Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kwatakanoshanda Tiri Mamishinari Ndiko Kwakava Musha Wedu

Kwatakanoshanda Tiri Mamishinari Ndiko Kwakava Musha Wedu

Nyaya Youpenyu

Kwatakanoshanda Tiri Mamishinari Ndiko Kwakava Musha Wedu

YAKATAURWA NADICK WALDRON

Aiva masikati eSvondo muna September 1953. Takanga tichangobva kusvika muSouth-West Africa (yava kunzi Namibia). Takanga tava munyika yacho kweisingadariki vhiki uye takanga tava kuda kuita musangano wavose muguta racho reWindhoek. Chii chakanga chaita kuti tibve kuAustralia kuuya munyika iyi yeAfrica? Ini nomudzimai wangu, nevamwe vakadzi vechiduku vatatu, takanga tauya tiri mamishinari emashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mateu 24:14.

UPENYU hwangu hwakatangira kune rumwe rutivi ruri kure rwenyika, kuAustralia, mugore rakakurumbira ra1914. Ndaiva wechiduku pakaitika Great Depression, uye ndaifanira kuitawo chimwe chinhu kuti mhuri irambe ichirarama. Kwainge kusina basa, asi ndakatsvaka nzira yokuvhima nayo tsuro, idzo dzainge dzakawanda muAustralia. Nokudaro, chimwe chinhu chandainyanya kupawo pazvokudya zvemhuri yaiva nyama yetsuro yandaiunza nguva dzose.

Pakazotanga hondo yenyika yechipiri muna 1939, ndakanga ndakwanisa kuwana basa rokushanda mumichovha uye mumabhazi muguta reMelbourne. Mumabhazi maishanda varume 700 vaichinjana, uye pakuchinjana kwoga kwoga ndaisangana nomutyairi mutsva kana kondakita. Ndaiwanzovabvunza kuti, “Chitendero chenyu ndechipi?” ndovaita kuti vatsanangure zvavaitenda. Munhu chete aindipa mhinduro dzaigutsa aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akanditsanangurira shoko romuBhaibheri nezvepasi rinenge riri paradhiso, muchagarwa nokusingaperi nevanhu vanotya Mwari.—Pisarema 37:29.

Panguva iyoyi, amai vakaonanawo neZvapupu zvaJehovha. Kazhinji, pandaidzoka kubva kubasa hwava usiku, ndaiona zvokudya zvangu zviri pamwe chete nekopi yemagazini yeConsolation (yava kunzi Mukai!). Ndakafarira zvandaiverenga. Nokufamba kwenguva, ndakagumisa kuti ichi chaiva chitendero chechokwadi, uye ndakabva ndanyanya kusonganira neungano ndokubhabhatidzwa muna May 1940.

MuMelbourne maiva nomusha wemapiyona, waigara vashumiri venguva yakazara 25 veZvapupu zvaJehovha. Ndakaenda kunogara navo. Zuva nezuva ndaiteerera zvinhu zvinofadza zvavaisangana nazvo mubasa rokuparidza, uye mumwoyo mangu ndakava nechido chokushandawo navo. Pakupedzisira, ndakanyorera basa roupiyona. Ndakabvumirwa ndokudanwa kunoshanda kuhofisi yebazi reAustralia reZvapupu zvaJehovha. Saka ndakava nhengo yemhuri yeBheteri.

Kuiswa Mujeri uye Kurambidzwa

Rimwe remabasa andaiita paBheteri raiva rokushandisa muchina wokudimbura matanda. Mubasa iri taidimbura matanda okugadzirisa marasha okushandisa kutsiva peturu. Iwaya aishandiswa nemotokari dzebazi nokuti peturu yokutenga yaiva shoma pamusana pehondo. Taiva 12 vaishanda pamuchina wokudimbura matanda, tose taifanira kumboshanda muchiuto. Hapana kutora nguva refu tisati tatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu pamusana pokuramba kwedu kuita basa rechiuto nechikonzero chezviri muBhaibheri. (Isaya 2:4) Takaendeswa kupurazi rejeri rinoshandisa vanhu zvokumanikidza. Vakatipa basa rei? Takashamisika kuti taifanira kudimbura huni, basa chairo ratainge tadzidziswa kuBheteri!

