mwari ainzi Ridhiya aiva nehanya nevamwe. Akanga ari chizvarwa chokuTiyatira, uye aigara muFiripi apo Pauro akaparidzira ikoko munenge muna 50 C.E. Zvichida Ridhiya akanga atendeukira kuchiJudha, asi muFiripi mungadaro maiva nevaJudha vashomanana uye musina sinagogi. Iye nevamwe vakadzi vaitya Mwari vakanga vaungana kuti vanamate parutivi porwizi apo muapostora wacho akaparidza mashoko akanaka kwavari. Nhoroondo yacho inoti: “Jehovha akanyatsovhura mwoyo [waRidhiya] kuti ateerere zvinhu zvakanga zvichitaurwa naPauro. Zvino iye neveimba yake vakati vabhabhatidzwa, akateterera achiti: ‘Kana mandirangarira kuva ndakatendeka kuna Jehovha, pindai mumba mangu mugare.’ Uye akangotiita kuti tipinde.” (Mabasa 16:12-15) Nokuti Ridhiya aida kuitira vamwe zvakanaka, akabudirira kunyengetedza Pauro neshamwari dzake kuti vagare naye. Tinofara sei kana mutsa wakadaro ukaratidzwa nevaKristu vane mutsa norudo nhasi!—VaRoma 12:13; 1 Petro 4:9.

Imi Vechiduku Tinokudaiwo

14. Jesu Kristu akabata sei vechiduku?

14 Ungano yechiKristu yakatangwa noMwanakomana waMwari ane mutsa noushamwari, Jesu Kristu. Vanhu vainzwa vakasununguka kana vainaye nokuti aiva norudo netsitsi. Vamwe pavakatanga kuunza vana vavo kuna Jesu pane imwe nguva, vadzidzi vake vakaedza kuvadzinga. Asi Jesu akati: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedze kuvadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndehwevakadai. Zvechokwadi ndinoti kwamuri, Munhu wose asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombopindi mahuri.” (Mako 10:13-15) Kuti tiwane zvikomborero zvoUmambo, tinofanira kuva vanozvininipisa nevanodzidzisika sevana vaduku. Jesu akaratidza kuda kwake vana vaduku nokuvambundira uye kuvakomborera. (Mako 10:16) Zvakadini nemi vechiduku nhasi? Ivai nechokwadi chokuti munodiwa uye munokosha muungano.

15. Zvii zvine chokuita noupenyu hwaJesu zvakanyorwa pana Ruka 2:40-52, uye akaratidza vechiduku muenzanisoi?

15 Jesu paakanga achiri mwana muduku, akaratidza kuda Mwari uye Magwaro. Paakanga ava nemakore 12, iye nevabereki vake, Josefa naMariya, vakaenda kuguta rokumusha kwavo reNazareta kuJerusarema kunochengeta Paseka. Parwendo rwokudzoka, vabereki vaJesu vakaona kuti Jesu akanga asiri muboka rakanga richifamba pamwe chete. Vakazomuwana akagara mune rimwe remakamuri makuru etemberi, achiteerera vadzidzisi vechiJudha nokuvabvunza mibvunzo. Achishamisika kuti Josefa naMariya vakanga vasingazivi kwokumuwana, Jesu akabvunza kuti: “Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?” Akadzokera kumba nevabereki vake, akaramba achizviisa pasi pavo, uye akaramba achienderera mberi pakuchenjera nokukura mumuviri. (Ruka 2:40-52) Muenzaniso wakanaka sei uyo Jesu akaratidza vechiduku vedu! Chokwadi vanofanira kuteerera vabereki vavo vofarira kudzidza zvinhu zvine chokuita nokunamata.—Dheuteronomio 5:16; VaEfeso 6:1-3.

16. (a) Vamwe vakomana vakadanidzira kuti chii Jesu paaipupurira patemberi? (b) VaKristu vechiduku vane ropafadzo yei nhasi?

16 Somunhu wechiduku, ungave uri kupupurira nezvaJehovha kuchikoro uye paimba neimba nevabereki vako. (Isaya 43:10-12; Mabasa 20:20, 21) Jesu paaipupurira nokuporesa vanhu patemberi kwangosara nguva pfupi kuti afe, vamwe vakomana vakadanidzira vachiti: “Tapota, ponesai, Mwanakomana waDhavhidhi!” Zvavagumbura, vapristi vakuru nevanyori vakapopota vachiti: “Unonzwa here zviri kutaura ava?” Jesu akapindura kuti: “Hungu. Hamuna kumboverenga here izvi kuti, ‘Makaita kuti mumuromo mevacheche nevanoyamwa mubude kurumbidza’?” (Mateu 21:15-17) Kufanana nevana ivavo, imi vechiduku vari muungano mune ropafadzo huru kwazvo yokurumbidza Mwari noMwanakomana wake. Tinoda kushanda nemi sevazivisi voUmambo.

