Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Farira Kudzidza Shoko raMwari Uri Woga

Farira Kudzidza Shoko raMwari Uri Woga

Farira Kudzidza Shoko raMwari Uri Woga

“Ndichafungisisawo basa renyu rose, nokurangarira zvamakaita.”—PISAREMA 77:12.

1, 2. (a) Nei tichifanira kutsaura nguva yokufungisisa? (b) “Kufungisisa” zvinorevei?

SEVADZIDZI vaJesu Kristu, tinofanira kunyanya kukoshesa ukama hwedu naMwari uye zvikonzero zvatinazvo zvokuMushumira. Zvisinei, vanhu vakawanda nhasi vanorarama upenyu hwokumhanyamhanya zvokuti havawani nguva yokufungisisa. Pfungwa dzavo dzakaputirwa nokumhanya-mhanya vachitsvaka zvinhu zvakawanda, kutenga-tenga, nokutsvaka mafaro kusina nechinangwa chose. Tingarega sei kuita zvinhu zvisina chinangwa zvakadaro? Sokutsaura kwatinongoita nguva chaiyo yezvinhu zvinokosha zuva rimwe nerimwe, zvakadai sokudya nokurara, saizvozvowo zuva rimwe nerimwe tinofanira kuwana nguva yokufungisisa mabasa aJehovha nemaitiro ake ezvinhu.—Dheuteronomio 8:3; Mateu 4:4.

2 Unombowana nguva yokufungisisa here? Kufungisisa kunorevei? Shoko iri rinoreva kuisa pfungwa dzako pane chimwe chinhu. Kufunga nezvechimwe chinhu zvikurukuru uchidzamisa pfungwa, wakati zii. Izvi zvinorevei kwatiri?

3. Kufambira mberi mumudzimu kwakanyatsobatana nei?

3 Chokutanga, zvinofanira kutiyeuchidza zvakanyorwa nomuapostora Pauro kune mushumiri waainamata naye Timoti kuti: “Ramba uchishingaira pakuravira vanhu vose, pakurayira, nepakudzidzisa, kusvikira ndauya. . . . Fungisisa pamusoro pezvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.” Hungu, kufambira mberi kwaitarisirwa, uye mashoko aPauro akaratidza kuti kufungisisa zvinhu zvomudzimu kwaiva kwakanyatsobatana nokufambira mberi. Ndizvo zvazvakaitawo nhasi. Kuti tigutsikane nokufambira mberi mumudzimu, tinofanirawo ‘kufungisisa’ uye ‘kunyura’ muzvinhu zvine chokuita neShoko raMwari.—1 Timoti 4:13-15.

4. Zvishandiso zvipi zvaunogona kushandisa kuti zvikubatsire kufungisisa Shoko raJehovha nguva dzose?

4 Nguva yakanakisisa yokuti ufungisise inoenderana nokuti purogiramu yemhuri yenyu yakadini. Vakawanda vanofungisisa rugwaro rweBhaibheri mumangwanani-ngwanani pavanoverenga kabhuku kaKunzvera Magwaro Zuva Nezuva. Tingatoti, vazvipiri vanenge 20 000 vari mumisha yeBheteri pasi pose vanotanga zuva ravo nokukurukura rugwaro rweBhaibheri rwezuva iroro kwemaminiti 15. Kunyange vashomanana mumhuri yeBheteri vachitsinhira mangwanani oga oga, vamwe vacho vose vanofungisisa zvinenge zvichitaurwa uye kuverengwa. Zvimwe Zvapupu zvinofungisisa Shoko raJehovha pazvinenge zvichienda kubasa. Vanoteerera makaseti eBhaibheri nemagazini eNharireyomurindi neMukai! anowanikwa mune mimwe mitauro. Madzimai epamusha akawanda anoita izvi paanenge achishanda mabasa epamba. Chaizvoizvo, vari kutevedzera munyori wepisarema Asafi, uyo akanyora kuti: “Ndichareva zvakaitwa naJehovha; nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare. Ndichafungisisawo basa renyu rose, nokurangarira zvamakaita.”—Pisarema 77:11, 12.

