Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzidza Tiri Toga Kunotishongedzera Sevadzidzisi

Kudzidza Tiri Toga Kunotishongedzera Sevadzidzisi

Kudzidza Tiri Toga Kunotishongedzera Sevadzidzisi

“Fungisisa pamusoro pezvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose. Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako.”—1 TIMOTI 4:15, 16.

1. Chii chiri chechokwadi nezvenguva nokudzidza tiri toga?

“CHINHU chimwe nechimwe chine musi wacho,” rinodaro Bhaibheri pana Muparidzi 3:1. Chokwadi, izvi ndizvo zvakaita kudzidza uri woga. Vakawanda vanoomerwa nokufungisisa zvinhu zvomudzimu kana isiri nguva yakakodzera kana kuti nzvimbo yakakodzera. Somuenzaniso, washanda zvakaoma uye wadya zvokudya zvakawanda, unganzwa uchida kudzidza here, kunyanya kana wakanyura zvako muchigaro chaunofarira chaizvo chomutefetefe uri pamberi peTV? Hazvingadaro. Saka zvingaitwa sei? Zviri pachena kuti tinoda kusarudza nguva nenzvimbo yokudzidzira tiine chinangwa chokubatsirwa zvikuru nezvatinodzidza.

2. Ndeipi inowanzova nguva yakanakisisa yokuti munhu adzidze oga?

2 Vakawanda vanoona kuti nguva yavo yakanakisisa yokudzidza mangwanani-ngwanani pavanenge vakachangamuka zvikuru. Vamwe vanoshandisa zororo remasikati kuti vadzidze kwenguva pfupi. Cherechedza kutaurwa kwenguva nokuda kwemabasa anokosha okunamata mumienzaniso inotevera. Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare akanyora kuti: “Ndinzwisei unyoro hwenyu mangwanani; nokuti ndinovimba nemi; ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo; nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.” (Pisarema 143:8) Muprofita Isaya akaratidzawo saizvozvo kunzwisisa kukosha kwazvo paakati: “Ishe Jehovha wakandipa rurimi rwavakadzidziswa, kuti ndizive kusimbisa vakaneta namashoko; unondimutsa mangwanani ose, unomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.” Chiripo apa ndechokuti tinofanira kudzidza tonyatsokurukurirana naJehovha apo pfungwa dzedu dzinenge dzakapinza, zvisinei nokuti inguva ipi yezuva.—Isaya 50:4, 5; Pisarema 5:3; 88:13.

3. Mamiriroi ezvinhu akanakira kudzidza zvinobudirira?

3 Chimwe chinhu chinobatsira pakudzidza zvinobudirira ndechokuti hatifaniri kusarudza kugara muchigaro chinonyatsotefetera kana kuti musofa. Iyi haisiyo nzira yokuti tirambe takangwarira. Patinenge tichidzidza, pfungwa dzedu dzinofanira kuitwa kuti dzimuke, uye kugara pakanyanyoita mutefetefe kunenge kunotokotsirisa. Chinodiwawo pakudzidza nokufungisisa runyararo rwakati uye kusatsauswa. Kuedza kudzidza, redhiyo kana TV ichirira, kana kuti vana vachiita ruzha hakuvi nemigumisiro yakanakisisa. Jesu paaida kufungisisa, akaenda kunzvimbo yakanyarara. Akataurawo nezvokukosha kwokuwana nzvimbo yakanyarara nokuda kwokunyengetera.—Mateu 6:6; 14:13; Mako 6:30-32.

Kudzidza Tiri Toga Kunotishongedzera Kupindura

4, 5. Bhurocha raAnodei rinonyatsobatsira munzira dzipi?

4 Kudzidza tiri toga kunogutsa apo tinoshandisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvinotiyamura kunzwisisa Bhaibheri pakuchera zvakati dzamei munyaya yakati, kunyanya patinoita kudaro kuti tipindure mibvunzo yomwoyo wose yomumwe munhu. (1 Timoti 1:4; 2 Timoti 2:23) Sepokutangira, vatsva vakawanda vari kudzidza bhurocha raMwari Anodei Kwatiri?, * iro rava kuwanikwa mumitauro 261. Ibhurocha riri nyore kwazvo asi rakajeka rinongotaura zveBhaibheri chete. Rinobatsira vaverengi varo kukurumidza kunzwisisa kuti zvinodiwa naMwari pakunamata kwechokwadi ndezvipi. Zvisinei, nemhaka youduku hwaro harina nzvimbo yokuti nyaya imwe neimwe inyatsokurukurwa zvakadzama. Kana mudzidzi wako weBhaibheri akabvunza mibvunzo inokosha maererano nedzimwe nyaya dzeBhaibheri dziri kukurukurwa, ungatsvaka sei mashoko akawanda achamubatsira kupindura mibvunzo iyoyo?

