Inguva Yakanaka Kwazvo Kuva Mupenyu
Inguva Yakanaka Kwazvo Kuva Mupenyu
PAUNOSANGANA nemamiriro ezvinhu anoedza, unokungura ‘mazuva ekare ainge akanaka here’? Kana uchidaro chifunga mashoko aMambo akachenjera Soromoni anoti: “Usati: Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko? Nokuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.”—Muparidzi 7:10.
Nei Soromoni akapa zano iri? Nokuti aiziva kuti kuona zvinhu sezvazvaiva chaizvo kare kunobatsira kwazvo kukunda mamiriro ezvinhu asingafadzi anenge aripo. Vaya vanokungura ‘mazuva ekare akanaka’ vangakanganwa chaizvoizvo kuti mazuva iwayo ainge akazarawo nezvinetso nematambudziko uye kuti upenyu hwakanga husina kumbonyatsonaka zvechokwadi. Zvimwe zvinhu zvekare zvingave zvaive zvakanaka, asi kutaura zvazviri zvimwewo zvingangove zvaive zvisina. Sokutaura kwakaita Soromoni, hazvina uchenjeri kuramba uchikungura zvisina kukodzera mazuva ekare, sezvo zviri pachena kuti hatigoni kudzorera nguva kumashure.
Zvingakuvadza here kukungura mazuva ekare? Zvingadaro, kana zvichititadzisa kuchinja uye kufambirana noupenyu hwazvino kana kuti zvichititadzisa kunzwisisa nokuonga nguva ino yatiri kurarama netariro inogona kuva yedu.
Kutaura zvazviri, ino ndiyo nguva yakanaka kwazvo kuva mupenyu, pasinei nezvinetso zvenyika zviri kuwedzera. Nei? Nokuti tava pedyo nokuzadzika kwechinangwa chaMwari chine chokuita nepasi redu uye zvikomborero zvokutonga kune rugare kwoUmambo hwake. Bhaibheri rinopikira kuti: “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4) Zvadaro, mamiriro ezvinhu paanenge ava nani kwazvo, hapana anozova nechikonzero chokukungura ‘mazuva ekare akanaka.’