Maonero Akanaka Anoita Kuti Pave Nemigumisiro Yakanaka

5. Nei zvichikosha kuti mumwe nomumwe wedu adzidze ari oga?

5 Munguva yedu ino yemaTV, mavhidhiyo, nemakombiyuta, kuverenga ratova dambudziko rakakura kwazvo. Izvozvo hazvimbofaniri kuitika pakati peZvapupu zvaJehovha. Chokwadi, kuverenga Bhaibheri kwakafanana netambo inotibatanidza naJehovha iyo takabatirira zvokuti tikangoiregedza tinowira pasi tobva tafa. Zviuru zvemakore zvakapfuura, Joshua akatsiva Mosesi somutungamiriri wevaIsraeri. Kuti awane chikomborero chaJehovha, Joshua aifanira kuzviverengera Shoko raMwari. (Joshua 1:8; Pisarema 1:1, 2) Ichi chichiri chinhu chatinosungirwa kuita nhasi. Zvisinei, pamusana pokuti vamwe havana kunyanya kudzidza, vanganetseka nokuverenga kana kuti vangakuona sebasa rakaoma. Saka, chii chingatibatsira kuti tide kuverenga nokudzidza Shoko raMwari? Mhinduro yacho inogona kuwanikwa mumashoko aMambo Soromoni akanyorwa pana Zvirevo 2:1-6. Tapota vhura Bhaibheri rako woverenga ndima idzi. Zvadaro tichadzikurukura pamwe chete.

6. Tinofanira kuona sei zivo yaMwari?

6 Chokutanga, tinowana kurudziro iyi: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; . . .” (Zvirevo 2:1, 2) Tinodzidzei mumashoko aya? Kuti mutoro wacho unouya patiri somunhu mumwe nomumwe. Cherechedza mashoko ezvinogona kuitika okuti “kana ukagamuchira mashoko angu.” “Kana” iyeye ari kureva zvakakomba nokuti vanhu vakawanda havateereri Shoko raMwari. Kuti tiwane mufaro mukudzidza Shoko raMwari, tinofanira kuda kuteerera mashoko aJehovha tobva taatora sepfuma yatisingadi kurasikirwa nayo. Hatimbofaniri kubvumira zvinhu zvatinoita zuva nezuva kutiita kuti tibatikane zvikuru kana kuti titsauswe zvokuti tinotanga kurerutsa Shoko raMwari, kana kuti kusava nechokwadi naro.—VaRoma 3:3, 4.

7. Pose pazvinoita, nei tichifanira kuva pamisangano yechiKristu ndokuteerera?

7 Tinonyatso‘teerera’ tonyatsovhura nzeve panotsanangurwa Shoko raMwari pamisangano yedu yechiKristu here? (VaEfeso 4:20, 21) Tino‘rwadzisa mwoyo’ kuti tiwane nzwisiso here? Pamwe mukurukuri wacho haasi iye ane unyanzvi kupfuura vose, asi paanenge achikurukura Shoko raMwari, tinofanira kunyatsomuteerera. Ichokwadi kuti, kuti titeerere uchenjeri hwaJehovha tinofanira kuva pamisangano yechiKristu, pose pazvinobvira. (Zvirevo 18:1) Fungidzira kurwadziwa kwakaita ani zvake angadaro asina kupinda musangano waiva mukamuri repamusoro muJerusarema paPendekosti ya33 C.E.! Kunyange zvazvo misangano yedu isingashamisi sezvakaita musangano iwoyo, Bhaibheri, bhuku redu guru rokudzidza, rinokurukurwa. Nokudaro, musangano wose unogona kuva chikomborero kwatiri kana tikateerera tichiverengawo maBhaibheri edu.—Mabasa 2:1-4; VaHebheru 10:24, 25.

8, 9. (a) Chii chinodiwa kune mumwe nomumwe wedu pakudzidza ari oga? (b) Ungati chinokosha kupfuura chimwe chii, ndarama nokunzwisisa zivo yaMwari?

8 Mashoko anotevera amambo akachenjera anoti: “Kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere, . . .” (Zvirevo 2:3) Mashoko aya ari kutiudza kuti tinofanira kuva nemaonero kana kuti pfungwa dzakadini? Chokwadi, anoita kuti tide kwazvo kunzwisisa Shoko raJehovha! Anoratidza chido chokudzidza nepfungwa dzokuwana nzwisiso, dzokuona zvinodiwa naJehovha. Ichokwadi kuti izvi zvinoda kuti munhu aite chimwe chinhu, uye izvozvo zvinotitungamirira kumashoko nomuenzaniso zvakazotaurwa naSoromoni.—VaEfeso 5:15-17.