Kana Paitika Dambudziko

17, 18. (a) Nei Pauro akaronga kuti vaKristu vaiva kuJudhiya vaunganidzirwe zvinhu? (b) Mipiro yokuzvidira yaiitirwa vatendi vechiJudha yakava nomugumisiroi pavaKristu vechiJudha neVemamwe Marudzi?

17 Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, rudo runoita kuti tibatsire hama dzedu dzechiKristu dzinenge dzichishayiwa. (Johani 13:34, 35; Jakobho 2:14-17) Kwakanga kuri kuda kwaaiita hama nehanzvadzi dzaiva muJudhiya kwakaita kuti Pauro aronge kuti dziunganidzirwe zvinhu neungano dzaiva muAkaya, Garatiya, Makedhoniya, nomuruwa rweAsia. Kutambudzwa, kurwisana kwevagari vemo, uye kushaya zvokudya kwakaita vadzidzi vaiva muJerusarema zvingava zvakaguma nezvakadanwa naPauro kuti “kutambura,” “kutambudzwa,” uye “kupambwa kwezvinhu” zvavo. (VaHebheru 10:32-34; Mabasa 11:27–12:1) Nokudaro akatarisira homwe yokuyamura vaKristu vaishayiwa muJudhiya.—1 VaKorinde 16:1-3; 2 VaKorinde 8:1-4, 13-15; 9:1, 2, 7.

18 Mipiro yokuzvidira yaiitirwa vatsvene vaiva muJudhiya yakaratidza kuti ukama hwakasimba hwaivapo pakati pevanamati vaJehovha vechiJudha neVemamwe Marudzi. Kutumirwa kwemipiro kwakaitawo kuti vaKristu Vemamwe Marudzi vakwanise kuratidza vaJudha vavainamata navo kuonga kwavaiita pfuma yomudzimu yavakagamuchira kubva kwavari. Nokudaro, paiva nokugovana zvinhu zvokunyama nezvomudzimu. (VaRoma 15:26, 27) Mipiro yatinoitira hama dzatinonamata nadzo nhasi ndeyokuzvidirawo uye inoitwa norudo. (Mako 12:28-31) Tinoda rubatsiro rwomumwe nomumwe wedu panhau iyi kuti tive nezvakaenzana ‘uye munhu ane zvishoma asave nezvakanyanyoita zvishoma.’—2 VaKorinde 8:15.

19, 20. Ipa muenzaniso wokuratidza kuti vanhu vaJehovha vanobatsira sei panoitika njodzi.

19 Tichiziva kuti vaKristu vanoda rubatsiro rwomumwe nomumwe, tinokurumidza kubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo. Somuenzaniso, funga zvakaitika apo kudengenyeka kwenyika nokuondomoka kwevhu kunoparadza kwakaitika muEl Salvador kumavambo kwa2001. Mumwe mushumo wakati: “Ruyamuro rwakaitwa nehama mumativi ose eEl Salvador. Mapoka ehama dzinobva kuGuatemala, United States, nokuCanada akauya kuzotibatsira. . . . Dzimba dzinopfuura 500 neDzimba dzoUmambo nhatu dzakaisvonaka dzakavakwa munguva pfupi. Uchapupu hwakakura hwakapiwa nokushanda zvakaoma uye kushandira pamwe kwehama idzi dzakazvipira.”

20 Mumwe mushumo unobva kuSouth Africa wakati: “Mafashamo anotyisa akaparadza mativi akakura eMozambique akavhiringidzawo hama dzedu dzechiKristu dzakawanda. Bazi riri muMozambique rakaronga kutarisira zvakawanda zvavaida. Asi vakakumbira kuti titumire hama dzaishayiwa zvipfeko zvakanaka zvakamboshandiswa. Takaunganidza zvipfeko zvakakwana rori refu rakazara kuti titumire hama dzedu dziri muMozambique.” Hungu, munzira idzi zvakare, tinoda rubatsiro rwomumwe nomumwe.

21. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

21 Sezvambotaurwa kumavambo, nhengo dzose dzomuviri womunhu dzinokosha. Izvozvo ndizvo zvakaitawo ungano yechiKristu. Nhengo dzayo dzose dzinoda rubatsiro rwomumwe nomumwe. Dzinofanirawo kuramba dzichishumira dzakabatana. Nyaya inotevera ichakurukura zvimwe zvinhu zvinoita kuti izvi zviite.

Ungapindura Sei?

• Muviri womunhu neungano yechiKristu zvakafanana pai?

• VaKristu vokutanga vakaita sei apo hama dzavo dzaida rubatsiro?

• Ndeipi iri mimwe mienzaniso yomuMagwaro inoratidza kuti vaKristu vanoda rubatsiro rwomumwe nomumwe uye vanobatsirana?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Akwira naPrisira vaiva nehanya nevamwe

[Mifananidzo iri papeji 12]

Vanhu vaJehovha vanobatsirana uye vanobatsira vamwe panoitika nhamo