5 Kune vaya vane Watchtower Library iri paCD-ROM mumutauro wavo, zviri nyore kuwana mabhuku akawanda kwazvo anopa mashoko pakombiyuta. Asi zvakadini nevanhu vaya vasina mudziyo uyu? Ngationgororei misoro miviri inokurukurwa mubhurocha raAnodei kuti tione kuti tinogona sei kuwedzera kunzwisisa kwedu tokwanisa kupindura nemashoko akakwana—kunyanya kana mumwe munhu akabvunza mubvunzo wokuti, Mwari ndiani, uye Jesu akanga akanyatsoita sei?—Eksodho 5:2; Ruka 9:18-20; 1 Petro 3:15.

Mwari Ndiani?

6, 7. (a) Mubvunzo upi unobvunzwa maererano naMwari? (b) Chii chinokosha kwazvo chisina kutaurwa nomumwe mufundisi muhurukuro?

6 Chidzidzo 2 mubhurocha raAnodei chinopindura mubvunzo iwoyo unokosha wokuti, Mwari ndiani? Ichi chinhu chinokosha nokuti munhu haanganamati Mwari wechokwadi kana asingazivi Mwari wacho kana kuti zvichida asina chokwadi nokuvapo Kwake. (VaRoma 1:19, 20; VaHebheru 11:6) Kunyange zvakadaro, pasi pose vanhu vanodavira zvakasiyana-siyana pamusoro pokuti Mwari ndiani. (1 VaKorinde 8:4-6) Uzivi hwoga hwoga hwechitendero hune mhinduro yakasiyana yomubvunzo wokuti Mwari ndiani. MuchiKristudhomu zvitendero zvakawanda zvinoona Mwari soUtatu. Mumwe mufundisi akakurumbira wokuUnited States akapa hurukuro ine musoro unoti “Unoziva Mwari Here?” asi haana paakambotaura zita raMwari muhurukuro yacho, kunyange zvazvo akatora mashoko muMagwaro echiHebheru kanoverengeka. Iye akaverenga muBhaibheri raishandisa “Ishe” uyo anogona kureva zvakawanda panzvimbo paJehovha kana kuti Yahwe.

7 Mufundisi iyeye akarega kutaura chinhu chinokosha kwazvo paakatora mashoko aJeremia 31:33, 34 inoti: “‘Munhu wose haazodzidzisi muvakidzani wake, uye munhu wose hama yake, achiti, “Ziva Ishe” [chiHebheru, “Ziva Jehovha”], nokuti vose vachandiziva, kubva kune muduku wavo kusvika kune mukuru wavo,’ anodaro Ishe [chiHebheru, Jehovha].” Bhaibheri raakashandisa rakasiya zita raMwari rinomutsauranisa nevamwe, rokuti Jehovha.—Pisarema 103:1, 2.

8. Chii chinoratidza kukosha kwokushandisa zita raMwari?

8 Pisarema 8:9 rinoratidza chikonzero nei kushandiswa kwezita raMwari kuchikosha kwazvo, richiti: “Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!” Enzanisa izvozvo neizvi: “Haiwa ISHE, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!” (King James Version; onawo Bhaibheri Rinoera) Asi, sezviri munyaya yakapfuura, tinogona kuwana “zivo yaMwari” kana tikabvumira Shoko rake kutijekesera. Asi ibhuku ripi rinobatsira kudzidza Bhaibheri richakurumidza kupindura mibvunzo yedu maererano nokukosha kwezita raMwari?—Zvirevo 2:1-6.

9. (a) Ibhurocha ripi rinogona kutibatsira kutsanangura kukosha kwokushandisa zita raMwari? (b) Vashanduri vakawanda vakatadza sei kuratidza kuremekedza zita raMwari?