Taidimbura huni zvakanaka kwazvo zvokuti gavhuna wejeri racho akatipa Bhaibheri nemabhuku edu eBhaibheri, pasinei nemirayiridzo yakasimba yokuti tisawane zvinhu zvakadaro. Iyi ndiyo nguvawo yandakadzidza chidzidzo chinokosha muukama hwangu nevanhu. Pandaishanda kuBheteri, kwaiva neimwe hama yandakatadza kuwirirana nayo. Unhu hwedu hwakanga hwakanyatsosiyana. Asi, unofunga kuti ndakaiswa naani mukamuri rimwe chete mujeri? Chokwadi, nehama iyo iya. Iye zvino takanga tanyatsova nenguva yokuzivana, uye takaguma tava noushamwari hwepedyo nohwechigarire.

Nokufamba kwenguva, basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa muAustralia. Mari yose yakatorwa, uye hama dzokuBheteri dzaiva nezvishoma mune zvemari. Pane imwe nguva, mumwe wavo akauya kwandiri ndokuti: “Dick, ndinoda kuenda muguta kunoparidza, asi handina shangu, ndine majombo chete.” Ndakafara kumubatsira, uye akaenda kuguta akapfeka shangu dzangu.

Pava paya, shoko rakasvika rokuti akanga asungwa uye aiswa mujeri pamusana pokuparidza. Ndakanzwa ndichingoda kumunyorera katsamba kokuti: “Ndine urombo newe. Sezvineiwo handisi ini ndanga ndakapfeka shangu idzodzo.” Asi ini ndakabva ndazosungwawo ndokuiswa mujeri kechipiri pamusana pokusatsigira kwangu zvechiuto. Ndabudiswa, ndakapiwa basa rokutarisira purazi raibva zvokudya zvemhuri yeBheteri. Panguva iyoyo takanga takunda mudare, uye basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rava kutenderwa.

Kuroora Muevhangeri Anoshingaira

Ndiri papurazi, ndakatanga kufungisisa zvokuroora ndokubva ndakwezvewa neimwe hanzvadzi yechiduku piyona, Coralie Clogan. Ambuya vaCoralie ndivo vaive vokutanga mumhuri yavo kufarira shoko reBhaibheri. Vava kuda kufa, vakanga vataurira amai vaCoralie, Vera kuti: “Rera vana vako kuti vade uye vashumire Mwari, uye rimwe zuva tichasangana mupasi rinenge rava Paradhiso.” Gare gare, mumwe piyona paakasvika pamba paVera aine kabhuku kanonzi Millions Now Living Will Never Die (Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haachazombofi), mashoko aye akatanga kuva nezvaanoreva. Kabhuku kacho kakaita kuti Vera abvume kuti chaiva chinangwa chaMwari kuti vanhu vararame mupasi rinenge riri paradhiso. (Zvakazarurwa 21:4) Akabhabhatidzwa kutanga kwema1930, uye akaita sezvaakanga akurudzirwa naamai vake, akabatsira vanasikana vake vatatu—Lucy, Jean, naCoralie—kuti vatange kuda Mwari. Zvisinei, baba vaCoralie, vaive vasingafariri kwazvo zvaitendwa nemhuri yavo, sezvakanyeverwa naJesu chaizvo kuti zvingaitika mumhuri.—Mateu 10:34-36.