9 Anoenderera mberi achiti: ‘Ukaitsvaka [nzwisiso] sesirivha, ukaitsvaka sepfuma yakavanzwa, . . .” (Zvirevo 2:4) Izvi zvinotifungisa nezvemabasa evanhu okuchera migodhi avo kwemazana emakore vave vachitsvaka simbi dzinonzi dzinokosha, sirivha nendarama. Vanhu vakauraya vamwe nokuda kwendarama. Vamwe vakapedza upenyu hwose vachiitsvaka. Zvisinei, ndarama inonyatsokosha zvakadini? Kudai wanga warasika mugwenga uye wava kufa nenyota, waizosarudzei: chidimbu chendarama kana kuti mvura yokunwa? Asi, vanhu vakabishaira chaizvo kutsvaka ndarama, noukoshi hwainopiwa nevanhu uye hunochinja-chinja! * Tinotofanira kubishaira zvikuru sei pakutsvaka uchenjeri, uye kunzwisisa Mwari nezvaanoda! Asi kutsvaka kwakadaro kunobatsirei?—Pisarema 19:7-10; Zvirevo 3:13-18.

10. Chii chatingawana kana tikadzidza Shoko raMwari?

10 Hurukuro yaSoromoni inoenderera mberi ichiti: “Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.” (Zvirevo 2:5) Ipfungwa inoshamisa zvakadini—kuti isu vanhu vane zvivi tinogona kuwana “zivo yaMwari,” Jehovha, Changamire Ishe wezvose! (Pisarema 73:28; Mabasa 4:24) Kwemazana emakore vazivi nevanonzi vachenjeri venyika vakaedza kunzwisisa zvakavanzika zvoupenyu nezvezvinhu zvose zvakasikwa. Zvisinei, vakakundikana kuwana “zivo yaMwari.” Nei? Kunyange yave iripo kwezviuru zvemakore muShoko raMwari, Bhaibheri, vanoiramba vachiti yakanyanya kureruka uye nokudaro vachikundikana kuigamuchira voinzwisisa.—1 VaKorinde 1:18-21.

11. Kudzidza uri woga kunobatsirei?

11 Hechino chimwe chinokurudzira chinotaurwa naSoromoni: “Jehovha ndiye unopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo nenjere.” (Zvirevo 2:6) Jehovha anopa uchenjeri, zivo, nokunzwisisa nokuzvidira kumunhu chero upi zvake anoda kuzvitsvaka, uye anopa zvinhu izvi zvakawanda. Chokwadi, mumwe nomumwe wedu anofanira kukoshesa kudzidza Shoko raMwari ari oga, kunyange kana zvichida kuti tishande nesimba, tirege zvimwe zvinhu, uye tizvipire. Tinotova nani kuti tine maBhaibheri akadhindwa uye hatifaniri kuita zvokukopa nemaoko, sezvaiita vamwe vomunguva dzekare!—Dheuteronomio 17:18, 19.

Kufamba Zvakafanira Jehovha

12. Chii chinofanira kuva vavariro yedu pakutsvaka kwedu zivo yaMwari?

12 Ndeipi inofanira kuva vavariro yokuti tidzidze munhu mumwe nomumwe ari oga? Kuti tiratidzike setiri nani pane vamwe here? Kuti tiratidze zivo inopfuura yevamwe here? Kuti tive vanhu vanoziva Bhaibheri zvikuru here? Kwete. Vavariro yedu ndeyokuti tive vaKristu vanoita zvavanotaura, nguva dzose vakagadzirira kubatsira vamwe, mumudzimu waKristu unozorodza. (Mateu 11:28-30) Muapostora Pauro akanyevera kuti: “Zivo inotutumadzisa, asi rudo runovaka.” (1 VaKorinde 8:1) Naizvozvo, tinofanira kuva nepfungwa dzokuzvininipisa dzakaratidzwa naMosesi paakati kuna Jehovha: “Chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu.” (Eksodho 33:13) Chokwadi, tinofanira kuda zivo kuti tifadze Mwari, kwete kuti tishamise vanhu. Tinoda kuva vashumiri vaMwari vakafanira uye vanozvininipisa. Tingasvika sei pakuva vakadaro?

13. Chii chinodiwa kuti munhu ave mushumiri akafanira waMwari?

13 Pauro akapa Timoti zano rokuti angafadza sei Mwari, achiti: “Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Timoti 2:15) Mashoko okuti “anobata . . . zvakarurama,” anobva pamashoko echiito echiGiriki ayo pakutanga aireva kuti “kucheka zvakarurama.” (Kingdom Interlinear) Maererano nezvinotaura vamwe, izvi zvinopa pfungwa yomusoni ari kucheka jira maererano nepeteni, yomurimi ari kubaya foro mumunda, zvichingodaro. Chero chipi zvacho pazvose izvi, chinhu chinozobuda apa chinofanira kuva chisina kutsveyama kana kuti chakarurama. Pfungwa yacho ndeyokuti, kuti ave mushumiri waMwari akafanira uye anotenderwa, Timoti aifanira ‘kuita nepaaigona napo’ kuti ave nechokwadi chokuti kudzidzisa kwake nomufambiro zvaipindirana neshoko rechokwadi.—1 Timoti 4:16.