9 Tinogona kuenda kubhurocha rinonzi Zita raMwari Richagara Nokusingaperi, iro rakashandurirwa mumitauro 69. * Chikamu chine musoro unoti “Zita raMwari—Revo Yaro Nokududzwa Kwaro” (mapeji 6-11) chinoratidza zvakajeka kuti mabhii mana echiHebheru anomirira zita raMwari anowanikwa kanenge ka7 000 mumagwaro echiHebheru ekare. Asi, vafundisi nevashanduri vechiJudha nechiKristudhomu vakaasiya mushanduro dzavo dzeBhaibheri dzakawanda. * Vangati vanoziva Mwari vova noukama hunogamuchirika naye sei kana vachiramba kumudana nezita rake? Zita rake rechokwadi rinovhura nzira yokunzwisisa zviri zvinangwa zvake uye kuti iye ndiani. Uyezve, chikamu chomunyengetero waJesu wokuenzanisira chinoti “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe” chinokosha pakudini kana zita raMwari risingatomboshandiswi?—Mateu 6:9; Johani 5:43; 17:6.

Jesu Kristu Ndiani?

10. Inzirai dzatinganzwisisa nadzo zvizere upenyu noushumiri hwaJesu?

10 Chidzidzo 3 mubhurocha raAnodei chine musoro unoti “Jesu Kristu Ndiani?” Mundima nhanhatu chete, rinopa rondedzero pfupi yaJesu, mavambo ake, uye chinangwa chake chokuuya pasi pano. Zvisinei, kana uchida nhoroondo yakazara youpenyu hwake, hapana iri nani kupfuura yaMunhu Mukurusa Ati Amborarama, iro rinowanikwa mumitauro 111, kunze kwenhoroondo dzeEvhangeri pachadzo. * Bhuku iri rinopa nhoroondo youpenyu nedzidziso dzaJesu, zvakarongwa maererano nenguva yazvakaitika, zvichibva muEvhangeri ina. Zvitsauko zvaro 133 zvinotaura zviitiko zvoupenyu hwaJesu noushumiri. Kana uchida kuita zvokuongorora kwakasiyana, ungatarira muInsight, Vhoriyamu 2, pasi pomusoro unoti “Jesus Christ.”

11. (a) Chii chinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvisiyane nevamwe pane zvavanotenda maererano naJesu? (b) Magwaro api eBhaibheri anonyatsoratidza kuti dzidziso yoUtatu ndeyenhema, uye ibhurocha ripi rinobatsira panyaya iyi?

11 MuchiKristudhomu gakava maererano naJesu riri pakuti iye “Mwanakomana waMwari” uye ndi“Mwari Mwanakomana” here—nemamwe mashoko, gakava pamusoro pezvinodanwa neCatechism of the Catholic Church kuti “chakavanzika chikuru chokutenda kwechiKristu,” Utatu. Zvichisiyana nezvitendero zvechiKristudhomu, Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti Jesu akasikwa naMwari uye haasi Mwari. Kutsanangurwa kwakanaka kwazvo kwenyaya iyi kunowanikwa mubhurocha rinonzi Unofanira Kudavira Utatu Here?, rakashandurirwa mumitauro 95. * Pakati pemagwaro akawanda arinoshandisa kuratidza kuti dzidziso yoUtatu ndeyenhema pana Mako 13:32 na1 VaKorinde 15:24, 28.

12. Ndeipi mimwe mibvunzo yatinofanira kufunga nezvayo?

12 Zviri kukurukurwa pamusoro apa maererano naMwari naJesu Kristu zvinoshanda kuratidza nzira dzatinogona kudzidza nadzo tiri toga tichifunga nezvokubatsira vasingazivi chokwadi cheBhaibheri kuwana zivo yakarurama. (Johani 17:3) Zvisinei, zvakadini nevaya vakasonganira neungano yechiKristu kwemakore akawanda? Noruzivo rwavo rweBhaibheri rwavakaunganidza, vachiri kufanira kufunga nezvokudzidza Shoko raJehovha vari voga here?

Nei Tichifanira ‘Kuramba Tichizvichenjerera’?

13. Vamwe vangava nemaoneroi asina kururama okudzidza vari voga?

13 Vamwe vave vari nhengo dzeungano kwemakore akawanda vangapinda mutsika yokungovimba nezivo yeBhaibheri yavakawana mumakore avo mashomanana okutanga seZvapupu zvaJehovha. Zviri nyore kufunga kuti: “Handifaniri kudzidza zvakawanda sezvinoita vatsva. Pamusoro pazvo, funga kuti ndakaverenga Bhaibheri rose nemabhuku eBhaibheri kangani mumakore ose aya.” Izvi zvingava zvakafanana nokuti: “Handifaniri kunetseka nokuti ndinodya zvakawanda sei iye zvino, nokuti funga zvokudya zvose zvandakadya kare.” Tinoziva kuti muviri unoda kugara uchidyiswa zvokudya zvinovaka, zvakagadzirwa zvakanaka, kuitira kuuchengeta une utano uye wakasimba. Izvozvo ndezvechokwadi zvikuru sei nezvokuchengetedza utano hwedu nesimba zvomudzimu!—VaHebheru 5:12-14.