Mhuri yekwaClogan yaiva nechipo chokuimba; mwana mumwe nomumwe aiva nechake chaairidza. Coralie airidza gitare, uye muna 1939, aine makore 15, akapiwa mubayiro wedhipuroma rokuimba. Kugundika kweHondo Yenyika II kwakaita kuti Coralie afungisise remangwana rake. Nguva yakanga yasvika yokuti asarudze zvaaizoita noupenyu hwake. Mukana waivepo wokuti aite basa rokuimba. Akanga atokumbirwa kuimba neMelbourne Symphony Orchestra. Ukuwo, paiva nomukana wokuti apedzere nguva yake mubasa guru rokuparidza mashoko oUmambo. Anyatsofungisisa, Coralie nevakoma vake vaviri vakabhabhatidzwa muna 1940 ndokugadzirira kupinda mubasa renguva yakazara rouevhangeri.

Coralie akanga achangobva kusarudza zvoushumiri hwenguva yakazara paakasvikwa neimwe hama yaiva nomutoro yokubazi reAustralia, Lloyd Barry, akazoshumira senhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Akanga achangopedza kupa hurukuro yake muMelbourne paakati kuna Coralie: “Ndiri kudzokera kuBheteri. Haungadi here kuti tidzoke tose nechitima wova mumwe wemhuri yeBheteri?” Akabvuma nechido.

Coralie nedzimwe hanzvadzi dzemhuri yeBheteri vakaita basa rinokosha kwazvo mukupa mabhuku eBhaibheri kuhama dzaiva muAustralia munguva yokurambidzwa mumakore ehondo. Chaizvoizvo ndivo vaiita basa rakawanda rokudhinda, vachitarisirwa naHama Malcolm Vale. Mabhuku aThe New World naChildren (Nyika Itsva, naVana) aidhindwa nokubhaindwa, uye hapana kana nemagazini imwe isina kubuda mumakore anodarika maviri okurambidzwa.

Muchini wokudhinda waifanira kuchinjwa nzvimbo ka15 kuitira kuti usaonekwe nemapurisa. Pane chimwe chiitiko, mabhuku eBhaibheri aidhindirwa muimba yepasi yechimwe chivako chaidhindirwawo zvimwe kuitira kubata kumeso. Hanzvadzi yaiva munogamuchirwa vaeni yaigona kudzvanya bhatani rairidza bhero raiva muimba iyi yepasi kana pava nengozi ipi neipi yaida kuitika, zvokuti hanzvadzi dzaiva imomo dzaikwanisa kuviga mabhuku munhu upi noupi asati atanga kuongorora.

Pane imwe nguva yaiitwa ongororo iyi, dzimwe hanzvadzi dzakatya padzakaziva kuti kopi yeNharireyomurindi yaiva iri pamusoro petafura painyatsoonekwa nevanhu vose. Mupurisa akapinda, ndokuisa bhirifikesi yake pamusoro chaipo peNharireyomurindi, uye akatanga kutsvaka. Asina chaawana, akasimudza bhirifikesi yake ndokubuda!

Pakwakanga kusisina kurambidzwa uye bazi radzorerwazve kuhama, hama dzakawanda dzakapiwa mukana wokuenda kunoshanda mumunda semapiyona chaiwo. Ndipo pakazvipira Coralie kuenda kuGlen Innes. Ndakabatana naye ikoko patakaroorana musi waJanuary 1, 1948. Patakazobva munzvimbo iyoyo, makanga maumbwa ungano yaibudirira.

Imwe nzvimbo yatakazogoverwa yaiva Rockhampton, asi hatina kumbowana pokugara ikoko. Saka takadzika tende pane imwe nzvimbo mupurazi romumwe munhu aifarira. Tende iyoyo ndiyo yaizova imba yedu kwemwedzi mipfumbamwe yakatevera. Ingadai yakagara kwenguva refu, asi pakasvika mwaka wemvura, dutu rine mvura zhinji rakabvarura tende yacho kuiita mamvemve, uye madzvotsvotsvo emvura akaiyeredza. *

Kutamira Kune Imwe Nyika

Tiri muRockhampton, takatambira tsamba yaitikoka kupinda kirasi yechi19 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chokudzidzisa mamishinari. Ndiwo maendero atakaita kune yaimbozivikanwa seSouth-West Africa, pashure pokunge tapedza kudzidza muna 1952.

