Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupa Kusvikira Zvava Kukurwadza

Kupa Kusvikira Zvava Kukurwadza

Kupa Kusvikira Zvava Kukurwadza

“MUNOGONA kunditi mupemhi; handina basa nazvo. Ndiri kupemhera Jesu.” Mashoko iwayo ane simba omufundisi wechiPurotesitendi anoratidza gakava rinogaroitwa maererano nokutsigira chitendero nemari. Chitendero chakarongwa chinoita sechinokwanisa kuramba chiripo kana bedzi chikawana mari yakawanda. Pane vanoda kubhadharwa mari, temberi dzinoda kuvakwa uye kutarisirwa, mabasa okuparidza evhangeri anoda kutsigirwa nemari. Mari yacho inodiwa ingawanikwa sei?

Nokuda kwemachechi akawanda, mhinduro yacho ndeyokupa chegumi. * “Kupa chegumi inzira yaMwari yokutsigira nemari umambo Hwake pasi pano,” anodaro muevhangeri anonzi Norman Robertson. “Ndiyo nzira Yake yokutarisira nayo zvinhu inoita kuti Evhangeri iparidzwe.” Asinganyari kuyeuchidza vateveri vake nezvomutoro wavo wokupa, anosimbisa kuti: ‘Kupa chegumi hachisi chinhu chaunoita nemhaka yokuti unokwanisa kupa. Chiito chokuteerera. Kusapa chegumi kuputswa kuri pachena kwemitemo yaMwari. Kuba.’—Tithing—God’s Financial Plan.

Zvimwe ungangobvuma kuti kupa kunofanira kuitwawo pakunamata kwechiKristu. Zvisinei, unoona kuramba uchikumbirwa mari kuchivhiringidza, zvichida kuchitogumbura here? Nyanzvi yezvechitendero yokuBrazil, Inácio Strieder, anopa machechi mhosva yokusarudza kushandisa chegumi kuti “agadzirise zvinetso zvawo zvechechi” uye miitiro yakadaro anoiti “haisi pamutemo, uori, uye kutsauka padzidziso dzechitendero.” Anoti mugumisiro wacho ndewokuti “vanhu vasingashandi, chirikadzi, varombo, uye vaya vasingakwanisi kushandisa pfungwa zvakanaka vanogumisa vachiti Mwari avasiya uye kuti vanosungirwa kupa ‘mufundisi’ zvakawandisa zvokuti mhuri dzavo dzinofa nenzara.”

Ungashamisika kuti: ‘Machechi anomanikidza kupa chegumi ari kushandisa Magwaro nomazvo here? Kana kuti zvimwe zvitendero zviri kushandisa kutya kurangwa naMwari kuti zvikorovhere makwai here? Chaizvoizvo, Mwari anotitarisira kupa kusvikira zvava kutirwadza here, sezvingataura vamwe?’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Chegumi chave chichirondedzerwa sezvikamu gumi kubva muzana zvemari yose inowanikwa nomunhu kubva mukushanda kwaanoita.