14. Nei tichifanira kuramba tichizvichenjerera?

14 Naizvozvo, tose zvedu, tingava tiri vadzidzi veBhaibheri venguva refu kana kuti kwete, tinofanira kuteerera zano raPauro kuna Timoti, uyo panguva iyoyo akanga ava mutariri akakura mumudzimu, ane mitoro, rokuti: “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.” (1 Timoti 4:15, 16) Nei tichifanira kufungisisa zano raPauro? Yeuka, Pauro akataurawo kuti tinorwisana “nemanomano aDhiyabhorosi” uye“nemasimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga.” Uye muapostora Petro akanyevera kuti Dhiyabhorosi ari “kutsvaka kudya mumwe munhu,” uye “mumwe munhu” iyeye anogona kuva chero ani wedu. Kuvarairwa kwedu kunogona kuva ndiwo mukana chaiwo waari kutsvaka.—VaEfeso 6:11, 12; 1 Petro 5:8.

15. Chii chatinacho chinotidzivirira mumudzimu, uye tingaramba tichichitarisira sei?

15 Saka chii chatinacho chinotidzivirira? Muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti: “Torai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari, kuti mukwanise kudzivisa pazuva rakaipa uye, kumira makasimba pashure pokunge maita zvinhu zvose kwazvo.” (VaEfeso 6:13) Kushanda kwenhumbi dzokurwa nadzo idzodzo hakungotsamiri pane zvadzanga dziri pakutanga asiwo pakugara kwadzo dzichitarisirwa. Naizvozvo, nhumbi dzakakwana idzodzo dzinobva kuna Mwari dzinofanira kusanganisira zivo yazvino yeShoko raMwari. Izvi zvinoratidza kukosha kwokuti tirambe tine nzwisiso yechokwadi chinoziviswa naJehovha kuburikidza neShoko rake uye kuburikidza neboka romuranda akatendeka, akangwara. Kudzidza Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri uri woga nguva dzose kunokosha kuti titarisire nhumbi dzedu dzomudzimu dzokurwa nadzo.—Mateu 24:45-47; VaEfeso 6:14, 15.

16. Chii chatingaita kuti tive nechokwadi chokuti “nhoo [yedu] huru yokutenda” iri kushanda zvakanaka?

16 Pauro anotaura nezve“nhoo huru yokutenda” sechinhu chinokosha chenhumbi dzokuzvidzivirira nadzo, chatinogona kuvhara nokudzima nacho zvombo zvinokandwa zvaSatani zvokupomera kwenhema nedzidziso dzakatsauka. (VaEfeso 6:16) Saka zvinokosha kuti tiongorore masimbiro akaita nhoo yedu yokutenda nematanho atinotora kuti tiitarisire nokuisimbisa. Somuenzaniso, ungabvunza kuti: ‘Ndinogadzirira sei kudzidza Bhaibheri vhiki nevhiki ndichishandisa Nharireyomurindi? Ndakadzidza zvakakwana here kuti ndikwanise ‘kunyandurira kurudo nemabasa akanaka kwazvo’ nokupa mhinduro dzakanyatsofungwa pandinenge ndiri pamusangano? Ndinovhura Bhaibheri ndoverenga magwaro akaratidzwa asi asina kutorwa mashoko here? Ndinokurudzira vamwe nokushingairira kwangu kuva nezvokuita mumisangano here?’ Zvokudya zvedu zvomudzimu zvikukutu, uye zvinofanira kunyatsogayiwa kuti tibatsirwe zvizere.—VaHebheru 5:14; 10:24.

17. (a) Uturu hupi huri kuedza kushandiswa naSatani kukuvadza kunamata kwedu? (b) Mushonga wouturu hwaSatani chii?