Vasingadyi manonoko, vafundisi vechiKristudhomu vakaratidza manzwiro avo nezvebasa redu roumishinari. Svondo yoga yoga kwemavhiki matanhatu akatevedzana, vakayambira ungano dzavo nezvedu pachikuva chavo. Vakaudza vanhu kuti vasativhurire misuo uye kuti vasatibvumire kuverenga Bhaibheri, sezvo zvaizovavhiringidza. Mune imwe nzvimbo, takagovera mabhuku akawanda, asi mufundisi akatitevera imba imwe neimwe ndokuatora. Rimwe zuva takakurukura nomufundisi wacho maanoverengera ndokuona kuti aiva nemabhuku edu akawanda.

Hazvina kutora nguva refu zviremera zvomunzvimbo iyoyo zvisati zvatangawo kuratidza kunetseka nezvemabasa edu. Hapana mubvunzo kuti nokukurudzira kwevafundisi, vakafungira kuti taive takabatana nevaCommunist. Saka takatorwa mafingapirindi, uye vamwe vanhu vatakashanyira vakabvunzurudzwa. Pasinei nokushora kwose uku, vaipinda misangano yedu vakaramba vachiwedzera.

Kubvira patakatanga kugara ikoko, takava nechido chikuru chokuparadzira mashoko eBhaibheri kuzvizvarwa zvemo vaOvambo, vaHerero, uye vaNama. Zvisinei, izvi zvakanga zvisiri nyore. Kare mumazuva iwayo, South-West Africa yakanga yava pasi poudzori hwehurumende yorusaruro yeSouth Africa. Sezvo taiva varungu, takanga tisingabvumirwi kupupura munzvimbo dzevatema tisina kuwana gwaro rehurumende rinobvumira. Nguva nenguva, tainyorera, asi zviremera zvaingoramba.

Papera makore maviri tiri munyika iyoyo, pakaitika zvatainge tisingafungiri. Coralie akanga abata pamuviri. Muna October 1955, mwanasikana wedu, Charlotte, akazvarwa. Kunyange zvazvo takanga tisingachakwanisi kuramba tiri mamishinari, ndakakwanisa kuwana basa renguva isina kuzara ndokuramba ndiri piyona kwenguva yakati.

Mhinduro Yeminyengetero Yedu

Muna 1960 takasangana nechimwe chipingamupinyi. Coralie akatambira tsamba yaiti amai vake vakanga vachirwara zvikuru zvokuti dai Coralie aisazoenda kumusha, zvaigona kuita kuti asazombovaonazve. Saka takaronga kubva muSouth-West Africa ndokudzokera kuAustralia. Zvakabva zvaitika kuti—vhiki chaiyo yatakanga toda kuenda, ndakatambira gwaro raibva kuzviremera zvomunzvimbo iyoyo raitibvumira kupinda mumusha wevatema, unonzi Katutura. Taizoitei zvino? Taizodzorera here gwaro remvumo ratakamboshupikira kwemakore manomwe? Zvaiva nyore kufunga kuti vamwe vaizongopfuudzira patainge tasiyira. Asi ichi chakanga chisiri chikomborero chaibva kuna Jehovha here, mhinduro kuminyengetero yedu?

Ndakakurumidza kusarudza. Ini ndaizosara, sezvo taityira kuti kutamburira kwatainge taita kuti tiwane mvumo yokugara zvachose kwaizokanganisika dai tose taizoenda kuAustralia. Zuva rakatevera, ndakakanzura kukwira chikepe ndokuita kuti Coralie naCharlotte vaende kuAustralia kwezororo rakareba.

Pavainge vasipo, ndakatanga kupupura kuvagari vomumusha wevatema. Kufarira kwakaratidzwa kwaiva kukuru. Coralie naCharlotte pavakadzoka, vanhu vanoverengeka vomumusha wevatema vakanga vava kupinda misangano yedu.