14. Kudzidza kwomumwe nomumwe wedu kunofanira kuchinja sei zvatinoita nezvatinotaura?

14 Pauro akataurawo izvozvo paakakurudzira hama dzake dzechiKristu dzaiva muKorose kuti ‘vafambe zvakafanira Jehovha vachimufadza kwazvo’ noku‘bereka zvibereko mubasa rose rakanaka vachiwedzera pazivo yakarurama pamusoro paMwari.’ (VaKorose 1:10) Pano Pauro anofananidza kufanira Jehovha noku“bereka zvibereko mubasa rose rakanaka” uyewo ku“wedzera pazivo yakarurama pamusoro paMwari.” Nemamwe mashoko, chinokosha kuna Jehovha hakusi kungoti tinokoshesa sei zivo asiwo kuti tinonyatsotevedzera zvakadini Shoko raMwari mune zvatinoita nokutaura. (VaRoma 2:21, 22) Izvi zvinoreva kuti kudzidza kwomumwe nomumwe wedu kunofanira kuchinja mafungiro ake nomufambiro kana achida kufadza Mwari.

15. Tingadzivirira nokudzora sei pfungwa dzedu uye zvatinofunga?

15 Nhasi, Satani akatsunga kuparadza kunamata kwedu nokukurudzira kurwisana kwepfungwa. (VaRoma 7:14-25) Naizvozvo, tinofanira kudzivirira nokudzora pfungwa dzedu kuitira kuti tiratidze kuti takafanira Mwari wedu, Jehovha. Chombo chatinacho “kuziva Mwari,” kunokwanisa ku“tapa kufunga kwose kuti tikuite kuti kuteerere Kristu.” Ichi ndicho chikonzero chikuru chokuti tifunge nezvokudzidza Bhaibheri zuva nezuva, sezvatinoda kubudisa mafungiro enyama uye oudyire mupfungwa dzedu.—2 VaKorinde 10:5.

Zvinobatsira Kunzwisisa

16. Tingazvibatsira sei Jehovha paanenge achitidzidzisa?

16 Kudzidzisa kwaJehovha kunobatsira mumudzimu nokunyama. Haisiri pfungwa isingafadzi, isingamboshandi. Nokudaro, tinoverenga kuti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Jehovha anotiita sei kuti tifambe munzira yake inobatsira? Chokutanga, tine Shoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri Dzvene. Iri ndiro bhuku redu guru rokudzidza, ratinogara tichitarira mariri kuti tiwane mashoko. Ndicho chikonzero nei zvakanaka kuteerera pamisangano yechiKristu tichivhura Bhaibheri. Migumisiro inobatsira yokuita kudaro inogona kuonekwa munhoroondo yomukuru mukuru weEtiopiya, yakanyorwa muna Mabasa chitsauko 8.

17. Chii chakaitika kumukuru mukuru weEtiopiya, uye izvi zvinoratidzei?

17 Mukuru mukuru weEtiopiya aiva munhu akatendeukira kuchiJudha. Akanga ari mutendi wechokwadi waMwari, uye aidzidza Magwaro. Achifamba ari mungoro yake, akanga achiverenga rugwaro rwaIsaya apo Firipi akamhanya ari parutivi pake ndokubvunza kuti: “Unonyatsoziva zvauri kurava here?” Mukuru mukuru wacho akapindura sei? “‘Chaizvoizvo, ndingadaro sei, kana mumwe asinganditungamiriri?’ Uye akakumbira Firipi kuti akwire mungoro ogara naye.” Ipapo Firipi, achitungamirirwa nomudzimu mutsvene, akabatsira mukuru mukuru wacho kunzwisisa uprofita hwaIsaya. (Mabasa 8:27-35) Izvi zvinoratidzei? Kuti kuverenga Bhaibheri uri woga hakuna kukwana. Jehovha, kuburikidza nomudzimu mutsvene wake, anoshandisa boka romuranda akatendeka, akangwara kutibatsira kunzwisisa Shoko rake panguva yakafanira. Izvi zvinoitwa sei?—Mateu 24:45-47; Ruka 12:42.