17 Satani anoziva utera hwenyama yevanhu vasina kukwana, uye manomano ake haasi pachena. Imwe nzira yaanoparadzira nayo kupesvedzera kwake kwakaipa ndeyokuita kuti zvinonyadzisira zviwanikwe zviri nyore kwazvo paTV, Indaneti, mavhidhiyo, nemabhuku akadhindwa. Vamwe vaKristu vakabvumira uturu uhwu kupinda munhumbi dzavo dzokudzivirira dzisina kusimba, uye zvakatungamirira kukurasikirwa neropafadzo muungano kana kuti kunyange migumisiro yakatoipa kupfuura iyoyi. (VaEfeso 4:17-19) Mushonga wouturu hwomudzimu hwaSatani chii? Mumwe nomumwe wedu haafaniri kuregeredza kudzidza Bhaibheri oga, misangano yedu yechiKristu, nenhumbi dzedu dzose dzokurwa nadzo dzinobva kuna Mwari. Pamwe chete, izvozvi zvinotipa mano okusiyanisa zvakarurama nezvisina kururama uye kuvenga izvo zvinovengwa naMwari.—Pisarema 97:10; VaRoma 12:9.

18. “Bakatwa romudzimu” ringatibatsira sei muhondo yedu yomudzimu?

18 Kana tikaramba tine tsika dzedu dzokudzidza Bhaibheri nguva dzose, hatizongovi nezvokudzivirira nazvo zvakasimba zvatinowana kuburikidza nezivo yedu yakarurama yeShoko raMwari asiwo zvokurwisa nazvo zvinoshanda kuburikidza “nebakatwa romudzimu, iro, shoko raMwari.” Shoko raMwari “rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, nemapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.” (VaEfeso 6:17; VaHebheru 4:12) Kana tikava nyanzvi pakushandisa “bakatwa iroro,” ipapo patinotarisana nemiedzo, tichakwanisa kucheka zvinoratidzika sezvisingakuvadzi, kana kuti zvinotofadza, tozvibudisa pachena kuti iwoyo musungo unouraya wowakaipa. Dura redu rezivo yeBhaibheri nenzwisiso richatibatsira kuramba zvakaipa toita zvakanaka. Saka tose zvedu tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Munondo wangu wakapinza here kana kuti wakagomara? Ndinonetseka here kuyeuka magwaro eBhaibheri anosimbisa zvombo zvokurwisa nazvo?’ Ngatirambei tine tsika dzedu dzakanaka dzokudzidza Bhaibheri tiri toga uye nokudaro todzivisa Dhiyabhorosi.—VaEfeso 4:22-24.

19. Chii chatingabatsirwa nacho kana tikanyatsodzidza tiri toga?

19 Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari ave anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.” Kana tikafungisisa mashoko aPauro kuna Timoti, tinogona kusimbisa kunamata kwedu pachedu uye tinogona kuita kuti ushumiri hwedu hubudirire zvikuru. Vakuru vechiKristu nevashumiri vanoshumira vanogona kubatsira zvikuru ungano, uye tose tinogona kuramba takasimba mukutenda.—2 Timoti 3:16, 17; Mateu 7:24-27.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Kazhinji kacho, munhu mutsva anofarira uyo anodzidza bhurocha raAnodei anozodzidza bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, ose akabudiswa neJehovah’s Witnesses. Mazano ari kupiwa pano achabatsira kubvisa zvipingamupinyi zvinotadzisa kufambira mberi mumudzimu.

^ ndima 9 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Vaya vane Insight on the Scriptures mumutauro wavo vanogona kutarira Vhoriyamu 2, pasi pomusoro unoti “Jehovah.”

^ ndima 9 Shanduro dzakati kuti dzechiSpanish nedzechiCatalonia ndiyo mienzaniso mikuru mukushandura kwadzo mabhii mana echiHebheru, dzichishandisa “Yavé,” “Yahveh,” “Jahvè,” uye “Jehová.”

^ ndima 10 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 11 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Mamiriroi ezvinhu anobatsira kuti tidzidze tiri toga zvinobudirira?

• Chikanganisoi chinoitwa neshanduro dzeBhaibheri dzakawanda maererano nezita raMwari?

• Magwaro api eBhaibheri aungashandisa kuratidza kuti dzidziso yoUtatu ndeyenhema?

• Chii chatinofanira kuita kuti tizvidzivirire pamanomano aSatani, kunyange kana tave tiri vaKristu vechokwadi kwemakore akawanda?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 19]

Kuti udzidze woga zvinobudirira, unoda nzvimbo yakanaka isina zvinodzo- ngonyedza

[Mifananidzo iri papeji 23]

“Bakatwa” rako rakapinza here kana kuti rakagomara?