Panguva iyi, ndakanga ndava nemotokari yekare yaindigonesa kuunza vanhu vanofarira kumisangano. Ndaiita nzendo ina kana shanu nokuda kwomusangano woga woga, ndichitakura vanhu vanomwe, vasere, kana vapfumbamwe parwendo. Paiburuka munhu wokupedzisira, Coralie aiita jee obvunza kuti: “Vakawanda zvakadini vachiri pasi pechigaro?”

Kuti tibudirire kwazvo mubasa rokuparidza, taida mabhuku mumutauro wevanhu vomunzvimbo iyoyo. Saka ndakava neropafadzo yokuronga kuiswa kweturakiti raLife in a New World mumitauro mina yomunzvimbo yacho: Herero, Nama, Ndonga, uye Kwanyama. Vashanduri vacho vaiva vanhu vakadzidza vataidzidza navo Bhaibheri, asi ndaifanira kugara navo pasi kuti ndibate chokwadi kuti mutsetse woga woga wakashandurwa zvakanaka. Nama mutauro une mashoko mashoma. Somuenzaniso, ndaida kubudisa pfungwa iyi: “Pakutanga Adhamu aiva munhu alakwana.” Mushanduri akakwenya musoro wake ndokuti akanga asingachayeuki shoko rechiNama rinoreva “kukwana.” “Ndariwana,” akadaro pakupedzisira. “Pakutanga Adhamu akanga akaita sepichisi rakaibva.”

Kugutswa Nenyika Yatakagoverwa Kushanda

Kwadarika makore 49 kubvira patakasvika munyika ino, yava kunzi Namibia. Hazvisisina basa iye zvino kutanga wawana mvumo yokupinda mumisha yevatema. Namibia yava kutongwa nehurumende itsva ine bumbiro risiri rorusarura ganda. Nhasi, muWindhoek tine ungano huru ina dzinosangana muDzimba dzoUmambo dzakanaka.

Tinowanzofunga mashoko atakanzwa kuGilead anoti: “Itai nzvimbo yamakagoverwa kushanda musha wenyu.” Kubva mumaitiro ayo Jehovha aita nawo zvinhu, tine chokwadi chokuti kuda kwake kuti nyika ino ive musha wedu. Tasvika pakuda hama, netsika dzadzo dzakasiyana-siyana. Takafara nadzo mukufara kwadzo uye takachema nadzo mukusuwa kwadzo. Vamwe vaya vaimbova vatsva vataizadza mumotokari yedu uye toenda navo kumisangano zvino vava kushumira sembiru muungano dzavo. Patakasvika munyika iyi yakakura muna 1953, maiva nevaparidzi vashoma zvokusasvika gumi vaiparidza mashoko akanaka. Kubva kumavambo iwayo maduku, nhamba yedu yakura zvokudarika 1 200. Achiva wechokwadi kuvimbiso yake, Jehovha aita kuti kuve nokuwedzera uko isu nevamwe ‘takadyara nokudiridza.’—1 VaKorinde 3:6.

Sezvatinotarira makore akawanda okumashure okushumira, kutanga muAustralia uye iye zvino muNamibia, ini naCoralie tinonzwa kunyatsogutsikana. Tinotarisira uye tinonyengetera kuti Jehovha acharamba achitipa simba rokuita kuda kwake iye zvino uye nokusingaperi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 22 Nyaya inonakidza, isingazivikanwi kuti yakanyorwa naani yokutsungirira kwemhuri yaVaWaldrons mumamiriro ezvinhu aya akaoma yakarondedzerwa muNharireyomurindi, yaDecember 1, 1952, mapeji 707-8.

[Mufananidzo uri papeji 26, 27]

Kutamira kwatakagoverwa kushanda muRockhampton, Australia

[Mufananidzo uri papeji 27]

Tiri pachiteshi chezvikepe murwendo rwokuChikoro cheGiriyedhi

[Mufananidzo uri papeji 28]

Kuparidza muNamibia kunoita kuti tifare kwazvo