18. Boka romuranda akatendeka, akangwara rinotibatsira sei?

18 Kunyange zvazvo boka romuranda richinzi “akatendeka, akangwara,” Jesu haana kuti rakanga risingazokanganisi. Boka iri rehama dzakatendeka dzakazodzwa richine vaKristu vasina kukwana. Kunyange vaine vavariro dzakanakisisa, vanogona kukanganisa, sezvaingoitawo varume vakadaro vomuzana remakore rokutanga pane dzimwe nguva. (Mabasa 10:9-15; VaGaratiya 2:8, 11-14) Zvisinei, vavariro yavo yakachena, uye Jehovha ari kuvashandisa kutigovera zvinhu zvinoyamura kudzidza Bhaibheri kuti tisimbise kutenda kwedu muShoko raMwari nezvipikirwa zvake. Chinhu chikuru chinoyamura kuti munhu adzidze ari oga chatakapiwa nomuranda iShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Iye zvino yava kuwanikwa mumitauro 42, yose kana kuti chikamu chayo, uye makopi ane mamiriyoni 114 akadhindwa oukuru hwakasiyana-siyana. Tingaishandisa sei zvinobudirira pakudzidza tiri toga?—2 Timoti 3:14-17.

19. Ndezvipi zvimwe zvinhu zviri muNew World Translation of the Holy Scriptures—With References zvinogona kubatsira kana munhu achidzidza ari oga?

19 Tora somuenzaniso Bhaibheri rinonzi New World Translation of the Holy Scriptures—With References. Rine zvikamu zvine mamwe magwaro aunogona kutarisa, mashoko omuzasi, konikodhenzi duku ine “Mashoko eBhaibheri Akaiswa muIndekisi” uye “Mashoko Omuzasi Akaiswa muIndekisi,” uye Apendikisi inotaura zvakadzama nyaya dzinokwana 43, kusanganisira mepu nemachati. Munewo “Sumo,” ine rondedzero yayo yemabhuku mazhinji akashandiswa kuti shanduro yeBhaibheri iyi yakasiyana nedzimwe iitwe. Kana richiwanikwa mumutauro waunogona kunzwisisa, ita zvose zvaunogona kuti unyatsoziva zvinhu izvi uye zvishandise. Chero zvazviri, Bhaibheri ndipo pokutangira purogiramu yedu yokudzidza, uye muShanduro yeNyika Itsva, tine shanduro inosimbisa zvakarurama zita raMwari sezvainobudisa pachena kutonga kwaMwari kwoUmambo.—Pisarema 149:1-9; Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10.

20. Mibvunzo ipi maererano nokudzidza uri woga yava kuda mhinduro zvino?

20 Zvino, tingabvunza kuti: ‘Chiizve chatinoda kubatsirwa nacho kuti tinzwisise Bhaibheri? Mumwe nomumwe wedu angawanepi nguva yokudzidza ari oga? Tingaita sei kuti kudzidza kwedu kubatsire zvikuru? Kudzidza kwedu kunofanira kubatsira sei vamwe? Nyaya inotevera ichakurukura zvinhu izvi zvinokosha zvokufambira mberi kwedu kwechiKristu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Kubva muna 1979 ukoshi hwendarama hwave huchikwira nokudzika kubva pa$850,00 [Z$46 750,00] paaunzi muna 1980 kusvikira pa$252,80 *[Z$13 904,00] paaunzi muna 1999.

Unoyeuka Here?

• “Kufungisisa” zvinorevei?

• Tinofanira kunzwa sei nokudzidza Shoko raMwari?

• Mumwe nomumwe wedu anofanira kuva nevavariro yei pakudzidza Bhaibheri ari oga?

• Zvii zvatinazvo zvinoyamura kunzwisisa Bhaibheri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinozviona zvichisimbisa mumudzimu kutanga nokukurukura rugwaro rweBhaibheri zuva rimwe nerimwe

[Mifananidzo iri papeji 15]

Nguva inokosha inogona kushandiswa kuburikidza nokuteerera matepi eBhaibheri patinenge tichifamba

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vanhu vakashanda nesimba uye kwenguva yakareba kuti vawane ndarama. Unoisa simba rakawanda sei kuti udzidze Shoko raMwari?

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of California State Parks, 2002

[Mifananidzo iri papeji 17]

Bhaibheri ipfuma inogona kutungamirira kuupenyu husingaperi